Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Kutenda kwaMosesi

Tevedzera Kutenda kwaMosesi

“Nokutenda Mosesi, paakanga akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFarao.”—VAH. 11:24.

1, 2. (a) Mosesi akasarudzei paakanga ava nemakore 40? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Nei Mosesi akasarudza kuitirwa zvakaipa pamwe chete nevanhu vaMwari?

MOSESI aiziva kuti aigona kuva neramangwana rakanaka muIjipiti. Aiona dzimba dzembozha dzaiva dzakanaka uye dzakakura. Aiva weimba youmambo. “Akarayiridzwa muuchenjeri hwose hwevaIjipiti,” uye izvi zvinofanira kunge zvaisanganisira kudzidza nezvenyeredzi, masvomhu, sayenzi nezvimwewo zvakasiyana-siyana. (Mab. 7:22) Mosesi aikwanisa kuva nechinzvimbo, pfuma uye simba zvaisawanikwa nevamwewo vanhu vomuIjipiti!

2 Asi paakanga ava nemakore 40, Mosesi akaita chisarudzo chinofanira kunge chakatadza kunzwisiswa neveimba youmambo vaimuchengeta. Haana kunyange kuda kuva noupenyu hwevaIjipiti vaisava veimba youmambo, asi akatosarudza kuva muranda! Nei akasarudza izvozvo? Nokuti aiva nokutenda. (Verenga VaHebheru 11:24-26.) Kutenda kwakaita kuti Mosesi aone zvaisaonekwa nevamwe. Mosesi aiva nokutenda muna Jehovha, “Uyo asingaoneki” uye aitenda kuti zvainge zvavimbiswa naMwari zvaizozadziswa.—VaH. 11:27.

3. Mibvunzo ipi mitatu ichapindurwa munyaya ino?

3 Isuwo tinofanira kuona zvinhu zvisingaonekwi nemaziso edu. Tinofanira kuva “vaya vane kutenda.” (VaH. 10:38, 39) Kuti tisimbise kutenda kwedu, ngationgororei zvakanyorwa nezvaMosesi  pana VaHebheru 11:24-26. Patinenge tichidaro, tsvaka mhinduro dzemibvunzo iyi: Kutenda kwakabatsira sei Mosesi kuti arambe zvido zvenyama? Paaizvidzwa, kutenda kwakamubatsira sei kuti akoshese ropafadzo dzake? Uye nei Mosesi “akaramba akatarira kuripwa kwomubayiro”?

AKARAMBA ZVIDO ZVENYAMA

4. Mosesi aizivei nezve“kufadzwa nechivi”?

4 Kutenda kwaiva naMosesi kwakamubatsira kuti azive kuti “kufadzwa nechivi” kwaiva kwenguva duku. Asi vamwe vangangodaro vaiva nemaonero akasiyana. Nei? Nokuti vakanga vaona nyika yeIjipiti, iyo yaiva nevanhu vainyanya kuita zvemidzimu uye kunamata zvidhori, ichiva nesimba kupfuura dzimwe dzose uku vanhu vaJehovha vachitambura sevaranda! Asi Mosesi aiziva kuti Mwari aigona kuchinja zvinhu. Kunyange zvazvo vaya vaida kugutsa zvido zvavo vaiita sevaibudirira, Mosesi aiva nokutenda kuti vakaipa vaizoparara. Saka haana kuda “kufadzwa nechivi kwenguva duku.”

5. Chii chichatibatsira kuti ‘tisafadzwa nechivi kwenguva duku’?

5 Ungaita sei kuti ‘usafadzwa nechivi kwenguva duku’? Gara uchiyeuka kuti mufaro wokuita chivi haugari. Kutenda ngakukubatsire kuona kuti “nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo.” (1 Joh. 2:15-17) Fungisisa nezveramangwana revatadzi vasingapfidzi. Vari ‘panzvimbo inotsvedza . . . uye vachasvika pakuguma.’ (Pis. 73:18, 19) Kana ukava mumuedzo wokuita chivi, zvibvunze kuti, ‘Ndinoda kuva neramangwana rakaita sei?’

6. (a) Nei Mosesi akaramba “kunzi mwanakomana womwanasikana waFarao”? (b) Nei uchifunga kuti Mosesi akaita chisarudzo chakanaka?

6 Kutenda kwaMosesi kwakamubatsirawo pakusarudza basa. “Nokutenda Mosesi, paakanga akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFarao.” (VaH. 11:24) Mosesi haana kufunga kuti aigona kushumira Mwari ari muimba youmambo uye ozoshandisa upfumi hwake nechinzvimbo chake kubatsira hama dzake dzechiIsraeri. Asi aiva akatsunga kuda Jehovha nemwoyo wake wose, nemweya wake wose uye nesimba rake rose. (Dheut. 6:5) Zvakasarudzwa naMosesi zvakaita kuti asazorwadziwa. Pfuma yakawanda yeIjipiti yaakaramba yakazotorwa nevaIsraeri! (Eks. 12:35, 36) Farao akanyadziswa uye akaurayiwa. (Pis. 136:15) Asi Mosesi akaramba ari mupenyu uye Mwari akamushandisa kuti atungamirire pakununura rudzi rwose rwaIsraeri. Chokwadi upenyu hwake hwaiva nechinangwa.

7. (a) Maererano naMateu 6:19-21, nei tichifanira kuronga upenyu tichifunga nezveramangwana risingaperi? (b) Rondedzera nyaya inoratidza kusiyana kwakaita kuva nepfuma yepanyika uye pfuma yokunamata.

7 Kana uri muushumiri waJehovha wechiduku, kutenda kungakubatsira sei pakusarudza basa rokuita? Zvakanaka kuronga ramangwana rako. Asi kutenda kuti Mwari achazadzisa zvaakavimbisa kuchaita kuti uzviunganidzire pfuma isingagari here kana kuti inogara nokusingaperi? (Verenga Mateu 6:19-21.) Mumwe musikana anonzi Sophie uyo aiva nyanzvi yokutamba dhanzi remhando yeballet aifanira kusarudza kuti oita sei panyaya iyi. Makambani akawanda omuUnited States anoita zveballet akati aikwanisa kumupa bhezari uye kuti aizomupa chinzvimbo chepamusoro. Sophie anoti: “Zvainakidza chaizvo kuyemurwa nevamwe. Ndaitonzwa sendiri nani kupfuura vamwe vaiitawo zveballet. Asi ndakanga ndisingafari.” Sophie akabva aona vhidhiyo inonzi Young People Ask—What Will I Do With My Life? Anoti: “Ndakaona kuti nyika yainge yaita kuti ndibudirire uye ndiyemurwe chaizvo nevanhu asi zvichinditadzisa kushumira Jehovha nemwoyo wose. Ndakanyengetera nemwoyo wose kuna Jehovha. Ndakabva ndarega zvokutamba.” Sophie anonzwa sei nechisarudzo chaakaita? Anoti: “Handimbosuwi zvandaiita. Iye zvino ndava kunyatsofara. Ini nemurume wangu tiri kupayona. Hatina mukurumbira uye hatina  zvakawanda zvokurarama nazvo. Asi tine ukama hwakanaka naJehovha, tine vatinodzidza navo Bhaibheri uye tine zvinangwa zvokunamata. Handimbodembi.”

8. Izano ripi romuBhaibheri rinogona kubatsira wechiduku pakusarudza kuti oitei noupenyu hwake?

8 Jehovha anoziva zvakakunakira. Mosesi akati: “Jehovha Mwari wako ari kukumbirei kwauri kunze kwokuti utye Jehovha Mwari wako, kuti ufambe munzira dzake dzose, umude, ushumire Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose; kuti uchengete mirayiro yaJehovha nemirau yake yandiri kukurayira nhasi, kuti zvikunakire?” (Dheut. 10:12, 13) Paunenge uchiri muduku, sarudza basa richaita kuti ude Jehovha uye umushumire “nomwoyo wako wose nomweya wako wose.” Kana ukadaro, unogona kuva nechokwadi chokuti zvinhu ‘zvichakunakira.’

AIKOSHESA ROPAFADZO DZAKE

9. Tsanangura kuti nei Mosesi aifanira kunge aiomerwa nokuita basa rake.

9 Mosesi “akaona kuzvidzwa kwaKristu sepfuma huru pane pfuma yeIjipiti.” (VaH. 11:26) Akapiwa basa rokuva “Kristu” kana kuti “Muzodziwa,” pakuti akasarudzwa naJehovha kuti atungamirire vaIsraeri kubuda muIjipiti. Mosesi aiziva kuti kuita basa iroro kwaizomuomera uye kwaizoita kuti ‘azvidzwe.’ Mumwe muIsraeri ainge ambomuzvidza achiti: “Ndiani akakugadza kuti uve muchinda nomutongi wedu?” (Eks. 2:13, 14) Mosesi pachake akatozobvunza Jehovha kuti: “Farao anganditeerera sei?” (Eks. 6:12) Kuti akunde kuzvidzwa kwaaizoitwa, Mosesi akaudza Jehovha zvaaitya uye zvaimunetsa. Jehovha akabatsira sei Mosesi kuti aite basa rake raiva rakaoma?

10. Jehovha akabatsira sei Mosesi kuti aite basa rake?

10 Chokutanga, Jehovha akaudza Mosesi kuti: “Ndichava newe.” (Eks. 3:12) Chechipiri, Jehovha akaita kuti Mosesi ave nechivimbo paakamutsanangurira zvinorehwa nezita rake kuti: “Ndichava Iye Wandichava.” * (Eks. 3:14) Chechitatu, akapa Mosesi simba rokuita zvishamiso zvairatidza kuti chokwadi ainge atumwa naMwari. (Eks. 4:2-5) Chechina, Jehovha akaita kuti Aroni abatsire Mosesi kuita basa rake uye ave mutauriri wake. (Eks. 4:14-16) Paakanga ava kufa, Mosesi aiva nechokwadi chizere chokuti Mwari anobatsira vashumiri vake kuti vaite chero basa raanenge avapa zvokuti akatoudza Joshua kuti: “Jehovha ndiye ari kufamba pamberi pako. Acharamba ainewe. Haazokuregi kana kukusiya zvachose. Usatya kana kuvhunduka.”—Dheut. 31:8.

11. Nei Mosesi aikoshesa chaizvo basa rake?

11 Achitsigirwa naJehovha, Mosesi aikoshesa chaizvo basa rake rainge rakaoma achiriona “sepfuma huru pane pfuma yeIjipiti.” Uyewo Mosesi aikoshesa kushumira Mwari Wemasimbaose pane kushumira Farao. Kuva muchinda muIjipiti kwaisakosha kana tichienzanisa nekuva “Kristu,” kana kuti muzodziwa waJehovha. Mosesi akapiwa mubayiro nemhaka yokukoshesa kwaaiita ropafadzo yake. Akava neushamwari hwepedyo naJehovha uyo akamubatsira kuti aratidze ‘simba rinotyisa’ paaitungamirira vaIsraeri kupinda muNyika Yakapikirwa.—Dheut. 34:10-12.

12. Iropafadzo dzipi dzatinopiwa naJehovha dzatinofanira kukoshesa?

12 Isuwo tine basa ratakapiwa. Achishandisa Mwanakomana wake, Jehovha akatipa ushumiri sokupa kwaakaita muapostora Pauro nevamwe. (Verenga 1 Timoti 1:12-14.) Tose tine ropafadzo yokuzivisa mashoko akanaka. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Vamwe vari mubasa renguva yakazara. Hama dzakabhabhatidzwa dzakakura mune zvokunamata dzinoshumira vamwe muungano sevashumiri vanoshumira uye vakuru. Zvisinei, hama dzako  dzisiri Zvapupu nevamwewo vangasaona kukosha kweropafadzo idzodzo kana kuti vangatozvidza kuzvipira kwauri kuita. (Mat. 10:34-37) Kana vakakuodza mwoyo, ungatanga kuona sokuti zvauri kuita hazvikoshi kana kuti haukwanisi kunyatsoita basa rako. Kana izvozvo zvikaitika kwauri, kutenda kungakubatsira sei kuti utsungirire?

13. Jehovha anotibatsira sei kuti tiite basa raanotipa?

13 Kumbira Jehovha kuti akutsigire, uine kutenda kuti achakubatsira. Muudze zvauri kutya uye zviri kukudya mwoyo. Jehovha ndiye akakupa basa iroro saka achakubatsira kuti uriite. Achakubatsira sei? Achangoita sezvaakaita kuna Mosesi. Chokutanga, Jehovha anokuvimbisa kuti: “Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira. Chokwadi ndicharamba ndakakubata zvakasimba noruoko rwangu rworudyi rwokururama.” (Isa. 41:10) Chechipiri, anokuyeuchidza kuti zvaanovimbisa zvinoitika paanoti: “Ndakazvitaura; ndichazviunzawo. Ndakazviumba, ndichazviitawo.” (Isa. 46:11) Chechitatu, Jehovha anokupa “simba rinopfuura renguva dzose” kuti uite ushumiri hwako. (2 VaK. 4:7) Chechina, kuti ukwanise kutsungirira mubasa rako, Baba vedu vane rudo vanokupa hama dziri munyika yose idzo ‘dzinoramba dzichikunyaradza nokukuvaka.’ (1 VaT. 5:11) Jehovha zvaanokubatsira kuita basa rako, kutenda kwako maari kuchawedzera uye uchakoshesa ropafadzo dzako sepfuma huru kupfuura chero pfuma ipi zvayo yepanyika.

“AKARAMBA AKATARIRA KURIPWA KWOMUBAYIRO”

14. Nei Mosesi aiva nechokwadi chokuti aizowana mubayiro?

14 Mosesi “akaramba akatarira kuripwa kwomubayiro.” (VaH. 11:26) Kunyange zvazvo Mosesi aisaziva zvose zvaizoitika mune remangwana, zvishoma zvaaiziva izvozvo zvakaita kuti aite zvisarudzo zvakanaka. Kufanana natateguru vake Abrahamu, Mosesi aiziva kuti Jehovha anokwanisa kumutsa vakafa. (Ruka 20:37, 38; VaH. 11:17-19) Kufunga nezvemakomborero omunguva yemberi kwakabatsira Mosesi kuti asaona sokuti akatambisa nguva paakapedza makore 40 ari mupoteri uye mamwe 40 ari murenje. Kunyange zvazvo akanga asinganyatsozivi kuti Mwari aizozadzisa sei zvaainge avimbisa, kutenda kwakaita kuti aone mubayiro waiva mberi.

15, 16. (a) Nei tichifanira kuisa pfungwa pamubayiro wedu? (b) Makomborero api aunotarisira kuzowana muUmambo hwaMwari?

15 ‘Unoramba wakatarira kuripwa kwomubayiro’  wako here? Kungofanana naMosesi, hatisati tava kunyatsoziva kuti zvose zvakavimbiswa naMwari zvichazadziswa sei. Somuenzaniso, hatizivi “kuti nguva yakatarwa” yokutambudzika kukuru “ichasvika rini.” (Mako 13:32, 33) Asi tinoziva zvakawanda nezveParadhiso kupfuura zvaiita Mosesi. Kunyange zvazvo tisingazivi zvose zvichaitika muUmambo hwaMwari, tine zvakawanda zvatakavimbiswa zvatinogona ‘kuramba takatarira.’ Kunyatsoona mupfungwa dzedu zvichange zvakaita upenyu munyika itsva kuchaita kuti tiise Umambo hwaMwari pokutanga. Nei tichidaro? Funga muenzaniso uyu: Ungatenga imba here kana usingazivi zvayakaita? Haungambodaro! Saizvozvowo, taisazopedza nguva tichiita zvinhu zvine chokuita noUmambo kudai taisaziva kuti upenyu huchange hwakaita sei mune remangwana. Kutenda kunofanira kutibatsira kuti tione zvichange zvakaita upenyu munyika inenge ichitongwa noUmambo.

Tichanakidzwa chaizvo nokutaura nevashumiri vaJehovha vakatendeka vakadai saMosesi! (Ona ndima 16)

16 Kuti unyatsoona mupfungwa dzako zvichange zvakaita upenyu muUmambo hwaMwari, ‘ramba wakatarira kuripwa kwomubayiro’ kureva kuti fungidzira zvichange zvakaita upenyu hwako muParadhiso. Somuenzaniso, paunodzidza nezvevanhu vomuBhaibheri vakararama chiKristu chisati chavapo, funga kuti ungazovabvunza kuti chii kana vamutswa. Fungidzira kuti vangazokubvunzawo chii nezveupenyu hwako mumazuva okupedzisira. Funga kuti uchafara sei pauchaonana nemadzitateguru ako akararama kare kare uchiadzidzisa zvose zvaakaitirwa naMwari. Zvione uchifara uchidzidza nezvemhuka dzomusango dzakawanda uri munyika ine rugare. Fungidzira kuti uchava neukama hwakadii naJehovha sezvaunosvika pakukwana zvishoma nezvishoma.

17. Kunyatsoona zvichange zvakaita mubayiro wedu usingaoneki kunotibatsira sei mazuva ano?

17 Kunyatsoona zvichange zvakaita mubayiro wedu usingaoneki kunotibatsira kuti tirambe tichitsungirira, tifare uye tiite zvisarudzo tichifunga nezvekuzorarama nokusingaperi. Pauro akanyorera vaKristu vakazodzwa kuti: “Kana tichitarisira chatisingaoni, tinoramba takamirira tichitsungirira.” (VaR. 8:25) Izvi zvinoshandawo kuvaKristu vose vane tariro yokurarama nokusingaperi. Kunyange zvazvo tisati tawana mubayiro wedu, tine kutenda kwakasimba zvokuti tinoramba takamirira “kuripwa kwomubayiro.” Kungofanana naMosesi, hationi makore atakapedza tichishumira Jehovha sokutambisa nguva. Asi tine chokwadi chokuti “zvinhu zvinooneka ndezvenguva duku, asi zvinhu zvisingaoneki ndezvokusingaperi.”—Verenga 2 VaKorinde 4:16-18.

18, 19. (a) Nei tichifanira kushanda nesimba kuti tirambe tiine kutenda? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

18 Kutenda kunotibatsira kuti tione “zvinhu chaizvoizvo” zvatisingakwanisi kuona nemaziso edu. (VaH. 11:1) Munhu wenyama haaoni kukosha kwokushumira Jehovha. Kumunhu akadaro, zvinhu zvokunamata “upenzi kwaari.” (1 VaK. 2:14) Asi isu tinotarisira kuwana zvinhu zvisingaonekwi nenyika zvakadai seupenyu husingaperi uye kuona vakafa vachimutswa. Vanhu vakawanda vanofunga kuti mashoko akanaka atinoparidza haana kana zvaanobatsira sezvaingofungwawo nevazivi vomunguva yaPauro vaimuti “anotaura zvisina zvazvinobatsira.”—Mab. 17:18.

19 Sezvo tichigara munyika ine vanhu vasina kutenda, tinofanira kushanda nesimba kuti tirambe tiine kutenda. Teterera Jehovha “kuti kutenda kwako kurege kupera.” (Ruka 22:32) Ramba uchifunga zvinozoguma zvaitika kana ukaita chivi. Uye rambawo uchifunga nezvekukosha kwokushumira Jehovha uye tariro yako youpenyu husingaperi. Asi izvozvo handizvo chete zvatinodzidza kuna Mosesi. Munyaya inotevera, tichaongorora kuti kutenda kwake kwakamubatsira sei kuona “Uyo asingaoneki.”—VaH. 11:27.

^ ndima 10 Achitaura nezvemashoko aMwari ari pana Eksodho 3:14, mumwe muongorori weBhaibheri akanyora kuti: “Hapana chinomutadzisa kuita zvaanoda . . . Zita iri [rokuti Jehovha] raizova nhare yevaIsraeri uye raizoita kuti varambe vaine tariro uye vachinyaradzwa.”