Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunamata Kwemhuri—Mungaitei Kuti Kunakidze?

Kunamata Kwemhuri—Mungaitei Kuti Kunakidze?

Vamwe baba vokuBrazil vakati, “Pamanheru oKunamata Kwemhuri tinobatikana chaizvo zvokuti kana ndikasamisa mhuri yangu tinotosvika usiku chaihwo tichikurukura.” Vamwewo baba vokuJapan vanoti mwanakomana wavo ane makore gumi haatombooni kuti nguva yapera uye anenge achida kuti tirambe tichidzidza. Nemhaka yei? Baba vacho vanoti, “Anonakidzwa chaizvo nokudzidza uye zvinoita kuti awedzere kufara.”

Havasi vana vose vanonakidzwa nekunamata kwemhuri. Asi nei zvakadaro? Vamwe baba vokuTogo vakati, “Kunamata Jehovha hakufaniri kufinha.” Kana kuchifinha, zvimwe kunenge kusiri kuitwa zvakanaka? Mhuri dzakawanda dzakaona kuti kunamata kwemhuri kunogona kuita kuti pave ‘nomufaro mukuru’ sezvakataurwa naIsaya nezveSabata.—Isa. 58:13, 14.

Vanababa vechiKristu vanoziva kuti kana vachida kuti mhuri dzavo dzinakidzwe nekunamata kwemhuri, vanofanira kuita kuti munhu wose anzwe akasununguka. Ralf, uyo ane vanasikana vatatu nemwanakomana mumwe chete, anoti pakunamata kwavo kwemhuri vanoita sevari kungokurukurawo zvavo kwete sevari kudzidza, munhu wose ane zvaanoitawo. Ichokwadi kuti dzimwe nguva zvingasava nyore kuita kuti munhu wose arambe achinakidzwa uye akaisa pfungwa pane zvinenge zvichidzidzwa. Vamwe amai vakati: “Hapasi pose pandinenge ndiine simba rokuita kuti kunamata kwemhuri kunakidze sezvandinenge ndichida.” Ungaitei kuti ukurire dambudziko iroro?

DZIDZAI ZVAKASIYANA-SIYANA UYE ZVINOENDERANA NEVARIPO

Vamwe baba vokuGermany vane vana vaviri vakati, “Tinofanira kuita zvinoenderana nemhuri yedu.” Natalia, uyo ane vana vaviri akataurawo kuti pakunamata kwavo kwemhuri  vanokurukura zvinhu zvakasiyana-siyana. Mhuri dzakawanda padzinoita kunamata kwadzo kwemhuri dzinoita kuti pave nezvikamu zvikamu. Cleiton wokuBrazil uyo ane vana vaviri vava mumakore okuyaruka akati: “Izvozvo zvinoita kuti kudzidza kwacho kunakidze uye kuti vose vave nezvokuitawo.” Kana vabereki vakakamura nguva yokudzidza vanogona kubatsira mwana mumwe nemumwe kana kuri kuti vana vacho ndevemazera akanyanya kusiyana. Vabereki vanogona kufunga zvinodiwa nemhuri yavo, vosarudza zvinhu zvokudzidza uye madzidziro akanakira mumwe nomumwe ari mumhuri.

Dzimwe mhuri dziri kuita sei kuti dzikurukure zvakasiyana-siyana? Vamwe vanotanga kunamata kwavo kwemhuri nokuimba nziyo dzoUmambo. Juan wokuMexico anoti, “Zvinoita kuti tinzwe takasununguka uye tigadzirire pfungwa dzedu.” Mhuri yake inosarudza nziyo dzinoenderana nezvimwe zvainenge ichidzidza manheru acho.

Sri Lanka

Mhuri dzakawanda dzinoverenga Bhaibheri pamwe chete. Kuti zvinakidze, vamwe vanoita kuti mumwe nomumwe averenge achimiririra mumwe munhu ari kutaurwa muchikamu cheBhaibheri chavanenge vasarudza. Mumwe murume wokuJapan akataura kuti ‘pakutanga aiomerwa nokuverenga saizvozvo.’ Asi vanakomana vake vaviri vaifara kuona vabereki vavo vachinakidzwa nokuverenga pamwe chete navo. Dzimwe mhuri dzinotoita mitambo yenyaya dzomuBhaibheri. Vana “vanowanzoona zvinhu munyaya dzomuBhaibheri zvatisingaoni isu vabereki,” anodaro Roger, vamwe baba vanogara kuSouth Africa vane vanakomana vaviri.

South Africa

Kuti muitewo chimwe chinhu chakasiyana munogona kugadzira areka yaNoa kana temberi yaSoromoni. Kuti muite zvinhu zvakadai zvinoda kuti mutsvakurudze, uye kutsvakurudza ikoko kunogona kuita kuti munakidzwe chaizvo. Somuenzaniso, kuAsia, mumwe mwanasikana ane makore mashanu nevabereki vake pamwe nambuya vake vaiita kunamata kwemhuri vachigadzira bhodhi remutambo une chokuita nenzendo dzaPauro dzoumishinari. Dzimwe mhuri dzakagadzira mitambo yakadaro dzichishandisa nhoroondo dziri mubhuku raEksodho. Donald wokuTogo ane makore 19 akati kudzidza zvakasiyana-siyana “kwakaita kuti kunamata kwedu kwemhuri kunakidze uye mhuri yedu ifare.” Pane here zvamungafungawo zvingaita kuti kunamata kwenyu kwemhuri kuwedzere kunakidza?

United States of America

ZVINOKOSHA KUTI MUGADZIRIRE

Kana munhu wose ari mumhuri akanyatsogadzirira, zvichaitawo kuti kunamata kwemhuri kunyatsobatsira. Dzimwe nguva vaduku vanoneta, saka vanababa vanofanira kunyatsofunga zvavachadzidza uye kunyatsogadzirira. Vamwe baba vanoti, “Kana ndakanyatsogadzirira, munhu wose anonyatsobatsirwa nechidzidzo chacho.” Vamwe baba vokuGermany vanogara vaudza mhuri yavo zvavachakurukura mumavhiki anotevera. Pavanoronga kuzoona DVD resangano pakunamata kwemhuri, vamwe baba vokuBenin vane vana vatanhatu vane makore ari pasi pe13 vanogara vatsvaka mibvunzo yavanozoshandisa. Chokwadi kugadzirira kunoita kuti kunamata kwemhuri kuwedzere kunakidza.

Kana vose vari mumhuri vakagara vaziva zvichadzidzwa, vanogona kutaura nezvazvo mukati mevhiki, uye izvozvo zvinoita kuti vanzwe manyukunyuku. Uye kana mumwe nemumwe akapiwa zvokuzoita, achanzwa kuti kunamata kwemhuri uku ndekwakewo.

IVAI NEKUNAMATA KWEMHURI NGUVA DZOSE

Kune mhuri dzakawanda dzinotadza kuva nekunamata kwemhuri nguva dzose.

Vanababa vakawanda vanoshanda maawa akawanda kuti vawane chouviri. Somuenzaniso, vamwe baba vokuMexico vanobva pamba na6 mangwanani uye vanozodzoka na8 manheru. Dzimwe nguva Kunamata Kwemhuri kunofanira kuchinjwa kuitira mamwe mapurogiramu okunamata.

Kunyange zvakadaro tinofanira kugara tichiita kunamata kwemhuri nguva dzose. Loïs wokuTogo ane makore 11 anotaura nezvemhuri yavo kuti: “Kunyange zvazvo dzimwe nguva tichizotanga kunamata kwemhuri nguva dzapera nemhaka yezvimwe zvinenge zvaitika mukati mezuva, tinogara tichiita kunamata kwedu kwemhuri.” Ndokusaka dzimwe mhuri dzichironga kuva nekunamata kwemhuri vhiki richangotanga. Kana pakava nezvinongoerekana zvamuka, dzinogona kuronga kuzova nekunamata kwacho rimwe zuva muvhiki iroro.

Mashoko okuti kunamata kwemhuri, anoratidza kuti munenge muchitonamata Jehovha. Itai kuti vose vomumhuri menyu vape Jehovha “nzombe duku dzemiromo” yavo vhiki nevhiki. (Hos. 14:2) Uye dai mumwe nemumwe ari mumhuri akanakidzwa nenguva iyoyo “nokuti mufaro waJehovha ndiyo nhare yenyu.”—Neh. 8:9, 10.