Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”—Asi Huchauya Rini?

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”—Asi Huchauya Rini?

“Pamunoona zvinhu zvose izvi, zivai kuti iye ava pedyo pamasuo.”—MAT. 24:33.

1, 2. (a) Chii chingatitadzisa kuona zvinhu zvinenge zviri pachena? (b) Chii chatinoziva nezveUmambo hwaMwari?

ZVIMWE wakaona kuti vanhu havawanzoyeuki chiitiko chimwe chete zvakafanana. Munhu angasayeukawo mashoko chaiwo aakaudzwa nachiremba paanenge aongororwa. Kana kuti mumwe angashaya makiyi kana kuti magirazi ake emaziso, kunyange zvazvo ari pedyo naye. Vanotsvakurudza vanoti izvi zvinogona kukonzerwa nerumwe rudzi rwoupofu hwokutadza kuona chimwe chinhu kana kuti kuchikanganwa nekuti munhu anenge aine zvimwe zvaanenge achifunga. Zvinonzi aya ndiwo mamwe mashandiro anoita uropi hwedu.

2 Mazuva ano vanhu vakawanda vane upofu hwakadaro pane zviri kuitika munyika. Vangabvuma kuti nyika yachinja chaizvo kubva muna 1914, asi havanzwisisi kuti zviitiko izvi zvinorevei. Isu sevadzidzi veBhaibheri, tinoziva kuti Umambo hwaMwari hwakauya muna 1914, Jesu paakagadzwa kuva Mambo kudenga. Asi tinoziva kuti pane zvakawanda zvinobatanidzwa pakupindurwa kwemunyengetero wokuti “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mat. 6:10) Zviri pachena kuti izvozvo zvinosanganisira  kuguma kwenyika ino yakaipa. Kana izvozvo zvaitika, kuda kwaMwari kuchaitwa panyika sezvakunoitwa kudenga.

3. Tinobatsirwa sei nokudzidza Shoko raMwari?

3 Sezvo tichigara tichidzidza Shoko raMwari, tinokwanisa kuona kuti uprofita huri kuzadziswa iye zvino. Izvozvo zvinotisiyanisa nevanhu vakawanda. Vakabatikana chaizvo neupenyu hwavo zvokuti havaoni uchapupu huri pachena hwokuti Kristu ave achitonga kubva muna 1914 uye kuti pasina nguva achaparadza nyika ino yakaipa. Zvisinei, funga nezvemubvunzo uyu: Kana wanga uchishumira Mwari kwemakumi emakore, uchiri kuona kukosha kwenguva yatiri kurarama sezvawaiita makore akapfuura here? Kunyange kana usati wava nenguva wabhabhatidzwa, wakaisa pfungwa dzako pachii? Pasinei nokuti mhinduro yedu ndeyokutii, ngationgororei zvikonzero zvitatu zvinokosha zvinoita kuti tivimbe kuti Mambo akazodzwa naMwari ava pedyo nokuita kuti kuda kwaMwari kunyatsoitwa panyika.

VATASVI VEMABHIZA VAKATOONEKA

4, 5. (a) Jesu ave achiitei kubva muna 1914? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Vatasvi vemabhiza vatatu vanomirirei, uye uprofita uhwu hwave huchizadziswa sei?

4 Muna 1914, Jesu Kristu, uyo anotsanangurwa seakatasva bhiza jena, akagadzwa kuva Mambo kudenga. Akabva abuda kuti anopedzisa kukunda nyika yakaipa yaSatani. (Verenga Zvakazarurwa 6:1, 2.) Uprofita huri muna Zvakazarurwa chitsauko 6 hwakaratidza kuti pashure pokunge Umambo hwaMwari hwagadzwa, zvinhu zvakadai sehondo, kushomeka kwezvokudya, matenda, nezvimwewo zvinouraya, zvaizongoerekana zvawedzera zvakanyanya panyika. Matambudziko aya ndiwo anofananidzirwa nevatasvi vemabhiza vatatu vaitevera Jesu Kristu.—Zvak. 6:3-8.

5 Sezvakagara zvataurwa, ‘rugare rwakabviswa panyika’ pasinei nokuti nyika dzakawanda dzainge dzavimbisa kushanda pamwe chete kuti pave nerugare. Hondo Yenyika I ndiyo yaiva hondo yokutanga pahondo dzakawanda dzakaita kuti panyika pasava nerugare. Uye pasinei nokufambira mberi mune zveupfumi uye zvesayenzi kubva muna 1914, nyika iri kuramba iine dambudziko rokushomeka kwezvokudya. Uyewo zviri pachena kuti zvirwere zvakasiyana-siyana, njodzi dzinongoitika dzoga, nemamwe ‘matenda anouraya’ zviri kuramba zvichiuraya mamiriyoni akawanda gore negore. Maitikiro ari kuita zvinhu izvi akasiyana nezvaiitika kare pakuti zviri kuitika munzvimbo dzakawanda, zvichiitika kakawanda, uye zvichiuraya vanhu vakawanda. Unonyatsoona here kuti izvi zvinorevei?

Kuoneka kwakaita vatasvi vemabhiza, kuri kuita kuti zvinhu zviwedzere kuipa panyika (Ona ndima 4, 5)

6. Ndivanani vakanzwisisa kuzadziswa kweuprofita hweBhaibheri, uye izvozvo zvakaita kuti vaitei?

6 Vanhu vakawanda vakavhiringidzika nokutanga kwakaita Hondo Yenyika I uye furuwenza yokuSpain. Asi, vaKristu vakazodzwa vaitarisira chaizvo kuti muna 1914, “nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi” dzaizoguma. (Ruka 21:24) Vaisanyatsoziva zvaizoitika. Asi vaiziva kuti mugore ra1914 pane zvinhu zvaikosha chaizvo zvaizoitika zvine chokuita neUmambo hwaMwari. Pavakangonzwisisa kuzadziswa kwainge kwaitwa uprofita, vakabva vazivisa vamwe noushingi kuti Mwari ainge atanga kutonga. Kuzivisa kwavaiita nezveUmambo kwakaita kuti vatambudzwe chaizvo. Kutambudzwa kwavaiitwa munyika dzakawanda, kwaitovawo kuzadziswa kweuprofita. Mumakumi emakore akatevera, vavengi voUmambo vakatanga ‘kuronga kuti pave nedambudziko vachishandisa murau.’ Vakatangawo kurova hama dzedu, kudziisa mumajeri, uye kudziuraya vachiita zvokudzisungirira, kudzipfura nepfuti, kana kuti kudzidimbura musoro.—Pis. 94:20; Zvak. 12:15.

7. Nei vanhu vakawanda vasinganzwisisi kuti zviri kuitika munyika zvinorevei?

 7 Zvakuine uchapupu hwakawanda hunoratidza kuti Umambo hwaMwari hwakatanga kutonga kudenga, nei vanhu vakawanda vasingazvioni? Nei vasiri kuona kuti zviri kuitika munyika zviri kuzadzisa uprofita hweBhaibheri sezvave zvichiziviswa nevanhu vaMwari? Kungava here kuti vanhu vakawanda vari kungoisa pfungwa pazvinhu zvavanoona nemaziso avo? (2 VaK. 5:7) Vakanyanya kubatikana nezvinhu zvoupenyu zvokuti vanotadza kuona zviri kuitwa naMwari here? (Mat. 24:37-39) Kuti vamwe vavo vari kutsauswa nenhema dzaSatani here? (2 VaK. 4:4) Zvinoda kutenda uye kuva nemafungiro emudzimu kuti tinzwisise zvinhu zvatisingaoni zviri kuitika. Tinofara chaizvo kuti isu hatina kupofumadzwa kuti titadze kuziva zviri kuitika.

UIPI HURI KUBVA PAKUIPA HUCHIENDA PAKUIPISISA

8-10. (a) Rugwaro rwa2 Timoti 3:1-5 rwave ruchizadziswa sei? (b) Nei tingati uipi huri kubva pakuipa huchienda pakuipisisa?

8 Chikonzero chechipiri chinoita kuti tizive kuti kwangosara nguva pfupi kuti Umambo hwaMwari hutange kutonga nyika ndechokuti uipi huri kubva pakuipa huchienda pakuipisisa. Kwemakore anoda kusvika zana, uprofita huri pana 2 Timoti 3:1-5 hwave huchizadziswa. Maitiro anotaurwa muuprofita ihwohwo ave achiwedzerawo munyika yose. Hausi kuonawo here kuti kuzadziswa kweuprofita ihwohwo kwawedzera? Ngatimbokurukurai mienzaniso inonyatsoratidza izvozvo.—Verenga 2 Timoti 3:1, 13.

9 Funga nezvemaitiro aionekwa seakaipa chaizvo kuma1940 kana kuti kuma1950 nezviri kuitika mazuva ano kumabasa, mune zvinovaraidza, mune zvemitambo uye mapfekero. Nyika yazara nechisimba chakanyanya uye unzenza hwakanyanya. Vanhu vanototsvaka mbiri nokuita zvinhu zvinotyisa, unzenza uye utsinye. Mapurogiramu epaterevhizheni aionekwa seakaipa kuma1950 ava kunzi akakodzera kuonekwa nemhuri. Uyewo mazuva ano ngochani dzava nesimba chaizvo panyaya dzine chokuita nezvinovaraidza uye mapfekero, uye dzinotokurudzira vanhu  vakawanda kuti vatevedzere mararamiro adzo. Tinoonga chaizvo kuti tinoziva maonero aMwari panyaya dzakadaro!—Verenga Judha 14, 15.

10 Kana kuti enzanisa kwainzi kupandukira kwevechiduku kumakore ekuma1950 nezviri kuitika mazuva ano. Kare vabereki vainetseka kuti zvimwe vana vavo vari kusvuta fodya, vari kunwa doro kana kuti vari kutamba zvinonyadzisira. Asi mazuva ano tinowanzonzwa mashoko anotyisa akadai seaya: Mwana wechikoro ane makore 15 apfura vaanodzidza navo nepfuti, akauraya vaviri uye akakuvadza 13. Boka revechiduku vakadhakwa rauraya musikana ane makore mapfumbamwe rikarova baba vake neimwe hama yake. Mune imwe nyika iri kuAsia zvinonzi hafu yemhosva dzainge dzaparwa mumakore gumi, dzakakonzerwa nevechiduku. Ndiani angaramba kuti zvinhu zvawedzera kuipa?

11. Nei vanhu vakawanda vasingaoni kuti zvinhu zviri kuwedzera kuipa?

11 Muapostora Petro aitaura chokwadi paakati: “Mumazuva okupedzisira vaseki vachauya nokuseka kwavo, vachiita maererano nokuchiva kwavo, vachiti: ‘Uku kuvapo kwake kwakapikirwa kuri kupiko? Chokwadi, kubvira pazuva rakarara madzitateguru edu murufu, zvinhu zvose zviri kuramba zvakaita sezvazvakanga zvakangoita kubvira pazvakatanga kusikwa.’” (2 Pet. 3:3, 4) Nei vamwe vanhu vaine mafungiro iwayo? Zvinoita sokuti kana vanhu vakagara vachiona chimwe chinhu, vanopedzisira vasisina basa nacho. Kana shamwari yedu yepedyo ikangoerekana yachinja unhu hwayo, tinogona kuvhunduka. Asi vanhu vakawanda pavanochinja maitiro avo zvishoma nezvishoma, tingasakurumidza kuzviona. Kunyange zvakadaro, kuchinja uku kune ngozi.

12, 13. (a) Nei tisingafaniri kuodzwa mwoyo nezviri kuitika munyika? (b) Chii chatinofanira kuziva chichatibatsira kutsungirira mamiriro ezvinhu ‘akaoma kubata nawo’?

12 Muapostora Pauro akatinyevera kuti “mumazuva okupedzisira,” kwaizova nemamiriro ezvinhu ‘akaoma kubata nawo.’ (2 Tim. 3:1) Asi hatifaniri kufunga kuti mazuva acho akaoma zvokuti tingatadza kubata nawo. Tinogona kukunda chero kuora mwoyo kana kutya kwatingava nako tichibatsirwa naJehovha, mudzimu wake uye ungano yechiKristu. Chokwadi tinogona kuramba takatendeka. “Simba rinopfuura renguva dzose” nderaMwari, kwete redu.—2 VaK. 4:7-10.

13 Ona kuti Pauro akatanga kutaura nezveuprofita hwemazuva okupedzisira nemashoko okuti “ziva izvi.” Mashoko iwayo anoratidza kuti uprofita ihwohwo hwaitozozadziswa. Hapana mubvunzo kuti vanhu vasingadi Mwari vacharamba vachiwedzera kubva pakuipa vachienda pakuipisisa kutozosvikira Jehovha avaparadza. Vanoongorora zvakaitika kare vakanyora kuti kune mamwe madzinza kana kuti marudzi akava netsika dzakaipa zvokuti akapedzisira atsakatika. Zvisinei, tsika dzevanhu vose vari panyika hadzina kumbobvira dzaipa sezvadzava iye zvino. Vanhu vakawanda vangasava nebasa nokuti izvi zvinoratidzei asi kuchinja uku kwakatanga muna 1914 kunofanira kuita kuti tinyatsova nechivimbo chokuti Umambo hwaMwari hwava kuda kuparadza nyika ino yakaipa.

CHIZVARWA CHINO HACHIZOPFUURI

14-16. Chikonzero chipi chechitatu chinoita kuti tive nechokwadi chokuti Umambo hwaMwari hwava kuda ‘kuuya’?

14 Chikonzero chechitatu chinoita kuti tivimbe kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo tinochiwana pane zvave zvichiitika pavanhu vaMwari. Somuenzaniso, Umambo hwaMwari husati hwagadzwa kudenga, boka  revakazodzwa vakatendeka rakanga richishumira Mwari richishingaira. Zvimwe zvavaitarisira muna 1914 pazvisina kuitika, vakaita sei? Vakawanda vavo vakaramba vachishumira Jehovha uye vakaramba vakavimbika pavaiedzwa uye pavaitambudzwa. Mumakore akapfuura, vakawanda kana kutoti vose zvavo vevakazodzwa ivavo, vakapedza upenyu hwavo hwepanyika vakatendeka.

15 Jesu paaitaura uprofita hwakadzama hune chokuita nokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino, akati: “Chizvarwa chino hachizombopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.” (Verenga Mateu 24:33-35.) Tinonzwisisa kuti Jesu paakataura kuti “chizvarwa chino,” aireva mapoka maviri evaKristu vakazodzwa. Boka rokutanga rakanga riripo muna 1914, uye rakanzwisisa chiratidzo chokuvapo kwaKristu gore iroro. Vaya vaiva muboka iri vaisangova vapenyu chete muna 1914, asi vainge vakazodzwa nemudzimu sevanakomana vaMwari mugore iroro kana kuti risati rasvika.—VaR. 8:14-17.

16 Boka rechipiri re“chizvarwa chino” chakataurwa naJesu, rinoumbwa nevakazodzwa vakararama panguva imwe chete nevaiva muboka rokutanga. Vaisangova vapenyu chete pakararama vari muboka rokutanga, asi vainge vakazodzwa nomudzimu mutsvene, vomuboka rokutanga vachiri panyika. Saka, havasi vakazodzwa vose varipo mazuva ano vari mu“chizvarwa chino” chakataurwa naJesu. Mazuva ano, vaya vari muboka iri vava kukwegura. Asi mashoko aJesu ari pana Mateu 24:34 anoita kuti tive nechivimbo chokuti vamwe vari ‘muchizvarwa chino havazombopfuuri’ vasati vaona kutanga kwokutambudzika kukuru. Izvi zvinofanira kuita kuti tiwedzere kuva nechivimbo chokuti kwangosara nguva pfupi kuti Mambo woUmambo hwaMwari aparadze vanhu vakaipa oita kuti pave nenyika itsva yakarurama.—2 Pet. 3:13.

KRISTU AVA KUDA KUPEDZISA KUKUNDA KWAKE

17. Kubva pauprofita hweBhaibheri hwatakurukura, tingapa mhedziso yokuti kudii?

17 Tingati kudii nezveuprofita hweBhaibheri hwatakurukura? Jesu akataura kuti taisazoziva kuti mugumo uchauya zuva ripi kana kuti awa ipi. (Mat. 24:36; 25:13) Asi Pauro akataura kuti tinoziva “mwaka.” (Verenga VaRoma 13:11.) Tiri kurarama mumwaka iwoyo, kureva mazuva okupedzisira. Kana tikanyatsocherechedza uprofita hweBhaibheri uye zviri kuitwa naJehovha Mwari naJesu Kristu, hatingatadzi kuona uchapupu huri pachena hwokuti zvechokwadi tiri pedyo nokuguma kwenyika ino yakaipa.

18. Chii chichaitika kune vaya vanoramba Umambo hwaMwari?

18 Munguva pfupi iri kuuya, vaya vanoramba kubvuma simba rinoshamisa rakapiwa Jesu Kristu, Mutasvi webhiza jena, vachamanikidzwa kubvuma chikanganiso chavo. Vachashaya kwokutizira. Panguva iyoyo, vakawanda vachashevedzera vachitya vachiti: “Ndiani anokwanisa kumira?” (Zvak. 6:15-17) Asi chitsauko chinotevera chaZvakazarurwa chine mhinduro yacho. Chokwadi vakazodzwa uye vaya vane tariro yokurarama pasi pano, ‘vachamira’ nokuti vanenge vachifarirwa naMwari. Zvadaro “boka guru” iroro remamwe makwai richapona pakutambudzika kukuru.—Zvak. 7:9, 13-15.

19. Sezvo uchibvuma uchapupu huri pachena hwokuti mazuva okupedzisira ava kuda kupera, chii chauri kutarisira?

19 Kana tikaramba takaisa pfungwa pakuzadziswa kuri kuita uprofita hweBhaibheri munguva dzino dzinokosha, hatizotsauswi nenyika yaSatani uyewo hatizotadzi kunyatsonzwisisa kuti zviri kuitika munyika zvinorevei. Kristu achapedzisa kukunda kwake nyika ino isingadi Mwari paacharwa hondo yokupedzisira nokururama. (Zvak. 19:11, 19-21) Chimbofunga kufara kwatichaita pashure paizvozvo!—Zvak. 20:1-3, 6; 21:3, 4.