Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Kufambirana Nesangano raJehovha Here?

Uri Kufambirana Nesangano raJehovha Here?

“Maziso aJehovha ari pane vakarurama.”—1 PET. 3:12.

1. VaIsraeri pavakapanduka, Mwari akatanga kufarira sangano ripi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

JEHOVHA ndiye akatanga ungano yechiKristu mumazuva evaapostora uye ndiye akaitawo kuti kunamata kwakachena kutangazve mazuva ano. Sezvatakaona munyaya yakapfuura, Mwari akaramba vaIsraeri vekare nokuti vakapanduka uye akatanga kufarira sangano idzva revateveri vaKristu. Sangano iroro raidiwa naMwari rakapona pakaparadzwa Jerusarema muna 70 C.E. (Ruka 21:20, 21) Zvakaitika munguva yevaKristu vepakutanga ava zvakada kufanana nezvichaitika kuvashumiri vaJehovha vemazuva ano. Nyika yaSatani yava pedyo nokuguma, asi sangano raJehovha richapona. (2 Tim. 3:1) Tingava sei nechokwadi nazvo?

2. Jesu akati chii ‘nezvekutambudzika kukuru,’ uye kuchatanga sei?

2 Jesu akataura nezvekuvapo kwake kusingaoneki uye kuguma kwenyika ino achiti: “Pachava nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve.” (Mat. 24:3, 21) Kutambudzika kukuru uku kuchatanga Jehovha paachaparadza “Bhabhironi Guru,” mubatanidzwa wezvitendero zvenhema zvose, achishandisa  vezvematongerwo enyika. (Zvak. 17:3-5, 16) Chii chichabva chaitika?

KURWISA KWASATANI KUCHAITA KUTI AMAGEDHONI ITANGE

3. Chitendero chenhema pachichange chaparadzwa, vanhu vaJehovha vacharwiswa sei?

3 Kana chitendero chenhema chaparadzwa, Satani nenyika yake vacharwisa vashumiri vaJehovha. Somuenzaniso, Magwaro akagara ataura nezva“Gogi wenyika yeMagogi” kuti: “Uchapinda sezvinoita dutu. Uchava semakore anofukidza nyika, iwe nemapoka ako ose nemarudzi mazhinji auinawo.” Zvapupu zvaJehovha zvichaita sokuti hazvina anodzivirira nemhaka yokuti hazvina mauto uye zvinoda rugare. Asi vaya vanoda kuzviparadza vachange vaigochera pautsi!—Ezek. 38:1, 2, 9-12.

4, 5. Jehovha achaita sei vanhu vake pavacharwiswa?

4 Mwari achaita sei vanhu vake pavachange vava kurwiswa naSatani? Jehovha acharwira vanhu vake, achiratidza kuti ndiye Changamire wezvinhu zvose. Jehovha anoona kurwiswa kunoitwa vanhu vake sokuti ndiye anenge achitorwiswa. (Verenga Zekariya 2:8.) Saka Baba vedu vokudenga vachabva vapindira kuti vatinunure. Kununurwa kwacho kuchazonyatsopedziswa pachaparadzwa nyika yaSatani paAmagedhoni, “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.”—Zvak. 16:14, 16.

5 Bhaibheri rinotaura nezveAmagedhoni richiti: “‘Jehovha ane gakava nemarudzi. Iye achatonga vanhu vose. Vakaipa achavaisa kubakatwa,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Tarirai! Dambudziko riri kufamba richibva pane rumwe rudzi richienda kune rumwe rudzi, uye mhepo huru ine mvura ichamutswa kumativi ari kure kwazvo enyika. Vaya vachaurayiwa naJehovha vachavapo pazuva iroro kubvira kumugumo wenyika kusvikira kune mumwe mugumo wenyika. Havazochemwi, uyewo havazounganidzwi kana kuvigwa. Vachava somupfudze panyika.’” (Jer. 25:31-33) Nyika ino yakaipa ichaguma paAmagedhoni. Nyika yaSatani ichange isisipo, asi chikamu chepanyika chesangano raJehovha chichapona.

CHII CHIRI KUITA KUTI SANGANO RAJEHOVHA RIRAMBE RICHIKURA?

6, 7. (a) Vaya vanoumba “boka guru” vari kubvepi? (b) Kuwedzera kupi kwange kuchiitika musangano raMwari mumakore achangopfuura?

6 Sangano raMwari riri kuramba richikura nokuti rine vanhu vakarurama uye vanofarirwa naMwari. Bhaibheri rinoti: “Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuteterera kwavo.” (1 Pet. 3:12) “Vakarurama” ivavo vanosanganisira “boka guru revanhu” “vanobuda mukutambudzika kukuru.” (Zvak. 7:9, 14) Vanhu ava vachapona havasi kapoka asi ‘iboka guru’ rine vanhu vakawanda. Chimbofunga kuti uchanzwa sei kana ukapona ‘pakutambudzika kukuru?’

7 Boka guru iri rinoumbwa nevanhu vanobva mumarudzi ose. Basa rokuparidza ndiro riri kuita kuti pave nevanhu ava. Jesu paaitaura nezvechiratidzo chokuvapo kwake akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mat. 24:14) Mumazuva ano okupedzisira, iri ndiro basa rinonyanya kukosha riri kuitwa nesangano raMwari. Basa rokuparidza uye rokudzidzisa riri kuitwa munyika yose neZvapupu zvaJehovha riri kuita kuti mamiriyoni evanhu anamate Mwari “nomudzimu nechokwadi.” (Joh. 4:23, 24) Somuenzaniso, mumakore gumi adarika, kubva  mugore rebasa ra2003 kusvika 2012, vanhu vanopfuura 2 707 000 vakabhabhatidzwa vachiratidza kuti vainge vazvitsaurira kuna Mwari. Munyika yose mava neZvapupu zvinopfuura 7 900 000 uye kune mamiriyoni ari kubatana nazvo, kunyanya panguva yeChirangaridzo. Hatidadi nekuwanda kwevanhu, nokuti ‘Mwari ndiye anoramba achiita kuti zvikure.’ (1 VaK. 3:5-7) Asi zviri pachena kuti boka guru iri riri kuramba richiwedzera kukura gore negore.

8. Chii chiri kuita kuti sangano raJehovha rirambe richikura mazuva ano?

8 Vashumiri vaMwari vave vachiwedzera zvinoshamisa nokuti Jehovha pachake ari kuvatsigira. (Verenga Isaya 43:10-12.) Kuwedzera ikoko kwakagara kwataurwa mumashoko aya euprofita: “Muduku achava chiuru uye akadukupa achava rudzi rune simba. Ini Jehovha, ndichazvikurumidzisa panguva yazvo.” (Isa. 60:22) Pane imwe nguva vakazodzwa vaiva panyika vainge vakaita se“muduku,” asi nhamba yavo yakawedzera pakauya dzimwe nhengo dzaIsraeri waMwari. (VaG. 6:16) Sangano raJehovha riri kuwedzerawo nemhaka yokuunganidzwa kwave kuchiitwa boka guru.

JEHOVHA ANODA KUTI TIITEI?

9. Chii chatinofanira kuita kana tichida kuzova neramangwana rakanaka rinovimbiswa neShoko raMwari?

9 Pasinei nokuti takazodzwa here kana kuti tiri veboka guru, tinogona kuva neramangwana rakanaka sezvakavimbiswa neShoko raMwari. Asi kuti tive neramangwana rakadaro, tinofanira kuita zvinodiwa naJehovha. (Isa. 48:17, 18) Chimbofunga nezvevaIsraeri pavaiva pasi poMutemo waMosesi. Chimwe chinangwa choMutemo chaiva chokudzivirira vaIsraeri. Mutemo waivabatsira panyaya dzine chokuita nokuzvibata, bhizimisi, kurera vana, uye kubata vamwe zvakanaka, nezvimwewo zvakasiyana-siyana. (Eks. 20:14; Revh. 19:18, 35-37; Dheut. 6:6-9) Kuteerera mitemo yaMwari kunotibatsirawo uye hatimbooni sokuti kuita zvinodiwa naMwari kwakaoma. (Verenga 1 Johani 5:3.) Sezvaingoitikawo kuvaIsraeri, kuteerera mitemo yaJehovha Mwari hakungotidziviriri chete, asi kunoitawo kuti tive “nokutenda kune utano.”—Tito 1:13.

10. Nei tichifanira kuwana nguva yokudzidza Bhaibheri uye yokuva nemanheru oKunamata Kwemhuri vhiki nevhiki?

10 Chikamu chepanyika chesangano raJehovha chiri kufambira mberi pane zvakawanda. Somuenzaniso, kunzwisisa kwatinoita chokwadi cheBhaibheri kuri kuramba kuchijeka. Tinotarisira kuti kujeke nokuti “gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo.” (Zvir. 4:18) Asi tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndiri kufambirana nekugadziridzwa kuri kuitwa kunzwisisa kwatinoita chokwadi cheMagwaro here? Ndinoverenga Bhaibheri zuva nezuva here? Ndinofarira kuverenga mabhuku edu here? Ini nemhuri yangu tine manheru atinoita Kunamata Kwemhuri vhiki roga roga here?’ Vakawanda vedu tinobvuma kuti kuita zvose izvi hakuna kunyanya kuoma. Chinongodiwa chete kuronga kuti zvinhu izvi tozviita nguvai. Kutambudzika kukuru zvakwava pedyo chaizvo, zvava kunyanya kukosha kuti tiwane zivo yakarurama yeMagwaro toishandisa, uye tofambira mberi pakunamata.

11. VaIsraeri vaibatsirwa sei nemitambo yavaiita uye mazuva ano tinobatsirwawo sei nemisangano uye magungano?

11 Sangano raJehovha rinoda kuti zvinhu  zvitifambire zvakanaka parinotikurudzira kuteerera zano romuapostora Pauro rokuti: “Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.” (VaH. 10:24, 25) Kuungana kwaiita vaIsraeri uye mitambo yavaiita gore negore zvaivasimbisa pakunamata. Uyewo mitambo yakadai seMutambo Wematumba wakaitwa mumazuva aNehemiya, yaiita kuti vanhu vafare chaizvo. (Eks. 23:15, 16; Neh. 8:9-18) Misangano yedu nemagungano zvinotisimbisawo pakunamata uye zvinoitawo kuti tifare. Tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tibatsirwe neurongwa uhwu.—Tito 2:2.

12. Tinofanira kuona sei basa rokuparidza mashoko oUmambo?

12 Sezvo tiri musangano raMwari, tinofara kuita “basa dzvene remashoko akanaka aMwari.” (VaR. 15:16) Kuita “basa dzvene” iri kunoita kuti tive “vashandi pamwe chete” naJehovha “Mutsvene.” (1 VaK. 3:9; 1 Pet. 1:15) Kuparidza mashoko akanaka kunoita kuti zita dzvene raJehovha ritsveneswe. Uye kuzivisa “mashoko akanaka anokudzwa aMwari anofara,” iropafadzo yakakura chaizvo.—1 Tim. 1:11.

13. Tinofanira kuitei kana tichida kusimba pakunamata uye kuwana upenyu?

13 Mwari anoda kuti tirambe tiri pedyo naye uye titsigire sangano rake kuti tirambe takasimba pakunamata. Mosesi akaudza vaIsraeri kuti: “Ndinoshevedza matenga nenyika kuti zvikupupurirei nhasi, kuti ndaisa upenyu norufu pamberi penyu, uye chikomborero nokutukwa; naizvozvo sarudzai upenyu kuti murambe muri vapenyu, imi nevana venyu, nokuda Jehovha Mwari wenyu, nokuteerera inzwi rake uye nokunamatira kwaari; nokuti iye ndiye upenyu hwenyu nokuwanzwa kwemazuva enyu, kuti mugare panyika yakapikirwa naJehovha kuti achapa madzitateguru enyu Abrahamu, Isaka naJakobho.” (Dheut. 30:19, 20) Kana tichida upenyu tinofanira kuita kuda kwaJehovha, tinofanira kumuda, kumuteerera uye kuramba tiri pedyo naye.

14. Imwe hama yaiona sei chikamu chepanyika chesangano raMwari?

14 Hama Pryce Hughes, avo vakadzidza chokwadi gore ra1914 rava kuda kusvika, vakaramba vakavimbika kuna Jehovha nesangano rake muupenyu hwavo hwose. Pavaitaura nhoroondo yeupenyu hwavo, vakati chidzidzo chinonyanya kukosha chavakawana muupenyu chaiva chokuti vaifanira kuramba vari pedyo nesangano raJehovha kwete kuvimba nezvinofungwa nevanhu. Izvozvo zvakavabatsira kutsungirira miedzo muupenyu hwavo hwose. Hama Hughes vakataura kuti nzira imwe chete yokuti munhu afarirwe naJehovha ndeyokugara achitevedzera zvinotaurwa nesangano rake.

RAMBA UCHIFAMBIRANA NESANGANO RAMWARI

15. Taura muenzaniso womuMagwaro unoratidza maonero atinofanira kuita kugadziridzwa kunenge kwaitwa kunzwisisa kwatinoita Bhaibheri.

15 Kana tichida kuti Jehovha atifarire uye atikomborere, tinofanira kutsigira sangano rake uye kubvuma kugadziridzwa kunenge kwaitwa manzwisisiro atinoita Magwaro. Funga izvi: Pashure pokunge Jesu afa, kwaiva nezviuru zvevaKristu vechiJudha vaishingaira kuchengeta Mutemo uye vaiomerwa nokuusiya. (Mab. 21:17-20) Zvisinei, vakabatsirwa netsamba yaPauro yaakanyorera vaHebheru kuti vabvume kuti vainge vasina kutsveneswa nezvibayiro “zvinopiwa maererano noMutemo,” asi “nokupiwa kwomuviri  waJesu Kristu kamwe chete zvachose.” (VaH. 10:5-10) Zviri pachena kuti vaKristu ivavo vakagadzirisa mafungiro avo uye vakafambira mberi mune zvokunamata. Kana manzwisisiro atinoita Shoko raMwari agadziridzwa kana kuti maitiro atinoita basa rokuparidza achinja, isuwo tinofanira kubvuma kuchinja ikoko uye tinofanira kushingaira kudzidza Bhaibheri nemabhuku edu.

16. (a) Makomborero api achaita kuti upenyu munyika itsva hufadze? (b) Chikomborero chipi chaunotarisira kuzowana munyika itsva?

16 Jehovha achakomborera vose vanoramba vakavimbika kwaari uye kusangano rake. Vakazodzwa vakatendeka vachawana ropafadzo yokutonga pamwe chete naKristu kudenga. (VaR. 8:16, 17) Kana tiine tariro yokurarama panyika, fungidzira kuti tichanakidzwa sei noupenyu muParadhiso. Sezvo tiri chikamu chesangano raJehovha, iye zvino tinofara chaizvo kuudza vamwe nezvenyika itsva yaMwari! (2 Pet. 3:13) Pisarema 37:11 rinoti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.” Vanhu “vachavaka dzimba vogaramo” uye vachafadzwa ne“basa remaoko avo.” (Isa. 65:21, 22) Pachange pasisina udzvinyiriri, urombo uye nzara. (Pis. 72:13-16) Bhabhironi Guru harizonyengeri kana ani zvake nokuti rinenge risisipo. (Zvak. 18:8, 21) Vakafa vachamutswa uye vachava nemukana wokurarama nokusingaperi. (Isa. 25:8; Mab. 24:15) Chokwadi mamiriyoni evanhu vakazvitsaurira kuna Jehovha ane zvinhu zvakanaka zvaanotarisira! Kuti tive nechokwadi chokuti tichaonawo vimbiso idzodzo dzomuMagwaro dzichizadziswa, tinofanira kuramba tichifambira mberi pakunamata, tichifambirana nesangano raMwari.

Unozviona uri muParadhiso here? (Ona ndima 16)

17. Tinofanira kuona sei sangano raJehovha uye urongwa hwokumunamata?

17 Zvatava kumugumo wenyika ino, ngatirambei tiine kutenda kwakasimba uye ngatiratidzei kuti tinoonga chaizvo urongwa hwaMwari hwokuti timunamate. Aya ndiwo mafungiro aiva nemunyori wepisarema Dhavhidhi uyo akaimba kuti: “Chinhu chimwe chete chandakakumbira Jehovha—ndicho chandichatsvaka, kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ose oupenyu hwangu, kuti ndione kufadza kwaJehovha uye kuti nditarire temberi yake ndichionga.” (Pis. 27:4) Dai mumwe nomumwe wedu akaramba ari pedyo naMwari, achifambirana nevanhu vake uye achifambirana nesangano raJehovha.