Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 KUBVA MUDURA RENHOROONDO YEDU

“Eureka Drama” Yakabatsira Vakawanda Kuwana Chokwadi

“Eureka Drama” Yakabatsira Vakawanda Kuwana Chokwadi

“EUREKA!” Shoko iroro rinoreva kuti “Ndawana!” Mumakore ekuma1800 vanhu vaiwanzoshevedzera shoko iri pavainge vawana goridhe, muCalifornia, U.S.A. Charles Taze Russell nevamwe Vadzidzi veBhaibheri vakanga vawana chimwe chinhu chaikosha chaizvo kupfuura goridhe.Vakanga vawana chokwadi cheBhaibheri, uye vaiva nechido chokuudzawo vamwe chokwadi ichocho.

Munguva yechirimo muna 1914, vanhu vakawanda vomumaguta makuru vakadirana vachiuya kuzoona “Photo-Drama of Creation,” bhaisikopo remaawa masere rakabudiswa neInternational Bible Students Association (I.B.S.A.). Pa“Photo-Drama of Creation,” vanhu vaiona kusikwa kwakaitwa zvinhu kubvira pakutanga uye nhoroondo yevanhu kusvika kunoperera Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaJesu Kristu. Izvi vaizviona pachishandiswa bhaisikopo, masiraidhi uye mimhanzi. Paivawo neinzwi rakarekodhwa rainzwika richirondedzera zvaiitika.—Zvak. 20:4. *

Asi zvakadini nevaya vaigara mumataundi madiki uye mumaruwa? Kuitira kuti vanhu vanoda kuziva chokwadi vasarasikirwa, muna August 1914, I.B.S.A. yakabudisa “Eureka Drama” iyo yaiva diki pane “Photo-Drama” uye isina zvimwe zvikamu zvaibudisa firimu. Paiva nemhando nhatu dzemaEureka uye imwe neimwe yaiwanikwa mumitauro yakati wandei: “Eureka X” yaiva nemashoko ose airondedzerwa akarekodhwa uye mumhanzi. “Eureka Y” yaiva nezvose zvaiva mu“Eureka X” uye yaivawo nemasiraidhi aiyevedza. Uye “Eureka Family Drama” yainge yakagadzirirwa kuti ionerwe mudzimba dzevanhu uye yaiva nezvikamu zvaiva nemurondedzeri uye nziyo. Magiramufomu uye mimwe midziyo yaishanda nepurojekita zvaigonawo kutengwa nemitengo yakaderera.

Purojekita ndiyo yaishandiswa kuratidza masiraidhi

Sezvo paisadiwa hapo purojekita kana sikirini hombe, Vadzidzi veBhaibheri vaikwanisa kuratidza vanhu vokumaruwa “Eureka Drama” mahara zvichiita kuti mashoko oUmambo asvike kunzvimbo dzainge dzisati dzamboparidzirwa. “Eureka X” iyo yaingova nemashoko uye mumhanzi zvakarekodhwa yaigona kuridzwa masikati kana manheru. “Eureka Y” yaiva nepurojekita iyo yaigona kushanda negasi kana pasina magetsi. Mumwe mushumo waiva muWatch Tower yomutauro weFinnish wakati, “Tinogona kuratidza mifananidzo iyi chero kupi zvako.” Ichocho chaiva chokwadi.

Vadzidzi veBhaibheri vaisambonetseka nekuhaya nzvimbo dzinoitirwa mitambo asi vaishandisa nzvimbo dzisingabhadharwi dzakadai sezvikoro, zvivako zvehurumende, zviteshi zvezvitima, uyewo dzimba dzokutandarira. Kazhinji vanhu vaiwanzoratidzwa “Eureka Drama” vari panze uye vaisungirira jira jena  hombe pamadziro eimba raishanda sesikirini. Anthony Hambuch akanyora kuti: “Varimi vaironga matanda muminda yavo kuti vanhu vawane pokugara vachinakidzwa nokuona purogiramu yacho.” Hama dzaiita basa rokuratidza vanhu “Eureka Drama” dzaishandisa ngoro pakutakura zvimwe zvinhu zvokushandisa zvavaida uye midziyo yokubikisa.

Vanhu vaiona kana kuteerera “Eureka Drama” vaibvira panhamba duku kusvika kumazana. Mune rimwe taundi romuUnited States raigara vanhu 150, vanhu vanosvika 400 vakauya kuzoona “Eureka Drama” pane chimwe chikoro. Kune imwewo nzvimbo, vamwe vanhu vakafamba makiromita masere kuti vazoona “Eureka Drama.” MuSweden, vavakidzani vaCharlotte Ahlberg avo vainge vakaungana mukamba kake kaduku vakabayiwa mwoyo pavakanzwa “Eureka Drama.” Vanenge 1 500 vakauya kuzoinzwa mune rimwe guta romuAustralia raicherwa zvicherwa. Watch Tower yakati, muzvikoro uye mumakoreji, “vadzidzisi uye vadzidzi vanonakidzwa nekuona mifananidzo uye kunzwa mashoko edu akarekodhwa achiridzwa pagiramufomu.” “Eureka Drama” yaiva yakakurumbira chaizvo kunyange munzvimbo dzaiva nedzimba dzaionerwa mafirimu.

KUITA KUTI MBEU DZECHOKWADI DZIRAMBE DZICHIKURA

“Eureka Drama” yaibatsira chaizvo pakuita “Basa Rokukudza Boka.” Pabasa iri, makirasi eVadzidzi veBhaibheri aitumira vakurukuri kuti vanotanga makirasi matsva. Hatigoni kunyatsoziva kuti vangani vakaona “Eureka Drama.” Ma“Eureka Drama” aigara achishandiswa chaizvo. Asi muna 1915, pazvikwata 86 zvairatidza “Eureka Drama,” 14 chete ndizvo zvaigara zvichitumira mishumo. Pasinei nokuti vamwe vaisatumira mishumo yavo, mushumo wokupera kwegore wakataura kuti vanhu vanopfuura 1 000 000 vainge vaona “Eureka Drama.” Vanenge 30 000 vavo vakakumbira mabhuku anotsanangura Bhaibheri.

“Eureka Drama” ingasayeukwa zvakanyanya munhoroondo yevanhu asi zvinoita sokuti kubva kuAustralia kusvika kuArgentina, kubva kuSouth Africa kusvika kuzvitsuwa zvokuBritain, kuIndia uye kuCaribbean, mamiriyoni evanhu akaiona. Vakawanda vavo vakawana chokwadi cheBhaibheri, icho chinokosha chaizvo kupfuura goridhe uye vakakwanisa kushevedzera kuti “Eureka!”

^ ndima 4 Ona nyaya inoti “Kubva Mudura Renhoroondo Yedu—Bhaisikopo Raisimbisa Kutenda Rava Nemakore 100” iri muNharireyomurindi yaFebruary 15, 2014, mapeji 30-32.