Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Muchava Zvapupu Zvangu”

“Muchava Zvapupu Zvangu”

“[Jesu] akati kwavari: ‘. . . Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.’”—MAB. 1:7, 8.

1, 2. (a) Chapupu chikuru chaJehovha ndiani? (b) Zita rokuti Jesu rinorevei, uye Mwanakomana waMwari akaita sei zvinoenderana naro?

“IZVI ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.” (Verenga Johani 18:33-37.) Jesu akataura mashoko aya paaitongwa nagavhuna weRoma womuJudhiya pashure pokunge ataura kuti aiva mambo. Papera makore, muapostora Pauro akataura nezvemuenzaniso iwoyo woushingi waJesu, “uyo sechapupu akazivisa zvakanaka kwazvo pamberi paPondiyo Pirato.” (1 Tim. 6:13) Chokwadi, dzimwe nguva zvinoda ushingi chaizvo kuva “chapupu chakatendeka nechechokwadi” munyika yaSatani inotivenga!—Zvak. 3:14.

2 Sezvo Jesu aiva werudzi rwechiJudha, akaberekwa ari chapupu chaJehovha. (Isa. 43:10) Chokwadi, akava chapupu chikuru chaMwari kupfuura chero ani zvake. Jesu aikoshesa chaizvo zvinorehwa nezita rake raakapiwa naMwari. Ngirozi payakaudza Josefa, baba vaJesu vokurera, kuti mudzimu mutsvene ndiwo wainge waita kuti Mariya abate pamuviri, yakawedzera kuti: “Iye achabereka mwanakomana, uye iwe unofanira kumutumidza kuti Jesu, nokuti achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.” (Mat. 1:20, 21) Vaongorori veBhaibheri vanobvuma kuti zita rokuti Jesu rinobva pazita rechiHebheru rokuti Jeshua uye rine zita raMwari risina kunyorwa zvakazara. Zita iri rinoreva  kuti “Jehovha Muponesi.” Jesu akaita zvinoenderana nezita rake nokubatsira “makwai akarasika eimba yaIsraeri” kuti apfidze zvivi zvawo kuitira kuti afarirwe zvekare naJehovha. (Mat. 10:6; 15:24; Ruka 19:10) Kuti aite izvozvo, Jesu akashingaira kupupurira nezveUmambo hwaMwari. Munyori weEvhangeri Mako akati: “Jesu akapinda muGarireya, achiparidza mashoko akanaka aMwari, achiti: ‘Nguva yakatarwa yakwana, uye umambo hwaMwari hwaswedera pedyo. Pfidzai, uye tendai mashoko akanaka.’” (Mako 1:14, 15) Uyewo, Jesu akaratidza ushingi nokushora zvakasimba vatungamiriri vechitendero chechiJudha izvo zvakazoita kuti vamuroverere padanda.—Mako 11:17, 18; 15:1-15.

“ZVINHU ZVIKURU ZVAMWARI”

3. Chii chakaitika pazuva rechitatu Jesu afa?

3 Asi mazuva matatu pashure pokunge Jesu afa, chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika! Jehovha akamutsa Jesu ava nemuviri womudzimu kwete wenyama. (1 Pet. 3:18) Kuti vadzidzi vake vave nechokwadi chokuti ainge amutswa, Ishe Jesu akazviratidza kwavari aine muviri wenyama. Zuva raakamutswa, akazviratidza kuvadzidzi vake vakasiyana-siyana kanenge kashanu.—Mat. 28:8-10; Ruka 24:13-16, 30-36; Joh. 20:11-18.

4. Musangano upi wakaitiswa naJesu amutswa, uye akaudza vadzidzi vake kuti vaifanira kuita basa rei?

4 Jesu akazviratidza kechishanu kuvaapostora vake nevamwe vavaiva vakaungana navo. Pamusangano iwoyo, akavadzidzisa Shoko raMwari. Akavhura “pfungwa dzavo kwazvo kuti vanzwisise zvaireva Magwaro.” Izvozvo zvakavabatsira kunzwisisa kuti kuurayiwa kwaakaitwa nevavengi vaMwari uye kumutswa kwaakaitwa zvainge zvataurwa muMagwaro. Musangano iwoyo wava kupera, Jesu akavaudza basa ravaifanira kuita. Akavaudza kuti “rupfidzo rwokukanganwirwa zvivi rwaizoparidzwa muzita rake kumarudzi ose—kutangira muJerusarema.” Akawedzera kuti: “Imi munofanira kuva zvapupu zvezvinhu izvi.”Ruka 24:44-48.

5, 6. (a) Nei Jesu akati: “Muchava zvapupu zvangu”? (b) Zvinhu zvipi zvine chokuita nechinangwa chaJehovha zvaifanira kuziviswa nevadzidzi vaJesu?

5 Saka Jesu paakazviratidza kekupedzisira pashure pemazuva 40, vaapostora vake vanofanira kunge vakanzwisisa kuti airevei paakataura murayiro wokuti: “Muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) Nei Jesu akati: “Muchava zvapupu zvangu,” kwete zvaJehovha? Jesu angadai akataura kuti muchava zvapupu zvaJehovha, asi vanhu vaaitaura navo vaiva vaIsraeri uye vaitova zvapupu zvaJehovha nechekare.

Sevadzidzi vaJesu tinoramba tichiita kuti chinangwa chaJehovha chine chokuita neramangwana chizivikanwe (Ona ndima 5, 6)

6 Vadzidzi vaJesu vakanga vava nezvimwe zvinhu zvine chokuita nechinangwa chaJehovha zvavaifanira kuzivisa uye zvaikosha chaizvo kupfuura kununurwa kwainge kwaitwa vaIsraeri muuranda muIjipiti uye muBhabhironi. Kufa uye kumutswa kwainge kwaitwa Jesu Kristu kwakaita kuti vanhu vawane mukana wokuti vasunungurwe kubva muuranda hwakatonyanya kuipa hwechivi norufu. PaPendekosti ya33 C.E., vadzidzi vaJesu vainge vachangozodzwa nomudzimu vakaita kuti vanhu vazive “zvinhu zvikuru zvaMwari,” uye vakawanda vakateerera. Saka, Jesu ari kuruoko rworudyi rwaBaba vake kudenga, akatanga kuona zvinorehwa nezita rake zvichinyatsozadziswa, zviuru zvevanhu pazvakapfidza uye zvikatenda maari senzira yaJehovha yokuponesa vanhu.—Mab. 2:5, 11, 37-41.

 “RUDZIKINURO MUKUTSINHANA NEVAZHINJI”

7. Zvakaitika paPendekosti ya33 C.E. zvakaratidzei?

7 Zvakaitika paPendekosti ya33 C.E. zvakaratidza kuti Jehovha ainge agamuchira chibayiro chaJesu chaiyananisira kana kuti chaifukidza chivi. (VaH. 9:11, 12, 24) Sezvakataurwa naJesu, haana “kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.” (Mat. 20:28) “Vazhinji” vaizobatsirwa nerudzikinuro rwaJesu vakanga vasiri vaJudha vaipfidza chete. Asi Mwari anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe,” sezvo rudzikinuro ruchibvisa “chivi chenyika!”1 Tim. 2:4-6; Joh. 1:29.

8. Vadzidzi vaJesu vakapupurira zvakadini, uye nei vakabudirira?

8 Vadzidzi vaJesu ivavo vepakutanga vaiva noushingi hwokuramba vachipupurira nezvake here? Chokwadi vaiva nahwo, asi vaisazviita nesimba ravo chete. Mudzimu mutsvene waJehovha waivakurudzira uye waivapa simba rokuti varambe vachipupurira. (Verenga Mabasa 5:30-32.) Papera makore 27 kubva paPendekosti ya33 C.E., zvaigona kunzi “chokwadi chemashoko iwayo akanaka” chainge chanzwiwa ne“zvisikwa zvose zviri pasi pedenga” kureva vaJudha uye vemamwe marudzi.—VaK. 1:5, 23.

9. Chii chakagara chataurwa chakazoitika kuungano yechiKristu yepakutanga?

9 Zvisinei, zvinorwadza kuti ungano yevaKristu yakatanga kushatiswa zvishoma nezvishoma. (Mab. 20:29, 30; 2 Pet. 2:2, 3; Jud. 3, 4) Sezvainge zvataurwa naJesu, kutsauka pakutenda ikoko kwaikurudzirwa no“muvengi,” Satani, kwaizowedzera uye kwokanganisa chiKristu chechokwadi kusvikira “pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 13:37-43) Zvadaro, Jehovha aizogadza Jesu saMambo panyika. Izvozvo zvakaitika muna October 1914, zvichiratidza kuti “mazuva okupedzisira” enyika yakaipa yaSatani ainge atanga.—2 Tim. 3:1.

10. (a) VaKristu vakazodzwa vemazuva ano vakazivisa nezvegore ripi rinokosha? (b) Chii chakaitika muna October 1914, uye izvozvo zvave zvichioneka sei zvakajeka?

10 VaKristu vakazodzwa vemazuva ano vakagara vataura kuti muna October 1914  maizoitika zvinhu zvinokosha. Vakanzwisisa izvozvo vachibatsirwa neuprofita hwaDhanieri hunotaura nezvemuti mukuru wakatemwa uye waizokura zvekare pashure pe“nguva nomwe.” (Dhan. 4:16) Jesu paaitaura uprofita hwokuvapo kwake uye hwo“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho,” akataura nezvenguva iyoyo se“nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi.” Kubva mugore iroro ra1914, “chiratidzo chokuvapo [kwaKristu]” saMambo mutsva wepasi chave chichioneka zvakajeka. (Mat. 24:3, 7, 14; Ruka 21:24) Saka kubva ipapo, “zvinhu zvikuru zvaMwari” zvava kusanganisira kugadzwa kwaJesu kuti ave Mambo panyika.

11, 12. (a) Mambo ainge achangogadzwa akatanga kuitei muna 1919? (b) Zvii zvakava pachena kubva muna 1935? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

11 Jesu Kristu paakangogadzwa kuva Mambo mutsva wepanyika, akatanga kununura vateveri vake vakazodzwa kubva muusungwa hwe“Bhabhironi Guru.” (Zvak. 18:2, 4) Hondo Yenyika I yapera, gore rakatevera racho muna 1919, pakava nemukana wokupupurira munyika yose nezvenzira yaMwari yokuponesa vanhu uye mashoko akanaka oUmambo hwakanga hwagadzwa. VaKristu vakazodzwa vakashandisa mukana iwoyo kuti vapupurire, zvikaita kuti pave nevamwe vakazodzwa vakawanda vaiva netariro yokuzotonga pamwe naKristu.

12 Muna 1935, zvakava pachena kuti Kristu ainge atanga kuunganidza mamiriyoni e“mamwe makwai” ake aizoumba “boka guru” rinobva kumarudzi ose. Richitungamirirwa nevaKristu vakazodzwa, boka guru iri riri kutevedzerawo ushingi hwaiva naJesu uye riri kuzivisa pachena kuti rinowana ruponeso kuna Mwari naKristu. Kana boka guru rikaramba richiita basa iri rokupupurira uye rikaramba richitenda murudzikinuro rwaKristu, richawana ropafadzo yokupona pa“kutambudzika kukuru,” uko kuchaita kuti nyika yaSatani igume.—Joh. 10:16; Zvak. 7:9, 10, 14.

‘IVA NOUSHINGI KUTI UTAURE MASHOKO AKANAKA’

13. SeZvapupu zvaJehovha, takatsunga kuitei, uye chii chinoita kuti tive nechokwadi chokuti tichabudirira?

13 Kudai tikaramba tichikoshesa ropafadzo yedu yokupupurira nezve“zvinhu zvikuru” zvakaitwa naJehovha Mwari uye zvaanovimbisa mune ramangwana. Ichokwadi kuti kupupurira saizvozvo hakusi nyore nguva dzose. Hama dzedu dzakawanda dzinoshanda mundima dzine vanhu vanodzishora chaizvo, vanodziseka kana kuti vanodzitambudza zvakasimba. Tinogona kuita sezvakaitwa nemuapostora Pauro nevamwe vake. Akati: “Takava noushingi . . . naMwari wedu kuti tikutaurirei mashoko akanaka aMwari tichitamburira  kwazvo.” (1 VaT. 2:2) Saka ngatisambokanda mapfumo pasi. Asi ngatitsungei kuramba tichiita maererano nokuzvitsaurira kwedu sezvo nyika yaSatani iri kuita matongo. (Isa. 6:11) Hatikwanisi kuita izvozvo nesimba redu chete, asi tinofanira kunyengetera kuna Jehovha tichikumbira kuti atipe “simba rinopfuura renguva dzose” sezvaiitwa nevaKristu vepakutanga.—Verenga 2 VaKorinde 4:1, 7; Ruka 11:13.

14, 15. (a) VaKristu vepakutanga vaionekwa sei, uye muapostora Petro akati chii nezvavo? (b) Tinofanira kunzwa sei kana tikatambudzwa nemhaka yokuva Zvapupu zvaJehovha?

14 Mazuva ano, kune mamiriyoni evanhu vanozviti vaKristu, asi vanoramba Mwari “nemabasa avo, nokuti vanosemesa, havateereri uye havatenderwi kuita basa chero ripi zvaro rakanaka.” (Tito 1:16) Zvakanaka kuti tiyeuke kuti vaKristu vechokwadi vepakutanga vaivengwa nevanhu vakawanda. Ndokusaka muapostora Petro akanyora kuti: “Kana muri kuzvidzirwa zita raKristu, munofara, nokuti . . . mudzimu waMwari . . . uri pamuri.”—1 Pet. 4:14.

15 Mashoko iwayo angashandawo kuZvapupu zvaJehovha mazuva ano here? Hongu anoshanda nokuti tinopupurira nezveumambo hwaJesu. Saka kuvengwa nemhaka yokuti tinodanwa nezita raJehovha kwakangofanana ‘nokuzvidzirwa zita raJesu Kristu’ uyo akati kuvavengi vake: “Ndakauya muzita raBaba vangu, asi hamundigamuchiri.” (Joh. 5:43) Saka kana ukashorwa paunenge uchiita basa rokupupurira, shinga. Kushorwa ikoko kunoratidza kuti Mwari anokufarira uye kuti mudzimu wake ‘uri pauri.’

16, 17. (a) Chii chiri kuitika kuvanhu vaJehovha munyika dzakawanda? (b) Watsunga kuitei?

16 Asi zivawo kuti munyika dzakawanda nhamba yeZvapupu iri kuwedzera. Kunyange mundima dzakabvira kare dzichiparidzirwa, tichiri kuwana vanhu vanoda kuteerera uye vatinogona kukurukura navo mashoko edu anoponesa. Dai tikaramba tichidzokera kune vanofarira uye kana zvichiita, todzidza navo Bhaibheri tichivabatsira kuti vafambire mberi kusvikira vazvitsaurira uye vabhabhatidzwa. Zvimwe une manzwiro akaita seaSarie wokuSouth Africa ava nemakore anopfuura 60 achiita basa rokupupurira. Anoti, “Ndinoonga chaizvo kuti nemhaka yechibayiro chorudzikinuro chaJesu, ndine ukama hwakanaka naJehovha, Changamire wezvinhu zvose uye ndinofara kuti ndinogona kuita kuti vanhu vazive zita rake rinokudzwa.” Iye nemurume wake Martinus vakabatsira vanhu vakawanda, kusanganisira vana vavo vatatu kuti vave vanamati vaJehovha. Sarie anoti: “Hakuna rimwe basa rinoita kuti ugutsikane uye Jehovha anotipa simba rokuti tirambe tichiita basa iri rinoponesa vanhu achishandisa mudzimu wake mutsvene.”

17 Pasinei nokuti tiri vaKristu vakabhabhatidzwa kana kuti tiri kuda kubhabhatidzwa, tinofanira kuonga ropafadzo yokuvawo musangano reZvapupu zvaJehovha riri munyika yose. Saka, ramba uchipupurira kwazvo uye uchiedza kuramba wakachena usingasvibiswi nenyika yaSatani. Kana ukadaro, uchaita kuti Baba vedu vokudenga avo vane zita ratinodanwa naro vakudzwe.