Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuchengeta Vakwegura

Kuchengeta Vakwegura

“Vana vaduku, ngatiregei kudanana neshoko kana norurimi, asi nemabasa nechokwadi.”—1 JOH. 3:18.

1, 2. (a) Mhuri dzakawanda dzinosangana nematambudziko api uye dzinova nemibvunzo ipi? (b) Vabereki nevana vangagadzirira sei matambudziko anouya nokukwegura?

ZVINORWADZA chaizvo kuziva kuti vabereki vako vainge vakagwinya uye vachizvishandira, havachakwanisi kuzviriritira. Mubereki wako akwegura anogona kuwa ominyuka hudyu, anogona kurasika pfungwa otanga kungofamba achienda kana kuti anogona kubatwa chirwere chakakura. Asiwo vakwegura vacho vanogona kuomerwa nokubvuma kuti kuchinja kwaita utano hwavo kana mamiriro avo ezvinhu kwava kuita kuti vasakwanisa kuzviraramira. (Job. 14:1) Tingavabatsira sei? Vangachengetwa sei?

2 Imwe nyaya yaitaura nezvekuchengeta vakwegura yakati: “Kunyange zvazvo zvisiri nyore kukurukura nyaya dzine chokuita nevakwegura, mhuri inogara yakurukura uye yabvumirana zvokuita, haizonetseki nokusarudza kana paine dambudziko ramuka.” Kukurukura saizvozvo kunokosha nokuti hatigoni kutiza matambudziko anokonzerwa nokukwegura. Kunyange zvakadaro, tinogona kugara taronga zvatichaita. Ngatikurukurei kuti mhuri ingashanda sei pamwe chete kuti ironge kugadzirisa matambudziko iwayo.

KUGADZIRIRA “MAZUVA OKUTAMBUDZIKA”

3. Mhuri ingaitei kana vabereki vakwegura vava kunyanya kuda kubatsirwa? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 Vakwegura vakawanda vanosvika pokuti havachakwanisi  kuzviriritira zvokuti vanenge vava kuda kubatsirwa. (Verenga Muparidzi 12:1-7.) Kana vabereki vakwegura vasisakwanisi kuzviriritira, ivo nevana vavo vanofanira kuona kuti zvii zvingaitwa kuti vabatsirwe. Kazhinji zvakanaka kugara pasi semhuri mokurukura kuti mungashanda sei pamwe chete, muchiona kuti zvii zvinodiwa pakuvachengeta. Vose, kunyanya vabereki, vanofanira kunyatsotaura zviri pasi pemwoyo uye zvinhu zvinokwanisika zvingaitwa. Vangakurukura kana zvichiita kuti vabereki vabatsirwe vachigara havo pamba pavo. * Kana kuti vangakurukurawo zvinogona kuitwa nemumwe nemumwe wavo pakuriritira vabereki. (Zvir. 24:6) Somuenzaniso, vamwe vangakwanisa kuvaitira mabasa anodiwa zuva nezuva asi vamwe vangakwanisa kunyanya kubatsira nemari. Mumwe nomumwe anofanira kuziva basa rake, asi mungada kuronga kuti mupote muchichinjana mabasa acho.

4. Mhuri inochengeta mubereki akwegura ingawana kupi rubatsiro?

4 Pamunotanga kupepa mubereki akwegura, dzidzai zvakawanda nezveurwere hwake. Kana aine chirwere chinoramba chichiwedzera kuipa, dzidzai kuti ndezvipi zvimwe zvingaitika kwaari nemhaka yechirwere ichocho. (Zvir. 1:5) Taurai nemasangano ehurumende anobatsira vakwegura. Onai kana kwamunogara kuine mapurogiramu angakubatsirai kuti muvachengete zvakanaka uye kuti basa racho rive nyore. Kuchinja kwemamiriro ezvinhu emubereki kungaita kuti usuruvare, urwadziwe chaizvo kana kuti uvhiringidzike. Taurira shamwari yako yaunovimba nayo zviri kukunetsa. Chinonyanya kukosha ndechokuti unyengetere kuna Jehovha uchimuudza zviri pamwoyo. Anogona kuita kuti uve norugare rwepfungwa ruchakubatsira kutsungirira chero chii zvacho.—Pis. 55:22; Zvir. 24:10; VaF. 4:6, 7.

5. Nei zvakanaka kuti mhuri dzigare dzaronga kuti dzichachengeta sei vakwegura?

5 Vamwe vakwegura nemhuri dzavo vanogara vatsvaka mashoko anozovabatsira pakusarudza zvokuita kana vakwegura ivavo vava kuda kuchengetwa. Somuenzaniso, vangada kuona kana zvichiita kuti mubereki azogara nemwana wake, azogara mumisha inochengeterwa vakwegura kana kuti kushandisa dzimwe nzira dzinowanikwa munharaunda. Vanofanoona matambudziko “nezvinhu zvinokuvadza” vobva vagadzirira. (Pis. 90:10) Mhuri dzisingagari dzaronga zvokuzoita dzinopedzisira dzava kuita zvisarudzo dzichimhanya-mhanya kana pamuka dambudziko. Imwe nyanzvi yakati: “Iyi haisitombori nguva yakanaka yokuita chisarudzo chakadaro.” Kana vari mumhuri vava kuda kuita chisarudzo vachimhanya-mhanya, vanogona kupedzisira vava kupopotedzana. Asi kana mhuri ikagara yaronga, zvichaita kuti isazonyanya kunetseka kana paine dambudziko ramuka.—Zvir. 20:18.

Mhuri inogona kugara pasi yokurukura kuti ingachengeta sei mubereki akwegura (Ona ndima 6-8)

6. Nei zvichibatsira kukurukura kuti vabereki vakwegura vachachengetwa sei?

6 Zvingakuomerai kutaurirana nevabereki venyu nezvenyaya yokuchinja zvimwe zvinhu pamba pavo kana kuti yokutama. Asi vakawanda vakataura kuti kukurukurirana saizvozvo kwakazobatsira chaizvo. Nei? Nokuti kwakaita kuti vakwanise kuronga zvinhu zvinoshanda, vachiwirirana uye vachinzwisisana. Vakaona kuti kukurukurirana zvakanaka saizvozvo kwakaita kuti zvizova nyore pakusarudza zvokuita. Kunyange kana vakwegura vachida havo kuramba vachigara voga uye vachizviitira zvinhu zvavo, zvinobatsira chaizvo kuti vakurukure nevana vavo kuti vangazoda rubatsiro rwakaita sei kana vasingachazvigoni.

7, 8. Mhuri dzinofanira kukurukura nezvechii, uye nei zvichibatsira?

7 Vabereki, pamunenge muchikurukura  nevana venyu, vaudzei zvamunoda, uye vaudzei kuti imarii yamunowana uye kuti mungada kuchengetwa sei. Izvozvo zvichavabatsira kusarudza zvokuita kana musingachagoni kuzvichengeta. Zvichida vacharemekedza zvido zvenyu uye kuita kuti kana muchida, mumboramba muchigara moga. (VaEf. 6:2-4) Somuenzaniso, munoda here kuti mumwe mwana wenyu akutorei muzogara nemhuri yake, kana kuti mune zvimwewo zvamuri kuda? Zivai kuti havasi vose vangava nemaonero akafanana neenyu uye kuti zvinoda nguva kuti imi nevana venyu mugadzirise mafungiro enyu.

8 Mose munofanira kuziva kuti munogona kudzivisa matambudziko kana mukagara maronga uye makurukura zvokuzoita. (Zvir. 15:22) Vabereki vanogona kukurukurawo nevana vavo nezvemarapirwo avanoda. Munofanira kukurukura zviri pakadhi reDPA rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha. Munhu wose ane kodzero yokuziva nzira dzinenge dzichida kushandiswa pakumurapa uye ane kodzero yokudzibvuma kana kudziramba. Kadhi reDPA rinoratidza zvinenge zvasarudzwa nemunhu panyaya iyi. Kana ukasarudza anokumiririra (kana zvichiita uye zvichibvumirwa nemutemo) zvinoita kuti pazova nemunhu waunovimba naye achakuitira zvimwe zvisarudzo. Zvakanaka kuti vanokuchengeta uye vanokumiririra vave nekopi yeDPA rako kuitira kana rava kudiwa. Vamwe vanoita kuti makopi iwayo agare pamwe chete newiri yavo nemamwe mapepa akadai, seekubhengi, ehurumende, einishuwarenzi nemamwewo.

ZVAMUNGAITA KANA MAMIRIRO EZVINHU ACHINJA

9, 10. Vakwegura vanganyanya kuda kubatsirwa kana zvaita sei?

9 Mhuri dzakawanda dzinosarudza kuti vakwegura vagare havo voga kana vachikwanisa. Vangakwanisa kuzvibikira, kuchenesa imba yavo, kunwa mishonga vega uye kukurukura nevamwe pasina dambudziko. Saka vana vangasafanira havo kupindira zvakanyanya muupenyu hwevabereki vavo. Asi kana vava kunetseka nokufamba, zvimwe vasingachakwanisi kuenda kunotenga, kana kuti vakatanga kuva nehanganwa, vana vangada kuvabatsira.

10 Kukwegura kunogona kuita kuti munhu arasike pfungwa, aore mwoyo, azvitotese uye azvishatise, atadze kunzwa kana kuona zvakanaka uye angokanganwa-kanganwa zvinhu. Asi mamwe matambudziko iwayo outano anogona kurapika. Pazvinotanga kuitika, tsvakai rubatsiro kuna vanachiremba. Vana ndivo vangada kutanga kuona kuti vabereki vavo vabatsirwa here. Vana vanokwanisawo kutanga kubatsira vabereki vavo pane zvimwe zvinhu zvavaimboita voga. Kuti vave nechokwadi chokuti vabereki vavo vanyatsowana zvavanoda, vana vanogona kutaura vachivamiririra, kuvabatsira nezvinhu zvinoda kunyorwa,  kuvatakura nemotokari uye kuvabatsira nezvimwewo.—Zvir. 3:27.

11. Chii chingaitwa kuti vabereki varerukirwe nokuchinja kwezvinhu?

11 Kana matambudziko evabereki venyu asingagadzirisiki, munogona kuchinja machengetero amuri kuvaita kana kuti munogona kuita kuti vatame. Kana kuchinja kwacho kusina kunyanya kukura, zvichavaitira nyore. Kana muchigara kure nevabereki venyu zvingaita here kuti mutsvake Chapupu kana muvakidzani anopota achiona kuti vabereki venyu vari sei obva akuzivisai? Vanongoda kubatsirwa pakubika nokuchenesa here? Kugadzirisa zvinhu zvishoma pamba pavo kungavabatsira here kuti zvivaitire nyore kutenderera pamba, kugeza, nokuita zvimwewo? Zvichida vanenge vachingoda mumwe munhu anouya kuzoita mabasa epamba asi vachigara havo voga. Zvisinei, kana zviine ngozi kuti vagare voga, zvingada kuti mugare muchivabatsira. Pasinei nokuti zvinhu zvakamira sei, onai kuti kwavanogara kungawanika rubatsiro rwakaita sei. *Verenga Zvirevo 21:5.

VAMWE VANOZVIITAWO SEI?

12, 13. Vamwe vana vanogara kure nevabereki vanoitei kuti varambe vachivakudza uye vachivachengeta?

12 Vana vane hanya nevabereki vavo vanoda kuti vagare zvakanaka. Kana vakaziva kuti vabereki vavo vari kuchengetwa zvakanaka, vanofara. Zvisinei, kune vana vakawanda vanogara kure nevabereki vavo nemhaka yezvimwe zvikonzero. Pakadaro, vamwe vanoshandisa nguva yavanenge vari pazororo kuti vashanyire vabereki vavo vachivabatsira pamabasa avasingachakwanisi. Kugara muchifona uye kunyora tsamba, kunoita kuti vabereki venyu vaone kuti munovada.—Zvir. 23:24, 25.

13 Munofanira kuzoongorora kuti zvamakaronga pakuchengeta vabereki venyu zvichiri kushanda here. Kana vari Zvapupu uye muchigara kure navo, munogona kutaura nevakuru veungano yavo kuti munzwewo pfungwa dzavo. Uye nyengeterai nezvazvo. (Verenga Zvirevo 11:14.) Kunyange vabereki venyu vasiri Zvapupu, munofanira ‘kuvakudza.’ (Eks. 20:12; Zvir. 23:22) Zvinosarudzwa nemhuri pakuchengeta vabereki zvinosiyana-siyana. Vamwe vanosarudza kuti mubereki akwegura auye kuzogara navo kana kuti azogara pedyo. Asi pamwe pacho izvozvo zvingasaita. Vamwe vabereki havadi kugara nevana vavo nemhuri dzavo nokuti vanoda kuita zvinhu zvavo voga uye havadi kuremedza vana vavo. Vamwe vanogona kunge vaine mari uye vachida kubhadhara mushandi anovachengeta vachigara havo pamba pavo.—Mup. 7:12.

14. Matambudziko api angasangana nemwana anenge achinyanya kuita basa rokuchengeta vakwegura?

14 Mumhuri dzakawanda, basa rokuchengeta vakwegura rinowanzosiyirwa mwanakomana kana mwanasikana anogara pedyo nevabereki. Asi mwana iyeye anochengeta vabereki, anewo mhuri inoda kuchengetwa. Anewo zvimwe zvaasingakwanisi kuita. Uyewo mamiriro ake ezvinhu anogona kuchinja zvokuti mungada kuchinja zvamanga makaronga. Kana mumwe mwana aine mabasa akawanda aari kuita pakuchengeta vabereki vakwegura, zvingaita here kuti muronge kuita majana pakuvachengeta?

15. Chii chingaitwa kuti munhu anochengeta mubereki akwegura asapedzisira aneta?

15 Kana mubereki akwegura ava kuda kugara achichengetwa, anomuchengeta wacho anogona kupedzisira aneta. (Mup. 4:6) Vana vane hanya nevabereki vavo vanoda  kuvaitira zvose zvavanogona, asi vanogona kuremerwa nokuvachengeta. Vana vanosangana nedambudziko iri vanofanira kubvuma kuti pane zvimwe zvavasingakwanisi votsvaka kubatsirwa. Pane kungokurumidza kuendesa vabereki venyu kumisha inochengeterwa vakwegura, zvimwe munongoda rubatsiro rushoma kuti murambe muchivachengeta.

16, 17. Vana vangasangana nematambudziko api pakuchengeta vabereki vakwegura, uye vangaita sei? (Onawo bhokisi rakanzi “Kuonga Kuchengetwa Kwawakaitwa.”)

16 Zvinorwadza chaizvo kuona vabereki vaunoda vachinetseka nematambudziko anouya noukweguru. Vakawanda vanochengeta vakwegura vanopedzisira vava kunetseka, kuzvidya mwoyo, kunzwa sokuti vane mhosva kana kutogumbuka. Dzimwe nguva mubereki akwegura anogona kutaura mashoko anorwadza kana kuratidza kusaonga. Kana izvozvo zvikaitika, usakurumidza kugumbuka. Mumwe chiremba wepfungwa akati: “Nzira yakanaka yokugadzirisa chero manzwiro aunenge unawo, kunyanya aya asina kunaka, ndeyokubvuma kuti uri kunzwa saizvozvo. Usaita sokuti hapana zviri kukunetsa uye usazvipa mhosva.” Taura manzwiro ako kune wawakaroorana naye, mumwe womumhuri, kana kuti shamwari yaunovimba nayo. Kuudzawo vamwe manzwiro ako kuchaita kuti usanyanya kunetseka.

17 Mhuri inogona kusvika pokuti inenge isingachakwanisi kuramba ichichengeta munhu akwegura pamba. Pamwe mungaona zvakakodzera kumuendesa kumusha unochengeterwa vakwegura. Imwe hanzvadzi yechiKristu yaienda kunoona amai vayo mumusha unochengeterwa vakwegura zuva nezuva. Yakati: “Takanga tisingachakwanisi kupa amai rubatsiro rwavaida siku nesikati. Zvakanga zvakatiomera kuti tivaendese mumusha unochengeterwa vakwegura. Asi izvozvo zvainge zvakavanakira mumwedzi mishoma vasati vafa, uye vakazvitambira.”

18. Vana vanochengeta vabereki vavo vachawanei?

18 Kuchengeta vabereki vakwegura kungasava nyore. Hapana zvinonzi izvi ndizvo chaizvo zvinofanira kuitwa pakuvachengeta. Asi munogona kuchengeta vabereki venyu zvakanaka kana mukaronga zvakanaka, mukaisa misoro pamwe chete uye kukurukurirana zvakanaka. Chinotonyanya kukosha ndechokuti munyengetere nemwoyo wose kuna Jehovha. Kana mukaita izvi munogona kugutsikana nokuziva kuti muri kuvachengeta zvakanaka. (Verenga 1 VaKorinde 13:4-8.) Chinonyanya kukosha ndechokuti muchava nepfungwa dzakagadzikana icho chiri chikomborero chinopiwa naJehovha kune vaya vanokudza vabereki vavo.—VaF. 4:7.

^ ndima 3 Zvinosarudzwa nevabereki nevana zvinosiyana munzvimbo nenzvimbo. Mune dzimwe nzvimbo, vanhu vomumhuri imwe chete vanowanzoda kuramba vachigara pamwe chete.

^ ndima 11 Kana mubereki wenyu achiri kugara pamba, ivai nechokwadi chokuti mapawo makiyi vanhu vamakakumbira kuti vapote vachivaona kuti vazokwanisa kupinda mumba mavanenge vari kana zvinhu zvikangoerekana zvashata.