Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanyatsoverenga here magazini eNharireyomurindi emwedzi mishoma yapfuura? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Musi waNisani 14, gwayana rePaseka raifanira kuurayiwa nguvai?

Mamwe maBhaibheri anoti gwayana raifanira kuurayiwa manheru, kureva “panguva yorubvunzavaeni.” Saka raifanira kuurayiwa zuva ranyura asi kuchine chiedza. (Eks. 12:6)—12/15, mapeji 18-19.

Vechiduku vangashandisa mazano api eBhaibheri kuti vasarudze nokuchenjera?

Mazano acho ndeaya (1) Tanga kutsvaka Umambo hwaMwari nokururama kwake. (Mat. 6:19-34) (2) Wana mufaro nokushumira vamwe. (Mab. 20:35) (3) Nakidzwa nokushumira Jehovha uchiri muduku. (Mup. 12:1)—1/15, mapeji 19-20.

Vatasvi vapi vana vemabhiza vave vachioneka kubva muna 1914?

Jesu ndiye mutasvi webhiza jena, akadzinga Satani nemadhimoni ake kudenga. Mutasvi webhiza dzvuku anomirira hondo dzave dzichitambudza vanhu. Mutasvi webhiza dema anomirira nzara. Mutasvi webhiza rakacheneruka anounza rufu achishandisa denda, iro rinouraya mamiriyoni evanhu. (Zvak. 6:2-8)—2/1, mapeji 6-7.

Muchato weGwayana uchaitwa rini? (Zvak. 19:7)

Muchato weGwayana uchaitwa pashure pokunge Mambo Jesu Kristu apedzisa kukunda kwake, kureva pashure pokunge Bhabhironi Guru raparadzwa uye hondo yeAmagedhoni yarwiwa.—2/15, peji 10.

Nei vaJudha vomunguva yaJesu ‘vaitarisira’ kuuya kwaMesiya? (Ruka 3:15)

Hatina uchapupu hunoratidza kuti vaJudha vomunguva yaJesu vainzwisisa uprofita hwaDhanieri hunotaura nezvaMesiya sezvatava kuita. (Dhan. 9:24-27) Asi vanogona kunge vakanzwa mashoko engirozi akaudzwa vafudzi vemakwai kana kuti zvakataurwa nemuprofitakadzi Ana paakaona mucheche Jesu patemberi. Uyewo, vazivi venyeredzi vakauya vachitsvaka “iye akaberekwa ari mambo wevaJudha.” (Mat. 2:1, 2) Nokufamba kwenguva Johani Mubhabhatidzi akaratidza kuti Kristu akanga ava pedyo kusvika.—2/15, mapeji 26-27.

Tingaita sei kuti Hungu wedu asava Aiwa? (2 VaK. 1:18)

Ichokwadi kuti dzimwe nguva tinogona kutadza kuita zvatinenge tavimbisa nepamusana pezvinenge zvaitika zvatisingakwanisi kudzivisa. Asi kana tikavimbisa kuita chimwe chinhu tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tizadzise vimbiso iyoyo.—3/15, peji 32.

Tingakunda sei muedzo wokuona zvinonyadzisira?

Zvinhu zvitatu zvingatibatsira ndeizvi (1) Kana tikaerekana taona mifananidzo inonyadzisira tinofanira kukurumidza kubvisa maziso edu pairi. (2) Tinofanira kuchengetedza pfungwa dzedu nokuramba tichifunga zvinhu zvakanaka uye kunyengetera kuna Mwari. (3) Tinofanira kungwarira zvatinoita nokurega kuona mafirimu kana kuvhura nzvimbo dzepaIndaneti dzinobudisa zvinonyadzisira.—4/1, mapeji 10-12.

Zvii zvinogona kupedzisira zvaitika kana muKristu akasiya mhuri yake achienda kunotsvaka mari kunze kwenyika?

Kana vabereki vakasarudza kusagara vose semhuri, vana vangapedzisira vasisafari uye vasisina unhu hwakanaka. Vangapedzisira vagumbukira vabereki vavo. Uye murume nemudzimai vanenge vachigara kure nakure vangasangana nemuedzo wokuita upombwe.—4/15, mapeji 19-20.

Nei vanhu vaipara mhosva vaityorwa makumbo pavainge vakaturikwa padanda?

VaRoma vaiuraya vanhu vaipara mhosva nokuvaturika padanda. VaJudha vakakumbira kuti makumbo evatadzi vaviri vaiva naJesu atyorwe. Izvozvo zvaizoita kuti vanetseke kufema, vokurumidza kufa. Saka vaisazopedza usiku hwose vari padanda. (Dheut. 21:22, 23)—5/1, peji 11.

Mibvunzo ipi mina yatinofanira kufunga nezvayo patinenge tichida kukurukura nevanhu muushumiri?

Ndiani wandiri kuparidzira? Ndiri kuparidzira kupi? Inguva ipi yandiri kunoparidzira vanhu? Ndinofanira kutanga sei kukurukura nevanhu?—5/15, mapeji 12-15.

Kusvuta fodya kwauraya vanhu vakawanda zvakadii?

Mumakore zana apfuura vanhu 100 000 000 vakafa nekusvuta. Gore negore vanhu vanenge 6 000 000 vari kufa nekusvuta.—6/1, peji 3.