Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Batsira Vamwe Kuti Vaite Zvakawanda Muungano

Batsira Vamwe Kuti Vaite Zvakawanda Muungano

“Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.”—PIS. 32:8.

1, 2. Jehovha anoona sei vashumiri vake vepanyika?

VABEREKI pavanotarisa vana vavo vachitamba, kazhinji vanoshamiswa nounyanzvi hwavainahwo. Zvimwe wakamboshamisikawo pawakaona unyanzvi hune vana. Mumwe mwana anogona kunge ari nyanzvi pane zvemitambo, mumwewo achigona zvekudhirowa kana kugadzira zvinhu. Asi pasinei nematarenda ane vana, vabereki vanofarira chaizvo kubatsira vana vavo kuti vakwanise kutoita zvinopfuura zvavari kuita.

2 Jehovha anodawo kubatsira vana vake vepanyika kuti vaitewo zvakawanda pakunamata. Anoona vashumiri vake vemazuva ano se“zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose.” (Hag. 2:7) Anonyanya kuvakoshesa nemhaka yokutenda kwavo uye kuzvipira. Zvisinei, ungave wakaona kuti musangano raJehovha mune vanhu vane zvipo zvakasiyana-siyana. Dzimwe hama dzine chipo pakupa hurukuro, asi dzimwe dzinogona kuronga zvinhu. Hanzvadzi dzakawanda ishasha pakudzidza mitauro yokune dzimwe nyika uye kuishandisa muushumiri, asi dzimwe dzine unyanzvi hwokubatsira vaya vanoda kukurudzirwa kana kuti kupepa vanorwara. (VaR. 16:1, 12) Hationgi here kuti tiri muungano ine vaKristu vose ivavo?

3. Mibvunzo ipi yatichakurukura munyaya ino?

 3 Zvisinei, vamwe vatinonamata navo, kusanganisira hama dzechiduku kana kuti dzichangobhabhatidzwa, vanogona kunge vasati vava kuziva kuti chavo chavanokwanisa kuita muungano ndechipi. Tingavabatsira sei kuti vaite zvakawanda muungano? Nei tichifanira kuedza kutsvaka zvakanaka zvavanoita, sezvinoita Jehovha?

JEHOVHA ANOTSVAKA ZVAKANAKA PAVASHUMIRI VAKE

4, 5. Nyaya iri pana Vatongi 6:11-16 inoratidza sei kuti Jehovha anoona zvinokwanisa kuitwa nevashumiri vake?

4 MuBhaibheri mune nyaya dzakawanda dzinoratidza kuti Jehovha haangopereri pakutsvaka zvakanaka zvatinoita asi anoonawo zvakanaka zvatinogona kuita kunyange tisati tava kutomboziva kuti tinozvigona. Somuenzaniso, Gidhiyoni paakasarudzwa kuti asunungure vanhu vaMwari pakudzvinyirirwa nevaMidhiyani, anofanira kunge akashamisika ngirozi payakamukwazisa ichiti: “Jehovha anewe, iwe munhu akashinga, ane simba.” Zvinoita sokuti panguva iyoyo Gidhiyoni ainzwa sokuti akanga asina “simba.” Akati aiva muduku uye akanga asingakwanisi kusunungura vanhu vaMwari. Asi kukurukurirana kwaakazoita nengirozi kunoratidza kuti Jehovha aiona mushumiri wake semunhu aiva nesimba.—Verenga Vatongi 6:11-16.

5 Jehovha aiva nechokwadi chokuti Gidhiyoni aizonunura vaIsraeri nokuti akanga aona unyanzvi hwake. Somuenzaniso, ngirozi yaJehovha yakanga yaona kushanda nesimba kwaiita Gidhiyoni paaipura gorosi. Pane chimwezve chinhu chakanga chaonekwa nengirozi. Munguva inotaurwa muBhaibheri, varimi vaiwanzopurira zviyo zvavo panze kuitira kuti hundi itakurwe nemhepo. Asi Gidhiyoni aipurira gorosi muchisviniro chewaini kuti risatorwa nevaMidhiyani. Gidhiyoni ainge akangwara chaizvo! Jehovha akaona kuti kungwaririra kwaGidhiyoni kwairatidza kuti ainge akachenjera. Chokwadi, Jehovha akaona kuti Gidhiyoni aikwanisa kuita zvakawanda kupfuura zvaaiita uye akamubatsira.

6, 7. (a) Maonero aiita Jehovha muprofita Amosi ainge akasiyana sei neevamwe vaIsraeri? (b) Chii chinoratidza kuti Amosi aiziva zvakawanda?

6 Tinoonawo panyaya yomuprofita Amosi kuti Jehovha akaona kuti mushumiri wake aikwanisa kuita zvakawanda mubasa rake kunyange zvazvo vakawanda vangava vaimuona semunhuwo zvake asingakoshi. Amosi akazviti aiva muchengeti wemakwai uye aibaya maonde emitsamvi ayo aionekwa sezvokudya zvevarombo. Jehovha paakasarudza Amosi kuti anotsiura umambo hwemadzinza gumi aIsraeri hwainamata zvidhori, vamwe vaIsraeri vangangodaro vakafunga kuti Jehovha ainge akanganisa kusarudza munhu wokutuma.—Verenga Amosi 7:14, 15.

7 Amosi aibva kumaruwa asi kuziva kwaaiita tsika uye madzimambo omumazuva ake kwairatidza kuti aiziva zvakawanda. Anofanira kunge ainyatsoziva zvaiitika muIsraeri uye zvaiitikawo kune mamwe marudzi aiva pedyo zvimwe nemhaka yokuti aiita zvebhizimisi nevanhu vaifamba vachitengesa. (Amo. 1:6, 9, 11, 13; 2:8; 6:4-6) Vamwe vaongorori veBhaibheri vanoti Amosi aiva neunyanzvi hwokunyora. Muprofita wacho haana kungoshandisa mashoko ari nyore uye ane simba chete, asi akashandisawo zvakanaka zvirungamutauro. Zvechokwadi kupindura noushingi kwaakaita mupristi aiva neuori Amaziya, kwakaratidza kuti Jehovha ainge asarudza munhu akakodzera uye kuti aikwanisa kushandisa unyanzvi hwaAmosi uhwo hwaiita sehwaisaoneka pakutanga.—Amo. 7:12, 13, 16, 17.

8. (a) Jehovha akavimbisei Dhavhidhi? (b) Nei mashoko ari pana Pisarema 32:8 achikurudzira vaya vasina chivimbo kana unyanzvi?

8 Chokwadi Jehovha anoona kuti vashumiri vake vanokwanisa kuita zvakawanda  kupfuura zvavari kuita. Akavimbisa Mambo Dhavhidhi kuti aizoramba achimutungamirira ‘ziso rake rakamutarira.’ (Verenga Pisarema 32:8.) Nei mashoko iwayo achifanira kutikurudzira? Kunyange zvazvo tingasava nechivimbo, Jehovha anogona kutibatsira kuita zvinhu zvatanga tisingambofungiri kuti tinozvigona. Sezvinongoita mudzidzisi ane unyanzvi anoramba achibatsira mudzidzi, Jehovha anorambawo achititungamirira patinenge tichifambira mberi pakunamata. Anogonawo kushandisa vatinonamata navo kuti vatibatsire kuva nezvakawanda zvokuita mubasa rake. Anozviita sei?

TSVAKA ZVAKANAKA PANE VAMWE

9. Tingashandisa sei zano raPauro rokuti tive nehanya nezvakanakira vamwe?

9 Pauro akakurudzira vaKristu vose kuti vave nehanya nezvakanakira vavanonamata navo. (Verenga VaFiripi 2:3, 4.) Pauro aireva kuti tinofanira kutarisa matarenda ane vamwe tovarumbidza. Tinonzwa sei kana mumwe munhu akaratidza kufarira zvakanaka zvatiri kuita? Kazhinji zvinoita kuti titowedzera kufambira mberi, toita zvakawanda. Saizvozvowo, kana tikarumbidza hama dzedu, tinodzibatsira kuti dzifambire mberi pakunamata.

10. Ndivanani vatingada kunyanya kuratidza kufarira?

10 Ndivanani vatingada kunyanya kuratidza kufarira? Ichokwadi kuti munhu wose anoda kuti vamwe vaonewo zvakanaka zvaari kuita. Asi hama dzechiduku kana kuti dzichangobhabhatidzwa dzinoda chaizvo kuti tidziratidze kuti dzinokosha. Izvozvo zvichaita kuti dzione kuti dzinodiwa muungano. Asi kana tikangodzisiya dzakadaro, zvinogona kudzitadzisa kuvavarira kuva nezvakawanda zvokuita muungano sezvadzinokurudzirwa neShoko raMwari.—1 Tim. 3:1.

11. (a) Mumwe mukuru akabatsira sei mumwe mukomana wechiduku kuti akurire kunyara? (b) Unodzidzei pane zvakaitika kuna Julien?

11 Mumwe mukuru anonzi Ludovic akafambira mberi pakunamata nokuti vamwe vairatidza kumufarira. Anotiwo: “Kana ndikanyatsofarira hama, inokurumidza kufambira mberi.” Ludovic akataura nezvemumwe mukomana wechiduku anonzi Julien achiti ainyara chaizvo zvokuti aitadza kuita zvinhu nemazvo muungano. Anoti: “Asi ndaiona kuti aiva munhu ane mutsa uye aida kubatsira vamwe muungano. Saka pane kumufungira zvisizvo, ndakasarudza kutarisa zvakanaka zvaaiita ndichiedza kumukurudzira.” Nokufamba kwenguva, Julien akagadzwa kuva mushumiri anoshumira uye iye zvino ndipiyona wenguva dzose.

VABATSIRE KUTI VAITE ZVAKAWANDA

12. Chii chatinofanira kuita kana tichida kubatsira mumwe munhu kuti aite zvakawanda? Taura muenzaniso.

12 Tinofanira kuva vanhu vanonzwisisa kana tichida kubatsira vamwe kuti vaite zvakawanda. Sezvakaitika kuna Julien, hatidi kungotarisa zvikanganiso zvemunhu, asi tinofanira kuona unhu hwake hwakanaka uye unyanzvi hwaainahwo tomubatsira kuti awedzere pane zvaari kuita. Iwayo ndiwo maonero aiita Jesu muapostora Petro. Kunyange zvazvo dzimwe nguva Petro aimboita sokuti haana kusimba, Jesu akaona kuti aizotsiga sedombo.—Joh. 1:42.

13, 14. (a) Bhanabhasi akaratidza sei kunzwisisa pamabatiro aakaita Mako? (b) Imwe hama yechiduku yakabatsirwa sei nemumwe mukuru? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

13 Bhanabhasi akaratidzawo kunzwisisa pamabatiro aakaita Johani Mako. (Mab. 12:25) Pauro paaiva parwendo rwake rwokutanga rwoumishinari naBhanabhasi, Mako akanga ainavo “achivashandira.” Asi pavakasvika kuPamfiriya, Mako akangoerekana asiya shamwari dzake panguva yadzainyanya kuda kubatsirwa. Pauro naBhanabhasi  vakaenda kuchamhembe vari voga vachipfuura nemunzvimbo yainetsa nemakororo. (Mab. 13:5, 13) Zvisinei, zvinoita sokuti Bhanabhasi haana kuramba achingofunga nezvekukanganisa kwaMako asi akazoshandisa mukana wacho kuti amubatsire. (Mab. 15:37-39) Izvi zvakaita kuti wechiduku Mako ave mushumiri waJehovha akasimba pakunamata. Mako akazova naPauro uyo ainge akasungwa muRoma uye akatokwazisawo vaKristu vaiva muungano yeKorose, uye Pauro akataura zvakanaka nezvake. (VaK. 4:10) Chimbofungidzira kuti Bhanabhasi akafara sei Pauro paakatokumbira Mako kuti azomubatsira.—2 Tim. 4:11.

14 Alexandre uyo achangogadzwa kuva mukuru, anoyeuka kubatsirwa kwaakaitwawo neimwe hama. Anoti: “Pandaiva muduku, ndainetseka chaizvo nokupa munyengetero pane vanhu vakawanda. Mumwe mukuru akandiudza kuti ndingagadzirira sei munyengetero kuti ndiupe ndakadzikama. Pane kunditi ndirege kunyengetera, aigara achindikumbira kuti ndinyengetere pamisangano yebasa romumunda. Nokufamba kwenguva, ndakatanga kupa munyengetero nechivimbo.”

15. Pauro akaratidza sei kuti aikoshesa hama dzake?

15 Kana tikaona kuti mumwe muKristu ane unhu hwakanaka, tinomuudza here kuti tinokoshesa unhu hwake? Muna VaRoma chitsauko 16, Pauro akarumbidza vanhu 20 vaainamata navo nemhaka yeunhu hwavo hwakanaka hwaiita kuti avade. (VaR. 16:3-7, 13) Somuenzaniso, Pauro akabvuma kuti Andronikasi naJuniyasi vainge vava nenguva yakareba vachishumira Kristu kumupfuura uye kuti vaitsungirira chaizvo. Pauro akataurawo zvakanaka nezvaamai vaRufusi zvimwe achiyeuka kuchengetwa kwaakaitwa navo.

Frédéric (ari kuruboshwe) akakurudzira Rico kuti atsunge kuramba achishumira Jehovha (Ona ndima 16)

16. Zvii zvinogona kuitika kana tikarumbidza wechiduku?

16 Kurumbidza vanhu zvinobva pamwoyo kunogona kubatsira chaizvo. Funga nezvomukomana wechiduku anonzi Rico, wokuFrance. Akaodzwa mwoyo nokuti baba vake vasiri chapupu vaisada kuti abhabhatidzwe. Rico akafunga kuti aifanira kumbomira kubhabhatidzwa kusvikira ava pazera rinobvumirwa nomutemo kuti munhu akwanise kusarudza zvaanoda. Ainge akasuruvarawo nokuti aisekwa kuchikoro. Mumwe mukuru wemuungano anonzi Frédéric uyo akanzi adzidze naRico anoti: “Ndakarumbidza Rico nokuti kushorwa kwaaiitwa kwairatidza kuti ainge aine ushingi hwokutaura nezvokutenda kwake.” Kurumbidzwa ikoko kwakaita kuti atsunge kuramba achiita zvakanaka uye kwakamubatsira kuti arambe achiswedera pedyo nababa vake. Rico akabhabhatidzwa ava nemakore 12.

Jérôme (ari kurudyi) akabatsira Ryan kuti ave mumishinari (Ona ndima 17)

17. (a) Tingabatsira sei hama dzedu kuti dzifambire mberi? (b) Mumwe mumishinari akaratidza sei kuti anofarira hama dzechiduku uye zvakaguma nei?

17 Pose patinorumbidza vatinonamata navo pane zvakanaka zvavanenge vaita, tinoita kuti vanzwe manyukunyuku okuita  zvakawanda pakushumira Jehovha. Sylvie, * uyo ava nemakore achishumira paBheteri rokuFrance akataura kuti hanzvadzi dzinogonawo kurumbidza hama. Akataura kuti vakadzi vanogona kuona zvimwe zvinhu zvisingaonekwi nevarume. Saka mashoko avo “okurumbidza anowedzera kusimbisa zvinotaurwa nehama dzine unyanzvi.” Akawedzera kuti: “Ndinoona kurumbidza vamwe sebasa randinofanira kuita.” (Zvir. 3:27) Mumwe mumishinari ari kuFrench Guiana anonzi Jérôme akabatsira vakomana vechiduku vakawanda kuti vave mamishinari. Anoti: “Ndakaona kuti pandinorumbidza hama dzechiduku pane zvadzinenge dzichiita muushumiri kana padzinopa mhinduro dzakanyatsogadzirirwa, dzinowedzera kuva nechivimbo. Izvi zvinoita kuti dziwedzere kuva neunyanzvi.”

18. Nei kushanda pamwe nevechiduku kuchibatsira?

18 Tinogonawo kukurudzira vatinonamata navo kuti vafambire mberi pakunamata kana tikashanda pamwe navo. Mukuru anogona kukumbira hama yechiduku ine unyanzvi hwokushandisa makombiyuta kuti ipirinde zvimwe zvinhu zviri pajw.org zvinogona kubatsira vakwegura vasina makombiyuta. Kana kuti pamunenge muchiita basa paImba yoUmambo, unodii kukumbira hama yechiduku kuti mushande mose? Kuita zvinhu zvakadai kuchakupa mukana wokucherechedza vechiduku uye kuvarumbidza woona kuti vanobatsirwa sei.—Zvir. 15:23.

BATSIRA VAMWE UCHIFUNGA NEZVERAMANGWANA

19, 20. Nei tichifanira kubatsira vamwe kuti vafambire mberi?

19 Jehovha paakagadza Joshua kuti atungamirire vaIsraeri, akarayirawo Mosesi kuti ‘akurudzire’ uye ‘asimbise’ Joshua. (Verenga Dheuteronomio 3:28.) Vanhu vakawanda vari kubatana nesu pakunamata Jehovha. VaKristu vose vane ruzivo, pasinei nokuti vakuru here kana kuti kwete, vanogona kubatsira hama dzechiduku uye vatsva kuti vaite zvakawanda mubasa raJehovha. Saka vakawanda vachapinda mubasa renguva yakazara uye vakawanda “vachanyatsokwanisawo kudzidzisa vamwe.”—2 Tim. 2:2.

20 Pasinei nokuti tiri muungano yakakura ine hama dzine ruzivo kana kuti tiri muboka risati rava ungano, ngatibatsirei vamwe kuitira kuti vazoshandiswa nesangano mune ramangwana. Kuti tikwanise kuita izvozvo, ngatitevedzerei Jehovha uyo anoramba achitsvaka zvakanaka pavashumiri vake.

^ ndima 17 Zita rakachinjwa.