Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anoswedera Sei Pedyo Nesu?

Jehovha Anoswedera Sei Pedyo Nesu?

“Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—JAK. 4:8.

1. Vanhu vane chido chei uye ndiani anogona kugutsa chido ichocho?

VANHU vane chido chakakura chokuva noushamwari hwepedyo nevamwe. Kana vanhu vachinzi vane ushamwari hwepedyo, vanenge vachiwirirana chaizvo uye vachizivana zvakanyanya. Tinofadzwa nokushamwaridzana nehama neshamwari dzinotida, dzinotikoshesa uye dzinotinzwisisa. Asi Musiki wedu Mukuru ndiye watinofanira kuva neushamwari hwakasimba naye kupfuura vamwe vose.—Mup. 12:1.

2. Jehovha anotivimbisei, asi nei vanhu vakawanda vasingadaviri izvozvo?

2 Jehovha anotikurudzira muShoko rake kuti ‘tiswedere pedyo’ naye, uye anotivimbisa kuti kana tikaita izvozvo “achaswedera pedyo” nesu. (Jak. 4:8) Izvozvo zvinozofadza! Asi vanhu vakawanda vanofunga kuti hazviiti kuti Mwari ave pedyo navo. Vanoona sokuti havakodzeri kuva pedyo naye kana kuti ari kure chaizvo navo. Asi zvinonyatsoita here kuti tive pedyo naJehovha?

3. Ichokwadi chipi chatinofanira kuziva nezvaJehovha?

3 Chokwadi ndechokuti Jehovha haasi ‘kure nomunhu mumwe nomumwe’ anenge achida kumuwana uye hapana chinotitadzisa kumuziva. (Verenga Mabasa 17:26, 27; Pisarema 145:18.) Mwari wedu anoda kuti kunyange vanhu vane chivi vave  pedyo naye. Akagadzirira uye anoda kuti vave shamwari dzake. (Isa. 41:8; 55:6) Achifunga zvakaitika kwaari, munyori wepisarema akati nezvaJehovha: “Haiwa imi Munzwi womunyengetero, vanhu vemarudzi ose vachauya kwamuri. Anofara munhu wamunosarudza uye wamunoswededza pedyo.” (Pis. 65:2, 4) Ngationei kuti Mambo weJudha anonzi Asa anotaurwa muBhaibheri akaswedera sei pedyo naMwari uye kuti Jehovha akaswederawo sei pedyo naye. *

DZIDZA PAMUENZANISO WEKARE

4. Mambo Asa akaratidza muenzaniso upi kuvanhu vaJudha?

4 Mambo Asa akaratidza kushingairira kunamata kwechokwadi paakabvisa zvinhu zvakaipa zvainge zvazara munyika yacho zvaisanganisira kuita zvechipfambi patemberi uye kunamata zvidhori. (1 Madz. 15:9-13) Aine rusununguko rwokutaura, akarayira vanhu kuti “vatsvake Jehovha Mwari wemadzitateguru avo uye kuti vachengete mutemo nomurayiro.” Jehovha akakomborera Asa mumakore gumi okutanga oumambo hwake nokuita kuti nyika yacho ive nerugare. Asa akati rugare urwu rwaibva kupi? Akaudza vanhu kuti: “Nyika ichiri pamberi pedu, nokuti takatsvaka Jehovha Mwari wedu. Takamutsvaka, uye anotipa zororo kumativi ose.” (2 Mak. 14:1-7) Funga zvakabva zvaitika.

5. Asa akasangana nemamiriro api ezvinhu aida kuti aratidze kuti aivimba naMwari, uye zvakaguma nei?

5 Ngatitii ndiwe Asa. MuItiopiya anonzi Zera auya kuzorwisa Judha aine varume 1 000 000 uye aine ngoro 300. (2 Mak. 14:8-10) Waizoita sei uchiona uto guru iroro richifora richipinda muumambo hwako? Iwe unongova nemasoja 580 000 chete! Sezvo masoja ako achingoti pfuurei hafu yemasoja emuvengi, waizonetseka here kuti nei Mwari ari kurega varwi vachipinda munyika yako? Waizovimba nouchenjeri hwako here kuti ugadzirise dambudziko rakuwira? Zvakaitwa naAsa zvinoratidza kuti aiva pedyo naJehovha uye aivimba naye. Akanyengetera nemwoyo wose achiti: “Haiwa Jehovha Mwari wedu, tibatsirei, nokuti tinovimba nemi, uye tauya kuzorwa neboka revanhu ava muzita renyu. Haiwa Jehovha, ndimi Mwari wedu. Musarega munhuwo zvake achiva nesimba pakurwa nemi.” Mwari akaita sei nechikumbiro chaAsa chemwoyo wose? “Jehovha akabva akunda vaItiopiya.” Hapana kana mumwe wavo akapona muhondo yakazorwiwa!—2 Mak. 14:11-13.

6. Zvii zvakaitwa naAsa zvatinofanira kutevedzera?

6 Chii chakaita kuti Asa anyatsova nechivimbo chokuti Mwari aizomutungamirira uye aizomudzivirira? Bhaibheri rinoti “Asa akaita zvakanga zvakarurama pamberi paJehovha” uye ‘mwoyo wake waiva wakakwana kuna Jehovha.’ (1 Madz. 15:11, 14) Isuwo tinofanira kushumira Mwari nemwoyo wakakwana. Kuita izvozvo kunokosha chaizvo kana tichida kuva neushamwari hwepedyo naye iye zvino uye mune remangwana. Tinoonga chaizvo kuti Jehovha akatora danho rokutanga kuti tiswedere pedyo naye uye kuti atibatsire kuva neukama hwepedyo naye uye kuramba tiinahwo! Funga nezvezvinhu zviviri zvakaitwa naMwari kuti tiswedere pedyo naye.

JEHOVHA ANOSHANDISA RUDZIKINURO KUTI TIVE PEDYO NAYE

7. (a) Jehovha akaitei kuti tiswedere pedyo naye? (b) Ndeipi nzira inokosha chaizvo inoshandiswa naMwari kuti tiswedere pedyo naye?

7 Jehovha akaratidza kuti anoda vanhu nokusika nyika yakanaka chaizvo kuti ive  musha wedu. Anoramba achiratidza kuti anotida nokutipa zvokudya zvinoita kuti tirambe tichirarama. (Mab. 17:28; Zvak. 4:11) Chinonyanya kukosha ndechokuti Jehovha anotipa zvatinoda pakunamata. (Ruka 12:42) Anotivimbisawo kuti anoteerera minyengetero yedu. (1 Joh. 5:14) Zvisinei, nzira inokosha chaizvo inoshandiswa naMwari kuti tiswedere pedyo naye ndeyorudzikinuro. (Verenga 1 Johani 4:9, 10, 19.) Jehovha akatuma “Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga” panyika kuti tikwanise kununurwa muchivi norufu.—Joh. 3:16.

8, 9. Jesu anoita basa rei pakuzadziswa kwechinangwa chaJehovha?

8 Jehovha akaita kuti kunyange vanhu vakararama nguva yaKristu isati yasvika vabatsirwewo nerudzikinuro. Jehovha paakangoprofita nezveMuponesi wevanhu aizouya, aitoona sokuti rudzikinuro rwatobhadharwa nokuti aiziva kuti chinangwa chake hachikundikani. (Gen. 3:15) Papera mazana emakore, muapostora Pauro akaonga Mwari nemhaka yo“rudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu.” Pauro akawedzera kuti: “Mwari akanga achikanganwira zvivi zvakaitika munguva yakapfuura.” (VaR. 3:21-26) Chokwadi Jesu ane basa rinokosha chaizvo pakuita kuti tive pedyo naMwari!

9 Kudai pasina Jesu, hapana munhu anozvininipisa aigona kuziva Jehovha uye kuva neushamwari hwepedyo naye. Magwaro anojekesa sei pfungwa iyi? Pauro akanyora kuti: “Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.” (VaR. 5:6-8) Chibayiro chorudzikinuro chaJesu hachina kupiwa nemhaka yokuti takakodzerwa nacho asi nokuti Mwari anotida. Jesu akati: “Hapana munhu angauya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasaita kuti auye.” Pane imwe nguva akati: “Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” (Joh. 6:44; 14:6) Jehovha anoshandisa mudzimu mutsvene wake kuita kuti vanhu vauye kwaari nokuna Jesu uye kuti varambe vari murudo rwake vaine tariro youpenyu husingaperi. (Verenga Judha 20, 21.) Asi ngationei imwe nzira inoshandiswa naJehovha kuita kuti vanhu vauye kwaari.

JEHOVHA ANOITA KUTI TISWEDERE PEDYO NAYE ACHISHANDISA BHAIBHERI

10. Zvii zvatinodzidza muBhaibheri zvinotibatsira kuswedera pedyo naMwari?

10 Kubva patangira nyaya ino, tashandisa magwaro abva mumabhuku eBhaibheri 14 akasiyana-siyana. Kudai pasina Bhaibheri, taizomboziva here kuti tinogona kuswedera pedyo neMusiki wedu? Taizodzidza sei nezverudzikinuro uye nezvokuswedera pedyo naJehovha nokuna Jesu? Jehovha akashandisa mudzimu wake kuita kuti Bhaibheri rinyorwe. MuBhaibheri imomo tinoudzwa nezveunhu hwake hwakanaka uyewo zvinangwa zvake. Somuenzaniso, pana Eksodho 34:6, 7, Jehovha akaudza Mosesi kuti ndiri Mwari “ane ngoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere nomutsa worudo, nechokwadi, anochengetera vane zviuru mutsa worudo, anoregerera kukanganisa, kudarika uye chivi.” Ndiani asingadi kuva pedyo nemunhu akadaro? Jehovha anoziva kuti patinoramba tichidzidza nezvake muBhaibheri, tinowedzera kumuona semunhu watinogona kuva neushamwari naye uye tichaswedera pedyo naye.

11. Nei zvichikosha kudzidza nezveunhu hwaMwari uye nzira dzake? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

11 Bhuku raSwedera Pedyo naJehovha rinotsanangura zvatingaita kuti tive neushamwari hwepedyo naMwari mumashoko aro okusuma richiti: “Muushamwari hwoga hwoga, tinosimbisa ukama hwacho  nokuziva munhu wacho, kumuyemura nokukoshesa unhu hwake hunomusiyanisa nevamwe. Naizvozvo unhu hwaMwari nenzira dzake, sezvinoratidzwa muBhaibheri, zvinhu zvinokosha kudzidza.” Saka tinoonga chaizvo kuti Jehovha akaita kuti Shoko rake rinyorwe nenzira inoita kuti tirinzwisise!

12. Nei Jehovha akashandisa vanhu kunyora Bhaibheri?

12 Jehovha angadai akashandisa ngirozi kuti dzinyore Magwaro. Izvozvo zvaigona kuita nokuti ngirozi dzinotifarira uye dzinofarirawo mabasa atinoita. (1 Pet. 1:12) Hapana mubvunzo kuti ngirozi dzaigona kunyorera vanhu shoko raMwari. Asi dzaizoona zvinhu semaonero anoita vanhu here? Dzaizokwanisa here kunzwisisa zvatinoda, miedzo inotikunda uye zvinangwa zvedu? Jehovha aiziva kuti dzaisazvikwanisa. Akaita kuti vanhu vanyore Bhaibheri achiitira kuti mashoko aro anyatsosvika pamwoyo pedu. Tinogona kunzwisisa mafungiro uye manzwiro evanyori veBhaibheri neevamwe vanotaurwa muMagwaro. Tinonzwisisawo zvinhu zvaivaodza mwoyo, zvavaisava nechokwadi nazvo, zvavaitya, kutadza kwavaiita, uye tinofara pavaifara uye pavaibudirira kuita zvimwe zvinhu. Kungofanana nemuprofita Eriya, vanyori veBhaibheri vose vaiva “nemanzwiro akafanana needu.”—Jak. 5:17.

Zvakaitwa naJehovha kuna Jona naPetro zvinokuswededza sei pedyo naye? (Ona ndima 13, 15)

13. Munyengetero waJona unoita kuti unzwe sei?

13 Somuenzaniso, funga kuti ngirozi yaizonyatsokwanisa here kunyora manzwiro aJona paakatiza basa raainge apiwa naMwari. Zvakanaka chaizvo kuti Jehovha akaita kuti Jona anyore nyaya yake mbune, kusanganisira munyengetero wemwoyo wose waakapa ari pasi pegungwa. Jona akati: “Mweya wangu pawakapera simba mukati mangu, Jehovha ndiye wandakayeuka.”—Jona 1:3, 10; 2:1-9.

14. Nei uchikwanisa kunzwisisa manzwiro aIsaya pane zvaakanyora?

 14 Fungawo nezvemashoko akafemerwa Isaya kuti anyore. Paakaona kubwinya kwaMwari, muprofita wacho akataura nezvekutadza kwake achiti: “Ndine nhamo! Nokuti ndangofanana nomunhu aparadzwa, nokuti ndiri munhu ane miromo isina kuchena, uye ndiri kugara pakati pevanhu vane miromo isina kuchena; nokuti maziso angu aona Mambo, iye Jehovha wemauto!” (Isa. 6:5) Ingirozi ipi yaizotaura mashoko akadaro? Asi Isaya akataura mashoko iwayo uye tinogonawo kunzwisisa manzwiro aaiita.

15, 16. (a) Nei tichikwanisa kunzwisisa manzwiro anoita vanhu? Taura mienzaniso. (b) Chii chichatibatsira kuti tiwedzere kuswedera pedyo naJehovha?

15 Pane here ngirozi yaizokwanisa kutaura kuti “handikodzeri” sezvakataurwa naJakobho, kana kuti ‘ndinotadza’ sezvakataurwa naPetro? (Gen. 32:10; Ruka 5:8) Ngirozi dzakarurama ‘dzaizotya’ here sezvaiitwa nevadzidzi vaJesu kana kuti dzaizofanira here kuva “noushingi” hwokuzivisa mashoko akanaka kana dzapikiswa sezvaifanira kuitwa naPauro nevamwe? (Joh. 6:19; 1 VaT. 2:2) Kwete, ngirozi hadzina chivi uye hatingambodzienzanisi nevanhu. Zvisinei, vanhu vanotadza pavanoratidza manzwiro akadaro, tinobva tangovanzwisisa nekuti tiri vanhuwo. Chokwadi, patinoverenga Shoko raMwari, tinogona ‘kufara nevanhu vanofara uye kuchema nevanhu vanochema.’—VaR. 12:15.

16 Kana tikafungisisa zvinotaurwa neBhaibheri nezvemabatiro aiita Jehovha vashumiri vake vakatendeka vekare, tichadzidza zvinhu zvakawanda zvinoshamisa nezvaMwari wedu, uyo akaswedera pedyo nevanhu ivavo vaitadza. Izvi zvichaita kuti tinyatsoziva Jehovha uye timude zvakadzama. Uyewo tichabva tawedzera kuswedera pedyo naye.—Verenga Pisarema 25:14.

SHANDA NESIMBA KUTI UVE NOUSHAMWARI HWAKASIMBA NAMWARI

17. (a) Azariya akapa Asa zano ripi rakanaka? (b) Asa akaratidza sei kusateerera zano raAzariya, uye zvakaguma nei?

17 Mambo Asa paakakunda uto revaItiopiya zvine mutsindo, muprofita waMwari Azariya akauya nemashoko ouchenjeri kwaari uye kuvanhu vake. Azariya akati: “Jehovha anemi chero bedzi imi muinaye; uye kana mukamutsvaka, iye achaita kuti mumuwane, asi kana mukamusiya, achakusiyaiwo.” (2 Mak. 15:1, 2) Zvisinei, nokufamba kwenguva, Asa haana kuzoteerera zano iroro rakanaka. Paakatyisidzirwa neumambo hwokumusoro hwaIsraeri, Asa akanotsvaka rubatsiro kuvaSiriya. Pane kuti akumbire kubatsirwa zvakare naJehovha, akafunga kubatana nevahedheni. Saka akaudzwa kuti: “Waita zvoupenzi pachinhu ichi, nokuti kubvira zvino hondo dzichauya kuzokurwisa.” Makore okupedzisira okutonga kwaAsa akanga aine hondo dzisingaperi. (2 Mak. 16:1-9) Tinodzidzei?

18, 19. (a) Tinofanira kuitei kana tanga tava kubva pana Mwari? (b) Tingawedzera sei kuswedera pedyo naJehovha?

18 Hatifaniri kumbobva pana Jehovha. Kana tanga tava kubva pana Jehovha, tinofanira kuita zvatinoudzwa pana Hosiya 12:6 iyo inoti: “Dzokera kuna Mwari wako, uchichengeta mutsa worudo nokururama; utarisire kuna Mwari wako nguva dzose.” Saka ngatirambei tichiswedera pedyo naJehovha nokufungisisa uye kuonga rudzikinuro uye nokunyatsodzidza Shoko rake, Bhaibheri.—Verenga Dheuteronomio 13:4.

19 Munyori wepisarema akati: “Kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira.” (Pis. 73:28) Dai tose tikaramba tichidzidza zvinhu zvitsva nezvaJehovha kuti tikwanise kuwedzera kuziva zvinhu zvakawanda zvinoita kuti timude. Uye dai Jehovha akaramba achiswedera pedyo nesu iye zvino uye nokusingaperi!

^ ndima 3 Ona nyaya inotaura nezvaAsa inoti “Basa Renyu Richapiwa Mubayiro,” iri muNharireyomurindi yaAugust 15, 2012.