NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA August 2014

Magazini ino ine nyaya dzichadzidzwa kubva musi wa29 September kusvika musi wa26 October, 2014.

Uri Kuwana ‘Zvokudya Panguva Yakakodzera’ Here?

Kuti munhu arambe akasimba pakunamata anofanira kunge achiwana zvose zvinobudiswa nemuranda akatendeka here?

Vakadzi Vanoitei Pakuzadziswa Kwechinangwa chaJehovha?

Dzidza kuti kupandukirwa kwakaitwa Mwari kwakakanganisa sei varume nevakadzi. Funga nezvemienzaniso yevakadzi vekare vaiva vakatendeka. Onawo kuti mazuva ano vakadzi vechiKristu vanoitei mubasa raMwari.

Shandisa Shoko raMwari Nokuti Ibenyu!

Zvapupu zvaJehovha zvose zvinoda kunyatsobudirira muushumiri. Ona mamwe mazano anobatsira pakushandisa Shoko raMwari rine simba uye maturakiti pakukurukura nevanhu.

Jehovha Anoswedera Sei Pedyo Nesu?

Tinofanira kuva neushamwari hwepedyo naJehovha. Dzidza kuti rudzikinuro uye Bhaibheri zvinoratidza sei kuti Jehovha anoita kuti tiswedere pedyo naye.

Inzwa Inzwi raJehovha Chero Kwaunenge Uri

Dzidza kuti nei zvichikosha kuteerera inzwi raJehovha uye kutaura naye. Nyaya iyi ichatibatsira kuona kuti tingaita sei kuti Satani uye chivi chatiinacho zvisatitadzisa kuteerera Jehovha.

‘Dzoka Usimbise Hama Dzako’

Hama yakamboshumira somukuru asi isisina ropafadzo iyoyo inogonazve here ‘kutsvaka kuva mutariri’?

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Jesu paakataura nezvekuti vanenge vamutswa “havazoroori kana kuroorwa,” aitaura nezverumuko rwepanyika here?

KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

“Eureka Drama” Yakabatsira Vakawanda Kuwana Chokwadi

“Eureka Drama” iyo yaiva duku pane “Photo-Drama of Creation” yaigona kuratidzwa munzvimbo dziri kure kunyange kusina magetsi.