Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tingabatsira Sei Watinonamata Naye Akarambana Nemumwe Wake?

Tingabatsira Sei Watinonamata Naye Akarambana Nemumwe Wake?

Zvimwe une vanhu vaunoziva vakarambana nevavainge vakaroorana navo. Izvozvo zvinodaro nokuti mazuva ano vanhu vakawanda vava kungorambana-rambana. Somuenzaniso, imwe ongororo yakaitwa kuPoland yakaratidza kuti vanhu vane makore 30 vave vari muwanano kwemakore anotangira pamatatu kusvika kumatanhatu, vanogona kurambana uye vanhu vezera iroro handivo chete vanorambana.

Rimwe sangano rinonzi Institute for Family Policy rokuSpain rinoti “ongororo yakaitwa inoratidza kuti hafu yevanhu vanochata [muEurope] inorambana.” Izvi ndizvo zviri kuitikawo mune dzimwe nyika dzakasimukira.

MANZWIRO AKASIYANA-SIYANA AVANOEREKANA VAVA NAWO

Ndezvipi zvimwe zvinoitika kana vanhu varambana? Mumwe anopa mazano vakaroorana ari kuEastern Europe akati: “Vanhu pavanozodimbura muchato, vanenge vatova nenguva vasisadanani uye vasisagari vose izvo zviri zvinhu zvinorwadza chaizvo.” Akawedzerawo kuti kazhinji vanopedzisira vava “kunzwa hasha, kuzvidemba, kugumbuka, kushaya tariro uye kunyara.” Dzimwe nguva izvi zvinowanzoita kuti munhu apedzisire ava kuda kuzviuraya. “Kana muchato wadimburwa nedare redzimhosva, munhu anotanga kunetseka zvakanyanya. Anotanga kufunga kuti: ‘Ndichiri munhu here ini. Ndichiri kuraramirei?’”

Achiyeuka manzwiro aaiita, Ewa anoti: “Ndainyara chaizvo pashure pokunge tarambana, nokuti vavakidzani vangu uye vandaishanda navo vaindishevedza kuti ‘mukadzi wokurambana nemurume.’ Ndainzwa hasha chaizvo. Ndakasiyirwa vana vaduku vaviri uye ndainge ndava amai uye baba vavo.” * Adam uyo aishumira semukuru airemekedzwa chaizvo kwemakore 12 akati: “Ndinozviona sendisingabatsiri zvokuti dzimwe nguva ndinonzwa hasha uye ndinombopindwa nepfungwa yokuda kunogara kwangu ndega.”

DAMBUDZIKO ROKUFUNGA KUTI VAMWE HAVAKUFARIRI

Vamwe vanoramba vachinetseka chaizvo nezveramangwana ravo kunyange papfuura makore varambana. Vangafunga kuti vamwe vanhu havachavafariri. Mumwe anonyora nyaya mupepanhau anotiwo vanhu ivavo vanenge vava kufanira “kuchinja maitiro avo uye kudzidza kuti vangagadzirisa sei voga matambudziko avo.”

Stanisław anoti: “Patakarambana nemudzimai wangu, aisada kuti ndione vanasikana vangu vaviri. Izvi zvakaita kuti ndinzwe sokuti vanhu vose vainge vasingachandidi uye kuti kunyange Jehovha ainge andisiya. Ndaingoti dai ndafa hangu.  Nokufamba kwenguva, ndakazoona kuti mafungiro angu ainge asina kunaka.” Mumwe mukadzi anonzi Wanda akarambana nemurume, aimbonetsekawo kuti zvinhu zvichamumirira sei mune remangwana. Anoti: “Ndaifunga kuti nokufamba kwenguva, vanhu, kusanganisira vandinonamata navo, vaisazotifarira ini nevana vangu. Asi kutaura chokwadi hama dzakaisa misoro pamwe chete kuti dzindibatsire kurera vana vangu kuti vave vanamati vaJehovha.”

Mashoko akataurwa nevanhu ava anoratidza kuti vamwe vanonetseka chaizvo pashure pokurambana. Vangatanga kuzvitarisira pasi vachifunga kuti havakoshi uye havakodzeri kudiwa. Vangatangawo kufungira vamwe zvisina kunaka. Izvi zvinoita kuti vatange kuona sokuti vanhu vari muungano havana ushamwari uye havana tsitsi. Asi zvakaitika kuna Stanisław naWanda zvinoratidza kuti vanhu vakaramba vanogona kupedzisira vava kuona kuti hama nehanzvadzi dzavo dzine hanya navo chaizvo. Chokwadi ndechokuti vatinonamata navo vanonyatsoratidza kuti vanoda vamwe kunyange pakutanga zvichiita sokuti havana zvavari kuita.

KUSURUKIRWA UYE KUNZWA SOKUTI VANHU HAVACHAKUDI

Ziva kuti pasinei nokuti tabatsira zvakadini vanhu vakarambana, dzimwe nguva vanombonzwa kusurukirwa. Kazhinji vanhukadzi ndivo vanova nedambudziko rokufunga kuti vamwe havavafariri. Alicja anoti: “Pava nemakore masere tarambana nemurume wangu. Asi dzimwe nguva ndinombonzwa sokuti handikoshi. Panguva dzakadaro ndinowanzoenda pangu ndega ndochema uye ndinotanga kuzvitarisira pasi.”

Manzwiro ataurwa pano anowanzoitika kune vanhu vanenge varambana, asi Bhaibheri rinopa zano rokuti tisazviparadzanisa nevamwe. Kana tikasateerera zano iri tinenge tichiramba “uchenjeri hwose hunobatsira.” (Zvir. 18:1) Asi kana ari kusurukirwa wacho ari munhukadzi anofanira kungwarira kuti asaramba achingotsvaka mazano uye kunyaradzwa nemunhu wechirume uye izvozvo zvinoshandawo kumunhurume. Izvi zvinobatsira kuti vasazopedzisira vaita unzenza.

VaKristu vanenge varambana nevavakaroorana navo vanogona kunetseka nezveramangwana uye kunzwa kusurukirwa kana kuti kuona sokuti vanhu havachavafariri. Kuziva kuti vanhu vakawanda vanonetseka nemanzwiro akadaro uye kuti haasi nyore kukunda, kunofanira kuita kuti tibatsire hama nehanzvadzi idzodzo tichitevedzera Jehovha. (Pis. 55:22; 1 Pet. 5:6, 7) Tinogona kuva nechokwadi chokuti vachaonga chaizvo rubatsiro rwatichavapa. Chokwadi vachawana rubatsiro muungano kubva kushamwari dzechokwadi!—Zvir. 17:17; 18:24.

^ ndima 6 Mamwe mazita akachinjwa.