Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Itira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo Paunenge Uchiparidza

Itira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo Paunenge Uchiparidza

“Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”—MAT. 7:12.

1. Kubata vanhu zvakanaka muushumiri kunobatsira here? Taura muenzaniso. (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

MAKORE mashoma apfuura, imwe hama nomudzimai wayo vokuFiji vaiva muushumiri vachikoka vanhu kuChirangaridzo chorufu rwaKristu. Pavaikurukura nomumwe mukadzi vari panze, kwakabva kwatanga kunaya. Hama iyi yakapa mukadzi uyu amburera, ikabva yafuka imwe amburera nomudzimai wayo. Vakafara chaizvo pavakazoona mukadzi uyu auya kuChirangaridzo. Mukadzi uyu akataura kuti akanga asiri kuyeuka zvose zvakataurwa neZvapupu zvainge zvamushanyira. Asi akabayiwa mwoyo nemabatirwo aakaitwa zvokuti akanzwa achida kuuya kuChirangaridzo. Chii chakabatsira kuti zvose izvi zviitike? Murume nomukadzi ava vakanga vashandisa zano raJesu rokuti tiitire vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo.

2. Jesu akapa zano rokuti chii, uye tingarishandisa sei?

2 Jesu akati: “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Mat. 7:12) Tingashandisa sei zano rake? Nokuita zvinhu zviviri zvinotevera. Chokutanga, tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Kudai ndirini, ndaizoda kubatwa sei?’ Zvadaro, tinofanira kuedza nepatinogona napo kuitira munhu wacho zvataizoda kuti atiitirewo.—1 VaK. 10:24.

3, 4. (a) Tsanangura kuti nei zano raJesu rokuti tiitire vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo risingangoshandi kune vatinonamata navo chete. (b) Tichakurukurei munyaya ino?

 3 Zano raJesu rokuitira vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo tinowanzorishandisa kune vatinonamata navo. Asi Jesu haana kuti zano iroro rinongoshanda kune vatinonamata navo chete. Jesu paakataura zano iri, aitaura nezvemabatiro atinofanira kuita munhu wose kusanganisira vavengi vedu. (Verenga Ruka 6:27, 28, 31, 35.) Kana tichifanira kushandisa zano iri kuvavengi vedu, hatitofaniri here kunyanya kurishandisa kune vatinoparidzira nokuti vakawanda vacho vangangova “nemafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi”!—Mab. 13:48.

4 Iye zvino tichakurukura mibvunzo mina yatinofanira kufunga nezvayo patinenge tiri muushumiri. Mibvunzo yacho ndeiyi: Ndiani wandiri kuparidzira? Ndiri kumuparidzira kupi? Inguva ipi yakanyanya kunaka kuti ndishanyire vanhu? Ndinofanira kutanga kukurukura navo sei? Sezvatichaona, mibvunzo iyi inogona kutibatsira kufunga nezvemanzwiro evanhu vatinoparidzira uye kuti tokurukura navo sei.—1 VaK. 9:19-23.

NDIANI WANDIRI KUPARIDZIRA?

5. Mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

5 Patinenge tiri muushumiri, tinotaura nevanhu vakasiyana-siyana. Mumwe nomumwe anobva kwakasiyana nemumwe uye anewo matambudziko ake. (2 Mak. 6:29) Paunenge uchida kuudza munhu mashoko akanaka, zvibvunze kuti: ‘Kudai ndirini ndiri kuparidzirwa, ndaizoda kuti munhu uyu andione sei? Ndaizofara here kudai munhu uyu aizondiona semunhuwo zvake anongogarawo munzvimbo iyoyo? Kana kuti ndaizoda kuti anyatsondiziva?’ Kufunga nezvemibvunzo iyi kunogona kutibatsira kuti tibate munhu mumwe nomumwe maererano nezvaari.

6, 7. Tinofanira kuita sei kana tikasangana nemunhu anotiitira hasha muushumiri?

6 Hapana munhu anoda kupiwa mbiri yakashata. Somuenzaniso, sevaKristu tinoedza zvose zvatinogona kushandisa zano reBhaibheri rokuti titaure “nenyasha nguva dzose.” (VaK. 4:6) Asi chivi chatinacho chinoita kuti dzimwe nguva titaure zvinhu zvatinozodemba. (Jak. 3:2) Kana tikataura mashoko asina kunaka kune mumwe munhu, zvichida nemhaka yokuti zvinhu zvange zvisina kutimirira zvakanaka zuva iroro, hatingadi kutopiwa mbiri yokuti hatina unhu kana kuti hatina mukanwa. Taizotarisira kuti munhu wacho anzwisise. Hatifaniriwo here kunzwisisa vamwe saizvozvo?

7 Kana ukasangana nemunhu anokuitira hasha muushumiri, zvingasava zvakanaka here kufunga kuti zvimwe pane chiri kumunetsa? Angava here nezvamuvhiringa kubasa kana kuti kuchikoro? Kuti ari kurwara here? Kune vanhu vakawanda vakamboratidza hasha pavakaparidzirwa asi vakapedzisira vabvuma mashoko akanaka pavakabatwa nounyoro noruremekedzo nevashumiri vaJehovha.—Zvir. 15:1; 1 Pet. 3:15.

8. Nei tisingafaniri kurega kuudza “vanhu vemarudzi ose” mashoko oUmambo?

8 Tinoparidzira vanhu vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Somuenzaniso, mumakore mashoma apfuura, nyaya dzinopfuura 60 dzakabudiswa muNharireyomurindi pachikamu chinoti: “Bhaibheri Rinochinja Upenyu.” Vamwe vanhu vanotaurwa munyaya idzi vaiva mbavha, zvidhakwa kana kuti vainge vakapindwa muropa nezvinodhaka. Vamwe vaiita zvematongerwo enyika, vamwe vaiva vafundisi uye vamwe vaiita unzenza. Asi vose vakanzwa mashoko akanaka, uye  vakabvuma kudzidza Bhaibheri ndokuchinja mararamiro avo vakava Zvapupu. Saka hatifaniri kufunga kuti vamwe vanhu havakwanisi kubatsirwa nemashoko oUmambo. (Verenga 1 VaKorinde 6:9-11.) “Vanhu vemarudzi ose” vanogona kuteerera mashoko akanaka.—1 VaK. 9:22.

NDIRI KUPARIDZIRA KUPI?

9. Nei tichifanira kuremekedza misha yevamwe?

9 Tinowanzoparidzira vanhu padzimba dzavo. (Mat. 10:11-13) Tinotarisira kuti vanhu varemekedze musha wedu uye zvinhu zvedu. Musha wedu tinoukoshesa chaizvo. Tinoda kunzwa takachengeteka uye hatidi kuti vanhu vangoita zvavanoda pamba pedu. Tinofanirawo kuremekedza vavakidzani vedu. Saka patinenge tichiparidza paimba neimba, tinofanira kuratidza ruremekedzo irworwo nezvatinoita kana tiri pamisha yavo.Mab. 5:42.

10. Tingaitei kuti vanhu vasatigumbukira patinenge tiri muushumiri?

10 Mazuva ano munyika mazara matsotsi, saka vanhu vakawanda vanofungira zvakaipa vanhu vavasingazivi. (2 Tim. 3:1-5) Hatifaniriwo kuita zvinhu zvinoita kuti vanhu vatifungire zvakaipa. Somuenzaniso, ngatitii tasvika pamba togogodza pasuo. Kana pasina adavira, tingafunga zvokudongorera nepahwindo kana kuti kufamba tichitenderera imba tichitsvaka vanhu. Kuita izvozvo mundima yenyu kungagumbura muridzi wemba here? Vavakidzani vake vangafungei? Ichokwadi kuti hatifaniri kusiya mumwe munhu patinenge tichiparidza. (Mab. 10:42) Tinoda chaizvo kuudza vanhu mashoko akanaka uye hatina zvimwe zvinhu zvakaipa zvatinenge tichida kuita. (VaR. 1:14, 15) Asi hatidi kuita zvinhu zvingaita kuti vanhu vomundima yedu vagumbuke. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Hatimbopi chero chikonzero chipi zvacho chokugumbuka, kuti ushumiri hwedu hurege kuwanirwa mhosva.” (2 VaK. 6:3) Kana tikaremekedza misha yevanhu vari mundima yedu, zvingaita kuti vade chokwadi.—Verenga 1 Petro 2:12.

Nguva dzose ngatiremekedzei musha wasaimba uye zvinhu zvake (Ona ndima 10)

INGUVA IPI YANDIRI KUNOPARIDZIRA VANHU?

11. Nei tisingadi kuti vanhu vatidyire nguva?

11 SevaKristu, vakawanda vedu takabatikana chaizvo. Kuti tikwanise kupedza zvose zvatinofanira kuita, tinogara tanyatsoronga zvinhu zvedu. (VaEf. 5:16; VaF. 1:10) Kana chimwe chinhu chikativhiringidza, tingarwadziwa chaizvo. Saka hatidi kuti vanhu vativhiringidze uye tinoda kuti kana vakatishanyira varatidze kunzwisisa nokusatidyira nguva yedu yakawanda. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza vanhu vatinoparidzira tichifunga nezvezano raJesu rokuti tiitire vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo?

12. Tingaziva sei nguva yakanaka yokuparidzira vanhu vari mundima yedu?

12 Tinofanira kutsvaka kuti inguva ipi yakanyanya kunaka kuti tinoparidzira vanhu. Mundima yedu, vanhu vanowanzova pamba nguva ipi? Inguva ipi yavangada kuteerera mashoko edu? Zvakanaka kuti tigadzirise purogiramu yedu kuti tiende kunovaona panguva idzodzo. Mune dzimwe nzvimbo, vanhu vanowanzoda kuteerera mashoko edu kana tikavashanyira nguva dzemanheru. Kana vanhu vekwaunogara vachiwanika nguva idzodzo, unogona here kuronga kumboitawo basa repaimba neimba manheru? (Verenga 1 VaKorinde 10:24.) Kana tikazvipira kushanyira vanhu vari mundima yedu panguva yakavanakira, Jehovha achatikomborera.

13. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza vanhu vatinoparidzira?

13 Zvii zvimwe zvatingaita kuti tiratidze kuti tinoremekedza munhu watinenge tichiparidzira? Kana tikaona munhu anofarira, tinofanira kupa uchapupu  hwakanaka asi hatifaniri kugarisa. Anogona kunge aine zvimwe zvinhu zvinokosha zvaanga achida kuita. Kana akataura kuti akabatikana, tinogona kumuudza kuti tichangotaura zvishoma uye hatifaniriwo kuzotaura zvakawanda. (Mat. 5:37) Patinenge tava kupedza kukurukura, zvakanaka kumubvunza kuti angazoda kuti timuone zvekare riini. Vamwe vaparidzi vakaona zvichibatsira kutaura kuti: “Ndingada kuzokuonai zvekare. Zvinoita here kuti nditange ndakufonerai kana kuti ndakutumirai meseji ndisati ndauya?” Kana tikachinja purogiramu yedu kuti tikwanise kuona vanhu vari mundima yedu, tinenge tichitevedzera muenzaniso waPauro uyo akanga ‘asingatsvaki zvinomubatsira asi zvinobatsira vazhinji, kuti vaponeswe.’—1 VaK. 10:33.

NDINOFANIRA KUTANGA KUKURUKURA SEI NEVANHU?

14-16. (a) Nei tichifanira kuita kuti saimba azive zvatafambira? Taura muenzaniso. (b) Mumwe mutariri anofambira akaona kuti inzira ipi inobudirira yokutanga kukurukura nevanhu?

14 Ngatitii wadavira foni asi wotadza kuziva munhu wauri kutaura naye. Munhu wacho anokubvunza kuti unofarira zvokudya zvakaita sei. Unonetseka kuti munhu wacho ndiani uye kuti ari kumbodei. Zvimwe ungati taurei naye zvishoma asi ungamuratidza kuti hausi kuda kuramba uchitaura naye. Asi ngatitii munhu wacho anofona otaura zita rake uye okuudza kuti anoita basa rokubatsira vanhu kuti vazive zvokudya zvinopa utano uye anokuudza kuti ane mashoko angangokubatsira chaizvo. Zvimwe waizomuteerera. Chokwadi  tinofara kana munhu akataura zita rake paanotanga kutaura nesu. Tingaratidzawo sei tsika dzakanaka saizvozvo patinenge tiri muushumiri?

15 Munzvimbo dzakawanda, tinofanira kutanga taudza munhu zvatafambira. Ichokwadi kuti patinenge tiri muushumiri tinenge tiine mashoko anokosha atinoda kuudza saimba. Asi ngatitii hatina kutaura kuti ndisu vanaani uye tiri kudei, tongoerekana tamubvunza kuti: “Kudai maizokwanisa kubvisa matambudziko ari munyika, maizotanga nokubvisa ripi?” Tinoziva kuti patinobvunza mubvunzo iwoyo tinenge tichida kuziva zvinofungwa nemunhu tobva tazotaura zviri muBhaibheri. Asi saimba anganetseka kuti: ‘Munhu uyu ndiani uye ari kundibvunzirei mubvunzo iwoyo? Ari kumboita nezvei?’ Saka tinofanira kuita kuti saimba asanetseka. (VaF. 2:3, 4) Tingazviita sei?

16 Mumwe mutariri anofambira akaona kuti kushandisa nzira inotevera kunobatsira. Pashure pokunge akwazisana nasaimba, anobva amupa turakiti raUngada Here Kuziva Chokwadi? obva ati: “Tiri kupa munhu wose womunzvimbo ino turakiti iri. Rinopindura mibvunzo mitanhatu inobvunzwa nevanhu vakawanda. Renyuwo iri.” Hama iyi inotaura kuti vanhu vakawanda vanoti sunungukei pavanoziva kuti tavingei. Kana saimba akanzwa asununguka, kazhinji zviri nyore kuti mukurukurirane. Mutariri anofambira uyu anobva abvunza munhu wacho kuti: “Pamibvunzo iyi pane wamakambofunga nezvawo here?” Kana saimba akasarudza mubvunzo waari kuda, hama iyi inovhura turakiti racho yokurukura naye zvinotaurwa neBhaibheri pamubvunzo wacho. Kana akasasarudza mubvunzo, hama iyi inobva yamusarudzira yokurukura naye isingamubvunzi mibvunzo yokumuomesera. Ichokwadi kuti pane nzira dzakawanda dzokutanga kukurukura nemunhu. Mune dzimwe nzvimbo, saimba angatarisira kuti titange tambotevedzera dzimwe tsika tisati tataura zvatafambira. Saka zvinongoda kuti tiite kuti mharidzo yedu ienderane netsika dzevanhu vomunzvimbo yedu.

RAMBA UCHIITIRA VAMWE ZVAUNODA KUTI VAKUITIREWO PAUNENGE UCHIPARIDZA

17. Sezvakurukurwa munyaya ino, tingaitira sei vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo?

17 Saka ndedzipi nzira dzatingaitira vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo patinenge tiri muushumiri? Tinobata saimba mumwe nomumwe maererano nezvaari. Tinoratidza kuti tinoremekedza musha wasaimba uye zvinhu zvake. Tinoedza kuita ushumiri panguva ingangowanikwa vanhu pamba uye yavangangoda kuteerera. Uye tinotanga kukurukura nevanhu tichitevedzera tsika dzomunzvimbo iyoyo.

18. Kuitira vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo patinenge tiri muushumiri kunobatsirei?

18 Kuitira vanhu vari mundima yedu zvatinoda kuti vatiitirewo kunobatsira. Kana tikaratidza mutsa uye kunzwisisa, tinenge tichiita kuti chiedza chedu chipenye, tichiita kuti vanhu vaone kuti kushandisa mazano eBhaibheri kunobatsira uye tinenge tichiita kuti Baba vedu vokudenga vakudzwe. (Mat. 5:16) Matangiro atinoita kukurukura nevanhu anogona kuita kuti vade chokwadi. (1 Tim. 4:16) Pasinei nokuti vanhu vatinoparidzira vagamuchira mashoko oUmambo here kana kuti kwete, tinogutsikana nokuziva kuti tiri kuita zvose zvatinokwanisa kuti tiite ushumiri hwedu zvizere. (2 Tim. 4:5) Dai mumwe nomumwe wedu akatevedzera muapostora Pauro, uyo akanyora kuti: “Ndinoita zvinhu zvose nokuda kwemashoko akanaka, kuti ndiagoverane navo.” (1 VaK. 9:23) Kuti tiite izvozvo, ngatigarei tichiitira vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo.