Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Zvokudya Zvangu Ndiko Kuita Kuda kwaMwari’

‘Zvokudya Zvangu Ndiko Kuita Kuda kwaMwari’

Chii chinoita kuti ufare chaizvo? Kuroora here, kuva nevana here, kana kuti kuva neshamwari? Hapana mubvunzo kuti unofadzwa nokudya pamwe chete nehama neshamwari. Asi sevashumiri vaJehovha, tinotonyanya kunakidzwa nokuita kuda kwaMwari, kudzidza Shoko rake uye kuparidza mashoko akanaka.

Mambo Dhavhidhi akaimbira Musiki, kuti: “Ndakafarira kuita zvamunoda, haiwa Mwari wangu, mutemo wenyu uri mukati mangu.” (Pis. 40:8) Pasinei nematambudziko aaisangana nawo, Dhavhidhi ainyatsofarira kuita kuda kwaMwari. Dhavhidhi handiye oga munamati waJehovha aifarira kushumira Mwari wechokwadi.

Muapostora Pauro akaratidza kuti mashoko ari pana Pisarema 40:8 aishanda kuna Mesiya kana kuti Kristu paakanyora kuti: “Paanouya [Jesu] munyika iye anoti: ‘“Hamuna kuda chibayiro nechinopiwa, asi makandigadzirira muviri. Hamuna kubvumira zvinopiwa zvinopiswa zvakakwana nechinopiwa chechivi.” Ndakabva ndati, “Tarirai! Ndauya (mumupumburu webhuku makanyorwa nezvangu) kuzoita zvamunoda, haiwa Mwari.”’”—VaH. 10:5-7.

Jesu paaiva panyika aifadzwa nokuona zvinhu zvakasikwa, kuva neshamwari uye kudya nevamwe. (Mat. 6:26-29; Joh. 2:1, 2; 12:1, 2) Asi ainyanya kufarira kuita kuda kwaBaba vake vokudenga. Jesu akatotaura kuti: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.” (Joh. 4:34; 6:38) Vadzidzi vaJesu vakadzidza kubva kuna Tenzi wavo kuti kana munhu achida kunyatsofara angaitei. Kuudza vamwe mashoko oUmambo kwaiita kuti vawane mufaro.—Ruka 10:1, 8, 9, 17.

‘ENDAI MUNOITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI’

Jesu akarayira vateveri vake kuti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai. Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 28:19, 20) Basa iri rinosanganisira kuparidzira vanhu kwose kwavanowanika, kudzokera kunoona vanenge vafarira, uye kuvadzidzisa Bhaibheri. Kuita basa iri kunoita kuti tifare chaizvo.

Kuda vanhu kunoita kuti tirambe tichiparidza pasinei nokuti havafariri

 Pasinei nokuti vanhu vanofarira mashoko edu kana kuti havafariri, mafungiro edu anobatsira chaizvo kuti tiwane mufaro muushumiri. Nei tichiramba tichiparidza mashoko akanaka kunyange zvazvo tichimbosangana nevanhu vasingafariri? Nokuti tinoziva kuti kuita basa rokuparidza Umambo uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi kunoratidza kuti tinoda Mwari uye vavakidzani vedu. Upenyu hwedu nehwevavakidzani vedu huri pangozi. (Ezek. 3:17-21; 1 Tim. 4:16) Ngatimbokurukurai zvimwe zvakabatsira hama dzedu dzakawanda kuti dzirambe dzichishingaira muushumiri mundima dzakaoma.

SHANDISA MUKANA WOSE

Kushandisa mibvunzo yakakodzera patinenge tiri muushumiri kunobatsira chaizvo. Rimwe zuva ari mangwanani, Amalia akaona mumwe murume akagara mupaki achiverenga pepanhau. Amalia akaenda paiva nemurume uyu akamubvunza kana paiva nemashoko anofadza aainge averenga. Murume uyu paakati paiva pasina, Amalia akabva ati, “Ndakuvigirai mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.” Izvi zvakaita kuti murume wacho afarire uye akabvuma kudzidza Bhaibheri. Amalia akatotanga kudzidza Bhaibheri nevanhu vatatu mupaki yacho.

Janice anoparidzira kubasa kwake. Mumwe gadhi nemumwe waanoshanda naye paakafarira imwe nyaya yaiva muNharireyomurindi, Janice akati aizogara achivaunzira magazini. Mumwe waanoshanda naye akanakidzwa nenyaya dzakasiyana-siyana dzaiva muNharireyomurindi neMukai! zvokuti Janice akamuvimbisa kuti aizogara achimuunzirawo magazini. Izvi zvakaita kuti mumwezve waaishanda naye akumbirewo magazini. Janice anoti: “Chokwadi ichi chikomborero chinobva kuna Jehovha!” Akapedzisira ava nevanhu 11 vokubasa kwake vaaigara achiendesera magazini.

USANETA KUDZOKERA KUNE VANOFARIRA

Mumwe mutariri anofambira akaudza vaparidzi kuti pavanenge vapedza kukurukura nasaimba vasangoti tichazodzoka rimwe zuva. Asi akavakurudzira kubvunza saimba kuti: “Munoda here kuti ndikuratidzei kuti tinodzidza sei Bhaibheri nevamwe?” kana kuti, “Izuva ripi nenguva zvamunoda kuti ndizodzoka kuti tizokurukura zvakare?” Mutariri anofambira uyu akataura kuti hama nehanzvadzi dzomune imwe ungano yaakashanyira dzakatanga kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri 44 muvhiki imwe chete dzichishandisa nzira iyi.

Kukurumidza kudzokera kunoona vanenge vafarira pashure pemazuva mashoma kunobatsira chaizvo. Nei? Nokuti kuita izvozvo kunoratidza kuti tinoda chaizvo kubatsira vanhu vanoda chokwadi kuti vanzwisise Bhaibheri. Mumwe mukadzi paakabvunzwa kuti nei akabvuma kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, akati: “Ndakatanga kudzidza nokuti ndakaona kuti vanhu vacho vaindifarira uye vaiva nehanya neni.”

Unogona kubvunza saimba kuti, “Munoda here kuti ndikuratidzei kuti tinodzidza sei Bhaibheri nevamwe?”

 Pasina nguva Madaí apinda Chikoro Chebasa Roupiyona, akanga ava kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri 15 uye zvimwe zvishanu akazvipawo kune vamwe vaparidzi. Vakawanda vaaidzidza navo vakatanga kupinda misangano nguva dzose. Chii chakabatsira Madaí kuti atange kudzidza nevanhu vakawanda kudaro? Chikoro chacho chainge chamubatsira kuona kuti zvinokosha kuramba uchidzokera kusvikira wawana vaya vakaratidza kufarira pawakashanya kokutanga. Chimwe Chapupu chakabatsira vanhu vakawanda kudzidza chokwadi cheBhaibheri chakati, “Ndakadzidza kuti zvinokosha chaizvo kuramba uchidzokera kunoona vanhu vanenge vafarira kuti uvabatsire kuziva Jehovha.”

Kukurumidza kudzokera kunoona vaya vanoda kudzidza Bhaibheri kunoratidza kuti tinovafarira

Zvinoda kushanda nesimba kudzokera kunoona vanhu vanofarira uye kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Asi mibayiro yacho mikuru. Kana tikashanda nesimba mubasa rokuparidza Umambo, tinogona kubatsira vamwe kuti “vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi,” uye izvozvo zvinogona kuita kuti vaponeswe. (1 Tim. 2:3, 4) Isuwo tichagutsikana uye tichawana mufaro mukuru.