Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Enzanisa Nzira Yetsoka Yako” Kuti Ufambire Mberi

“Enzanisa Nzira Yetsoka Yako” Kuti Ufambire Mberi

VANHU vaMwari pavakabuda muBhabhironi muna 537 B.C.E., Jehovha aida kuti vafambe zvakanaka vachienda kuJerusarema. Akavaudza kuti: “Gadzirai nzira yevanhu vacho. Umbiridzai, umbiridzai mugwagwa mukuru. Ubvisei matombo.” (Isa. 62:10) VaJudha vakateerera sei murayiro iwoyo? Vamwe vanofanira kunge vakaenda mberi vachigadzira mugwagwa, zvichida vachivhara makoronga uye vachibvisa matombo. Izvozvo zvinofanira kunge zvakaita kuti vamwe vaitevera vafambe zvakanaka mumugwagwa iwoyo.

Isuwo patinenge tichida kuzadzisa zvinangwa zvedu zvokunamata, tinoita setiri kufamba mumugwagwa. Jehovha anoda kuti vashumiri vake vose vafambe mumugwagwa iwoyo pasina zvinovavhiringidza. Shoko rake rinotikurudzira kuti: “Enzanisa nzira yetsoka yako, uye nzira dzako dzose ngadzisimbiswe kwazvo.” (Zvir. 4:26) Ungava uri duku kana kuti wati kurei, unogona kuona kuti mashoko iwayo ane uchenjeri.

GADZIRIRA NZIRA YAKO NOKUITA ZVISARUDZO ZVAKANAKA

Zvimwe wakambonzwa vanhu vachitaura nezvewechiduku vachiti: ‘Mwana uyu ane chipo.’ Kazhinji vechiduku vane utano hwakanaka, vane pfungwa dzakapinza uye vane shungu dzokubudirira. Bhaibheri rinoti: “Kunaka kwemajaya ndiro simba rawo.” (Zvir. 20:29) Kana wechiduku akashandisa matarenda ake nesimba rake kushumira Jehovha, anokwanisa kuzadzisa zvinangwa zvokunamata uye anowana mufaro wechokwadi.

Zvisinei, nyika inokoshesa chaizvo vechiduku vane matarenda. Kana wechiduku ari Chapupu akapasa chikoro, vanachipangamazano, vadzidzisi kana kuti vamwe vaanodzidza navo vangamukurudzira kuti awane dzidzo yepamusorosoro kuti azobudirira munyika ino. Hama kana hanzvadzi yechiduku inogona zvemitambo, ingakurudzirwa nevamwe kuti irambe ichiita izvozvo muupenyu hwayo.  Wakambosangana nemamiriro ezvinhu akadaro here, kana kuti pane waunoziva ari kusangana nemuedzo iwoyo? Chii chichabatsira muKristu kuti asarudze zvakanaka?

Zvinodzidziswa neBhaibheri zvinogona kutibatsira kuti tigadzirire kufamba mumugwagwa unoita kuti tibudirire muupenyu. Muparidzi 12:1 inoti: “Yeukawo Musiki wako Mukuru mumazuva oujaya hwako.” Iwe kana kuti mumwe wechiduku waunoziva, ‘mungayeuka sei Musiki wenyu Mukuru’?

Funga zvakaitika kuna Eric * wokuWest Africa. Aifarira kutamba nhabvu. Paakazosvitsa makore 15, akanga atosarudzwa kuti atambire timu yenyika. Izvozvo zvaireva kuti pasina nguva, aizofanira kunodzidziswa nhabvu kuEurope, achizopedzisira ava shasha. Asi zvakafamba sei kuti azoshandisa zano rokuti “yeukawo Musiki wako Mukuru”? Uye iwe kana kuti shamwari yako mungawana chidzidzo chipi?

Achiri kuchikoro, Eric akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Akadzidza kuti Musiki wake achabvisa zvachose matambudziko evanhu. Eric akaona kuti zvaikosha kuti ashandise nguva yake nesimba pakuita kuda kwaMwari. Saka akabva asiyana nechinangwa chaaiva nacho chokuva shasha yenhabvu. Akabhabhatidzwa uye akatanga kushanda nesimba mubasa raJehovha. Nokufamba kwenguva, akava mushumiri anoshumira uye akazokokwa kunopinda Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora.

Kudai Eric akaramba achiita zvenhabvu, angadai akawana mari yakawanda uye mukurumbira. Asi akaona kuti Bhaibheri rinotaura chokwadi parinoti: “Zvinhu zvinokosha zvomupfumi itaundi rake rakasimba, uye anofungidzira kuti zvakaita sorusvingo runodzivirira.” (Zvir. 18:11) Chokwadi, vanhu pavanofunga kuti kuva nemari yakawanda kuchaita kuti vafare muupenyu, vanenge vachizvinyepera. Uyewo, vaya vanoti sika-sika nokutsvaka pfuma vanowanzopedzisira ‘vazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji.’—1 Tim. 6:9, 10.

Zvinofadza kuti vechiduku vakawanda vakawana mufaro uye kugutsikana nokupinda mubasa renguva yakazara. Eric anoti: “Ndakapinda ‘mutimu’ yakakura yevashumiri vaJehovha venguva yakazara. Timu iyi ndiyo yakanaka kupfuura dzose uye ndinotenda Jehovha nokundiratidza nzira chete inoita kuti ndinyatsofara uye ndibudirire muupenyu.”

Ko iwe uchaita sei? Pane kuva nezvinangwa zvenyika, wadii kusimbisa kwazvo “nzira dzako” pamberi paJehovha nokuita basa roupiyona?—Ona bhokisi rakanzi “ Kuwana Makomborero Asingawaniki kuYunivhesiti.”

BVISA ZVINOVHIRINGIDZA MUNZIRA YAKO

Mumwe murume nomudzimai pavakashanyira hofisi yebazi yokuUnited States vakaona kufara kwaiita hama nehanzvadzi dzepaBheteri. Hanzvadzi yacho yakazonyora kuti: “Taigutsikana nemararamiro ataiita zvokuti taiona pasina chataifanira kugadzirisa.” Vaviri ava vakasarudza kuti vazoshandisa nguva yavo nesimba kuti vaite zvakawanda mubasa raJehovha.

Pane imwe nguva, murume nomudzimai ava vakamboona sokuti zvaisava nyore kuchinja upenyu hwavairarama. Asi rimwe zuva vakafungisisa Rugwaro rwemusi iwoyo rwaibva pana Johani 8:31, Jesu paakati: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, chokwadi muri vadzidzi vangu.” Vachifunga mashoko iwayo vakati: “Zvose zvatichaita kuti tisava nezvakawanda muupenyu zvine mubayiro.” Vakatengesa imba yavo yaiva yakakura, ndokubva vasiya zvimwe zvinhu zvaivavhiringidza, vachibva vatamira kune imwe ungano yaida kubatsirwa. Iye zvino vari kupayona, asi vanobatsirawo kuvaka Dzimba dzoUmambo uye vanoita basa rokuzvipira pamagungano eruwa. Vanotii nezvavakasarudza? “Tiri kufara chaizvo nokuti takasarudza upenyu husina twakawanda-wanda, tichiita chaizvo zvatinokurudzirwa nesangano raJehovha.”

RAMBA URI MUMUGWAGWA UNOITA KUTI UFAMBIRE MBERI PAKUNAMATA

Soromoni akanyora kuti: “Maziso ako ngaatarire mberi, chokwadi, iwo maziso ako anopenya ngaatarire mberi kwako.” (Zvir. 4:25) Sezvinoita mutyairi anoramba akatarira mumugwagwa, hatifaniri kuvhiringwa nezvinhu zvinogona kutitadzisa kuva nezvinangwa zvokunamata uye kuzvizadzisa.

Zvinangwa zvipi zvokunamata zvaungaronga uye zvaungazadzisa? Kuva mubasa renguva yakazara ndechimwe chinangwa chakanaka chaungava nacho.  Unogonawo kuva nechinangwa chokunobatsira ungano iri pedyo inodiwa vaparidzi vane unyanzvi kuti ikwanise kuparidza mundima yayo yakakura. Kana kuti ungano inogona kunge iine vaparidzi vakawanda asi isina vakuru nevashumiri vanoshumira vakawanda. Ungabatsira here pakadaro? Wadii kutaura nemutariri wedunhu kuti uone kana uchikwanisa kubatsira. Kana uchida kunoshumira kure nekumba, unogona kubvunza kana paine ungano dziri kure dzinoda kubatsirwa. *

Ngatifungei zvakare mashoko ari pana Isaya 62:10. Vamwe vaJudha vangangodaro vakashanda nesimba kuti vanatsiridze mugwagwa kuti vanhu vaMwari vakwanise kufamba zvakanaka vachidzokera kumusha. Kana uri kushanda nesimba kuti uzadzise zvinangwa zvako mubasa dzvene, usaneta. Mwari achakubatsirawo kuti uzadzise zvinangwa izvozvo. Ramba uchikumbira Jehovha uchenjeri sezvaunoedza kubvisa zvinhu zvinovhiringidza. Nokufamba kwenguva, uchaona kuti achakubatsira kuti ‘uenzanise nzira yetsoka dzako.’—Zvir. 4:26.

^ ndima 8 Zita rakachinjwa.

^ ndima 18 Ona Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, mapeji 111-112.