Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ngatifarirei Kuroora kweGwayana!

Ngatifarirei Kuroora kweGwayana!

“Ngatifarei tifarisise . . . nokuti nguva yokuroora kweGwayana yasvika.”—ZVAK. 19:7.

1, 2. (a) Muchato waani uchaita kuti kudenga kuve nemufaro? (b) Mibvunzo ipi inovapo?

KUGADZIRIRA muchato kunowanzotora nguva yakareba. Asi tichakurukura nezvemuchato unokosha chaizvo, muchato waMambo. Pafunge! Wave uchigadzirirwa kwemakore anenge 2 000. Nguva yokuti muroori ave pamwe chete nomwenga wake yava pedyo. Pasina nguva, mumuzinda waMambo muchange mava kunzwika mumhanzi wokufara, uye boka rokudenga richange rava kuimba richiti: “Rumbidzai Jah, nokuti Jehovha Mwari wedu, Wemasimbaose, atanga kutonga samambo. Ngatifarei tifarisise, uye ngatimukudzei, nokuti nguva yokuroora kweGwayana yasvika uye mudzimai waro agadzirira.”—Zvak. 19:6, 7.

2 Jesu Kristu ndiye “Gwayana” rine muchato uchaita kuti kudenga kuve nemufaro. (Joh. 1:29) Achange akapfekei pamuchato? Mwenga wake ndiani? Zvii zvave zvichiitwa kumwenga wacho kuti agadzirire muchato? Muchato wacho uchaitwa rini? Muchato uyu uchaita kuti kudenga kuve nomufaro, asi vaya vane tariro yokurarama panyika nokusingaperi vachafarawo here?  Mibvunzo iyi ichapindurwa sezvatinoenderera mberi nokuongorora Pisarema 45.

‘NGUO DZAKE DZAKAISWA ZVINONHUHWIRIRA’

3, 4. (a) Nguo dzoMuroori dzomuchato dzinonzi dzakaita sei, uye chii chinoita kuti awedzere kufara? (b) “Vanasikana vemadzimambo” uye “vahosi” vanofara pamwe chete noMuroori ndivanani?

3 Verenga Pisarema 45:8, 9. Muroori, Jesu Kristu, akapfeka nguo dzoumambo dzomuchato dzakanaka chaizvo. Zvakakodzera kuti nguo dzaMambo dzinhuhwirire se“zvinonhuhwirira zvakanaka kwazvo” zvakadai semura nekasiya nokuti zvinhu izvi zvaigadziriswa mafuta matsvene okuzodza nawo aishandiswa muIsraeri.—Eks. 30:23-25.

4 Mumhanzi wokudenga uyo unonzwika mumuzinda waMambo unoita kuti Muroori awedzere kufara sezvo muchato wake unoswedera pedyo. Anofara pamwe chete na“vahosi,” kureva chikamu chokudenga chesangano raMwari, icho chinosanganisira “vanasikana vemadzimambo,” kureva ngirozi tsvene. Chokwadi zvinofadza kunzwa manzwi okudenga achizivisa kuti: “Ngatifarei tifarisise . . . nokuti nguva yokuroora kweGwayana yasvika.”!

MWENGA ANOGADZIRIRWA KUTI ACHATE

5. “Mudzimai weGwayana” ndiani?

5 Verenga Pisarema 45:10, 11. Tava kuziva Muroori, asi mwenga wake ndiani? Mwenga uyu anoumbwa nenhengo dzeungano, uye Jesu Kristu ndiye musoro weungano iyoyo. (Verenga VaEfeso 5:23, 24.) Nhengo dzeungano iyi dzichatonga pamwe chete naMambo Mesiya. (Ruka 12:32) VaKristu ava vakazodzwa vanokwana 144000, “vanoramba vachitevera Gwayana pasinei nokwarinoenda.” (Zvak. 14:1-4) Vanova “mudzimai weGwayana,” uye vanogara naro kudenga.—Zvak. 21:9; Joh. 14:2, 3.

6. Nei vakazodzwa vachinzi “mwanasikana wamambo,” uye vachirayirwa kuti ‘vakanganwe vanhu vavo’?

6 Mwenga uyu haangoshevedzwi kuti “mwanasikana” asi anonziwo “mwanasikana wamambo.” (Pis. 45:13) “Mambo” uyu ndiani? NdiJehovha. Anogamuchira vaKristu vakazodzwa se“vana” vake. (VaR. 8:15-17) Sezvo vachava mwenga wokudenga, vakazodzwa vanorayirwa kuti: “Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako [vepanyika].” Vanofanira kuramba vakaisa pfungwa dzavo “pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zviri panyika.”—VaK. 3:1-4.

7. (a) Kristu ave achigadzirira sei mwenga wake? (b) Mwenga anoona sei Muroori wake?

7 Kwemazana emakore, Kristu ave achigadzirira mwenga wake kuti achate naye kudenga. Muapostora Pauro akatsanangura kuti Kristu akada “ungano, akazvipa nokuda kwayo, kuti aitsvenese, achiichenesa nokuita zvokuishambidza nemvura achishandisa shoko, kuti aise ungano kwaari iine runako rwayo, isina ruvara kana kuunyana kana kuti chero chimwe chezvinhu zvakadaro, asi kuti ive tsvene isina gwapa.” (VaEf. 5:25-27) Pauro akaudza vaKristu vakazodzwa vaiva muKorinde kuti: “Ndine godo pamusoro penyu, godo raMwari, nokuti ini ndakakuvimbisai kuti muroorwe nomurume mumwe chete kuti ndikuunzei kuna Kristu semhandara yakachena.” (2 VaK. 11:2) Muroori, Mambo Jesu Kristu, anoyemura “kunaka” kwakaita mwenga wake panyaya yokunamata. Uyewo mwenga wacho anomuona sa“ishe” wake uye ‘anomukotamira’ semurume wake achazomuroora.

MWENGA ‘ANOUNZWA KUNA MAMBO’

8. Nei zvakakodzera kuti mwenga anzi “anokudzwa kwazvo” kana kuti anobwinya?

8 Verenga Pisarema 45:13, 14a. Mwenga  wacho anounzwa kumuchato waMambo ‘seanokudzwa kwazvo’ kana kuti seanobwinya. Pana Zvakazarurwa 21:2, mwenga anofananidzwa neguta, Jerusarema Idzva, uye “akashongera murume wake.” Guta iri rokudenga rine “kubwinya kwaMwari” uye rinopenya kufanana “nedombo rinokosha kwazvo, sedombo rejaspa rinopenya zvinoonekera sekristaro.” (Zvak. 21:10, 11) Kubwinya kweJerusarema Idzva kunonyatsotsanangurwa mubhuku raZvakazarurwa. (Zvak. 21:18-21) Ndosaka munyori wepisarema achiti mwenga wacho “anokudzwa kwazvo” kana kuti anobwinya! Uye izvozvo ndizvo chaizvo zvinotarisirwa pamuchato wamambo unoitirwa kudenga.

9. ‘Ndimambo’ upi ari kuunzirwa mwenga, uye mwenga wacho akashongei?

9 Mwenga ari kuunzwa kuMuroori, kureva Mambo Mesiya. Jesu ave achigadzirira mwenga wake, ‘nokumushambidza nemvura achishandisa shoko.’ Mwenga uyu ‘mutsvene uye haana gwapa.’ (VaEf. 5:26, 27) Anofanirawo kupfeka zvinoenderana nechiitiko chacho. Uye ndiwo mapfekero aakaita! Chokwadi, “zvipfeko zvake zvakarukwa nendarama,” uye “achaunzwa kuna mambo akapfeka chipfeko chakarukwa.” Kuti achate neGwayana, “abvumirwa kushonga nguo yerineni inopenya, yakachena, yakanaka kwazvo, nokuti rineni yakanaka kwazvo inomirira mabasa akarurama evatsvene.”—Zvak. 19:8.

‘NGUVA YOKUROORA YASVIKA’

10. Muchato weGwayana uchaitwa rini?

10 Verenga Zvakazarurwa 19:7. Gwayana richachata rini? Kunyange zvazvo “mudzimai waro agadzirira” kuchata, ndima dzinotevera hadzitauri nezvemuchato wacho. Asi, dzinonyatsorondedzera zvichaitika pachikamu chokupedzisira chokutambudzika kukuru. (Zvak. 19:11-21) Izvi zvinoreva here kuti muchato wacho uchaitika Mambo asati apedzisa kukunda kwake? Kwete. Zvakaratidzwa Johani zviri muna Zvakazarurwa hazvina kurongwa maererano nenguva yazvinoitika. MuPisarema rechi45, muchato waMambo unoitwa pashure pokunge Mambo Jesu Kristu, asungira bakatwa rake uye ‘aenda kunokunda’ vavengi vake.—Pis. 45:3, 4.

11. Zviitiko zvokupedzisa kukunda kwaKristu zvichaitika zvichitevedzana sei?

11 Saka tinogona kutaura kuti zviitiko zvacho zvichatevedzana seizvi: Kutanga, “hure guru,” Bhabhironi Guru, mubatanidzwa wezvitendero zvenhema zvose, richaparadzwa. (Zvak. 17:1, 5, 16, 17; 19:1, 2) Zvadaro, achimiririra Mwari, Kristu achaparadza chikamu chinenge chasara chenyika yakaipa yaSatani paAmagedhoni, “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.” (Zvak. 16:14-16; 19:19-21) Izvozvo zvaitika, Mambo achapedzisa kukunda kwake nokukanda Satani nemadhimoni ake mugomba rakadzikadzika, uye vachaita sevakafa vasina chavanokwanisa kuita.—Zvak. 20:1-3.

12, 13. (a) Muchato weGwayana uchaitwa rini? (b) Kudenga, ndivanaani vachafarira kuroora kweGwayana?

12 VaKristu vakazodzwa pavanopedza upenyu hwavo hwepanyika munguva yokuvapo kwaKristu, vanomutsirwa kudenga. Pane imwe nguva pashure pokuparadzwa kweBhabhironi Guru, Jesu achatora vose vanenge vasara veboka romwenga. (1 VaT. 4:16, 17) Saka hondo yeAmagedhoni isati yatanga, nhengo dzose dzo“mwenga” dzichange dzava kudenga. Muchato weGwayana uchazoitwa hondo iyoyo yapera. Chokwadi pamuchato iwoyo pachafarwa! Zvakazarurwa 19:9 inoti: “Vanofara vaya vakakokwa kuzvokudya zvemanheru zvokuroora kweGwayana.” Chokwadi nhengo dzeboka romwenga dzinokwana 144-000 dzichafara. Uyewo Muroori achafara  chaizvo kuva pamwe nevose vaachatonga navo zvichiita sevari ‘kudya nokunwa naye patafura yake muumambo hwake.’ (Ruka 22:18, 28-30) Zvisinei, Muroori nomwenga wake havasi ivo chete vachafara pamuchato weGwayana.

13 Sezvatatoona, boka rose rokudenga richaimba pamwe chete richiti: “Ngatifarei tifarisise, uye ngatimukudzei [Jehovha], nokuti nguva yokuroora kweGwayana yasvika uye mudzimai waro agadzirira.” (Zvak. 19:6, 7) Asi zvakadini nevashumiri vaJehovha vachange vari panyika? Vachapemberawo here nomufaro?

“VACHAUNZWA NOKUFARA KWAZVO”

14. “Mhandara” dzinotaurwa muPisarema 45 ndivanaani?

14 Verenga Pisarema 45:12, 14b, 15. Muprofita Zekariya akataura kuti munguva yomugumo, vanhu vemarudzi vaizobatana nevakazodzwa vaizenge vari panyika. Akanyora kuti: “Mumazuva iwayo varume gumi vanobva mumitauro yose yemarudzi vachabata, chokwadi vachabata kumupendero wenguo yomuJudha, vachiti: ‘Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.’” (Zek. 8:23) Pana Pisarema 45:12 “varume gumi” ava vokufananidzira ndivo vanonzi “mwanasikana weTire” uye “vapfumi pakati pevanhu.” Vanouya kune vakazodzwa vanenge vachiri panyika nezvipo, vachitsvaka “kunzwirwa nyasha” uye kubatsirwa pakunamata. Kubva muna 1935, mamiriyoni evanhu ave achibvuma ‘kuitwa akarurama’ nevakazodzwa vachiri panyika. (Dhan. 12:3) Idzi shamwari dzakavimbika dzevaKristu vakazodzwa dzakazvichenesa, dzikava mhandara pakunamata. “Mhandara” idzi dzakazvitsaurira  kuna Jehovha uye dzakaratidza kuti dzakatendeka kuMuroori.

15. “Mhandara” dzave dzichishanda sei nevaya veboka romwenga vachiri panyika?

15 Veboka romwenga vachiri panyika vanoonga chaizvo “mhandara” idzi nokushingaira kwadzave dzichiita dzichivabatsira pakuparidza “mashoko akanaka oumambo” munyika yose inogarwa. (Mat. 24:14) “Mudzimu nomwenga vanoramba vachiti: ‘Uya!’” uye vaya vanonzwa vanotiwo: “Uya!” (Zvak. 22:17) Chokwadi, “mamwe makwai,” akanzwa boka romwenga richiti “Uya!” uye akabatana nomwenga pakutaura kuti “Uya!” kuvanhu vari panyika.—Joh. 10:16.

16. Jehovha akapa mamwe makwai ropafadzo ipi?

16 Vakazodzwa vachiri panyika vanoda shamwari dzavo uye vanofara kuziva kuti Jehovha, Baba voMuroori, akapa mamwe makwai iwayo ari panyika ropafadzo yokufarawo pachaitwa muchato weGwayana kudenga. Bhaibheri rakagara rataura kuti “mhandara” idzi ‘dzaizounzwa nokufara kwazvo nomufaro.’ Chokwadi mamwe makwai ayo ane tariro yokurarama panyika nokusingaperi, achafarawo nezvisikwa zvokudenga pacharoora Gwayana kudenga. Ndokusaka bhuku raZvakazarurwa richitaura nezve“boka guru” serakamira “pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana.” Boka iri rinoitira Jehovha basa dzvene muchivanze chepasi pano chetemberi yake yomudzimu.—Zvak. 7:9, 15.

Kuroora kweGwayana kuchaita kuti “mhandara” dzifare (Ona ndima 16)

“PANZVIMBO YEMADZITATEGURU AKO PACHAVA NEVANAKOMANA VAKO”

17, 18. Kuroora kweGwayana kuchabatsira sei vanhu, uye Kristu achava baba kuna vanaani muKutonga Kwemakore Ane Chiuru?

17 Verenga Pisarema 45:16. “Mhandara” dzichafarawo padzichaona makomborero achaunzwa munyika itsva nemhaka yokuroora kweGwayana. Muroori achamutsa “madzitateguru” ake epanyika ayo achava “vanakomana” vake panyika. (Joh. 5:25-29; VaH. 11:35) Achagadza vamwe vavo kuti vave “machinda munyika yose.” Hapana mubvunzo kuti Kristu achasarudza vamwe kubva pavakuru vakatendeka vemazuva ano kuti vatungamirire munyika itsva.—Isa. 32:1.

18 Munguva yake yoKutonga Kwemakore Ane Chiuru, Kristu achavawo baba kune vamwe. Chokwadi vagari vose vepanyika vachawana upenyu husingaperi nemhaka yokutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu. (Joh. 3:16) Saka achava “Baba Vasingagumi” kwavari.—Isa. 9:6, 7.

TINONZWA TICHIDA KUITA KUTI ‘ZITA RAKE RIZIVIKANWE’

19, 20. Zviitiko zvinofadza zvinotaurwa muPisarema rechi45 zvinei chokuita nevaKristu vose vechokwadi mazuva ano?

19 Verenga Pisarema 45:1, 17. Chokwadi zviitiko zviri muPisarema rechi45 zvine chokuita nevaKristu vose. Vakazodzwa vachiri panyika vanofara chaizvo netariro yavo yokuti pasina nguva vachange vava pamwe chete nehama dzavo kudenga uye noMuroori. Mamwe makwai anonzwa achida kuramba achizviisa pasi paMambo wawo anokudzwa uye anoonga ropafadzo yawo yokushanda nenhengo dzomwenga dzichiri panyika. Muchato wapera, Kristu nevaachatonga navo vachaita kuti vaya vachagara panyika vave nemakomborero akawanda.—Zvak. 7:17; 21:1-4.

20 Sezvatinotarisira kuzadziswa ‘kwenyaya yakanaka’ ine chokuita naMambo Mesiya, hatinzwi here tichida kuita ‘kuti zita rake rizivikanwe’? Dai tikavawo pakati pevaya ‘vacharumbidza Mambo nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.’