Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Jesu akaudza vaSadhusi kuti vanhu vachamutswa “havazoroori kana kuroorwa.” (Ruka 20:34-36) Aitaura nezvevachamutsirwa panyika here?

Vanhu vakadaro vangava nechido chokuzobatanidzwa zvakare nevamwe vavo vanenge vamutswa somurume nemudzimai munyika itsva. Mumwe murume akafirwa nemudzimai akati: “Ini nemudzimai wangu hatina kusarudza kugumisa muchato wedu. Taida chaizvo kuramba tichinamata pamwe chete tiri murume nemudzimai nokusingaperi. Manzwiro iwayo haana kumbochinja.” Pane here chikonzero chokuva netariro yokuti vaya vanenge vamutswa vacharoora kana kuroorwa? Hatigoni kutaura kuti hungu kana kuti kwete.

Kwemakore, mabhuku edu aitaura kuti mashoko aJesu ane chokuita nekuroora uye kuroorwa kwevanenge vamutswa anofanira kunge aireva vaya vachamutswa kuti vagare panyika uye kuti vanhu ivavo vaisazoroora. * (Mat. 22:29, 30; Mako 12:24, 25; Ruka 20:34-36) Kunyange zvazvo tisingakwanisi kubva tataura kuti izvi ndizvo kana kuti kwete, Jesu paakataura mashoko aya angava here aitaura nezvevachamutsirwa kudenga? Ngatimboongorai zvakataurwa naJesu.

Chimbofunga zvakaita kuti Jesu azotaura mashoko iwayo. (Verenga Ruka 20:27-33.) VaSadhusi avo vaisadavira kuti kune rumuko vakaedza Jesu nokumubvunza mubvunzo waiva nechokuita nerumuko uye kugarwa nhaka kwemudzimai ainge afirwa nemurume. * Jesu akapindura kuti: “Vana vomumamiriro ezvinhu epanguva ino vanoroora nokuroorwa, asi vaya vakakodzerwa nokuwana mamiriro ezvinhu epanguva iyoyo nokumuka kubva kuvakafa havazoroori kana kuroorwa. Chokwadi havazofi nokuti vanenge vakaita sengirozi, uye ivo vana vaMwari nokuva vana vorumuko.”—Ruka 20:34-36.

Nei mumabhuku edu takamboti Jesu aitaura nezvekumutswa kwepanyika? Pane zvikonzero zviviri zvakaita kuti titaure pfungwa iyoyo. Chokutanga, taifunga kuti vaSadhusi vangangodaro vaifunga nezverumuko rwepanyika uye Jesu akavapindura maererano nezvavaifunga. Chechipiri, Jesu akapedzisa mhinduro yake achitaura nezvaAbrahamu, Isaka naJakobho, vashumiri vaMwari vakatendeka avo vachamutswa kuti vararame panyika.—Ruka 20:37, 38.

Zvisinei, Jesu anogona kunge aifunga nezverumuko rwokudenga. Nei tingagumisa kudaro? Ngationgororei pfungwa mbiri dzakataurwa naJesu.

“Vaya vakakodzerwa . . . nokumuka kubva kuvakafa.” VaKristu vakazodzwa vakatendeka vanonzi ‘vakakodzerwa noumambo hwaMwari.’ (2 VaT. 1:5, 11) Vakanzi vakarurama nokuda kweupenyu pachishandiswa rudzikinuro, saka havafi sevatadzi vane mhosva. (VaR. 5:1, 18; 8:1) Vanhu ivavo vanonzi ‘vanofara uye vatsvene’  uye vakakodzerwa norumuko rwokudenga. (Zvak. 20:5, 6) Asi, pane vaya vachamutsirwa panyika pachange painewo “vasina kururama.” (Mab. 24:15) Vanganziwo here “vakakodzerwa” norumuko?

“Chokwadi havazofi.” Dzimwe shanduro dzinoshandura mashoko aya dzichiti “rufu haruna simba pavari.” Vakazodzwa pavanongopedza upenyu hwavo hwepanyika vakatendeka vanobva vangoenda kudenga vopiwa kusafa kureva upenyu husingazoparari zvachose. (1 VaK. 15:53, 54) Rufu runenge rusisina simba zvachose pane vaya vachamutsirwa kudenga. *

Kubva pane zvatakurukura tingagumisa kuti chii? Jesu paakataura nezvekuroora uye rumuko anogona kunge aireva rumuko rwokudenga. Kana zvakadaro, mashoko ake anotiudza zvakawanda nezvevaya vachamutsirwa kudenga: Havazoroori, havazofi uye vachange vakada kufanana nengirozi dzinogara kudenga. Zvisinei, pfungwa iyi inoita kuti pave nemibvunzo yakawanda.

Kutanga, nei Jesu aizotaura nezverumuko rwokudenga pakupindura vaSadhusi, avo vanofanira kunge vaifunga nezverumuko rwepanyika? Hapasi pose Jesu paaipindura vaimupikisa maererano nezvavaifunga. Somuenzaniso, vaJudha pavaida kuti Jesu avape chiratidzo, akati: “Putsai temberi iyi, uye ndichaimisa mumazuva matatu.” Jesu anofanira kunge aiziva kuti vaifunga nezvetemberi chaiyo, “asi iye akanga achitaura pamusoro petemberi yomuviri wake.” (Joh. 2:18-21) Zvimwe Jesu akaona pasina chikonzero chokupindura vaSadhusi avo vaiva neunyengeri uye vaisadavira kuti kune rumuko kana kuti ngirozi. (Zvir. 23:9; Mat. 7:6; Mab. 23:8) Asi anogona kunge aida kubudisa chokwadi chine chokuita nerumuko rwokudenga, achiitira vadzidzi vake vaizova netarisiro yokuenda kudenga pane imwe nguva.

Mubvunzo wechipiri ndewokuti, nei Jesu akazopedzisa nokutaura nezvaAbrahamu, Isaka naJakobho, avo vachamutsirwa panyika? (Verenga Mateu 22:31, 32.) Ona kuti Jesu paakataura nezvevarume vatatu ava akatanga nokuti “kana kuri kumuka kwevakafa.” Mashoko aya anogona kuratidza kuti ainge ava kutaura zvakasiyana nezvaainge ambotaura. Achitora mashoko kubva pane zvakanyorwa naMosesi, izvo zvaidavirwawo nevaSadhusi, Jesu akataura zvakaudzwa Mosesi naJehovha pagwenzi raipfuta moto kuti awedzere uchapupu hwokuti Mwari aizomutsa vanhu kuti vagare panyika.—Eks. 3:1-6.

Mubvunzo wechitatu ndewokuti, kana Jesu aitaura nezverumuko rwokudenga, zvinoreva here kuti vaya vachamutswa panyika vachakwanisa kuroora kana kuroorwa? Shoko raMwari haripi mhinduro yakajeka pamubvunzo iwoyo. Kana kuri kuti Jesu aitaura nezverumuko rwokudenga, izvi zvinoreva kuti mashoko ake haana zvaanoratidza nezvekuti vaya vachamutswa panyika vachakwanisa kuroora kana kuroorwa munyika itsva.

Iye zvino chatinoziva ndechokuti Shoko raMwari rinonyatsotaura kuti rufu runogumisa muchato. Saka kana munhu achinge afirwa nemumwe wake haafaniri kunzwa aine mhosva kana akasarudza kuroora kana kuroorwazve. Munhu anofanira kuzvisarudzira ega zvaanoda, uye hatifaniri kushora munhu anenge asarudza kuroora kana kuroorwazve.—VaR. 7:2, 3; 1 VaK. 7:39.

Ichokwadi kuti tinogona kuva nemibvunzo yakawanda nezveupenyu munyika itsva. Pane kupedza nguva tichifungidzira kuti zvinhu zvichange zvakaita sei, ngatimirirei. Asi tinogona kuva nechokwadi chokuti: Vanhu vanoteerera vachafara, nokuti Jehovha achagutsa zvavanoda zvose.—Pis. 145:16.

^ ndima 4 Ona Nharireyomurindi yeChirungu yaJune 1, 1987, mapeji 30-31.

^ ndima 5 Panguva inotaurwa muBhaibheri, kwaiva nemutemo waiti kana mukoma akafa osiya mudzimai asina mwana mukomana, munun’una wake airoora mudzimai iyeye kuitira kuti apfuudzire dzinza ramukoma wake.—Gen. 38:8; Dheut. 25:5, 6.

^ ndima 9 Vaya vachamutsirwa kuupenyu hwepanyika vachawana chikomborero choupenyu husingaperi, kwete kusafa. Kuti udzidze zvakawanda nezvemusiyano uri pakati pekusafa neupenyu husingaperi, ona Nharireyomurindi yeChirungu yaApril 1, 1984, mapeji 30-31.