Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha ndiMwari Akarongeka

Jehovha ndiMwari Akarongeka

“Mwari haasi Mwari wenyonganyonga, asi worugare.”—1 VAK. 14:33.

1, 2. (a) Ndiani akatanga kusikwa naMwari, uye Jehovha akamushandisa sei? (b) Tinoziva sei kuti ngirozi dzakarongeka?

JEHOVHA, Musiki wezvinhu zvose, anoita zvinhu nenzira yakarongeka. Akatanga kusika Mwanakomana wake womudzimu akaberekwa ari mumwe oga uyo anodanwa kuti “Shoko” nokuti ndiye mutauriri mukuru waMwari. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwanakomana iyeye akashumira Jehovha kwemakore akawanda parinoti: “Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga riina Mwari.” Tinoudzwawo kuti: “Zvinhu zvose zvakavapo pachishandiswa iye [Shoko], uye kunze kwake hapana kunyange nechinhu chimwe chete chakavapo.” Makore anoti pfuurei 2 000 adarika, Mwari akatuma Mwanakomana wake Jesu Kristu panyika, uye paaiva panyika akaita kuda kwaBaba vake.—Joh. 1:1-3, 14.

2 Jesu asati auya panyika, akashumira akatendeka se“mhizha” yaMwari. (Zvir. 8:30) Jehovha akamushandisa kusika mamiriyoni engirozi kudenga. (VaK. 1:16) Bhaibheri rinotaura nezvengirozi idzodzo kuti: “Zviuru zvine chiuru zvairamba zvichimushumira [Jehovha], uye zviuru gumi zvakapetwa kane zviuru gumi zvairamba zvimire pamberi pake chaipo.” (Dhan. 7:10)  Bhaibheri rinodanawo ngirozi idzodzo kuti “mauto” akanyatsorongwa aJehovha.—Pis. 103:21.

3. Nyeredzi nemapuraneti zvakawanda sei, uye zvakarongwa sei?

3 Zvimwe zvinhu zvakasikwa naMwari zvakadai senyeredzi nemapuraneti, zvakarongekawo here? Rimwe pepanhau rokuTexas rinonzi Houston Chronicle rakataura kuti ongororo ichangobva kuitwa nemasayendisiti inoratidza kuti kune nyeredzi “300 sextillion.” Pepanhau racho rinotiwo: “Nhamba iyi ndi3 ane mazero 23 kana kuti matiririyoni matatu akapetwa ka100 bhiriyoni.” Nyeredzi dzakarongwa dziri mumapoka mapoka, boka rimwe nerimwe riine mabhiriyoni kana kuti matiririyoni enyeredzi nemapuraneti akawanda. Mapoka iwayo anoumba mamwe mapoka makuru uye mapoka makuru iwayo anoumbawo mamwe mapoka akakura chaizvo.

4. Tinoziva sei kuti Mwari akaronga vashumiri vake vepanyika?

4 Kungofanana nengirozi tsvene dziri kudenga, zvinhu zvinooneka zviri muchadenga zvakanyatsorongwa. (Isa. 40:26) Saka zvine musoro kutaura kuti Jehovha akarongawo vashumiri vake vari panyika. Anoda kuti vave vakarongeka, uye izvozvo zvinokosha nokuti vane basa rakawanda rinokosha ravanofanira kuita. Kubvira kare, Jehovha ave achironga vashumiri vake kuti vamunamate vakatendeka. Kune mienzaniso yakawanda inoratidza kuti Jehovha agara aine vanhu vake uye kuti “haasi Mwari wenyonganyonga, asi worugare.”—Verenga 1 VaKorinde 14:33, 40.

MWARI AKARONGA VANHU VAKE VEKARE

5. Chinangwa chaMwari chokuti vanhu vazadze nyika chakambovhiringidzwa sei?

5 Jehovha paakasika vanhu vokutanga akavaudza kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire, muve nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvisikwa zvose zvipenyu zvinofamba panyika.” (Gen. 1:28) Vanhu vaifanira kuramba vachiwanda kusvika vazadza nyika uye vachiigadzira kuti yose ive Paradhiso. Chinangwa ichocho chaMwari chakambovhiringidzwa nokusateerera kwaAdhamu naEvha. (Gen. 3:1-6) Nokufamba kwenguva, “Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu kwakanga kuri kuzhinji panyika uye zvose zvaidiwa nepfungwa dzomwoyo wake zvakanga zvakangoipa nguva dzose.” Izvi zvakaita kuti ‘nyika ishatiswe pamberi paMwari wechokwadi uye izare nechisimba.’ Saka Mwari akasarudza kuunza mafashamo aizoparadza vanhu vaisamuda.—Gen. 6:5, 11-13, 17.

6, 7. (a) Nei Noa akanzwirwa nyasha naJehovha? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Chii chakaitika kuvanhu vose vomuzuva raNoa vainge vasina kutendeka?

6 Zvisinei,“Noa akanzwirwa nyasha naJehovha” nokuti “akanga ari munhu akarurama” uye “akanga asina mhosva pakati pevanhu venguva yake.” Nemhaka yokuti “Noa akafamba naMwari wechokwadi,” Jehovha akamurayira kuti avake areka yakakura. (Gen. 6:8, 9, 14-16) Areka yacho yaifanira kuvakwa kuti iyangarare pamusoro pemvura kuti vanhu nemhuka zvipone. “Noa akaita maererano nezvose zvaakanga arayirwa naJehovha,” uye achibatsirwa nemhuri yake, akapedza kuvaka areka nenzira yakarongeka. Zvinhu zvipenyu pazvakapinzwa muareka, “Jehovha akavhara suo.”—Gen. 7:5, 16.

7 Mafashamo paakauya muna 2370 B.C.E., Jehovha ‘akaparadza zvinhu zvose zvipenyu panyika,’ asi akaponesa Noa nemhuri yake. (Gen. 7:23) Munhu wose ari panyika akabva kuna Noa, vanakomana vake, nemadzimai avo. Asi vose vasina kupinda muareka vakaparara nokuti vakaramba kuteerera Noa, “muparidzi wokururama.”—2 Pet. 2:5.

Kurongeka kwakaita kuti vanhu vasere vapone paMafashamo (Ona ndima 6, 7)

8. Chii chinoratidza kuti VaIsraeri vainge vakarongeka pavakarayirwa naMwari kuti vapinde muNyika Yakapikirwa?

 8 Kwapfuura makore 800 mafashamo aitika, Mwari akaronga kuti vaIsraeri vave rudzi. Akanyatsoronga zvinhu zvose zvavaifanira kuita muupenyu hwavo, kunyanya manamatiro avaifanira kuita. Somuenzaniso, akaronga kuti pave nevapristi nevaRevhi, uyewo “vashandikadzi vaiita basa rakarongwa pasuo retende rokusanganira.” (Eks. 38:8) Zvisinei, Jehovha Mwari paakarayira vaIsraeri kuti vapinde munyika yeKenani, vakawanda vavo vakaratidza kuti vainge vasina kutendeka, saka akavaudza kuti: “Hamuzopindi munyika yandakasimudzira ruoko rwangu ndichipika kuti ndigare nemi, kunze kwaKarebhi, mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni” nokuti vakauya nemashoko akanaka pavakaenda kunosora Nyika Yakapikirwa. (Num. 14:30, 37, 38) Mosesi akazogadza Joshua kuti asare achitungamirira vaIsraeri sezvaainge arayirwa naMwari. (Num. 27:18-23) Joshua paainge ava kuda kupinda muKenani nevaIsraeri, Jehovha akamuudza kuti: “Shinga, usimbe. Usavhunduka kana kutya, nokuti Jehovha Mwari wako anewe kwose kwaunoenda.”—Josh. 1:9.

9. Rakabhi aiona sei Jehovha uye vaIsraeri?

9 Chokwadi Jehovha Mwari aiva naJoshua kwose kwaaienda. Somuenzaniso, funga zvakaitika vaIsraeri pavainge vadzika musasa pedyo neguta revaKenani reJeriko. Muna 1473 B.C.E., Joshua akatuma varume vaviri kuti vanosora Jeriko, uye pavakasvika ikoko vakaonana nemukadzi aiva pfambi ainzi Rakabhi. Mukadzi uyu akavavanza padenga reimba yake kuti vasaonekwa nenhume dzamambo weJeriko. Rakabhi akaudza varume vaviri ava vechiIsraeri kuti: “Ndinoziva kuti Jehovha achakupai nyika . . . , nokuti takanzwa kuomesa kwakaita Jehovha mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu . . . nezvamakaitira madzimambo maviri evaAmori.” Akawedzera kuti: “Jehovha Mwari wenyu ndiMwari kumatenga ari kumusoro nepanyika iri pasi.” (Josh. 2:9-11) Mwari akaponesa Rakabhi nemhuri  yake pakaparadzwa Jeriko nemhaka yokuti akabvuma kuita zvaienderana neurongwa hwaMwari. (Josh. 6:25) Rakabhi akaratidza kuti aiva nokutenda, aitya Jehovha, uye kuti airemekedza vashumiri vake.

VAKRISTU VEPAKUTANGA VAINGE VAKARONGEKA

10. Jesu akaudza vatungamiriri vechitendero chechiJudha kuti chii, uye nei akataura izvozvo?

10 Vachitungamirirwa naJoshua, vaIsraeri vakakunda maguta akawanda uye vakatora nyika yeKenani. Asi chii chakazoitika nokufamba kwenguva? Kwemazana emakore akazotevera, vaIsraeri vairamba vachityora mitemo yaMwari. Jehovha paakazotuma Mwanakomana wake panyika, kusateerera Mwari uye vaprofita kwaiita vaIsraeri kwainge kwanyanya zvokuti Jesu akatotaura nezveJerusarema kuti raiva “muurayi wevaprofita.” (Verenga Mateu 23:37, 38.) Mwari akaramba vatungamiriri vechitendero chechiJudha nokuti vainge vasina kutendeka. Saka Jesu akavaudza kuti: “Muchatorerwa umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.”—Mat. 21:43.

11, 12. (a) Chii chinoratidza kuti munguva yevaapostora, Jehovha akaramba rudzi rwechiJudha akatanga kufarira sangano idzva? (b) Sangano idzva rainge rava kufarirwa naMwari raisanganisira vanaani?

11 Munguva yevaapostora, Jehovha akaramba rudzi rwevaIsraeri rwainge rusina kutendeka. Asi izvozvo zvaisareva kuti ainge asisina sangano revashumiri vake vakavimbika panyika. Jehovha ainge ava kufarira sangano idzva revanhu vaiteerera Jesu Kristu nedzidziso dzake. Sangano iroro rakatanga paPendekosti ya33 C.E. Panguva iyoyo, vadzidzi vaJesu 120 vainge vakaungana pane imwe nzvimbo muJerusarema “uye kwakangoerekana kwava noruzha rwakaita semhepo inovhuvhuta nesimba rwakabva kudenga, rukazadza imba yose.” Zvadaro “vakaona ndimi dzakafanana nedzomoto uye dzakapararira pose, pane mumwe nomumwe wavo pakagara rumwe chete, vose vakazadzwa nomudzimu mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, sokupiwa kwavakanga vachiitwa nomudzimu kuti vataure.” (Mab. 2:1-4) Chiitiko ichi chinoshamisa chakanyatsoratidza kuti Jehovha aitsigira sangano iroro idzva revadzidzi vaKristu.

12 “Pazuva iroro mweya inenge zviuru zvitatu yakawedzerwa” pavateveri vaJesu. Uyewo “Jehovha akaramba achiwedzera kwavari zuva nezuva vaya vakanga vachiponeswa.” (Mab. 2:41, 47) Vaparidzi ivavo vaibudirira chaizvo pabasa ravo zvokuti “shoko raMwari rakaramba richikura, uye vadzidzi vakaramba vachiwedzera kwazvo muJerusarema.” Kunyange “boka guru revapristi rakatanga kuteerera kutenda.” (Mab. 6:7) Vanhu vakawanda vaida Mwari vakabvuma chokwadi chaiparidzwa nenhengo dzesangano iri idzva. Jehovha akazoratidzawo kuti aivatsigira paakatanga kuunza “vanhu vemamwe marudzi” muungano yechiKristu.—Verenga Mabasa 10:44, 45.

13. Mwari akapa sangano rake idzva basa rei?

13 Vateveri vaKristu vaiva nebasa ravainge vapiwa naMwari uye zvaiva pachena kuti basa iroro raiva rei. Jesu pachake ainge avasiyira muenzaniso wakanaka nokuti paakangobhabhatidzwa, akatanga kuparidza nezve“Umambo hwokumatenga.” (Mat. 4:17) Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vaitewo basa iroro. Akavaudza kuti: “Muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) VaKristu vepakutanga vainyatsoziva zvavaifanira kuita. Somuenzaniso, Pauro naBhanabhasi pavaiva muAndiyoki muPisidhiya, vakaudza vaJudha vaivapikisa kuti: “Zvakanga zvakakodzera kuti shoko raMwari ritange kutaurwa kwamuri. Zvamuri kurisundira kure uye muchizviti  hamuna kukodzerwa noupenyu husingaperi, tarirai! tava kutendeukira kune mamwe marudzi. Chokwadi, Jehovha akatirayira nemashoko aya, ‘Ndakakugadzai sechiedza chemamwe marudzi, kuti imi muve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika.’” (Mab. 13:14, 45-47) Kubva munguva yevaapostora, chikamu chepanyika chesangano raJehovha chave chichiudza vanhu nezveurongwa hwaMwari hwokuponesa vanhu.

VAKAWANDA VAKAPARARA, ASI VASHUMIRI VAMWARI VAKAPONA

14. Chii chakaitika kuJerusarema munguva yevaapostora, uye ndivanani vakapona?

14 VaJudha vakawanda havana kuteerera mashoko akanaka, uye kusateerera ikoko kwaizoita kuti vawirwe nedambudziko nokuti Jesu ainge anyevera vadzidzi vake kuti: “Pamunoona Jerusarema rakombwa nemauto akadzika misasa, panguva iyoyo zivai kuti rava kuda kuitwa dongo. Panguva iyoyo vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo, nevaya vari mukati maro ngavabude, uye vaya vari kumaruwa ngavarege kupinda mariri.” (Ruka 21:20, 21) Zvakataurwa naJesu zvakazoitika. Kupanduka kwainge kwaita vaJudha kwakaita kuti mauto eRoma achitungamirirwa naCestius Gallus, akombe Jerusarema muna 66 C.E. Zvisinei, mauto acho akangoerekana aenda uye izvozvo zvakapa vateveri vaJesu mukana wokubuda muJerusarema neJudhiya. Munyori wenhoroondo anonzi Eusebius akataura kuti vakawanda vakatiza ndokuyambuka Rwizi rwaJodhani vakananga kuPera yaiva muPereya. Muna 70 C.E., mauto eRoma akadzoka achitungamirirwa naTitus ndokuparadza Jerusarema. Asi vaKristu vakatendeka vakapona nokuti vakateerera nyevero yaJesu.

15. Vanhu vakawanda vakava vaKristu pasinei nechii?

15 Pasinei nokuoma kwezvinhu, kutambudzwa, nemimwewo miedzo yaisangana nevateveri vaKristu vepakutanga, vanhu vakawanda vakava vaKristu. (Mab. 11:19-21; 19:1, 19, 20) VaKristu ivavo vepakutanga vakabudirira pakunamata nemhaka yokuti vaikomborerwa naMwari.—Zvir. 10:22.

16. VaKristu vaifanira kuitei kuti varambe vakasimba pakunamata?

16 Kuti muKristu mumwe nemumwe arambe akasimba pakunamata, aitofanira kushanda nesimba. Aitofanira kunyatsodzidza Magwaro, kupinda misangano nguva dzose, uye kushingaira pakuparidza Umambo. Kuita izvozvo kwaiita kuti vanhu vaJehovha vasimbe pakunamata uye vabatane sezvazviri kungoitawo mazuva ano. Vaya vaiva muungano idzodzo dzepakutanga dzaiva dzakarongeka, vaibatsirwa chaizvo nekuzvipira uye kushanda nesimba kwaiita vatariri nevashumiri vanoshumira. (VaF. 1:1; 1 Pet. 5:1-4) VaKristu ivavo vaifanira kunge vaifara chaizvo ungano dzavo padzaishanyirwa nevatariri vanofambira vakadai saPauro. (Mab. 15:36, 40, 41) Zvinoshamisa chaizvo kuona kufanana kwakaita manamatiro evaKristu vepakutanga neatiri kuita mazuva ano. Chokwadi tinoonga chaizvo kuti Jehovha akaronga vashumiri vake vekare nevemazuva ano! *

17. Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

17 Nyika yaSatani zvayava kusvika kumugumo mumazuva ano ekupedzisira, chikamu chesangano raJehovha chepanyika chiri kuramba chichifambira mberi chaizvo. Uri kufambirana nacho here? Wave uchifambira mberi pakunamata here? Nyaya inotevera icharatidza kuti ungazviita sei.

^ ndima 16 Ona nyaya dzinoti “VaKristu Vanonamata Nomudzimu Nechokwadi” uye “Vanoramba Vachifamba Muchokwadi” dziri muNharireyomurindi yaJuly 15, 2002. Bhuku rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari rinokurukura zvakadzama nezvechikamu chepanyika chesangano raMwari chemazuva ano.