Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Kuwana ‘Zvokudya Panguva Yakakodzera’ Here?

Uri Kuwana ‘Zvokudya Panguva Yakakodzera’ Here?

TIRI kurarama munguva yakaoma chaizvo kupfuura kare. (2 Tim. 3:1-5) Zuva nezuva tinosangana nemiedzo inoita kuti zvitiomere kuratidza kuti tinoda Jehovha uye kuti takatsunga kurarama tichitevedzera mitemo yake. Jesu aiziva nezvenguva iyoyo yakaoma, uye akavimbisa vateveri vake kuti aizovakurudzira kuti vatsungirire kusvika kumugumo. (Mat. 24:3, 13; 28:20) Kuti varambe vakasimba, akagadza muranda akatendeka, akangwara kuti avape ‘zvokudya panguva yakakodzera.’—Mat. 24:45, 46.

Kubva pakagadzwa muranda akatendeka muna 1919, mamiriyoni ‘eveimba’ anobva mumitauro yose ari kuunganidzwa musangano raMwari uye ari kupiwa zvokudya zvokunamata. (Mat. 24:14; Zvak. 22:17) Asi mabhuku edu haawanikwi mumitauro yose, uye hatisi tose tinokwanisa kuwana zvinhu zvinobudiswa pamidziyo yemagetsi. Somuenzaniso, vakawanda havakwanisi kuona mavhidhiyo kana kuverenga nyaya dzinongobudiswa pajw.org chete. Izvozvo zvinoreva here kuti vanhu vakadaro vari kurasikirwa nezvokudya zvavanofanira kuwana kuti varambe vakasimba pakunamata? Kuti tiwane mhinduro yemubvunzo iwoyo, ngatikurukurei mibvunzo mina inokosha.

 1. Chii chinonyanya kukosha pazvokudya zvatinopiwa naJehovha?

Satani paakaedza Jesu kuti achinje matombo kuti ave chingwa, Jesu akapindura kuti: “Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.” (Mat. 4:3, 4) Mashoko aJehovha akanyorwa muBhaibheri. (2 Pet. 1:20, 21) Saka Bhaibheri ndiro rinonyanya kukosha pazvokudya zvatinopiwa naJehovha.—2 Tim. 3:16, 17.

Sangano raJehovha rakabudisa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yose zvayo kana kuti chikamu chayo mumitauro inopfuura 120, uye gore negore iri kuramba ichibudiswawo mune mimwe mitauro. Kunewo mabhiriyoni edzimwe shanduro dzinowanikwawo dzakazara kana kuti dziri muzvikamu muzviuru zvemitauro. Zvose izvi zvinoenderana nechinangwa chaJehovha chokuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:3, 4) Sezvo Jehovha asina “chisikwa chaasingaoni,” tinogona kuva nechokwadi chokuti achaita kuti vaya “vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu” vauye kusangano rake uye achavapa zvokudya zvokunamata.—VaH. 4:13; Mat. 5:3, 6; Joh. 6:44; 10:14.

2. Mabhuku edu anobatsira sei pakuita kuti vanhu vawane zvokudya zvokunamata?

Kuti munhu ave nekutenda kwakasimba, haafaniri kungoverenga Bhaibheri chete. Anofanira kunzwisisa zvaari kuverenga uye kuzvishandisa muupenyu hwake. (Jak. 1:22-25) Mukuru mukuru wokuItiopiya akanzwisisa pfungwa iyoyo. Paaiverenga Shoko raMwari, muevhangeri Firipi akamubvunza kuti: “Unonyatsoziva zvauri kuverenga here?” Mukuru mukuru wacho akapindura kuti: “Chokwadi, ndingadaro sei kana mumwe asingandirayiridzi?” (Mab. 8:26-31) Firipi akabva amubatsira kuti awane zivo yakarurama yeShoko raMwari. Mukuru mukuru wacho akabayiwa mwoyo nezvaakadzidza zvokuti akabhabhatidzwa. (Mab. 8:32-38) Ndizvo zvinoitawo mabhuku edu, anotibatsira kuti tive nezivo yechokwadi yakarurama. Anonyatsosvika pamwoyo pedu uye anotikurudzira kuti tishandise zvatinenge tadzidza.—VaK. 1:9, 10.

Pachishandiswa mabhuku edu, vashumiri vaJehovha vari kupiwa zvokudya zvokunamata zvakawanda kuti vadye uye vanwe. (Isa. 65:13) Somuenzaniso, Nharireyomurindi iyo inowanikwa mumitauro inopfuura 210, inotsanangura uprofita hweBhaibheri, inotibatsira kuwedzera kunzwisisa zvinhu zvakadzama zvaMwari uye inotikurudzira kuti tirarame zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri. Magazini yeMukai! iyo inobudiswa mumitauro inenge 100, inoita kuti tiwedzere kuziva zvinhu zvakasikwa naJehovha uye inotibatsira kuziva kuti tingashandisa sei mazano ari muBhaibheri muupenyu hwedu. (Zvir. 3:21-23; VaR. 1:20) Muranda akatendeka anobudisa mabhuku anotaura zviri muBhaibheri mumitauro inopfuura 680! Zuva nezuva, unowana nguva yokuverenga Bhaibheri here? Unoverenga magazini ose matsva uye mamwe mabhuku matsva anobudiswa gore negore mumutauro wako here?

Sangano raJehovha rinobudisawo hurukuro dzinopiwa pamisangano, uye pamagungano edu. Unonakidzwawo here nehurukuro, mitambo, mienzaniso uye kubvunzurudzwa zvinoitwa pakuungana ikoko? Chokwadi Jehovha anotigadzirira mabiko ezvokudya zvokunamata!—Isa. 25:6.

 3. Kana mumutauro wenyu musina mabhuku ose anobudiswa, zvinoreva here kuti hamukwanisi kusimba pakunamata?

Mhinduro yacho ndeyokuti kwete. Hazvifaniri kutishamisa kuti dzimwe nguva vamwe vashumiri vaJehovha vangawana zvokudya zvokunamata zvakawanda kupfuura vamwe. Nei? Funga nezvevaapostora. Vakawana mirayiridzo yakawanda kupfuura vamwe vadzidzi vepanguva yavo. (Mako 4:10; 9:35-37) Asi hazvirevi kuti vamwe vadzidzi vaiziya nenzara pakunamata; vaiwana zvaivakwanira kuti varambe vakasimba.—VaEf. 4:20-24; 1 Pet. 1:8.

Tinofanirawo kuziva kuti zvakawanda zvakataurwa naJesu uye zvaakaita paaiva panyika hazvina kunyorwa munhoroondo dzeEvhangeri. Muapostora Johani akanyora kuti: “Chokwadi, pane zvimwewo zvinhu zvizhinji zvakaitwa naJesu, izvo, kudai zvakanyorwa zvose chimwe nechimwe, ndinofunga kuti, nyika yaisagona kukwana mipumburu yacho.” (Joh. 21:25) Kunyange zvazvo vateveri vaJesu vemunguva yake vaiziva zvakawanda nezvake kupfuura zvatinoita isu, hazvirevi kuti hatisi kuwana zvokudya zvakakwana pakunamata. Jehovha akava nechokwadi chokuti muBhaibheri munyorwe zvinhu zvatinoda kuziva nezvaJesu kuti tikwanise kutevera tsoka dzake.—1 Pet. 2:21.

Fungawo nezvetsamba dzakatumirwa nevaapostora kuungano dzepakutanga. Pane imwe tsamba yakanyorwa naPauro isimo muBhaibheri. (VaK. 4:16) Izvi zvinoreva here kuti zvokudya zvedu zvokunamata hazvina kukwana nekuti tsamba iyoyo haimo muBhaibheri? Kwete. Jehovha anoziva zvatinoda uye akatipa zvakatikwanira kuti tirambe takasimba pakunamata.—Mat. 6:8.

Jehovha anoziva zvatinoda uye akatipa zvakatikwanira kuti tirambe takasimba pakunamata

Mazuva ano, vamwe vashumiri vaJehovha vane zvokudya zvokunamata zvakawanda kupfuura vamwe. Mabhuku edu anowanikwa mumutauro wako, mashoma here? Kana zvakadaro, ziva kuti Jehovha ane hanya newe. Dzidza mabhuku aunawo uye kana zvichiita, pinda misangano mumutauro waunonzwisisa. Uye iva nechokwadi chokuti Jehovha achakubatsira kuti urambe wakasimba pakunamata.—Pis. 1:2; VaH. 10:24, 25.

4. Kana usingakwanisi kuwana zvimwe zvinhu zvinobudiswa pajw.org, zvinoreva here kuti uchaneta pakunamata?

Pajw.org, tinobudisa magazini edu nemamwe mabhuku anoshandiswa pakudzidza Bhaibheri. Panobudiswawo nyaya dzinobatsira vakaroorana, vachiri kuyaruka, uye vabereki vane vana vaduku. Mhuri dzinobatsirwa padzinokurukura zvinhu izvi paKunamata Kwemhuri. Panowanikwawo zvimwe zvinhu zvinokosha zviri kuitwa nesangano redu zvakadai semusangano wevanenge vapedza kudzidza kuchikoro cheGiriyedhi uye musangano wepagore. Hama dzomunyika yose dzinoziviswawo nezvenjodzi dzinongoitika dzoga uye kubudirira kwevanhu vaJehovha mumatare edzimhosva. (1 Pet. 5:8, 9) Pajw.org panoshandiswawo chaizvo kuita kuti mashoko akanaka asvike kunyange munzvimbo dziri kurambidzwa basa redu.

Zvisinei, unogona kuramba wakasimba pakunamata pasinei nokuti unoshandisa jw.org here kana kuti kwete. Muranda akatendeka anoshanda zvakaoma kuti abudise mabhuku kuti mumwe nemumwe weveimba awane zvokudya zvokunamata zvakakwana. Saka haufaniri hako kunzwa sokuti unotofanira kutenga mudziyo wemagetsi kuti ukwanise kuenda pajw.org. Vamwe vanoronga kuprinda zvimwe zvinhu zvinobudiswa pajw.org vozvipa vaya vasingakwanise kuenda paIndaneti, asi hapana mutemo unoti ungano dzinofanira kudaro.

Tinoonga chaizvo kuti Jesu ari kutipa zvatinoda pakunamata sekuvimbisa kwaakaita. Mazuva ano akaoma zvaava kusvika kumagumo, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha acharamba achitipa ‘zvokudya zvekunamata panguva yakakodzera.’