Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Dzoka Usimbise Hama Dzako’

‘Dzoka Usimbise Hama Dzako’

PETRO akasvimha misodzi kwazvo paakaramba Jesu. Kunyange zvazvo muapostora wacho ainge asina kusimba pakunamata panguva iyoyo, Jesu aida kumushandisa kuti abatsire vamwe. Ndokusaka Jesu akamuudza kuti: “Kana wangodzoka, simbisa hama dzako.” (Ruka 22:32, 54-62) Petro akazova mumwe wembiru dzomuungano yechiKristu yepakutanga. (VaG. 2:9) Saizvozvowo, hama yakamboshumira somukuru inogona kuvazve neropafadzo iyoyo uye inogona kuwana mufaro painosimbisa vamwe vaKristu pakunamata.

Vamwe vaimbova vatariri vakabviswa uye izvozvo zvinogona kunge zvakaita kuti vaone sokuti vakundikana zvachose. Julio, * uyo akamboshumira somukuru kuSouth America kwemakore anopfuura 20 akati: “Kugadzirira hurukuro, kushanyira hama, kufudza hama nehanzvadzi dzomuungano, zvose izvi zvaiita kuti ndive nezvakawanda zvokuita muupenyu hwangu! Pasina nguva, zvose zvainge zvanyangarika. Chokwadi iyi yaiva nguva yakaoma.” Iye zvino, Julio ava kushumirazve somukuru.

“FARAI KWAZVO”

Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Hama dzangu, pamunosangana nemiedzo yakasiyana-siyana, farai kwazvo.” (Jak. 1:2) Miedzo yaitaurwa naJakobho ndeiya yatinosangana nayo nemhaka yokutambudzwa uye nokuti tiri vanhu vane chivi. Akataura nezvoruchiva, kusarura nezvimwewo. (Jak. 1:14; 2:1; 4:1, 2, 11) Jehovha paanotiranga, tinogona kushungurudzika chaizvo. (VaH. 12:11) Asi miedzo yakadaro haifaniri kutitadzisa kufara.

Kunyange tikabvisirwa dzimwe ropafadzo muungano, tinenge tichine mukana wokuongorora zvakaita kutenda kwedu uye kuratidza kuti tinoda Jehovha. Tinogonawo kufunga kuti nei takamboshumira sevakuru. Taishumira nekuti tine zvataida kuwana  here kana kuti taishumira nokuti taida Mwari tiine chokwadi chokuti ungano ndeyake uye inoda kutarisirwa neunyoro? (Mab. 20:28-30) Kana munhu aimbova mukuru akaramba achishumira Mwari achifara anenge achitoratidza vanhu vose kusanganisira Satani kuti anoda Jehovha nemwoyo wose.

Mambo Dhavhidhi paakarangwa pashure pokunge aita chivi chakakura, akabvuma chirango chacho uye akaregererwa. Akaimba kuti: “Anofara munhu anoregererwa kumukira kwake, ane chivi chinofukidzwa. Anofara munhu asingaverengerwi kukanganisa naJehovha, ane mafungiro asina unyengeri.” (Pis. 32:1, 2) Chirango chakabatsira Dhavhidhi uye chakaita kuti ave mufudzi akanaka wevanhu vaMwari.

Kazhinji, vaya vakambobviswa pakuva vakuru asi vozotangazve kushumira, vanova vafudzi vakanaka kupfuura zvavaiita. Mumwe akambobviswa pakuva mukuru akati, “Iye zvino ndava kunyatsokwanisa kubatsira vaya vanenge vakanganisa.” Mumwewo akati: “Iye zvino ndava kukoshesa zvakanyanya ropafadzo yangu yokushumira hama.”

MUNGADZOKA HERE?

Munyori wepisarema akati: “[Jehovha] haazorambi achiwanira mhosva nguva dzose.” (Pis. 103:9) Saka hazvirevi kuti kana munhu akaita chikanganiso chakakura Mwari haazombovimbi naye zvakare. “Ndakarwadziwa chaizvo nekukanganisa kwandakaita,” akadaro Ricardo uyo akarasikirwa neropafadzo dzaaiva nadzo semukuru pashure pokunge ashumira kwemakore. “Kwenguva yakareba, ndainzwa sokuti handichakwanisi kushumirazve hama somutariri. Ndaisava nechivimbo chokuti ndaizokwanisa kuratidza kuti ndakatendeka. Asi sezvo ndaifarira kubatsira vamwe, ndakakwanisa kudzidza nevanhu Bhaibheri, kukurudzira hama paImba yoUmambo, uye kushanda nadzo muushumiri. Izvozvo zvakandibatsira kuti ndivezve nechivimbo uye iye zvino ndava kushumirazve somukuru.”

Jehovha akabatsira varume kuti vatangezve kufara uye kuva nechido chokushumirazve

Hama inogona kutadza kushumirazve somukuru kana ikaramba iine chigumbu. Zviri nani chaizvo kuita zvakaitwa nemushumiri waJehovha  Dhavhidhi uyo aitofanira kutiza Mambo Sauro aiva negodo! Dhavhidhi akaramba kudzorera zvakaipa zvaakaitirwa naSauro kunyange paaiwana mikana. (1 Sam. 24:4-7; 26:8-12) Sauro paakafa muhondo, Dhavhidhi akamuchema, akataura nezvake uye mwanakomana wake Jonatani kuti “vaidiwa uye vakanga vakanaka.” (2 Sam. 1:21-23) Dhavhidhi haana kuramba akamugumbukira.

Kana ukaona sokuti vamwe havana kukunzwisisa kana kuti hauna kuitirwa zvakanaka, haufaniri kuramba uine chigumbu. Somuenzaniso, William wokuBritain paakabviswa pakuva mukuru pashure pokunge ashumira kwemakore anenge 30, akagumbukira vamwe vakuru. William akazobatsirwa nei? “Kuverenga bhuku raJobho kwakandikurudzira,” akadaro. “Kana Jehovha akabatsira Jobho kuti ave nerugare neshamwari dzake nhatu, angatadzawo here kundibatsira kuti ndive nerugare nevakuru vechiKristu!”—Job. 42:7-9.

MWARI ANOKOMBORERA VAYA VANOSHUMIRAZVE SEVAFUDZI

Kana wakasarudza kumbomira kufudza makwai aMwari, zvaizova zvakanaka kufunga kuti nei wakasarudza kudaro. Wainge wanyanya kuremerwa nematambudziko ako here? Pane zvimwe zvinhu zvakanga zvava kunyanya kukosha muupenyu hwako here? Wainge waodzwa mwoyo nekukanganisa kwevamwe here? Pasinei nechikonzero chawaiva nacho, yeuka kuti waikwanisa kuita zvakawanda pakubatsira vamwe pawaiva mukuru. Hurukuro dzako dzaivasimbisa, zvawaiita zvaivakurudzira, uye kuvafudza kwawaiita kwaivabatsira kuti vatsungirire miedzo. Basa rawaiita somukuru akatendeka raiita kuti Jehovha afare uye raiitawo kuti iwe ufare.—Zvir. 27:11.

Ratidza kuti unoda Jehovha nokuita basa dzvene uchifara

Jehovha akabatsira varume kuti vatangezve kufara uye kuva nechido chokutungamirira muungano. Kana wakambomira kana kuti wakabviswa pakushumira somukuru, unogonazve ‘kutsvaka kuva mutariri.’ (1 Tim. 3:1) Pauro ‘haana kurega kunyengeterera’ vaKristu vokuKorose kuti vazadzwe nezivo yakarurama pamusoro pokuda kwaMwari ‘kuti vafambe zvakakodzera Jehovha, vamufadze kwazvo.’ (VaK. 1:9, 10) Kana wava kushumirazve somukuru, vimba naJehovha kuti akupe simba, mwoyo murefu uye mufaro. Mumazuva ano okupedzisira, vanhu vaMwari vanoda kutsigirwa pakunamata nevafudzi vane rudo. Unokwanisa uye une chido chokusimbisa hama dzako here?

^ ndima 3 Mamwe mazita akachinjwa.