Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shandisa Shoko raMwari Nokuti Ibenyu!

Shandisa Shoko raMwari Nokuti Ibenyu!

“Shoko raMwari ibenyu uye rine simba.”—VAH. 4:12.

1, 2. Mosesi akapiwa basa rei naJehovha, uye akavimbiswei?

WAIZONZWA sei kudai wainzi umire pamberi pomutongi ane simba chaizvo munyika yose uchimiririra vanhu vaJehovha? Zvimwe waizonetseka uye waizotya. Waizogadzirira sei zvokutaura? Waizoita sei kuti mashoko ako ave nesimba somumiriri waMwari wemasimba ose?

2 Izvi ndizvo chaizvo zvakanyatsoitika kuna Mosesi. Jehovha ainge atuma murume uyu aiva “munyoro kwazvo kupfuura vanhu vose vaiva panyika” kuti aende kuna Farao kuti anunure vanhu vaMwari pakudzvinyirirwa kwavaiitwa uye pauranda muIjipiti. (Num. 12:3) Zvakazoitika zvakaratidza kuti Farao aiva munhu asingaremekedzi Mwari uye ainge akaoma musoro. (Eks. 5:1, 2) Asi Jehovha aida kuti Mosesi arayire Farao kuti asunungure mamiriyoni evaIsraeri aaibata sevaranda. Saka zvaiva nemusoro kuti Mosesi abvunze Jehovha kuti: “Ndini ani kuti ndiende kuna Farao uye kuti ndibudise vanakomana vaIsraeri muIjipiti?” Mosesi anofanira kunge akafunga kuti aisazokwanisa kuita basa iroro. Asi Mwari akamuvimbisa kuti aisazomusiya. Jehovha akati, “Ndichava newe.”—Eks. 3:9-12.

3, 4. (a) Mosesi aityei? (b) Ndepapi paungatya sezvaiita Mosesi?

3 Mosesi aityei? Zviri pachena kuti aityira kuti Farao aisazobvuma kuti ainge atumwa naJehovha Mwari. Mosesi aityawo  kuti vaIsraeri vaisazobvuma kuti Jehovha ainge amugadza kuti avatungamirire kubuda muIjipiti. Ndokusaka akati kuna Jehovha: “Ko kana vakasanditenda uye vakasateerera inzwi rangu, nokuti vachati, ‘Jehovha haana kuzviratidza kwauri.’”—Eks. 3:15-18; 4:1.

4 Mhinduro yaakapiwa naJehovha uye zvakazoitika, zvinogona kutidzidzisa chidzidzo chinokosha chaizvo. Ichokwadi kuti pangasava nechikonzero chokuti umire pamberi pemunhu ane masimba. Asi wakamboomerwa here nokutaura nezvaMwari uye Umambo hwake kunyange kuvanhu vaunosangana navo zuva nezuva? Kana zvakadaro, funga zvatingadzidza pane zvakaitika kuna Mosesi.

“CHII ICHO CHIRI MURUOKO RWAKO?”

5. Mosesi akapiwa chii naJehovha uye izvozvo zvakamubatsira sei kuti asatya? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

5 Mosesi paakataura kuti aitya kuti vanhu vaizofunga kuti ainyepa, Mwari akamubatsira kuti azobudirira kuita basa rake. Nhoroondo iri muna Eksodho inoti: “Jehovha akabva ati [kuna Mosesi]: ‘Chii icho chiri muruoko rwako?’ iye akati: ‘Itsvimbo.’ Iye achibva ati: ‘Ikande pasi.’ Naizvozvo akaikanda pasi, ikava nyoka; Mosesi akatanga kuitiza. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: ‘Tambanudza ruoko rwako uibate muswe.’ Naizvozvo akatambanudza ruoko rwake akaibata, ikava tsvimbo muchanza chake.” Mwari akabva ati: “Kuitira kuti, . . . vatende kuti Jehovha . . . akazviratidza kwauri.” (Eks. 4:2-5) Chokwadi, Mwari akamupa chinhu chaaizoshandisa kuratidza kuti mashoko ake aibva kuna Jehovha. Mwari achishandisa simba rake, akaita kuti tsvimbo yaionekwa sechimutiwo zvacho ive nyoka. Chishamiso ichocho chaizoita kuti mashoko aMosesi ave nesimba zvichiratidza pachena kuti ainge atumwa naMwari! Saka Jehovha akamuudza kuti: “Uende netsvimbo iyi iri muruoko rwako kuti uite zviratidzo nayo.” (Eks. 4:17) Iye zvino Mosesi ainge ava kukwanisa kunomira pamberi pevaIsraeri uye paFarao asingatyi.—Eks. 4:29-31; 7:8-13.

6. (a) Tinofanira kunge tiine chii patinenge tichiparidza uye nei? (b) Tsanangura kuti “shoko raMwari ibenyu” sei uye “rine simba” sei.

6 Patinoenda kunoparidza, chii chatinenge tiinacho mumaoko edu? Kakawanda, tinenge tiine Bhaibheri, takagadzirira kurishandisa. Kunyange zvazvo vamwe vachiona Bhaibheri sebhuku rakangofananawo nemamwe, Jehovha anotaura nesu achishandisa Shoko rake iroro rakafemerwa. (2 Pet. 1:21) Rinotaura zvakavimbiswa naMwari zvichaitika muUmambo hwake. Ndokusaka muapostora Pauro akanyora kuti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba.” (Verenga VaHebheru 4:12.) Zvose zvakavimbiswa naMwari zvipenyu pakuti nguva dzose Jehovha anenge achitoshanda kuti azvizadzise. (Isa. 46:10; 55:11) Munhu paanongoziva kuti izvi ndizvo zvakaita Shoko raJehovha, zvaanoverenga muBhaibheri zvinogona kuva nesimba muupenyu hwake.

7. Tingaitei kuti ‘tibate shoko rechokwadi zvakarurama’?

7 Chokwadi, Jehovha akatipa Shoko rake Bhaibheri iro rinotibatsira kuratidza kuti zvatinotaura ndezvechokwadi uye zvinobva kwaari. Ndokusaka pashure pokunge Pauro anyorera vaHebheru akakurudzira wechiduku Timoti kuti ‘aite zvose zvaaigona kuti abate shoko rechokwadi zvakarurama.’ (2 Tim. 2:15) Tingashandisa sei zano iroro? Nokuverenga zvinonzwika magwaro akanyatsokodzera anogona kusvika pamwoyo pevaya vanobvuma kukurukura nesu. Maturakiti akabudiswa muna 2013 akagadzirirwa kutibatsira kuita izvozvo.

VERENGA RUGWARO RWUNOENDERANA NEZVAMUNENGE MUCHITAURA

8. Mumwe mutariri webasa akati kudii nezvematurakiti matsva?

8 Maturakiti acho ose matsva akanyorwa zvakafanana. Saka kana tikangodzidza kushandisa  rimwe chete, tinenge tava kutokwanisa kushandisa mamwe ose. Ari nyore kushandisa here? Mumwe mutariri webasa wokuHawaii, U.S.A., akanyora kuti: “Taisaziva kuti maturakiti aya aizotibatsira zvakadaro kuti tibudirire mubasa repaimba neimba uye mumugwagwa.” Akaona kuti manyorerwo akaitwa maturakiti acho anoita kuti vanhu vasaomerwa nokupindura uye izvi zvinowanzoita kuti mutange kukurukura. Anoona sekuti vanhu vanofarira maturakiti aya nemhaka yokuti papeji yokutanga pane mubvunzo uye mhinduro nhatu zvokuti vanogona kusarudza yavanoda. Saimba haafaniri hake kunetseka kuti achapa mhinduro isiri iyo.

9, 10. (a) Maturakiti edu anotibatsira sei kushandisa Bhaibheri? (b) Maturakiti api awakashandisa ukaona uchibudirira chaizvo uye nei?

9 Turakiti rimwe nerimwe rinoita kuti tiverenge rugwaro rwunonyatsopindura mubvunzo uripo. Somuenzaniso, ona turakiti rakanzi Kutambura Kuchazombopera Here? Saimba anogona kupindura kuti “kuchapera,” “hakuperi,” kana kuti “pamwe kungangopera.” Chero zvaanenge apindura, vhura turakiti racho woti, “Onai zvinotaurwa neBhaibheri.” Chibva vaverenga Zvakazarurwa 21:3, 4.

10 Kana uchishandisawo turakiti rakanzi Unoona Sei Bhaibheri? hazvina basa kuti saimba asarudza mhinduro ipi panhatu dziri papeji yokutanga. Ingovhura turakiti racho woti, “Bhaibheri rinoti ‘Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.’” Unogonawo kuwedzera kuti, “Ndima yacho inototaura zvakawanda.” Chibva wavhura Bhaibheri rako woverenga 2 Timoti 3:16, 17 yose.

11, 12. (a) Chii chingaita kuti uwane mufaro paunenge uchigovera maturakiti? (b) Maturakiti angakubatsira sei kuti uzowana pokutangira paunodzokera kune vanenge vafarira?

11 Zvichaitwa nasaimba zvichakubatsira kuona kuti wokurukura zvakawanda sei naye. Pasinei nokuti abvuma kukurukura zvakawanda here kana kuti kwete paunomuona kokutanga, uchafara nokuti anenge atonzwa mashoko ari muturakiti racho uye unenge wamuverengera Shoko raMwari kunyange rukava rugwaro rwumwe kana maviri. Munogona kuzokurukura zvakawanda pane imwe nguva.

12 Kuseri kwematurakiti acho kune mubvunzo uri pasi pemusoro wakanzi “Zvokufunga Nezvazvo” uye magwaro amunogona kuzokurukura paunodzokerazve. Turakiti rakanzi Unoona Sei Ramangwana? rine mubvunzo wamunozokurukura  paunodzokerazve unoti “Mwari achachinja sei nyika ino kuti ive yakanaka?” Magwaro akanyorwa ipapo ndiMateu 6:9, 10 uye Dhanieri 2:44. Turakiti rakanzi Chokwadi Vakafa Vangararamazve Here? rine mubvunzo unoti “Chii chinoita kuti tikwegure uye tife?” Magwaro akanyorwa ipapo ndiGenesisi 3:17-19 uye VaRoma 5:12.

13. Tsanangura kuti tingashandisa sei maturakiti matsva pakutanga zvidzidzo zveBhaibheri.

13 Shandisa maturakiti acho paunenge uchida kutanga kudzidza nevanhu Bhaibheri. Munhu paanoshandisa scan code iri kuseri kweturakiti, anoendeswa pajw.org uye anogona kuwana mamwe mashoko anomukurudzira kudzidza Bhaibheri. Turakiti rimwe nerimwe rinotaurawo nezvekabhuku kanonzi Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! uye rinobva rataura kuti nyaya yacho inowanika pachidzidzo chipi mukabhuku kacho. Somuenzaniso, turakiti rakanzi Ndiani Chaizvo Ari Kutonga Nyika Yose? rinoudza munhu kuti averenge chidzidzo 5 chekabhuku kacho. Turakiti rakanzi Chii Chinodiwa Kuti Mhuri Ifare? rinoudza munhu kuti averenge chidzidzo 9. Kana ukashandisa maturakiti aya zvakanaka, uchakwanisa kuverengera vanhu Bhaibheri paunoonana navo kekutanga uye paunodzokera kunovaona. Izvi zvinogona kuita kuti uve nevanhu vakawanda vokudzidza navo. Zvii zvimwe zvaungaita kuti ushandise Shoko raMwari zvakanaka muushumiri?

KURUKURAI NYAYA IRI KUVANETSA

14, 15. Ungatevedzera sei zvaiitwa naPauro muushumiri?

14 Pauro aida chaizvo kunzwisisa mafungiro e“vanhu vazhinji kwazvo” vaaiona muushumiri. (Verenga 1 VaKorinde 9:19-23.) Ona kuti Pauro aida kuwana vaJudha, vaya vaiva pasi pomutemo, vaya vainge vasina mutemo uye vaya vainge vasina simba. Chokwadi aida kuparidzira ‘vanhu vemarudzi ose, kuti aponese vamwe nenzira dzose.’ (Mab. 20:21) Tingatevedzera sei mafungiro aiva naPauro patinenge tichigadzirira kunoparidza mashoko akanaka ku“vanhu vemarudzi ose” vari mundima yedu?—1 Tim. 2:3, 4.

15 Mwedzi wega wega, muUshumiri Hwedu hwoUmambo munobudiswa mharidzo dzokuenzanisira. Edza kudzishandisa. Asi kana vanhu vemundima yenyu vaine nyaya dziri kuvanetsa, gadzirira mharidzo dzavangafarira. Funga zvakaita nzvimbo yamunogara, vamwewo vanhu vanogara imomo, uye nyaya dzinonyanya kuvanetsa. Zvadaro, funga rugwaro rwunotaura nezvedambudziko ravo. Mumwe mutariri wedunhu nemudzimai wake vakataura kubudirira kwavanoita kushandisa Bhaibheri muushumiri vachiti: “Vanasaimba vakawanda vanotibvumira kuverenga ndima imwe chete yeBhaibheri kana tikangotaura mashoko mashoma uye tisingapotereri. Tinovakwazisa takavhura maBhaibheri edu, tobva taverenga rugwaro.” Funga nezvemienzaniso yenyaya, mibvunzo uye magwaro zvakamboshandiswa nevamwe zvikaonekwa kuti zvinobudirira. Unogona kuzvishandisawo mundima yenyu.

Uri kunyatsoshandisa Bhaibheri uye maturakiti muushumiri hwako here? (Ona ndima 8-13)

16. Tsanangura kuti Isaya 14:7 ingashandiswa sei muushumiri.

16 Kana uchigara munzvimbo isingawanzova nerunyararo, unogona kubvunza munhu kuti: “Munofunga kuti zvingaita here kuti munhau mubude nyaya ine musoro wokuti: ‘Nyika yose yava nerunyararo. Vanhu vari kufara zvokufara zviya’? Izvozvo ndizvo zvinotaurwa neBhaibheri pana Isaya 14:7. Bhaibheri rinotova nevimbiso dzakawanda dzinoratidza kuti munguva yemberi Mwari achaita kuti kuve nerugare.” Zvadaro kumbira kuti umuverengere imwe yevimbiso idzi muBhaibheri.

17. Ungashandisa sei Mateu 5:3 pakukurukura nemunhu?

17 Varume vakawanda vekwamunogara vari kuomerwa here nokuwana chouviri?  Kana vachiomerwa unogona kutanga nokubvunza kuti: “Munofunga kuti murume anofanira kuwana marii kuti mhuri yake ifare?” Kana apindura ibva wati: “Varume vakawanda vanowana mari yakawanda chaizvo kupfuura iyoyo, asi mhuri dzavo hadzisi kugutsikana. Saka chii chinonyatsodiwa?” Ibva waverenga Mateu 5:3 womukumbira kuti mudzidze Bhaibheri.

18. Ungashandisa sei Jeremiya 29:11 kuti unyaradze vamwe?

18 Vanhu vekwaunogara vari kutambura nemhaka yedambudziko richangobva kuitika here? Unogona kutanga mharidzo yako uchiti: “Ndauya pano kuzokunyaradzai. (Verenga Jeremiya 29:11.) Maona here kuti Mwari anoda kuti tive nezvinhu zvipi zvitatu? ‘Rugare,’ ‘nguva yemberi yakanaka’ uye ‘tariro.’ Hazvifadzi here kuziva kuti anoda kuti tive neupenyu hwakanaka? Asi izvozvo zvingaitika sei?” Ibva wamuratidza chidzidzo chinoenderana nezvamuri kukurukura mukabhuku kakanzi Mashoko Akanaka.

19. Tsanangura kuti Zvakazarurwa 14:6, 7 ingashandiswa sei pakuparidzira vanhu vanofarira zvekunamata.

19 Unogara munzvimbo ine vanhu vanofarira zvekunamata here? Kana zvakadaro, unogona kutanga kukurukura nemunhu nokubvunza kuti: “Kana ngirozi ikataura nemi, maizoteerera zvainotaura here? (Verenga Zvakazarurwa 14:6, 7.) Sezvo mashoko engirozi yacho achiti ‘Ityai Mwari, Iye akasika denga nenyika,’ hamufungi here kuti zvinokosha kuti tizive zita rake?” Ibva waverenga Pisarema 124:8 iyo inoti: “Tinobatsirwa nezita raJehovha, Muiti wedenga nenyika.” Mukumbire kuti uzodzoka kuti umutsanangurire zvakawanda nezvaJehovha Mwari.

20. (a) Zvirevo 30:4 ingashandiswa sei pakudzidzisa munhu zita raMwari? (b) Nderwupiwo rugwaro rwaunoshandisa zvinonyatsobudirira?

20 Unogona kutanga kukurukura nemunhu wechiduku nekutaura kuti: “Ndinoda kukuverengera mubvunzo unokosha uri parugwaro urwu. (Verenga Zvirevo 30:4.) Hapana munhu anokwanisa kuita zvinotaurwa apa, saka rugwaro urwu runofanira kunge ruchitaura nezveMusiki wedu. * Tingaziva sei zita rake? Rega ndikuratidze zita racho muBhaibheri.”

SHANDISA SIMBA RESHOKO RAMWARI MUUSHUMIRI HWAKO

21, 22. (a) Rugwaro rwunoenderana nezvatinenge tataura rungachinja sei upenyu hwemunhu? (b) Watsunga kuitei paunenge uri muushumiri hwako?

21 Tingasaziva zvinozoitika patinoverengera vanhu rugwaro rwunonyatsoenderana nezvatinenge tataura. Somuenzaniso zvimwe Zvapupu zviviri kuAustralia zvakagogodza pasuo remumwe mukadzi wechiduku. Mumwe wavo akamubvunza kuti “Munoziva zita raMwari here?” achibva amuverengera Pisarema 83:18. “Ndakashaya neromuromo!” akadaro mukadzi wacho. “Pavakangoenda, ndakatyaira motokari kwemakiromita 56 ndichienda kuchitoro chemabhuku kuti ndione kuti dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoti chii ndokuzotarisawo zita racho muduramazwi. Pandakagutsikana kuti zita raMwari ndiJehovha, ndakatanga kuona kuti ndaiva nezvimwe zvinhu zvandaisaziva.” Pasina nguva, iye nemurume aida kuzomuroora vakatanga kudzidza Bhaibheri uye vakazobhabhatidzwa.

22 Shoko raMwari rine simba chaizvo zvokuti kana munhu akariverenga, kutenda kwake kunosimba uye izvozvo zvinoita kuti achinje upenyu hwake. (Verenga 1 VaTesaronika 2:13.) Mashoko ari muBhaibheri ane simba kupfuura chero chii zvacho chatingataura kuti saimba abayiwe mwoyo. Ndokusaka tichifanira kushandisa Shoko raMwari pose pazvinoita nokuti ibenyu.

^ ndima 20 Ona Nharireyomurindi yaMay 15, 2002, peji 5 kana kuti “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yeChirungu yaJuly 15, 1987, peji 31.