Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA YOUPENYU

Chokwadi Jehovha Akandibatsira

Chokwadi Jehovha Akandibatsira

Ini nemudzimai wangu Evelyn, wandainge ndichangobva kuchata naye, takaburuka chitima mutaundi rinonzi Hornepayne riri munzvimbo ine masango kuchamhembe muOntario, Canada. Aiva mangwanani-ngwanani uye kwaitonhora chaizvo. Imwe hama yakauya kuzotitambira uye pashure pokunge tadya zvokudya zvemangwanani nehama iyi nemudzimai wayo uye mwanakomana wavo, takafamba nemusinou tichiparidza paimba neimba. Masikati acho ndakapa hurukuro yangu yokutanga somutariri wedunhu. Taingova vashanu chete.

KUTAURA chokwadi, handina kumbonetseka kuti vanhu vaiva vashoma pandakapa hurukuro yangu muna 1957. Chikonzero chacho ndechokuti ndagara ndiri munhu anonyara chaizvo. Pandaiva muduku, ndaihwanda kana pamba pedu pakauya vaenzi kunyange vandaiziva.

Mungashamiswa kuziva kuti mabasa akawanda andaipiwa musangano raJehovha aiita kuti ndikurukure nevanhu vakawanda, shamwari uye vamwewo vandaisazivana navo. Asi ndichine dambudziko rokushaya chivimbo uye kunyara, saka handizvirumbidzi nokubudirira kwandakaita mumabasa ose iwayo. Ndakaona kuti vimbiso yaJehovha ndeyechokwadi yokuti: “Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira. Chokwadi ndicharamba ndakakubata zvakasimba noruoko rwangu rworudyi rwokururama.” (Isa. 41:10) Jehovha ave achindibatsira achishandisa hama dzechiKristu. Regai ndimbokuudzai nezvevamwe vaave achishandisa kubvira ndichiri muduku.

VAISHANDISA BHAIBHERI NEKAMWE KABHUKU KATEMA

Ndiri papurazi redu kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweOntario

Mamwe mangwanani emusi weSvondo kuma1940, Elsie Huntingford akasvika papurazi redu kumaodzanyemba  kwakadziva kumadokero kweOntario. Amai vakaenda kusuo kunoona kuti ndiani, asi baba avo vainyarawo seni vakaramba vakagara neni mumba vakateerera. Baba vakafunga kuti Hanzvadzi Huntingford vaiva nezvinhu zvavaitengesa uye kuti Amai vaizotenga zvinhu zvatisingadi, saka vakaendawo kusuo kuti vanotaura kuti hapana zvataida. Hanzvadzi Huntingford vakabvunza kuti, “Hamudi kudzidza Bhaibheri here?” Baba vakapindura kuti, “Kana zviri izvozvo tinozvida.”

Hanzvadzi Huntingford vakauya panguva yakanaka. Vabereki vangu vaimboshingaira chaizvo muUnited Church of Canada asi vainge vachangobva kusiya chechi iyoyo. Nei? Nokuti mufundisi ainge anamira muchechi pepa raiva nemazita evanhu vose vaipa mari uye mazita acho ainge akarongwa zvichienderana neuwandu hwemari yavainge vapa. Vabereki vangu vaiva varombo saka kakawanda zita ravo raiva nechekwokupedzisira uye vakuru vechechi vaivamanikidza kubvisa mari yakawanda. Mumwe mufundisi akataura kuti aisanyatsotenda zvinhu zvaaidzidzisa uye aingoparidza kuti asadzingwa basa. Saka takabuda muchechi yacho asi tainge tichine chido chokunamata.

Sezvo basa reZvapupu zvaJehovha rairambidzwa muCanada, Hanzvadzi Huntingford vaidzidza nemhuri yedu vachingoshandisa Bhaibheri nemamwe manotsi aiva mukabhuku kavo katema. Pavakaziva kuti taisazovatengesa kumapurisa, vakatanga kutipa mabhuku aitaura nezveBhaibheri. Pose pataipedza kudzidza, taiviga mabhuku acho. *

Vabereki vangu vakagamuchira mashoko akanaka uye vakabhabhatidzwa muna 1948

Pasinei nokupikiswa uye mamwewo matambudziko avaisangana nawo, Hanzvadzi Huntingford vaishingaira kuparidza mashoko akanaka. Kushingaira kwavaiita kwakandibaya mwoyo uye kwakaitawo kuti ndide kutsigira chokwadi. Ndakabhabhatidzwa musi wa27 February, 1949 mune rimwe zidhishi resimbi raiisirwa mvura yokunwa yezvipfuwo. Panguva iyoyo, vabereki vangu vainge vava negore vabhabhatidzwa. Ndaiva nemakore 17. Kubva ipapo ndakava nechinangwa chokupinda mubasa renguva yakazara.

JEHOVHA AKANDIBATSIRA KUTI NDIVE NOUSHINGI

Ndakashamiswa pandakakokwa kuBheteri muna 1952

Ndaizeza kubva ndangotanga kupayona.  Ndakamboshanda mubhengi uye muhofisi nokuti ndaifunga kuti ndaifanira kumbounganidza mari yaizondibatsira pakupayona. Zvisinei, sezvo ndaiva muduku, mari yangu yaikurumidza kupera. Saka imwe hama yainzi Ted Sargent yakandikurudzira kuti ndishinge uye ndive nokutenda muna Jehovha. (1 Mak. 28:10) Kukurudzirwa kwandakaitwa nehama iyi kwakaita kuti nditange kupayona muna November 1951. Ndaingova neUS$40, bhasikoro tsaru uye bhegi idzva. Asi Jehovha akava nechokwadi chokuti zvose zvandaida ndaizviwana. Ndinoonga chaizvo kuti Ted akandikurudzira kupayona! Izvi zvakaita kuti ndizowana mamwe makomborero.

Mamwe manheru muna August 1952, ndakagamuchira foni yaibva kuToronto. Ndakakokwa kuzoshanda paBheteri rokuCanada kutanga muna September. Kunyange zvazvo ndainyara uye ndainge ndisati ndamboshanya pabazi, ndaifara chaizvo nokuti mamwe mapiyona ainge andiudza zvinhu zvinofadza nezveBheteri. Hazvina kumbonditorera nguva kuti ndijairane neupenyu hwepo.

“RATIDZA HAMA KUTI UNODZIDA”

Pashure pemakore maviri ndauya paBheteri, ndakatsiva Bill Yacos semuranda weungano (ava kunzi murongi mudare revakuru) mune imwe unit yainzi Shaw yaiva muToronto. * Ndaingova nemakore 23 uye ndaizviona ndiri zvangu mukomana wepapurazi asina ruzivo. Asi Hama Yacos vakanyatsondiratidza zvokuita. Uye Jehovha akandibatsira zvechokwadi.

Hama Yacos vaigara vachinyemwerera uye vaifarira vanhu. Vaida hama uye hama dzaivadawo. Vaigara vachidzishanyira mudzimba dzavo uye vaisangodzishanyira chete kana dziine matambudziko. Hama Yacos vakandikurudzira kufarirawo vanhu uye kushanda pamwe chete nehama nehanzvadzi muushumiri. Vakandiudza kuti, “Ken, ratidza hama kuti unodzida. Izvozvo zvichaita kuti zvive nyore kuti mukanganwirane.”

MUDZIMAI WANGU AKARATIDZA KUTI AKAVIMBIKA

Jehovha ave achindibatsirawo neimwe nzira kubva muna January 1957. Mumwedzi iwoyo ndakachata naEvelyn, uyo ainge apedza kudzidza mukirasi yechi14 yeChikoro cheGiriyedhi. Tisati tachata aishanda mundima inotaurwa chiFrench muQuebec. Mazuva iwayo, chechi yeRoma ndiyo yainge yakakurumbira muQuebec. Saka ndima yaishanda Evelyn yainge yakaoma chaizvo asi akaramba achiita basa rake akavimbika kuna Jehovha.

Ini naEvelyn takachata muna 1957

Evelyn akarambawo akavimbika kwandiri. (VaEf. 5:31) Akaratidza kuti akavimbika pashure chaipo pokunge tachata. Tainge taronga kuti kana muchato wapera taizoenda kuFlorida, U.S.A., asi zuva rakatevera racho, ndakakumbirwa nebazi kuti ndinopinda musangano waizotora vhiki rose kuBheteri rokuCanada. Ichokwadi kuti musangano uyu wakavhiringa urongwa hwedu, asi ini naEvelyn taida kuita chero zvatainge tanzi tiite naJehovha. Saka takasarudza kusaenda kwataida kuenda. Muvhiki iroro, Evelyn aiparidza mundima iri pedyo nebazi. Akaramba achiparidza kunyange zvazvo ndima yacho yainge yakasiyana neyekuQuebec.

Pakapera vhiki racho, ndakanzi ndinoshanda  somutariri wedunhu kuchamhembe kweOntario. Ndainge ndichangobva kuchata ndiine makore 25 chete uye ndisina ruzivo asi takabvuma kuenda tiine chivimbo chokuti Jehovha achatibatsira. Maiva munguva yechando, uye takakwira chitima chemanheru pamwe chete nevamwe vatariri vanofambira vainge vagara nebasa vaidzokera kundima dzavaishanda. Vakatikurudzira chaizvo. Imwe hama yakatiti tipinde mutiroko raiva nemibhedha mayaifanira kurara kuitira kuti tisapedze usiku hwose takagara. Ava mangwanani, pashure pemazuva 15 tachata, takashanyira rimwe boka duku raiva muHornepayne sezvandambotaura kwatangira nyaya ino.

Pane zvakawanda zvakazoitika kwandiri naEvelyn. Pandaiva mutariri weruwa gore ra1960 rava kupera, ndakagamuchira tsamba yaiti ndaikokwa kunopinda kirasi yechi36 yeChikoro cheGiriyedhi icho chaizotora mwedzi gumi kubva muna February 1961 kuBrooklyn, New York. Chokwadi ndakafara chaizvo asi chaindinetsa ndechokuti Evelyn ainge asina kukokwawo. Sezvakangoitwawo kune mamwe madzimai aiva nevarume vainge vakokwa, Evelyn akakumbirwa kuti anyore tsamba yokubvuma kuti asare kwemwedzi gumi ini ndichinopinda chikoro. Evelyn akachema, asi akabvuma kuti ndiende uye aifara kuti ndaizodzidziswa zvinhu zvinokosha kuGiriyedhi.

Pandainge ndisipo, Evelyn aishanda pabazi rokuCanada. Akava neropafadzo yokugara neimwe hanzvadzi yakazodzwa yainzi Margaret Lovell. Ichokwadi kuti taisuwana chaizvo naEvelyn. Asi Jehovha akatibatsira kuti tikwanise kumbogara tisiri pamwe chete. Kuzvipira kwakaita Evelyn kuti timbogara kure nakure kuitira kuti tizokwanisa kushandiswa naJehovha uye nesangano rake kwakandibaya mwoyo chaizvo.

Pandainge ndava nemwedzi mitatu ndiri kuGiriyedhi, Hama Nathan Knorr, avo vaitungamirira mubasa renyika yose vakauya kwandiri vaine chimwe chikumbiro. Vakandikumbira kuti ndisiye Chikoro cheGiriyedhi uye ndidzokere kuCanada kuti ndinova murayiridzi weChikoro Choushumiri hwoUmambo chaiitwa pabazi. Hama Knorr vakandiudza kuti ndainge ndakasununguka kusarudza kuenda kana kusaenda. Ndaigona kusarudza kupedza Chikoro cheGiriyedhi uye zvimwe ndozonzi ndinova mumishinari. Vakataurawo kuti kana ndaizosarudza kudzokera kuCanada, zvimwe ndaisazokokwazve kuGiriyedhi, uye kuti zvimwe nokufamba kwenguva ndaisazoramba ndiri paBheteri kuCanada. Vakati ndaifanira kutanga ndataura nemudzimai wangu ndisati ndasarudza zvandaida.

Sezvo Evelyn ainge akatondiudza maonero aaiita basa raMwari, ndakabva ndaudza Hama Knorr kuti, “Tinoda kuita zvose zvatinonzi tiite nesangano raJehovha.” Tinoda kuenda chero kwatinonzi nesangano raJehovha tiende pasinei nokuti tine zveduwo zvatinenge tichida kuita.

Saka muna April 1961, ndakabva kuBrooklyn  ndikadzokera kuCanada kunoitisa Chikoro Choushumiri hwoUmambo. Takazova nhengo dzemhuri yeBheteri. Ndakashamiswa pandakakokwa kunopinda kirasi yechi40 muChikoro cheGiriyedhi iyo yaizotanga muna 1965. Evelyn aifanirazve kunyora tsamba achibvuma kusara. Asi pashure pemavhiki mashoma, takafara chaizvo paakakokwawo kuti anopinda chikoro neni.

Patakasvika kuChikoro cheGiriyedhi, Hama Knorr vakatiudza kuti vadzidzi vakaita sesu vaizopinda kirasi yechiFrench, vaizoendeswa kuAfrica. Asi patakapedza chikoro, takanzi tinoshumirazve kuCanada! Ndakagadzwa kuva mutariri webazi (ava kunzi murongi muDare Rebazi). Sezvo ndaingova nemakore 34 ndakaudza Hama Knorr kuti, “Ndichiri muduku chaizvo.” Asi vakandikurudzira chaizvo. Uye kubva pandakagadzwa, ndaiedza kubvunza hama dzakura dzepaBheteri dzine ruzivo ndisati ndaita zvisarudzo zvakakura.

BHETERI—NZVIMBO YOKUDZIDZA NOKUDZIDZISA

Kushumira paBheteri kwakandipa mikana yakawanda yokudzidza kune vamwe. Ndinoremekedza uye ndinoyemura chaizvo dzimwe nhengo dzeDare Rebazi. Ndakabatsirwawo chaizvo nemuenzaniso wakanaka wevarume nevakadzi vechiKristu, vakuru nevaduku vatakaonana navo pano pabazi uye muungano dzakasiyana-siyana dzatakapinda nadzo.

Ndichiitisa rugwaro rwezuva paBheteri rokuCanada

Kushumira paBheteri kwakandipawo mukana wokudzidzisa vamwe uye wokusimbisa kutenda kwavo. Muapostora Pauro akaudza Timoti kuti: “Rambira pazvinhu zvawakadzidza.” Akatiwo: “Zvinhu zvawakanzwa kwandiri zvichitsigirwa nezvapupu zvizhinji, zvinhu izvi zvipe vanhu vakatendeka, avo vachanyatsokwanisawo kudzidzisa vamwe.” (2 Tim. 2:2; 3:14) Dzimwe nguva hama nehanzvadzi dzinondibvunza kuti zvidzidzo zvipi zvandakawana mumakore 57 andava nawo ndiri paBheteri. Ndinongovaudza kuti, “Kurumidza kuita basa raunopiwa nesangano raJehovha uye riite nechido uchivimba naye kuti akubatsire.”

Ndinoona sokuti ndakasvika paBheteri nezuro chaiye ndiri mukomana wechiduku anonyara uye asina ruzivo. Asi mumakore ose iwayo, Jehovha ave ‘akandibata ruoko rwangu rworudyi.’ Anonyanya kundibatsira achishandisa vatinonamata navo achindivimbisa kuti: “Usatya. Ini ndichakubatsira.”—Isa. 41:13.

^ ndima 10 Musi wa22 May, 1945, hurumende yeCanada yakatanga kubvumira basa redu.

^ ndima 16 Panguva iyoyo, kana muguta maiva neungano dzakawanda, imwe neimwe yainzi unit.