Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Ona Kufadza kwaJehovha’

‘Ona Kufadza kwaJehovha’

Matambudziko anogona kutikanganisa chaizvo. Tingapedzisira tava kungoafunga uye anogona kutipedza simba. Anogonawo kukanganisa maonero atinoita zvinhu muupenyu. Mambo Dhavhidhi weIsraeri akasangana nematambudziko akawanda. Akaakunda sei? Mune rimwe pisarema rinobaya mwoyo, Dhavhidhi akati: “Ndakachema kuna Jehovha nenzwi rangu kuti ndinzwirwe nyasha. Ndakaramba ndichidururira kunetseka kwangu pamberi pake; ndakaramba ndichitaura nezvokutambudzika kwangu pamberi pake, simba rangu parakapera mukati mangu. Imi makaziva mugwagwa wangu.” Dhavhidhi akanyengetera kuna Mwari achizvininipisa kuti abatsirwe.—Pis. 142:1-3.

Panguva dzakaoma, Dhavhidhi akanyengetera kuna Jehovha achizvininipisa kuti abatsirwe

Mune rimwe pisarema, Dhavhidhi akaimba kuti: “Chinhu chimwe chete chandakakumbira Jehovha—ndicho chandichatsvaka, kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ose oupenyu hwangu, kuti ndione kufadza kwaJehovha uye kuti nditarire temberi yake ndichionga.” (Pis. 27:4) Dhavhidhi aisava muRevhi, asi fungidzira uchimuona akamira nechokunze kwechivanze chitsvene pedyo netebhenekeri iyo yaiva muzinda wokunamata kwechokwadi. Dhavhidhi anoonga chaizvo zvokuti anoda kugara ipapo kwoupenyu hwake hwose achiona “kufadza kwaJehovha.”

Shoko rokuti “kufadza” rine chokuita nokunakidzwa, kufara kana kuti kugutsikana kwaunenge uchiita mupfungwa. Dhavhidhi aigara achionga urongwa hwokunamata Mwari. Zvakanaka kuti tizvibvunze kuti, ‘Manzwiro angu akafanana neaiva naDhavhidhi here?’

TARIRA URONGWA HWAMWARI UCHIONGA

Mazuva ano, hakuchisina urongwa hwokuti vanhu vanamatire Jehovha patemberi. Asi kwava netemberi huru yomudzimu, urongwa hutsvene hwokunamata kwechokwadi. * Kana tikatarira urongwa uhwu tichionga, tichakwanisawo kuona “kufadza kwaJehovha.”

Funga nezveatari yemhangura yechinopiwa chinopiswa yaiva pamberi pesuo retebhenekeri. (Eks. 38:1, 2; 40:6) Atari iyoyo yaimirira chido chaMwari chokubvuma muviri waJesu sechibayiro. (VaH. 10:5-10) Funga kuti izvi zvinotibatsira sei. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Patakanga tiri vavengi, takayananiswa naMwari nokuda kworufu rwoMwanakomana wake.” (VaR. 5:10) Kana tikatenda muropa raJesu rakadeurwa, Mwari anogona kutifarira uye kuvimba nesu seshamwari dzake. Izvi zvinoita kuti tive ‘noushamwari hwepedyo naJehovha.’—Pis. 25:14.

Kudzimwa kunoitwa zvivi zvedu kunoita kuti tive ‘mumwaka yokusimbaradzwa inobva kuna Jehovha.’ (Mab. 3:19) Mamiriro edu ezvinhu akafanana neemusungwa anodemba zvaakaita ochinja maitiro ake zvinoshamisa paanenge akamirira mutongo wake wokuurayiwa. Mutongi ane tsitsi paanoona kuchinja uku, anobva amuregerera mhosva dzake omubvisira mutongo worufu. Chokwadi musungwa iyeye anofara chaizvo! Kungofanana nemutongi iyeye, Jehovha anofarira vanhu vanenge vapfidza uye anovabvisira mutongo worufu.

FARIRA KUNAMATA KWECHOKWADI

Zvimwe zvinhu zvaiitwa pakunamata kwechokwadi zvaionekwa naDhavhidhi paimba yaJehovha zvaisanganisira kuungana kwaiita vaIsraeri vakawanda, kuverengwa uye kutsanangurwa kwoMutemo, kupiswa kwerusenzi uye basa  dzvene raiitwa nevapristi uye vaRevhi. (Eks. 30:34-38; Num. 3:5-8; Dheut. 31:9-12) Zvinhu izvi zvine zvazvakafanana nazvo mazuva ano.

Mazuva ano kungofanana nezvaiitwa kare, “zvakanaka sei uye zvinofadza sei kuti hama dzigare pamwe chete dzakabatana!” (Pis. 133:1) Kuwedzera kunoshamisa kwave kuchiitika mu“sangano rose rehama.” (1 Pet. 2:17) Shoko raMwari rinoverengwa vanhu vose vakateerera uye rinotsanangurwa pamisangano yedu. Achishandisa sangano rake, Jehovha anotipa mirayiridzo yakawanda. Kunewo mabhuku akawanda anosimbisa pakunamata anobudiswa kuti tiashandise pakudzidza tiri toga uye semhuri. Imwe nhengo yeDare Rinodzora yakati: “Kufungisisa Shoko raJehovha, zvarinoreva, uye kutsvaka kurinzwisisa kunoita kuti ndiswere ndakapfuma pakunamata uye ndichinzwa kugutsikana.” Chokwadi, ‘zivo inogona kufadza mweya wedu.’—Zvir. 2:10.

Mazuva ano, minyengetero inogamuchirika yevashumiri vaMwari inokwira kuna Jehovha zuva nezuva. Jehovha anoona minyengetero iyoyo serusenzi inonhuhwirira. (Pis. 141:2) Zvinotifadza kuziva kuti Jehovha Mwari anofara chaizvo patinonyengetera kwaari tichizvininipisa.

Mosesi akanyengetera achiti: “Kunaka kwaJehovha Mwari wedu ngakuve patiri, uye simbisai basa remaoko edu patiri.” (Pis. 90:17) Sezvatinoshingaira muushumiri, Jehovha anokomborera basa redu. (Zvir. 10:22) Zvimwe takabatsira vamwe kudzidza chokwadi kana kuti tava nemakore tichitsungirira muushumiri pasinei nokusafarira kwevanhu, kurwara, kunetseka mupfungwa kana kutambudzwa. (1 VaT. 2:2) Kunyange zvakadaro, hatina kuona here “kufadza kwaJehovha” uye kuti Baba vedu vokudenga vanofadzwa chaizvo nebasa redu?

Dhavhidhi akaimba kuti: “Jehovha ndiye chikamu chomugove wangu wandakapiwa nechekapu yangu. Makabata zvakasimba mugove wangu. Tambo dzokuyeresa dzakandiyerera nzvimbo dzinofadza.” (Pis. 16:5, 6) Dhavhidhi aionga chaizvo “mugove” wake, kureva kuva neukama hwakanaka naJehovha uye ropafadzo yokumushumira. Tingatambura sezvakaita Dhavhidhi asi tine makomborero akawanda pane zvokunamata. Saka ngatirambei tichifarira kunamata kwechokwadi uye tichitarira temberi yemudzimu yaJehovha tichionga.

^ ndima 6 Ona Nharireyomurindi yaJuly 1, 1996, mapeji 14-24.