Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushumira Jehovha Mazuva Okutambudzika Asati Auya

Kushumira Jehovha Mazuva Okutambudzika Asati Auya

“Yeukawo Musiki wako Mukuru.”—MUP. 12:1.

1, 2. (a) Izano ripi rakafemerwa Soromoni kuti anyorere vechiduku? (b) Nei vaKristu vava nemakore okuma50 kana kupfuura vachifanirawo kufunga nezvezano raSoromoni?

MAMBO SOROMONI akafemerwa kuti anyorere vechiduku mashoko okuti: “Yeukawo Musiki wako Mukuru mumazuva oujaya hwako, mazuva okutambudzika asati auya.” “Mazuva okutambudzika” iwayo ndeapi? Soromoni akashandisa mashoko okufananidzira kuti atsanangure matambudziko anosangana nevakwegura akadai semaoko ane nhetemwa, makumbo asisina simba, mavende, maziso asisaoni zvakanaka, nzeve dzisisanzwi zvakanaka, kuchena kwebvudzi uye musana wakakombama. Munhu haafaniri kumirira kuti asvike zera iroro ozotanga kushumira Jehovha.—Verenga Muparidzi 12:1-5.

2 VaKristu vakawanda vava nemakore okuma50 kana kupfuura vachakagwinya chaizvo. Vanogona kunge vava kuchena musoro asi vasati vava kunetseka noutano sezvakataurwa naSoromoni. VaKristu ava vakura vangabatsirwawo here nezano raSoromoni raakanyorera vechiduku rokuti: “Yeukawo Musiki wako Mukuru”? Zano iroro rinorevei?

3. Kuyeuka Musiki wedu Mukuru kunosanganisirei?

 3 Kunyange zvazvo tingava nemakore akawanda tichishumira Jehovha, zvakanaka kuti pano neapo tifungisise nezvoukuru hwoMusiki wedu. Somuenzaniso, zvinhu zvipenyu zvinoshamisa chaizvo zvokuti vanhu havakwanisi kuzvinzwisisa. Jehovha anotipa zvinhu zvakawanda zvakasiyana-siyana kuti tinakidzwe noupenyu. Patinofungisisa nezvezvinhu zvakasikwa naJehovha, tinowedzera kunzwisisa rudo rwake, uchenjeri uye simba. (Pis. 143:5) Asi kuyeuka Musiki wedu Mukuru kunosanganisirawo kufungisisa zvaanoda kuti tiite. Patinenge tichifungisisa saizvozvo, chokwadi tinonzwa tichida kuratidza kuonga Musiki wedu nokumushumira nomwoyo wose chero bedzi tiri vapenyu.—Mup. 12:13.

MIKANA INOWANIKWA NEVAKURA CHETE

4. VaKristu vakura vanofanira kuzvibvunza mubvunzo upi uye nei?

4 Kana wava neruzivo rwakawanda nemhaka yemakore awava nawo, pane mubvunzo unokosha waunofanira kuzvibvunza wokuti, ‘Zvii zvandingaita muupenyu hwangu iye zvino ndichine simba?’ SemuKristu ava neruzivo, une mikana isingawanikwi nevamwe. Unogona kuudza vechiduku zvawakadzidza kuna Jehovha. Unogona kusimbisa vamwe nokuvaudza zvinhu zvinonakidza zvawakasangana nazvo uchishumira Mwari. Mambo Dhavhidhi akanyengeterera mikana yokuti aite izvozvo. Akanyora kuti: “Haiwa Mwari, makandidzidzisa kubvira ndichiri muduku . . . Kunyange ndakwegura uye ndachena musoro, haiwa Mwari, musandisiya, kusvikira ndaudza chizvarwa chinotevera nezvoruoko rwenyu, ivo vose vaya vachauya, nezvesimba renyu.”—Pis. 71:17, 18.

5. VaKristu vakura vangaudza sei vamwe zvinhu zvavakadzidza?

5 Ungapawo sei vamwe ruzivo rwawakawana mumakore awararama? Ungakoka here vashumiri vaMwari vechiduku kumba kwako kuti muzokurukura zvinovaka? Ungavakumbira kuti mubude mose muushumiri hwechiKristu woita kuti vaone mufaro waunowana pakushumira Jehovha here? Erihu akararama kare akati: “Vane mazuva ngavataure, uye vane makore mazhinji ndivo vanofanira kuita kuti uchenjeri huzivikanwe.” (Job. 32:7) Muapostora Pauro akakurudzira vakadzi vechiKristu vaiva neruzivo kuti vakurudzire vamwe nezvavanotaura uye nemuenzaniso wavo. Akanyora kuti: “Vakadzi vakura . . . ngavave vadzidzisi vezvakanaka.”—Tito 2:3.

FUNGA NEZVEMIKANA YAUNAYO YOKUBATSIRA VAMWE

6. Nei vaKristu vakura vasingafaniri kuona sokuti havana zvavachagona kuita?

6 Kana wava nemakore uri muKristu, une zvakawanda zvaunokwanisa kuita kuti ubatsire vamwe. Funga zvinhu zvawava kunzwisisa iye zvino zvawaisaziva makore 30 kana kuti 40 apfuura. Wava neunyanzvi hwokushandisa mazano eBhaibheri muupenyu hwako. Hapana mubvunzo kuti wava kukwanisa kudzidzisa chokwadi cheBhaibheri zvinobaya mwoyo. Kana uri mukuru, unoziva kuti ungabatsira sei hama dzinenge dzadarika. (VaG. 6:1) Ungangodaro wakadzidza kutungamirira mabasa omuungano, madhipatimendi epagungano kana kuti kuvakwa kweDzimba dzoUmambo. Zvichida unoziva kuti ungakurudzira sei vanachiremba kuti vashandise nzira dzokurapa pasingashandiswi ropa. Kunyange kana uchangodzidza chokwadi, unewo ruzivo runobatsira chaizvo muupenyu. Somuenzaniso, kana wakarera vana, wakawana uchenjeri hunobatsira chaizvo. VaKristu vakura vanokwanisa chaizvo kukurudzira vanhu vaJehovha nokudzidzisa kwavo, kutungamirira uye kusimbisa hama nehanzvadzi.—Verenga Jobho 12:12.

7. VaKristu vakura vangadzidzisa sei vechiduku?

7 Ungashandisa sei mikana yaunayo zvizere? Zvimwe ungaratidza vechiduku kuti  vangatanga sei kudzidza nevanhu Bhaibheri. Kana uri hanzvadzi, unogona here kupa mazano madzimai echiduku kuti angaramba sei achiita zvinhu zvokunamata uku achitarisira vana vawo vaduku? Kana uri hama, unokwanisa here kudzidzisa hama dzechiduku kuti dzipe hurukuro nechido uye kuti dzive vaparidzi vemashoko akanaka vanobudirira? Ungavaratidza here kuti unokurudzira sei hama nehanzvadzi dzakwegura paunodzishanyira? Kunyange kana usisina simba rawaiva naro, une mikana yakazonaka yokudzidzisa vechiduku. Shoko raMwari rinoti: “Kunaka kwemajaya ndiro simba rawo, uye kubwinya kwevakwegura ndiko kuchena kwemisoro yavo.”—Zvir. 20:29.

KUSHANDA KUNODIWA VAPARIDZI VAKAWANDA

8. Zvii zvimwe zvakazoitwa nomuapostora Pauro muupenyu?

8 Muapostora Pauro akanyatsoshandisa mukana waaiva nawo kuti ashumire Mwari paainge akura. Paakazobuda mujeri kuRoma munenge muna 61 C.E., akanga ashanda zvakaoma uye atsungirira miedzo yakawanda kwemakore semumishinari zvokuti angadai akasarudza kugara muRoma achiparidza imomo. (2 VaK. 11:23-27) Zviri pachena kuti hama dzaiva muguta iroro raiva rakakura dzaizoda kuramba dzichibatsirwa naye. Asi Pauro akaona kuti mhiri kwemakungwa kwaitoda kuparidzirwa zvakanyanya. Akatangazve basa rake roumishinari aina Timoti naTito, uye vakaenda kuEfeso vakazoenda kuKrete, uye zvinoita sokuti vakazoenda kuMakedhoniya. (1 Tim. 1:3; Tito 1:5) Hatizivi kana akazoenda kuSpeini, asi aifunga zvokuenda ikoko.—VaR. 15:24, 28.

9. Petro anofanira kunge akanga akura zvakadini paakatamira kwaidiwa vaparidzi vakawanda? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

9 Muapostora Petro anofanira kunge akanga apfuura makore 50 paakaenda kwaidiwa vaparidzi vakawanda. Nei tichidaro? Kana akanga akaenzana naJesu kana kuti ari mukuru zvishoma, anofanira kunge akanga ava nemakore anenge 50 iye nevamwe vaapostora pavakaita musangano muJerusarema mugore ra49 C.E. (Mab. 15:7) Pane imwe nguva pashure pemusangano iwoyo, Petro akanogara kuBhabhironi, zvichida kuti anoparidzira vaJudha vakawanda vaigara ikoko. (VaG. 2:9) Ikoko ndiko kwaakanyorera tsamba yake yokutanga yakafemerwa, munenge muna 62 C.E. (1 Pet. 5:13) Kugara kune imwe nyika kungasava nyore, asi Petro haana kurega zera rake richimutadzisa kuwana mufaro wokushumira Jehovha zvizere.

10, 11. Rondedzera zvakaitwa naRobert nemudzimai wake vakura kuti vanoshanda kwaidiwa vaparidzi vakawanda.

10 Mazuva ano, vaKristu vakawanda vane makore okuma50 kana kupfuura vanoona kuti mamiriro avo ezvinhu achinja uye vava kukwanisa kushumira Jehovha nedzimwe nzira. Vamwe vakatamira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Somuenzaniso, Robert akanyora kuti: “Ini nomudzimai wangu takanga tava nemakore anenge 55 patakaona mikana yatainge tava nayo yokushumira Jehovha. Mwanakomana wedu zai regondo akanga asisiri kugara pamba, takanga tisisina vabereki vakura vaida kutarisirwa uye tainge tasiirwawo nhaka. Ndakaona kuti mari yataizowana kana tatengesa imba yedu yaizokwana kuti tipedzise kubhadhara chikwereti cheimba chataiva nacho uye kuti tiwane chokurarama nacho kusvikira ndawana mari yemudyandigere. Takanzwa kuti kuBolivia kwaiva nevanhu vakawanda vaida kudzidza Bhaibheri uye zvinhu zvokurarama nazvo zvakanga zvisingadhuri. Saka takasarudza kutama. Zvainge zvisiri nyore kugara kune imwe nyika. Zvinhu zvose zvakanga zvakasiyana chaizvo nezvatakanga tajaira tiri kuNorth America. Asi takawana mubayiro pane zvatakaita.”

11 Robert anowedzera kuti: “Iye zvino nguva yedu yakawanda tava kuishandisa kuita mabasa eungano. Vamwe vanhu vatakadzidza navo Bhaibheri vakabhabhatidzwa.  Imwe mhuri yatakadzidza nayo haina zvakawanda zvokurarama nazvo uye inogara mune mumwe musha uri kure chaizvo. Asi vhiki nevhiki mhuri iyi inofamba daro iroro rakareba ichiuya mutaundi kuzopinda misangano. Ungafungidzira here kufara kwatakaita patakaona mhuri iyi ichifambira mberi uye mukomana mukuru wemumhuri iyi achitanga kupayona?”

KUPARIDZA MUMITAURO YOKUNE DZIMWE NYIKA

12, 13. Rondedzera zvakaitwa nemumwe muKristu akatanga kushumira Jehovha nedzimwe nzira ava pamudyandigere.

12 Ungano uye mapoka emitauro yokune dzimwe nyika anogona kubatsirwa chaizvo nemuenzaniso wehama nehanzvadzi dzakura. Uyewo, kuparidzira ndima iyoyo kunogona kunakidza chaizvo. Somuenzaniso, Brian akanyora kuti: “Ini nomudzimai wangu takanga tisisanakidzwi noupenyu pandakasvitsa makore 65 ayo anonzi kuBritain munhu anofanira kuenda pamudyandigere. Vana vedu vakanga vasisiri kugara pamba uye taisawanzowana vanhu vanofarira kudzidza Bhaibheri. Ndakabva ndasangana nomumwe murume wechiduku wechiChinese aiita zvokutsvakurudza pane imwe yunivhesiti yaiva munharaunda yedu. Akabvuma kuuya kumisangano uye ndakatanga kudzidza naye Bhaibheri. Papera mavhiki mashoma, akatanga kuuya nemumwe wake wechiChinese. Mushure memavhiki maviri akauya nemumwe wechitatu, ndokuzouya newechina.

13 “Pakazouya mumwe wechiChinese wechishanu aivawo payunivhesiti achikumbira kudzidziswa Bhaibheri, ndakafunga kuti, ‘Kuva nemakore 65 hakurevi kuti ndinofanirawo kuenda pamudyandigere wokushumira Jehovha.’ Saka ndakabvunza mudzimai wangu, mudiki kwandiri nemakore maviri, kana aida kudzidza chiChinese. Taidzidza tichishandisa Chinese yakaita zvokurekodhwa pamakaseti. Izvi zvakaitika makore gumi apfuura. Kuparidzira vanhu vanotaura mutauro wokune imwe nyika kunoita kuti tinzwe sokuti tava vaduku zvekare. Kusvika pari zvino tadzidza Bhaibheri nevanhu 112 vechiChinese! Vakawanda vacho vakapinda misangano. Mumwe wacho ava kushumira nesu sapiyona.”

Ungangodaro usina kukwegura zvokutadza kuwedzera ushumiri hwako (Ona ndima 12, 13)

 NAKIDZWA NOKUITA ZVAUNOKWANISA

14. Chii chinogona kuita kuti vaKristu vakura vafare, uye vangakurudzirwa sei nomuenzaniso waPauro?

14 Havasi vaKristu vose vava nemakore okuma50 vanokwanisa kushumira Jehovha nedzimwe nzira itsva. Vamwe vavo vanorwara uye vamwe vanoriritira vabereki vakwegura kana kuti vana. Unogona kufara nokuziva kuti Jehovha anoonga chero zvauri kuita mubasa rake. Saka pane kunetseka nezvausingakwanisi kuita, nakidzwa nokuita zvaunokwanisa. Funga nezvemuenzaniso womuapostora Pauro. Akapedza makore akawanda ari musungwa asingakwanisi kuita nzendo dzake dzoumishinari. Asi pose paaishanyirwa nevanhu, aikurukura navo Magwaro uye aivasimbisa pakutenda.—Mab. 28:16, 30, 31.

15. Nei vaKristu vakura vachikosheswa chaizvo?

15 Jehovha anokoshesa chaizvo zvinoitwa nevanhu vakura mubasa rake. Kunyange zvazvo Soromoni akataura kuti munhu paanenge akura anenge ava kutambura neutano, Jehovha anokoshesa zvinoitwa nevaKristu vakura pakumurumbidza. (Ruka 21:2-4) Vanhu vari muungano vanokoshesa vanhu vakura vavanonamata navo vave vachishumira Jehovha vakatendeka.

16. Ana anofanira kunge asina kuzowana ropafadzo dzipi, asi chii chaaikwanisa kuita pakunamata Mwari?

16 Bhaibheri rinotaura kuti mumwe mukadzi ainge akura ainzi Ana akaramba achirumbidza Jehovha akatendeka kunyange paakanga akwegura. Pakaberekwa Jesu, Ana akanga ava nemakore 84 uye aiva chirikadzi. Anofanira kunge akafa asati ava muteveri waJesu, asina kuzodzwa nemudzimu mutsvene uye asina kuita basa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo. Asi Ana ainakidzwa nokuita zvaaikwanisa. “Akanga asingamboshayikwi patemberi, achiita basa dzvene usiku nemasikati.” (Ruka 2:36, 37) Mupristi paaipa rusenzi mangwanani oga oga nemanheru patemberi, Ana aiva pamwe nevanhu vaiungana muchivanze achinyengetera nechomumwoyo zvichida kwehafu yeawa. Paakaona Jesu ari kacheche, akatanga “kutaura nezvomwana wacho kune vaya vose vaimirira kununurwa kweJerusarema.”—Ruka 2:38.

17. Tingabatsira sei vaKristu vakwegura uye vanorwara kuti vabatanidzwewo pakunamata kwechokwadi?

17 Mazuva ano tinofanira kugara takagadzirira kubatsira vaKristu vakwegura kana kuti vanorwara. Vamwe vanoda chaizvo kuenda kumisangano yeungano nemagungano asi vangakundikana. Kune dzimwe nzvimbo, ungano dzinoronga kuti vakwegura ivavo vateerere misangano pachishandiswa runhare. Asi kune dzimwe nzvimbo izvi zvingasaita. Kunyange zvakadaro, vaKristu vasingakwanisi kupinda misangano vangavawo nezvavanoita pakutsigira kunamata kwechokwadi. Somuenzaniso, minyengetero yavo inobatsira kuti ungano yechiKristu ibudirire.—Verenga Pisarema 92:13, 14.

18, 19. (a) VaKristu vakwegura vangakurudzira sei vamwe? (b) Ndiani anogona kushandisa zano rokuti: “Yeukawo Musiki wako Mukuru”?

18 VaKristu vakwegura vangasaziva kuti zvavanoita zvinokurudzira sei vamwe. Somuenzaniso, kunyange zvazvo Ana akanga akatendeka kwemakore ose iwayo ari patemberi, zvichida aisaziva kuti mazana emakore aizotevera muenzaniso wake waizoramba uchikurudzira vamwe. Kuda kwaaiita Jehovha kwakanyorwa muMagwaro. Hapana mubvunzo kuti kuda kwaunoita Mwari kucharamba kuchiyeukwawo nevaunonamata navo. Ndokusaka Shoko raMwari richiti: “Kuchena musoro ikorona yorunako pakunowanikwa munzira yokururama”!—Zvir. 16:31.

19 Tose zvedu tine zvimwe zvatisingakwanisi kuita mubasa raJehovha. Asi tose zvedu vachine simba uye vachakagwinya, ngatiteererei mashoko aya akafemerwa okuti: “Yeukawo Musiki wako Mukuru . . . mazuva okutambudzika asati auya.”—Mup. 12:1.