Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Inzwa Inzwi raJehovha Chero Kwaunenge Uri

Inzwa Inzwi raJehovha Chero Kwaunenge Uri

“Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu richiti: ‘Iyi ndiyo nzira.’”—ISA. 30:21.

1, 2. Jehovha anotaura sei nevashumiri vake?

JEHOVHA akabvira kare achitungamirira vanhu vake nenzira dzakasiyana-siyana. Dzimwe nguva aivazivisa zvaizoitika mune ramangwana achishandisa ngirozi, achiita kuti varote kana kuti achiita zvokuvaonesa zvimwe zvinhu. Jehovha aivapawo mabasa avaifanira kuita. (Num. 7:89; Ezek. 1:1; Dhan. 2:19) Vamwe aivaudza zvokuita achishandisa vamiririri vake vaimushumira muchikamu chepanyika chesangano rake. Pasinei nokuti Jehovha aishandisa nzira ipi kuti vanhu vanzwe shoko rake, vaya vaimuteerera vaikomborerwa.

2 Mazuva ano, Jehovha ari kutungamirira vanhu vake achishandisa Bhaibheri, mudzimu wake mutsvene uye ungano. (Mab. 9:31; 15:28; 2 Tim. 3:16, 17) Mirayiridzo yatinopiwa naJehovha yakajeka chaizvo zvokuti zvinoita sokuti ‘nzeve dzedu dziri kunzwa shoko shure kwedu richiti: “Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo.”’ (Isa. 30:21) Jehovha anoshandisawo Jesu kuti tinzwe inzwi rake. Akagadza Jesu kuti atungamirire ungano achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45) Tinofanira kunyatsoteerera mirayiridzo yose yatinowana kuna Jehovha nokuti izvozvo ndizvo zvichaita kuti tiwane upenyu husingaperi.—VaH. 5:9.

3. Chii chingaita kuti zvitiomere kubvuma kutungamirirwa naJehovha? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 Satani Dhiyabhorosi anoziva kuti kana tikabvuma  kutungamirirwa naJehovha tinowana upenyu, saka anoda kutitsausa. Uyewo, ‘mwoyo wedu unonyengera’ unogona kutitadzisa kunyatsoteerera mirayiridzo yaJehovha. (Jer. 17:9) Saka ngationei kuti tingakunda sei zvinhu zvinogona kutitadzisa kunyatsonzwa inzwi raMwari. Ngatikurukureiwo kuti kugara tichinyengetera kuna Jehovha kungatibatsira sei kuti tirambe tiine ushamwari naye pasinei nemamiriro edu ezvinhu.

USANYENGERWA NASATANI

4. Satani anoedza sei kukanganisa pfungwa dzevanhu?

4 Satani anoedza kukanganisa pfungwa dzevanhu nokubudisa mashoko enhema. (Verenga 1 Johani 5:19.) Munyika yose vanhu vanowana mashoko kubva mumapepanhau, mabhuku, maredhiyo, materevhizheni uye Indaneti. Kunyange zvazvo zvinhu izvozvo zvingabudisa mamwe mashoko atingada, zvinowanzokurudzira vanhu kuti vaite zvisingadiwi naJehovha. (Jer. 2:13) Somuenzaniso, vanobudisa nhau uye vanobudisa zvinovaraidza vanotaura kuti hapana chakaipa kuti ngochani dziroorane, uye vanoti Bhaibheri rinoomesera vanhu parinorambidza ungochani.—1 VaK. 6:9, 10.

5. Tingaita sei kuti tisakanganiswa nenhema dzaSatani?

5 Vaya vanoda kuita zvinodiwa naMwari vangaitei kuti vasakanganiswa nenhema dzaSatani dzakazara munyika ino? Vangasiyanisa sei zvakanaka nezvakaipa? ‘Nokuramba vakarinda maererano neshoko raMwari’! (Pis. 119:9) Shoko raMwari rine mirayiridzo inotibatsira kusiyanisa mashoko echokwadi neenhema. (Zvir. 23:23) Achitaura zviri muMagwaro, Jesu akati munhu anofanira kurarama “nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.” (Mat. 4:4) Tinofanira kudzidza kushandisa mazano eBhaibheri muupenyu hwedu. Somuenzaniso, Josefa ainzwisisa kuti upombwe chaiva chivi kuna Mwari kunyange zvazvo mutemo waMwari wairambidza upombwe wainge usati wanyorwa. Mudzimai waPotifari paaiedza kumunyengera kuti aite zvakaipa, Josefa haana kumbova nepfungwa yekusateerera Jehovha. (Verenga Genesisi 39:7-9.) Pasinei nokuti akaramba achimanikidzwa kwenguva refu, Josefa akasarudza kuteerera inzwi raMwari kwete remukadzi iyeye. Kuti tikwanise kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa tinofanira kuteerera inzwi raJehovha tovhara nzeve dzedu kuti tisanzwa ruzha rwenhema dzaSatani.

6, 7. Chii chatinofanira kuita kuti tisateerere mazano akaipa aSatani?

6 Nyika yakazara nezvitendero zvine dzidziso dzakasiyana siyana dzisinganzwisisiki zvokuti vanhu vakawanda vanofunga kuti hazvibatsiri kutsvaga chitendero chechokwadi. Zvisinei, Jehovha akaita kuti kutungamirira kwaanoita vanhu kunyatsova pachena kuitira kuti vaya vanomuda vakwanise kuwana chokwadi. Tinofanira kusarudza kuti ndiani watinoda kuteerera. Sezvo zvisingaiti kuteerera manzwi evanhu vaviri vanenge vachitaura panguva imwe chete, tinofanira  ‘kuziva inzwi’ raJesu tomuteerera nokuti ndiye akagadzwa naJehovha kuti atungamirire makwai ake.—Verenga Johani 10:3-5.

7 Jesu akati: “Chenjererai zvamuri kunzwa.” (Mako 4:24) Mazano atinopiwa naJehovha akajeka uye akanaka, asi tinofanira kuakoshesa uye kuateerera nokutanga tagadzirira mwoyo wedu kuti tiagamuchire. Kana tikasachenjerera, tinogona kuteerera mazano akaipa aSatani pane kuteerera aMwari akanaka. Usambobvuma kuti zvinhu zvenyika zvakadai semimhanzi, mavhidhiyo, mapurogiramu epaTV, mabhuku, shamwari, vadzidzisi, kana kuti vaya vanonzi ndivo nyanzvi vachikuudza zvokuita neupenyu hwako.—VaK. 2:8.

8. (a) Mwoyo wedu unogona sei kuita kuti tikanganiswe naSatani nyore nyore? (b) Chii chinogona kuitika kwatiri kana tikarega mwoyo wedu uchinyengerwa?

8 Satani anoziva kuti tiri vanhu vanotadza uye anoedza kutinyengedza kuti titadzire Jehovha. Satani paanoti nangananga nesu, zvinotiomera chaizvo kuramba takaperera kuna Mwari. (Joh. 8:44-47) Tingaita sei kuti tirambe takaperera kuna Mwari? Funga nezvemunhu anoda kugutsa zvido zvaanazvo ipapo ipapo zvokuti anopedzisira aita zvakaipa zvaaisafunga kuti angaita. (VaR. 7:15) Chii chingava chakonzera kuti munhu iyeye aite zvakaipa? Zvimwe manzwiro aaiita inzwi raJehovha akatanga kudzikira zvishoma nezvishoma. Anogona kunge asina kuona kuti mwoyo wake uri kunyengerwa kana kuti akazviona, asi akazvirega zvakadaro. Somuenzaniso, anogona kunge asisanyengeteri, asisaiti zvakawanda muushumiri kana kuti ava kurovha misangano. Anopedzisira aita zvaanoziva kuti zvakaipa. Tinogona kudzivisa chikanganiso chakadaro kana tikaramba takangwaririra uye kana tikakurumidza kugadzirisa patinenge tava kurasika. Kana tichiteerera inzwi raJehovha, hatizomboteereri zvinotaurwa nevakatsauka pakutenda.—Zvir. 11:9.

9. Nei zvichikosha kukurumidza kuziva miedzo inotikunda nyore nyore?

9 Kana munhu akakurumidza kuziva chirwere chaainacho chisati chaenderera, anogona kurapwa, opora. Saizvozvowo, tinogona kudzivisa kupinda muna taisireva kana tikakurumidza kuziva miedzo inotikunda nyore nyore. Patinongoziva miedzo iyoyo, zvakanaka kubva takurumidza kuita chimwe chinhu tisati ‘tabatwa naSatani tiri vapenyu kuti tiite zvaanoda.’ (2 Tim. 2:26) Tinofanira kuita sei kana tikaona kuti tava kubvumira mafungiro uye zvido zvedu kuti zvibve pane zvinodiwa naJehovha? Tinofanira kudzoka kwaari nokukurumidza, toteerera nemwoyo wose zano raanenge  achitipa. (Isa. 44:22) Tinofanira kuziva kuti kutadza kusarudza zvakanaka kunogona kutikuvadza zvakaipisisa zvokuti kunyange tikazodzoka kuna Jehovha tinoramba tichirwadziwa nezvatakaita. Zviri nani chaizvo kuti kana tikaona kuti tava kutsauka, tokurumidza kuita zvose zvatinogona kuti tisaite chikanganiso chakakura.

Kugara tichiita zvinhu zvine chokuita nokunamata kunotidzivirira sei pamazano aSatani? (Ona ndima 4-9)

KUKUNDA DAMBUDZIKO ROKUZVIKUDZA UYE MAKARO

10, 11. (a) Munhu anozvikudza anooneka sei? (b) Tinodzidzei pane zvakaipa zvakaitwa naKora, Dhatani naAbhiramu?

10 Tinofanira kuziva kuti mwoyo wedu unogona kutitsausa. Chokwadi chido chokuita zvakaipa chinogona kutikanganisa chaizvo. Somuenzaniso, funga nezvedambudziko rokuzvikudza uye makaro. Ona kuti matambudziko aya angatitadzisa sei kunzwa inzwi raJehovha topedzisira tapinda muna taisireva. Munhu anozvikudza anozviona sokuti anokosha chaizvo. Anganzwa sokuti ane kodzero yokuita zvose zvaanoda uye hapana anogona kumuudza zvokuita. Saka angaona sokuti hazvikoshi kuteerera vaKristu vaanonamata navo, vakuru kana kuti kunyange sangano raMwari. Kumunhu akadaro, inzwi raJehovha rinenge rava kunzwikira kure kure.

11 VaIsraeri pavaiva murenje, Kora, Dhatani naAbhiramu vakapandukira Mosesi naAroni. Kuzvikudza kwavaiita kwakaita kuti vade kuzvimiririra pakunamata Jehovha. Jehovha akaita sei? Akauraya vapanduki vacho vose. (Num. 26:8-10) Chokwadi izvi zvinotidzidzisa chidzidzo chinokosha! Kupandukira Jehovha kune ngozi. Tinofanirawo kuyeuka kuti “kuzvikudza kunotangira kugumburwa.”—Zvir. 16:18; Isa. 13:11.

12, 13. (a) Taura muenzaniso unoratidza kuti makaro anogona kutipinza muna taisireva. (b) Tsanangura kuti makaro anogona sei kuwedzera nokukurumidza kana tikaaregerera.

12 Fungawo nezvemakaro. Munhu ane makaro anowanzofunga kuti mirayiridzo yaanopiwa haishandi kwaari uye anofunga kuti anogona kutora zvinhu zvisiri zvake. Mukuru weuto reSiriya, Naamani, paakaporeswa pachirwere chemaperembudzi chaaiva nacho, akada kupa muprofita Erisha zvipo asi Erisha akaramba. Asi Gehazi mushandi waErisha akachiva zvipo izvozvo. Gehazi akati: “NaJehovha mupenyu, ndichamumhanyira [Naamani], nditore chimwe chinhu kwaari.” Gehazi akamhanyira Naamani, Erisha asingazvizivi ndokunotaura manyepo kuti apiwe “tarenda resirivha nenguo mbiri dzokuchinja.” Chii chakazoitika kuna Gehazi uyo aiva nemakaro? Maperembudzi aiva naNaamani akanamatira kwaari.—2 Madz. 5: 20-27.

13 Makaro anogona kutanga zvishoma nezvishoma zvokuti kana akaregwa achienderera, anogona kukura zvokuti angatokanganisa upenyu hwedu. Izvozvo ndizvo zvakaitika kuna Akani. Akati: “Pandakaona nguo yomukuru mukuru yokuShinari, yakanaka, pazvinhu zvinopambwa, nemashekeri esirivha mazana maviri nechigodo chimwe chete chendarama, chinorema mashekeri makumi mashanu, ndakabva ndazvida, ndikazvitora.” Pane kuti adzivise chido chakaipa, Akani akaba zvinhu izvozvo ndokuzviviga mutende rake. Pazvakabuda pachena kuti ndizvo zvakanga zvaitwa naAkani, Joshua akamuudza kuti Jehovha aizomuunzira dambudziko. Akani nemhuri yake vakatemwa nematombo kusvikira vafa. (Josh. 7:11, 21, 24, 25) Mumwe nomumwe wedu anogona kupedzisira ava nemakaro saAkani. Saka ngatichenjererei “kuchochora [kukara] kwemarudzi ose.” (Ruka 12:15) Kunyange zvazvo dzimwe nguva tichimbova nemafungiro asina kuchena kana kuti kufunga zvinhu zvounzenza, zvinokosha kuti tirambe tichizvidzora kuti tisabvumira chido chakaipa kutipinza muchivi.—Verenga Jakobho 1: 14, 15.

14. Tinofanira kuitei kana tikaona kuti tava kutanga kuzvikudza uye kuva nemakaro?

 14 Kuzvikudza uye makaro zvinogona kutipinza mungozi. Kufunga zvinozoguma zvaitika kana tikaita zvinhu zvakaipa kunotibatsira kuti tirambe tichiteerera inzwi raJehovha. (Dheut. 32:29) MuBhaibheri, Mwari wechokwadi haangotiudzi nezvenzira yakanaka chete, asi anotsanangurawo zvazvakanakira kufamba mairi uye zvinogona kuitika kana tikafamba munzira yakaipa. Kana mwoyo wedu ukaita kuti titange kufunga kuita chimwe chinhu zvichikonzerwa nekuzvikudza kana kuti makaro, zvingava zvakanaka chaizvo kufunga zvinozoguma zvaitika. Tinofanira kufungawo kuti kuita zvakaipa kunotikanganisa sei, kunokanganisa sei hama dzedu, uye ukama hwedu naJehovha.

GARA UCHITAURA NAJEHOVHA

15. Tingadzidzei pane zvaiitwa naJesu?

15 Jehovha anoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka. (Pis. 1:1-3) Anotitungamirira panguva chaiyo yatinenge tichida kutungamirirwa. (Verenga VaHebheru 4:16.) Kunyange zvazvo Jesu ainge akakwana, aiziva kuti aifanira kugara achitaura naJehovha, saka airamba achinyengetera. Jehovha akatsigira uye akatungamirira Jesu munzira dzakanaka chaizvo. Akatuma ngirozi kuti dzimushumire, akamupa mudzimu wake mutsvene, uye akamutungamirira pakusarudza vaapostora vake 12. Jehovha akataura kuti aifarira Jesu uye aimutsigira. (Mat. 3:17; 17:5; Mako 1:12, 13; Ruka 6:12, 13; Joh. 12:28) Sezvaiitwa naJesu tinoda kunyengetera kuna Mwari tichinyatsotaura zviri pasi pemwoyo wedu. (Pis. 62:7, 8; VaH. 5:7) Munyengetero uchatibatsira kuti tirambe tiri pedyo naJehovha uye kuti tirarame nenzira inoita kuti akudzwe.

16. Tingabatsirwa sei naJehovha kuti tikwanise kunzwa inzwi rake?

16 Kunyange zvazvo Jehovha achiita kuti mazano ake awanikwe zviri nyore, haamanikidzi vanhu kuti vamuteerere. Tinofanira kumukumbira mudzimu mutsvene uye haambotinyimi. (Verenga Ruka 11:10-13.) Saka zvakakosha kuti ‘tichenjerere kuteerera kwatinoita.’ (Ruka 8:18) Somuenzaniso hwaizova unyengeri kukumbira Jehovha kuti atibatsire kukunda dambudziko rokuita unzenza asi tichiramba tichiona zvinonyadzisira kana mafirimu ounzenza. Tinofanira kugara tiri munzvimbo kana kuti kuva mumamiriro ezvinhu anowanika mudzimu mutsvene waJehovha. Tinoziva kuti mudzimu mutsvene unowanika kumisangano yeungano. Vashumiri vaJehovha vakawanda vakadzivisa kuita zvakaipa nokuteerera Jehovha pamisangano yedu yeungano. Izvi zvakaita kuti vazive zvido zvakaipa zvakanga zvava kutanga mumwoyo mavo uye vakaruramisa nzira dzavo.—Pis. 73:12-17; 143:10.

RAMBA UCHINYATSOTEERERA INZWI RAJEHOVHA

17. Nei kuzvivimba kuine ngozi?

17 Funga nezvaMambo Dhavhidhi weIsraeri. Paaiva muduku, akakunda hofori yokuFiristiya yainzi Goriyati. Dhavhidhi akazova murwi, mambo, mudziviriri uye ndiye aiita zvisarudzo kurudzi rwacho rwose. Asi paakatanga kuzvivimba, mwoyo wake wakamunyengera uye akaita chivi chakaipa chaizvo naBhati-shebha, akatourayisa Uriya, murume waBhati-shebha. Dhavhidhi paakatsiurwa akabvuma chikanganiso chake akavazve shamwari yaJehovha.—Pis. 51:4, 6, 10, 11.

18. Chii chingatibatsira kuti tirambe tichiteerera inzwi raJehovha?

18 Ngatiteererei zano riri pana 1 VaKorinde 10:12 uye torega kuzvivimba. Sezvo tisingakwanisi “kudzora nhanho” dzedu, tichateerera inzwi raJehovha kana kuti raSatani. (Jer. 10:23) Ngatirambei tichinyengetera, tobvuma kutungamirirwa nemudzimu mutsvene uye toramba tichiteerera inzwi raJehovha.