Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoona Vasina Simba Sezvinoita Jehovha Here?

Unoona Vasina Simba Sezvinoita Jehovha Here?

“Nhengo dzomuviri dzinoita sedzisina simba kwazvo dzinodiwa.”—1 VAK. 12:22.

1, 2. Nei Pauro aikwanisa kunzwira tsitsi vasina simba?

DZIMWE nguva tose tinombonzwa kupera simba. Kurwara kunogona kutipedza simba zvokuti tinotadza kuita mabasa edu emazuva ose. Asi chimbofungidzira uchinzwa saizvozvo kwenguva refu. Pakadaro ungasaonga here kana vamwe vakakunzwira tsitsi?

2 Muapostora Pauro aimbonzwa akaneta nepamusana pemiedzo yaibva muungano neimwe yaibvawo kunze. Pane dzimwe nguva Pauro akambofunga kukanda mapfumo pasi. (2 VaK. 1:8; 7:5) Achifunga nezveupenyu hwake uye matambudziko akawanda aakasangana nawo somuKristu akatendeka, Pauro akati: “Ndiani anoshaya simba, ini ndikasashayawo simba?” (2 VaK. 11:29) Uye achitaura nezvenhengo dzakasiyana-siyana dzeungano yechiKristu, idzo dzaakafananidza nenhengo dzomuviri womunhu, Pauro akati dziya “dzinoita sedzisina simba kwazvo dzinodiwa.” (1 VaK. 12:22) Airevei? Nei tichifanira kuona vaya vanoita sevasina simba sezvavanoitwa naJehovha? Uye kuvaona saizvozvo kuchatibatsira sei?

 MAONERWO ATINOITWA NAJEHOVHA

3. Chii chinogona kukanganisa maonero atinoita vaya vanoda kubatsirwa muungano?

3 Mazuva ano vanhu vakawanda vanoita zvemakwikwi uye vanogara vachirumbidza vanhu vakagwinya uye vachiri vechiduku. Vakawanda vanoita chero zvavangagona kuti zvavanoda zviite, kazhinji kacho vachisiya vamwe vaine misodzi pamatama. Tinoshora maitiro akadaro, asi kana tikasangwarira tinogona kutanga kufungira zvisizvo vaya vanogara vachida kubatsirwa, kutosanganisirawo vari muungano. Zvisinei, tinokwanisa kuva nemaonero akanaka, akaita seaMwari.

4, 5. (a) Muenzaniso uri pana 1 VaKorinde 12:21-23 unotibatsira sei kunzwisisa maonerwo atinoitwa naJehovha? (b) Chii chinoitika kana tikabatsira vasina simba?

4 Muenzaniso wakashandiswa naPauro uri mutsamba yake yokutanga kuvaKorinde unogona kutibatsira kunzwisisa maonero anoita Jehovha kushaya simba kwedu. Muchitsauko 12, Pauro anotiyeuchidza kuti kunyange nhengo yomuviri isinganyanyi kuyevedza kana kuti isina kusimba pane dzose, inokosha. (Verenga 1 VaKorinde 12:12, 18, 21-23.) Asi vaya vanodavira kuti zvinhu zvakaita zvokushanduka-shanduka vanoti pane dzimwe nhengo dzomuviri womunhu dzisina basa. Kunyange zvakadaro, ongororo yakaitwa inoratidza kuti nhengo dzomuviri dzaimboonekwa sedzisina basa dzinotoita basa rinokosha. * Somuenzaniso, vamwe vaifunga kuti chigunwe chidiki chetsoka hachina basa, asi zvakazoonekwa kuti chinobatsira kuti munhu agone kumira zvakanaka.

5 Muenzaniso wakashandiswa naPauro unoratidza kuti nhengo dzose dzeungano yechiKristu dzinokosha. Satani anoda kuti tifunge kuti hatikoshi, asi Jehovha anoona vashumiri vake vose, kusanganisira vaya vanoita sokuti havana kusimba, ‘sevanodikanwa.’ (Job. 4:18, 19) Izvozvo zvinofanira kuita kuti tizive kuti tinokosheswa muungano yedu uye nevanhu vaMwari vari munyika yose. Somuenzaniso, chimbofunga pawakabatsira mumwe munhu akwegura. Munhu iyeye akaonga chaizvo uye iwewo wakanzwa kufara. Chokwadi, kana tikabatsira vamwe, tichawana mufaro, tichawedzera kuva nemwoyo murefu, rudo uye kusimba pakunamata. (VaEf. 4:15, 16) Baba vedu vane rudo vanoziva kuti kana ungano ichikoshesa munhu wose arimo pasinei nokuti ane zvimwe zvaasingakwanisi kuita, inenge ichitoratidza kuti ine rudo.

6. Dzimwe nguva Pauro airevei paaitaura ‘nezvekusava nesimba’ uye ‘kusimba’?

6 Pauro paainyorera vaKorinde akashandisa mashoko okuti “zvinhu zvisina simba” achireva maonerwo aiitwa vaKristu vepakutanga nevanhu vasingatendi. Akataurawo nezvekuti iye pachake akanga ‘asina simba.’ (1 VaK. 1:26, 27; 2:3) Pauro paakataura nezvevaya ‘vakasimba,’ aisareva kuti vamwe vaKristu vaiva nani pane vamwe. (VaR. 15:1) Zvaaireva ndezvokuti vaKristu vainge vakakura pakunamata vaifanira kuitira mwoyo murefu vaya vainge vasati vanyatsodzika midzi muchokwadi.

TINOFANIRA KUCHINJA MAONERO EDU HERE?

7. Chii chinogona kutitadzisa kubatsira vamwe?

7 Patinobatsira “munhu akaderera,” tinenge tichitevedzera Jehovha uye izvozvo zvinoita kuti atifarire. (Pis. 41:1; VaEf. 5:1)  Asi dzimwe nguva kufungira vamwe zvisizvo kunogona kuita kuti titadze kuvabatsira. Pamwe pacho tinenge tisina chokwadi kuti totaurei, saka tinogona kunyara torega kutaura nevaya vanenge vari mumatambudziko. Imwe hanzvadzi inonzi Cynthia * iyo yakasiyiwa nemurume wayo inoti: “Zvinorwadza kana hama dzikasataura newe kana kuti dzikasaita zvaunotarisira kuti dziite seshamwari. Kana uri mumiedzo, unoda vanhu vokutaura navo.” Mambo Dhavhidhi akarwadziwawo vanhu pavasina kutaura naye.—Pis. 31:12.

8. Chii chichatibatsira kuti tiwedzere kunzwira vamwe tsitsi?

8 Tinogona kuwedzera kunzwira vamwe tsitsi kana tikayeuka kuti dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzine matambudziko akadai sekurwara, kugara nevomumhuri vasingatendi kana kuti kuora mwoyo. Matambudziko akadaro anogona kutiwirawo. VaIsraeri vaitambura pavaiva muIjipiti, saka vasati vapinda muNyika Yakapikirwa vakayeuchidzwa kuti vaisafanira ‘kuomesa mwoyo yavo’ kuhama dzavo dzaitambudzika. Jehovha aida kuti vadzibatsire.—Dheut. 15:7, 11; Revh. 25:35-38.

9. Chii chatinofanira kutanga kuita kana tikaona hama dzedu dziri mumatambudziko? Taura muenzaniso.

9 Pane kupa hama dzedu mhosva kana kudzifungira zvisizvo padzinenge dziri mumamiriro ezvinhu akaoma, tinotofanira kudzinyaradza. (Job. 33:6, 7; Mat. 7:1) Somuenzaniso: Kana mutyairi wemudhudhudhu akaita tsaona omhanyiswa kuchipatara, vanachiremba navanamukoti vanombopedza nguva here vachida kuona kuti akonzeresa tsaona yacho ndiani? Aiwa, vanobva vatotanga kumurapa. Saizvozvowo, kana mumwe watinonamata naye aine matambudziko ari kumupedza simba, tinofanira kutanga tamubatsira pakunamata.—Verenga 1 VaTesaronika 5:14.

10. Nei tingati vamwe vanoita sevasina kusimba vanogona kunge ‘vakapfuma mukutenda’?

10 Kana tikambofunga nezvemamiriro ezvinhu ehama dzedu dzinoita sedzisina kusimba, tinogona kupedzisira tava kudziona zvakanaka. Funga nezvehanzvadzi dzava nemakore dzichitsungirira kushorwa nevarume vasingatendi. Vamwe vacho uchivaona, unogona kufunga kuti havana kusimba asi ivo vaine kutenda kwakasimba. Paunoona hanzvadzi inorera vana iri yoga ichigara ichiuya kumisangano nevana vayo, haubayiwi mwoyo here nokutenda kwayo uye kushinga kwayo? Kana kuti funga nezvevechiduku vanoramba vachiita zvakanaka pasinei nemiedzo yavanosangana nayo kuchikoro. Kana tikafunga zvose zviri kuitwa nehama dzedu kuti dzishumire Jehovha, tinoona kuti vaya vanoita sevasina simba vanogona kunge ‘vakapfuma mukutenda’ sezvakangoita vamwe vedu vari mumamiriro ezvinhu ari nani.—Jak. 2:5.

ITA KUTI MAONERO AKO AENDERANE NEAJEHOVHA

11, 12. (a) Chii chichatibatsira kugadzirisa maonero atinoita kukanganisa kunoita hama dzedu? (b) Tinodzidzei pamabatirwo akaitwa Aroni naJehovha?

11 Kufunga zvakamboitwa naJehovha kuvashumiri vake kunogona kutibatsira kuti tione hama dzedu semaonerwo adzinoitwa naJehovha. (Verenga Pisarema 130:3.) Somuenzaniso, waizonzwa sei kudai waiva naMosesi uchinzwa Aroni achipa zvikonzero zvake zvokugadzira mhuru yendarama? (Eks. 32:21-24) Kana kuti waizofungei nezvaAroni paakafurirwa nehanzvadzi yake Miriyemu akashora Mosesi nokuroora kwaainge aita mudzimai wokune imwe nyika? (Num. 12:1, 2) Waizoita sei  Mosesi naAroni pavakatadza kukudza Jehovha uyo akanga abudisira vaIsraeri mvura paMeribha?—Num. 20:10-13.

12 Pose paitadza Aroni, Jehovha angadai akamuranga ipapo ipapo. Asi aiziva kuti Aroni akanga asiri munhu akaipa. Zvinoita sokuti Aroni akakanganisa nokuti zvinhu zvainge zvamuomerawo kana kuti akangofurirwawo nevamwe. Asi paaiudzwa kuti ainge akanganisa, aisaita nharo uye aitsigira zvaisarudzwa naJehovha. (Eks. 32:26; Num. 12:11; 20:23-27) Jehovha akasarudza kukanganwira Aroni nokuti aiva nekutenda uye akapfidza. Ndokusaka Aroni nemhuri yake vakaramba vachiyeukwa sevashumiri vaJehovha vakatendeka kunyange patopfuura mazana emakore.—Pis. 115:10-12; 135:19, 20.

13. Tingaongorora sei maonero atinoita vaya vanoita sevasina simba?

13 Kuti mafungiro edu aenderane neaJehovha, tinofanira kuongorora maonero atinoita vaya vanoita sevasina simba. (1 Sam. 16:7) Somuenzaniso, tinoita sei kana wechiduku akaratidza kuti haana kuchenjera pakusarudza zvokuzvivaraidza nazvo? Pane kumutsoropodza, tadii kufunga kuti tingamubatsira sei kuti akure pakunamata? Tinogona kutanga isu kubatsira mumwe munhu uye patinodaro, tichawedzera kuva nemwoyo murefu uye kumuda.

14, 15. (a) Jehovha akanzwa sei nokushayiwa ushingi kwakamboita Eriya? (b) Tinodzidzei kubva pane zvakaitika kuna Eriya?

14 Kuongorora mabatiro aiita Jehovha vamwe vashumiri vake vaishungurudzika chaizvo kunogona kutibatsirawo kuti tione hama dzedu zvakanaka. Mumwe mushumiri wacho aiva Eriya. Kunyange zvazvo akanga amboita ushingi hwokumisidzana nevaprofita vaBhaari 450, Eriya akazotya ndokutiza Mambokadzi Jezebheri  paakataura kuti aida kumuuraya. Akafamba makiromita 150 achienda kuBheeri-shebha, uye akazofamba rwumwe rwendo rwakareba achienda kurenje. Apedzwa simba norwendo rwake achigochwa nezuva, muprofita wacho akagara pasi pomuti uye akakumbira kuti ‘mweya wake ufe.’—1 Madz. 18:19; 19:1-4.

Jehovha akanzwisisa kuti Eriya aiva munhuwo wenyama uye akatuma ngirozi kuti imukurudzire (Ona ndima 14, 15)

15 Jehovha akanzwa sei paaiona muprofita wake akatendeka achishungurudzika? Akasiya mushumiri wake here paakaona kuti ainge aora mwoyo uye kuti aitya? Kwete! Jehovha akanzwisisa kuti Eriya aiva munhuwo wenyama uye akamutumira ngirozi. Ngirozi yacho yakakurudzira Eriya kaviri kuti adye. Saka rwendo rwaizotevera ‘rwaisazonyanya kumurebera.’ (Verenga 1 Madzimambo 19:5-8.) Kunyange zvazvo Jehovha ainge asati audza muprofita wake zvokuita, akamuteerera uye ane zvaakaita kuti amutsigire.

16, 17. Tingatevedzera sei zvakaitwa naJehovha kuna Eriya?

16 Tingatevedzera sei Mwari wedu ane rudo? Hatifaniri kukurumidza kupa mazano. (Zvir. 18:13) Zvakanaka kuti titange tambonzwira tsitsi vaya vangadaro vachifunga kuti ‘vanokudzwa zvishoma’ nemhaka yemamiriro avo ezvinhu. (1 VaK. 12:23) Kana tikaita izvozvo tichakwanisa kunyatsoziva zvavanoda, tovabatsira.

17 Somuenzaniso, funga nezvaCynthia ambotaurwa, uyo akasiyiwa nemurume aine vanasikana vaviri. Izvi zvakaita kuti vasurukirwe chaizvo. Zvimwe Zvapupu zvakavabatsira sei? Anoti: “Patakavafonera tichivaudza zvainge zvaitika, hapana kumbopera maminitsi 45 vasati vasvika. Vaiva nemisodzi pamatama. Vakaramba vainesu kwemazuva anenge matatu. Taitadza kunyatsodya uye tainetseka mupfungwa, saka vakatitora kuti timbogara navo.” Izvozvo zvingatiyeuchidza mashoko aJakobho okuti: “Kana hama kana kuti hanzvadzi isina chokupfeka uye ichishayiwa zvokudya zvakakwanira zuva racho, mumwe wenyu oti kwavari: ‘Endai norugare, mudziyirwe, mugute,’ asi musingavapi zvinodiwa nemiviri yavo, zvinobatsirei? Saizvozvowo, kutenda, kana kusina mabasa, kwakafa.” (Jak. 2:15-17) Cynthia nevanasikana vake vakabatsirwa nehama nehanzvadzi panguva chaiyo yavaida kubatsirwa uye izvozvo zvakaita kuti vakwanise kutora upiyona hwebetsero papera mwedzi mitanhatu chete kubva pavakasangana nedambudziko ravo.—2 VaK. 12:10.

VAKAWANDA VANOBATSIRWA

18, 19. (a) Tingabatsira sei vasina simba? (b) Ndiani anobatsirwa patinotsigira vasina simba?

18 Kana munhu ava nenguva yakareba achirwara, zvinotora nguva kuti apore. Saka zvinotorawo nguva kuti muKristu anenge apedzwa simba nematambudziko asimbezve pakunamata. Ichokwadi kuti anofanira kusimbisa kutenda kwake nokudzidza Bhaibheri ari oga, kunyengetera uye kuita mamwe mabasa echiKristu. Asi ticharamba tichimuitira mwoyo murefu here kusvikira asimba pakunamata? Uye ticharamba tichiratidza kuti tinomuda here paanenge achisimba kudaro? Tichaedza zvose zvatinogona here kuti tibatsire vaya vasina simba kuona kuti tinovakoshesa uye kuti tinovada?—2 VaK. 8:8.

19 Usambokanganwa kuti patinobatsira hama dzedu, tinowana mufaro unobva mukupa. Tinodzidzawo kuva netsitsi uye mwoyo murefu. Asi hatisi toga tinobatsirwa. Ungano yose zvayo inowedzera kudanana. Chinonyanya kukosha ndechokuti tinenge tichitevedzera Jehovha, uyo anoona munhu wose seanokosha. Chokwadi tose tine zvikonzero zvakanaka zvokuti ‘tibatsire vaya vasina simba.’—Mab. 20:35.

^ ndima 4 Mubhuku rake rinonzi The Descent of Man, Charles Darwin akataura kuti dzimwe nhengo dzomuviri “hadzina basa.” Mumwewo aidavira kuti zvinhu zvakaita zvokushanduka-shanduka akataura kuti mumuviri womunhu mune nhengo dzakawanda dzisingashandi dzakasarira pakashanduka vanhu, dzinosanganisira iri mudumbu inonzi appendix neiri muchipfuva inonzi thymus.

^ ndima 7 Zita rakachinjwa.