Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha iShamwari Yedu Yepamwoyo

Jehovha iShamwari Yedu Yepamwoyo

“[Abrahamu] akasvika pakunzi ‘shamwari yaJehovha.’”—JAK. 2:23.

1. Sezvo takasikwa nomufananidzo waMwari, tinokwanisa kuitei?

PANE tsumo inoti, “Mhembwe rudzi inozvara mwana ane kazhumu.” Tsumo iyi inoreva kuti vana vakawanda vanotodza vabereki vavo. Jehovha, Baba vedu vokudenga, ndiye akatipa upenyu. (Pis. 36:9) Uye isu sevana vake vepanyika, tinewo patakafanana naye. Sezvo takasikwa nomufananidzo wake, tinokwanisa kufunga toita zvisarudzo uye kuumba ushamwari nevamwe.—Gen. 1:26.

2. Ushamwari hwedu naJehovha hunobva pakuti kudii?

2 Jehovha anogona kuva Shamwari yedu yepamwoyo. Ushamwari ihwohwo hunobva pakuti Mwari anotida uye kuti tinotenda maari neMwanakomana wake. Jesu akati: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Joh. 3:16) Kune vanhu vakawanda vaiva shamwari dzepedyo dzaJehovha. Asi munyaya ino tichakurukura nezvevaviri chete.

“ABRAHAMU SHAMWARI YANGU”

3, 4. Ushamwari hwaAbrahamu naJehovha hwainge hwakasiyana papi nehwevaIsraeri naJehovha?

3 Jehovha akataura nezvaAbrahamu, tateguru wevaIsraeri, kuti “shamwari yangu.” (Isa. 41:8) Rugwaro rwa2 Makoronike 20:7  rwunotiwo Abrahamu aiva munhu aidiwa naMwari. Chii chakaita kuti murume iyeye aiva akatendeka arambe aine ushamwari neMusiki wake? Imhaka yokuti aiva nokutenda.—Gen. 15:6; verenga Jakobho 2:21-23.

4 Vazukuru vaAbrahamu avo vakazova rudzi rwaIsraeri, vaimbova noushamwari naJehovha uye vaimuona saBaba vavo. Asi zvinosuwisa kuti havana kuzoramba vaine ushamwari naMwari. Nei? Nokuti vakatadza kuramba vaine kutenda pane zvainge zvavimbiswa naJehovha.

5, 6. (a) Zvakafamba sei kuti Jehovha azova Shamwari yako? (b) Mibvunzo ipi yatinofanira kufunga nezvayo?

5 Kana ukaramba uchidzidza nezvaJehovha, uchasimbisa kutenda kwako uye uchawedzera kumuda. Funga nezvepawakatanga kuziva kuti Mwari anogona kuva shamwari yako yepedyo. Wakadzidza kuti tose takaberekwa tiine chivi nemhaka yokusateerera kwaAdhamu. Ukanzwisisawo kuti vanhu vose vakaparadzaniswa naMwari. (VaK. 1:21) Wakazozivawo kuti Baba vedu vokudenga havasi Mwari ari kure nesu uye asina hanya nesu. Patakadzidza nezvechibayiro chorudzikinuro chaJesu chatakapiwa naMwari uye patakatenda muchibayiro ichocho, takatanga kuva noushamwari naMwari.

6 Iye zvino tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ushamwari hwangu naMwari huri kuramba huchikura here? Kuvimba kwandinoita naye kwakasimba here? Uye kuda kwandinoita Shamwari yangu Jehovha kuri kuwedzera here zuva nezuva?’ Mumwe munhu aiva noushamwari hwepedyo naJehovha ndiGidhiyoni. Ngatikurukurei nezvake toona kuti tingamutevedzera sei.

“JEHOVHA RUGARE”

7-9. (a) Zvii zvinoshamisa zvakaitika kuna Gidhiyoni, uye zvakaguma nei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Tingaitei kuti tisimbise ushamwari hwedu naJehovha?

7 Mutongi Gidhiyoni akashumira Jehovha panguva dzakaoma pashure pokunge vaIsraeri vapinda muNyika Yakapikirwa. Muna Vatongi chitsauko 6 tinoverenga nezvengirozi yaJehovha yakashanyira Gidhiyoni paOfra. Panguva iyoyo, vaIsraeri vaitambudzwa nevaMidhiyani avo vakanga vakavakidzana navo. Nemhaka yeizvi, Gidhiyoni aipura gorosi ari muchisviniro chewaini kwete paionekwa nevanhu kuti azokurumidza kuviga gorosi raainge apura. Kunyange zvazvo ngirozi yakauya kwaari ikamuti munhu “ane simba,” Gidhiyoni haana kuva nechokwadi kana Jehovha uyo akanga anunura vaIsraeri muIjipiti aizokwanisa kuvabatsira panguva iyi. Ngirozi yakataura ichimiririra Mwari ikaudza Gidhiyoni kuti zvechokwadi Jehovha aizomubatsira.

8 Gidhiyoni akanetseka kuti aizokwanisa sei kuponesa “Israeri muchanza chaMidhiyani.” Asi Jehovha akamuudza zvakajeka kuti: “Nokuti ndichava newe, uye uchauraya Midhiyani sokunge munhu mumwe chete.” (Vat. 6:11-16) Zvichida achiri kunetseka kuti izvi zvaizoitika sei, Gidhiyoni akakumbira chiratidzo. Ona kuti paaikurukura nengirozi, hapana mubvunzo kuti Gidhiyoni aiona Jehovha semunhu waaigona kuva noushamwari naye.

9 Zvakazoitika zvakasimbisa kutenda kwaGidhiyoni uye zvakaita kuti ushamwari hwake naMwari husimbe. Gidhiyoni akagadzira zvokudya uye akazvipa ngirozi. Ngirozi payakatambanudza mudonzvo wayo ikagunzva zvokudya zvacho zvikatsva nemoto, Gidhiyoni akaziva kuti zvechokwadi ngirozi iyi yainge yatumwa naJehovha. Gidhiyoni akatya akati: “Ndine nhamo, Changamire Ishe Jehovha, nokuti ndaona ngirozi yaJehovha chiso nechiso!” (Vat. 6:17-22) Asi izvi zvakakanganisa ushamwari hwaGidhiyoni naMwari wake here? Kwete! Ushamwari hwake naMwari hwakatosimba. Gidhiyoni akawedzera kuziva Jehovha zvokuti akanzwa aine rugare naye. Tinoziva izvozvo nokuti Gidhiyoni akatumidza atari yaakavakira Jehovha ipapo kuti “Jehovha-sharomu.” Zita iroro  rinoreva kuti “Jehovha Rugare.” (Verenga Vatongi 6:23, 24.) Patinofungisisa zvatinoitirwa naJehovha zuva rimwe nerimwe, tinoona kuti iShamwari yechokwadi. Kugara tichinyengetera kuna Mwari kuchaita kuti tiwedzere kunzwa tiine rugare uye kuchasimbisa ushamwari hwedu naye.

‘NDIANI ANGAVA MUENI MUTENDE RAJEHOVHA’?

10. Pisarema 15:3, 5, rinotaura kuti chii chinodiwa kuti tive shamwari dzaJehovha?

10 Kuti Jehovha ave Shamwari yedu, tine zvatinofanira kuita. Muna Pisarema chitsauko 15, Dhavhidhi akaimba nezvezvinodiwa kuti munhu ave ‘mueni mutende raJehovha,’ kureva kuti kuva shamwari yaMwari. (Pis. 15:1) Ngatikurukurei zviviri zvacho. Chokutanga, hatifaniri kuchera vamwe uye chechipiri, tinofanira kuva vakatendeseka pane zvose zvatinoita. Dhavhidhi akataura nezvemueni mutende raJehovha achiti: ‘Haacheri vamwe norurimi rwake. Haatori pfumbamuromo yokupomera munhu asina mhosva.’—Pis. 15:3, 5.

11. Nei tisingafaniri kuchera vamwe?

11 Mune rimwe pisarema, Dhavhidhi akanyevera kuti: “Chengetedza rurimi rwako pane zvakaipa.” (Pis. 34:13) Kutadza kuteerera nyevero iyi yomuBhaibheri kungakanganisa ushamwari hwedu naBaba vedu vokudenga. Satani, muvengi mukuru waJehovha, ndiye anozivikanwa nokuchera vamwe. Shoko rokuti “Dhiyabhorosi” rinobva pashoko rechiGiriki rinoreva kuti “mucheri.” Kudzora rurimi rwedu patinotaura nezvevamwe kuchaita kuti tirambe tiri pedyo naJehovha. Izvi zvinotonyanya kukosha kana tichitaura nezvevarume vakagadzwa vari muungano.—Verenga VaHebheru 13:17; Judha 8.

12, 13. (a) Nei tichifanira kuva vakatendeseka muzvinhu zvose? (b) Kuva vakatendeseka kunoita kuti vamwe vaite sei?

12 Vashumiri vaJehovha vanozivikanwa sevanhu vakatendeseka. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rambai muchitinyengeterera, nokuti tinovimba kuti tine hana yakatendeseka, zvatinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.” (VaH. 13:18) Sezvo tichida “kuva vakatendeseka muzvinhu zvose,” hatidi kubiridzira hama dzedu dzechiKristu. Somuenzaniso, kana dzichitishandira, tinova nechokwadi chokuti tinodzibata zvakanaka uye tinodzibhadhara zvichienderana nezvatakabvumirana. SevaKristu, tinobata vashandi vedu uye vamwewo vanhu vose nokutendeseka. Uye kana tichishandira mumwe muKristu, hatifaniri kutarisira kubatwa zvetsvete kana kuitirwa zvimwe zvinhu zvisingaitirwi vamwe vashandi.

13 Tinowanzonzwa vanhu vari munyika vachitaura mashoko okurumbidza Zvapupu zvaJehovha nokuti zvakatendeseka. Somuenzaniso, mukuru-mukuru weimwe kambani hombe inoita zvokuvaka akaona kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoita zvazvinenge zvataura. Akati: “Nguva dzose munoita zvamunenge mabvumirana nevanhu.” (Pis. 15:4) Kuva vakatendeseka saizvozvo kunoita kuti tirambe tiine ushamwari naJehovha. Uyewo kunoita kuti Baba vedu vokudenga varumbidzwe.

BATSIRA VAMWE KUTI VAVE SHAMWARI DZAJEHOVHA

Tinobatsira vamwe kuti vave shamwari dzaJehovha (Ona ndima 14, 15)

14, 15. Tingabatsira sei vamwe muushumiri kuti vave shamwari dzaJehovha?

14 Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vatinosangana navo muushumiri vangabvuma kuti Mwari ariko, havamuoni seShamwari yavo yepedyo. Tingavabatsira sei? Funga nezvemirayiridzo yaJesu yaakapa vadzidzi vake 70 paakavatuma vari vaviri vaviri kuti vanoparidza. Akati: “Kwose kwamunopinda mumba tangai mati, ‘Imba ino ngaive norugare.’ Kana shamwari yorugare irimo, rugare rwenyu ruchava pairi. Asi kana pasina, ruchadzokera kwamuri.” (Ruka 10:5, 6) Tinogona kuita kuti vanhu vade chokwadi kana tikataura navo zvine ushamwari. Izvozvo zvinogona kudzikamisa vaya vanopikisa uye kuita kuti vazoda kuteerera pane imwe nguva.

 15 Kana tikasangana nevanhu vakanyura muchitendero chenhema kana kuti vanotevedzera tsika dzisiri muBhaibheri, tinoramba tichiratidza ushamwari uye kuti tinoda rugare. Kumisangano yedu tinogamuchira noushamwari vanhu vanoda kudzidza zvakawanda nezvaMwari watinonamata nemhaka yokunetseka kwavanoita nezviri kuitika munyika. Nyaya dzinobuda muchikamu chinoti “Bhaibheri Rinochinja Upenyu,” dzine mienzaniso yevanhu vakawanda vakadaro.

KUSHANDA NESHAMWARI YEDU YEPAMWOYO

16. Nei tichigona kunzi shamwari dzaJehovha uye “vashandi pamwe chete” naye?

16 Vanhu vanoshanda vose vanowanzopedzisira vava noushamwari hwepedyo. Vose vakazvitsaurira kuna Jehovha vane ropafadzo yokuva shamwari dzake uye “vashandi pamwe chete” naye. (Verenga 1 VaKorinde 3:9.) Tinonyatsonzwisisa kunaka kwakaita Baba vedu vokudenga patinoita basa rokuparidza uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi. Tinoona kuti mudzimu wake mutsvene unotibatsira sei kuita basa rokuparidza mashoko akanaka.

17. Zvokudya zvokunamata zvatinowana pamagungano edu zvinoratidza sei kuti Jehovha iShamwari yedu?

17 Kana tikagara tichiita basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi, tichanzwa tiri pedyo zvakanyanya naJehovha. Somuenzaniso, tinoona kuti Jehovha anodzivisa sei vanopikisa kuti vasamisa basa rokuparidza. Patinofunga zvakaitika mumakore mashoma apfuura, tinonyatsoona kuti Mwari ave achititungamirira. Tinoshamiswa chaizvo nezvokudya zvokunamata zvatinoramba tichiwana. Purogiramu dzemagungano dzinoratidza kuti Baba vedu vanonyatsoziva matambudziko atinosangana nawo uye kuti zvii zvatinoda. Imwe mhuri yakapinda rimwe gungano yakanyora tsamba yokuonga ichiti: “Chokwadi purogiramu yacho yakatibaya mwoyo. Takaona kuti Jehovha anoda mumwe nomumwe wedu uye anoda kuti tibudirire.” Pashure pokupinda rimwe gungano rakaitirwa kuIreland, imwe mhuri yokuGermany yakaonga kugamuchirwa noushamwari uye kutarisirwa kwayakaitwa. Yakatiwo: “Asi tinonyanya kuonga Jehovha naMambo Jesu Kristu. Vatikoka kuti tive vamwe vevanhu ava vakabatana zvechokwadi. Hatisi kungotaura nezvekubatana asi kuti takatobatana. Zvakaitika pagungano rokuDublin zvichagara zvichitiyeuchidza kuti tine ropafadzo yakakura yokushumira Mwari wedu mukuru takabatana nemi mose.”

 SHAMWARI DZINOGARA DZICHIKURUKURIRANA

18. Tingazvibvunza kuti kudii panyaya yokutaura naJehovha?

18 Ushamwari hunosimba kana vanhu vachigara vachikurukurirana. Mazuva ano vanhu vanogara vachikurukurirana vachishandisa masocial network uye kutumirana mameseji. Asi tingatiwo kudii nezvekutaura kwatinoita neShamwari yedu yepamwoyo, Jehovha? Chokwadi, iye “Munzwi womunyengetero.” (Pis. 65:2) Tinotaura naye kakawanda sei?

19. Chii chinogona kutibatsira kana tichiomerwa nokuudza Baba vedu vokudenga zviri pamwoyo yedu?

19 Vamwe vashumiri vaMwari vanoomerwa nokuudza Jehovha zviri pasi pemwoyo yavo. Asi Jehovha anoda kuti titaure zviri pamwoyo yedu patinenge tichinyengetera. (Pis. 119:145; Mari. 3:41) Kunyange kana tikaomerwa nokutaura manzwiro edu, hazvirevi kuti hapachina zvokuita. Pauro akanyorera vaKristu vaiva kuRoma kuti: “Hatizivi chinhu chinonetsa chatinofanira kunyengeterera patinofanira kunyengetera, asi mudzimu unotitetererera nokugomera kusinganzwiki. Asi iye anoongorora mwoyo anoziva zvinoreva mudzimu, nokuti uri kuteterera zvinoenderana naMwari nokuda kwevatsvene.” (VaR. 8:26, 27) Kufungisisa mashoko akanyorwa mumabhuku eBhaibheri akadai saJobho, Mapisarema uye Zvirevo kuchatibatsira kuti tiudze Jehovha zviri pasi pemwoyo yedu.

20, 21. Mashoko aPauro ari pana VaFiripi 4:6, 7 anotinyaradza sei?

20 Kana tava mumamiriro ezvinhu akaoma, ngatifungei zano rakafemerwa raPauro raakapa vaFiripi rokuti: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga.” Chokwadi, tichanyaradzwa kana tikanyengetera saizvozvo kuna Jehovha nokuti Pauro akawedzera kuti: “Rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaF. 4:6, 7) Dai tose tikaramba tichikoshesa “rugare rwaMwari” runorinda mwoyo yedu nesimba redu rokufunga.

Munyengetero unosimbisa sei ushamwari hwedu naMwari? (Ona ndima 21)

21 Munyengetero unotibatsira kuti tive noushamwari naJehovha. Saka ‘ngatirambei tichinyengetera.’ (1 VaT. 5:17) Dai chidzidzo chino chikasimbisa ushamwari hwedu naMwari uye kutsunga kwedu kutsigira mitemo yake yakarurama. Uye ngatiwanei nguva yokufungisisa makomborero atiri kuwana nemhaka yokuti Jehovha zvechokwadi ndiBaba vedu, Mwari wedu uye Shamwari yedu.