NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA February 2014

Magazini ino inotsanangura zviitiko zvinonakidza zviri muPisarema 45. Inotibatsira kuona kunaka kwakaita Jehovha Mwari uyo anotipa zvatinoda, anotidzivirira uye Shamwari yedu yepamwoyo.

Rumbidzai Kristu—Mambo Anokudzwa!

Zviitiko zvinonakidza zviri muPisarema 45 zvinorevei kwatiri mazuva ano?

Ngatifarirei Kuroora kweGwayana!

Mwenga ndiani, uye Kristu ave achimugadzirira sei kuti achate? Ndivanani vachafarawo pamuchato iwoyo?

Chirikadzi yeZarefati Yakapiwa Mubayiro Nokuti Yaiva Nokutenda

Kumutswa kwemwanakomana wechirikadzi ndechimwe chezviitiko zvakanyatsosimbisa kutenda kwayo muupenyu. Tingadzidzei kwairi?

Jehovha Anotipa Zvatinoda Uye Anotidzivirira

Ona kuti Jehovha Mwari ndiBaba vedu vokudenga sei. Ona kuti ungasimbisa sei ukama hwako naMwari uyo anopa kupfuura vose uye mudziviriri.

Jehovha iShamwari Yedu Yepamwoyo

Funga nezvaAbrahamu naGidhiyoni, shamwari dzepedyo dzaJehovha Mwari. Chii chinodiwa kuti tive shamwari dzaJehovha?

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvikonzero zvipi zvaiita kuti vaJudha vomunguva yaJesu ‘vatarisire’ kuuya kwaMesiya

‘Ona Kufadza kwaJehovha’

Mambo Dhavhidhi weIsraeri aionga urongwa hwaMwari hwokunamata kwechokwadi. Tingafarira sei kunamata kwechokwadi mazuva ano?

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

Bhaisikopo Raisimbisa Kutenda Rava Nemakore 100

Iye zvino pava nemakore 100 kubvira pakatanga kuratidzwa bhaisikopo rinonzi “Photo-Drama of Creation,” iro raiva rakagadzirirwa kubatsira vanhu kuti vatende kuti Bhaibheri iShoko raMwari.