Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakadzi Vanoitei Pakuzadziswa Kwechinangwa chaJehovha?

Vakadzi Vanoitei Pakuzadziswa Kwechinangwa chaJehovha?

“Vakadzi vanozivisa mashoko akanaka iuto guru.”—PIS. 68:11.

1, 2. (a) Mwari akapa Adhamu zvipo zvipi? (b) Nei Mwari akapa Adhamu mudzimai? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

JEHOVHA akasika nyika aine chinangwa. “Akaiumba kuti igarwe.” (Isa. 45:18) Munhu wokutanga waakasika, Adhamu, ainge asina chivi uye Mwari akamupa musha wakanaka chaizvo wainzi munda weEdheni. Hakusi kunakidzwa ikoko kwaiita Adhamu nokugara munzvimbo yaiva nemiti yakanaka, hova dzaiyerera zvinyoro-nyoro, uye mhuka dzaiita murambamhuru! Asi ainge asina chimwe chinhu chaikosha chaizvo. Jehovha akaratidza kuti chinhu ichocho chaiva chii paakati: “Hazvina kunaka kuti munhu arambe ari oga. Ndichamuitira mubatsiri, kuti ave mukwanisi wake.” Mwari akabva aita kuti Adhamu abatwe nehope huru akatora imwe mbabvu yake “akatanga kuumba mukadzi nembabvu” yacho. Adhamu paakamuka, akafara chaizvo. Akati: “Zvino iri ipfupa remapfupa angu nenyama yenyama yangu. Uyu achanzi Mukadzi.”—Gen. 2:18-23.

2 Evha aiva chipo chakasiyana nezvimwe zvose zvainge zvapiwa Adhamu nokuti aizova mubatsiri wake akakwana. Aizovawo neropafadzo yokubereka vana. Ndokusaka “Adhamu akatumidza mudzimai wake kuti Evha, nokuti aizova amai vevanhu vose vapenyu.” (Gen. 3:20) Chokwadi Mwari akapa murume nomukadzi vokutanga ava chipo chinoshamisa! Vaikwanisa kubereka vamwe  vanhu vasina chivi. Vanhu pavaizoramba vachibereka, nyika yose yaizova paradhiso uye yaizozara nevanhu vasina chivi vaizova nesimba pazvinhu zvipenyu zvose.—Gen. 1:27, 28.

3. (a) Adhamu naEvha vaifanira kuitei kuti vakomborerwe naMwari, asi chii chakazoitika? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

3 Adhamu naEvha vaifanira kuteerera Jehovha uye kubvuma kuti ndiye mutongi wavo kuti vawane makomborero avainge vavimbiswa. (Gen. 2:15-17) Izvozvo ndizvo chete zvaizoita kuti vakwanise kuzadzisa chinangwa chaMwari. Asi zvinosuwisa kuti vakanyengerwa naSatani, “nyoka yepakutanga,” vakabva vatadzira Mwari. (Zvak. 12:9; Gen. 3:1-6) Kupanduka uku kwakakanganisa sei vakadzi? Zvii zvakaitwa nevakadzi vekare vaitya Mwari? Nei vakadzi vechiKristu vemazuva ano vachinzi “iuto guru”?—Pis. 68:11.

KUPANDUKA KWAKAITIKA MUEDHENI KWAKAKONZEREI?

4. Ndiani akapiwa mhosva yechivi chakaitwa nemurume nemukadzi vokutanga?

4 Adhamu paakabvunzwa mhosva yake, akataura chikonzero chisina musoro chokuti: “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, andipa muchero womuti wacho ndikadya.” (Gen. 3:12) Adhamu haana kungoramba mhosva yake chete asi akaipawo mukadzi uye Mwari uyo ainge amupa mukadzi. Vose vari vaviri, Adhamu naEvha vakatadza, asi Adhamu ndiye akapiwa mhosva yokutadza kwavo. Ndokusaka muapostora Pauro akanyora kuti ‘chivi chakapinda munyika nomunhu mumwe chete [Adhamu] uye rufu rwakapinda nechivi.’—VaR. 5:12.

5. Kubvumira kwakaita Mwari kuti vanhu vambozvitonga kwabudisa chii pachena?

5 Murume nomukadzi vokutanga vakanyengerwa kuti vafunge kuti vakanga vasingafaniri kutongwa naJehovha. Izvi zvakaita kuti pave nemubvunzo unokosha wokuti: Ndiani ane kodzero yokutonga? Kuti mubvunzo iwoyo upindurwe zvinogutsa, Mwari akapa vanhu nguva yokuti vazvitonge. Aiziva kuti zvaizoitika zvaizoratidza kuti vanhu havakwanisi kuzvitonga. Kwemazana emakore, kuzvitonga kwevanhu kuri kuita kuti vasangane nematambudziko asingaperi. Mumakore 100 chete apfuura, vanhu vanenge 100 000 000 vakafa muhondo uye vanhu ava vanosanganisira mamiriyoni evarume, vakadzi nevana vasina mhosva. Saka patova neuchapupu hwakawanda hunoratidza kuti “munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jer. 10:23) Kuziva izvi ndiko kunoita kuti tibvume kuti Jehovha ndiye Mutongi wedu.—Verenga Zvirevo 3:5, 6.

6. Munyika dzakawanda, vanhukadzi vanobatwa sei?

6 Munyika ino iri kutongwa naSatani, varume nevakadzi havasi kubatwa zvakanaka. (Mup. 8:9; 1 Joh. 5:19) Humwe utsinye hwakanyanya huri kuitwa hunosanganisira kushungurudzwa kwevakadzi. Munyika yose, vakadzi vanenge 30 muzana vanotaura kuti vakamborohwa nevarume vavo. Mune dzimwe nzvimbo, vanakomana vanokosheswa nokuti zvinonzi kana vakura vanozoita kuti dzinza rirambe riripo uye vanozochengeta vabereki vavo uye vanasekuru nanambuya. Mune dzimwe nyika, vana vechisikana vanoonekwa sevasingabatsiri uye pamuviri pevana vechisikana ndipo pari kunyanya kubviswa kupfuura pevana vechikomana.

7. Zvinhu zvainge zvakamira sei Mwari paakasika murume nomukadzi vokutanga?

7 Mwari haafari paanoona vakadzi vachiitirwa utsinye. Anovabata zvakanaka uye anovaremekedza. Kukoshesa kunoita Jehovha vakadzi kunooneka pakuti akasika Evha asina chivi uye aine unhu hwaiita kuti ave mukwanisi waAdhamu kwete muranda wake. Ndokusaka pakapera zuva rechitanhatu rokusika, Mwari “akaona zvinhu zvose zvaakanga aita uye, tarira! zvakanga zvakanaka  kwazvo.” (Gen. 1:31) Izvi zvinoreva kuti “zvinhu zvose” zvakaitwa naJehovha zvainge “zvakanaka kwazvo.” Saka Mwari paakasika murume nomukadzi vokutanga, akaita kuti vatange upenyu zvakanaka.

VAKADZI VAIFARIRWA NAJEHOVHA

8. (a) Tsanangura kuti mazuva ano vanhu vane mafungiro akaita sei. (b) Kubvira kare, Mwari ave achifarira vanaani?

8 Kupanduka kwakaitika muEdheni kwakaita kuti varume nevakadzi vave neunhu husina kunaka uye mumakore 100 apfuura, hwatonyanya kuipa. Bhaibheri rakagara rataura kuti uipi hwaizowedzera “mumazuva okupedzisira.” Uipi hwevanhu hwawedzera chaizvo zvokuti tinonyatsoona kuti tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa.” (2 Tim. 3:1-5) Zvisinei, “Changamire Ishe Jehovha” akabvira kare achiratidza kuti anofarira varume nevakadzi vanovimba naye, vanoteerera mitemo yake uye vanozviisa pasi pake seMutongi wavo.—Verenga Pisarema 71:5.

9. PaMafashamo pakapona vanhu vangani uye nei vakapona?

9 Mwari paakaparadza nyika yainge yazara nechisimba achishandisa Mafashamo mumazuva aNoa, vanhu vashoma chete ndivo vakapona. Kana vanin’ina uye hanzvadzi dzaNoa vainge vachiri vapenyu panguva iyoyo, vakafawo mumafashamo. (Gen. 5:30) Asi nhamba yevakadzi vakapona paMafashamo yainge yakafanana neyevarume vakapona. Vakapona vacho vaiva Noa, mudzimai wake, vanakomana vake vatatu nemadzimai avo. Vakaponeswa nokuti vaitya Mwari uye vaiita kuda kwake. Mabhiriyoni evanhu ari kurarama iye zvino akabva kuvanhu vasere ivavo vaifarirwa naJehovha.—Gen. 7:7; 1 Pet. 3:20.

10. Nei Jehovha aifarira madzimai aimutya aiva nevarume vakatendeka?

10 Papfuura makore, Mwari akaratidzawo kuti aifarira madzimai aimutya aiva nevarume vakatendeka. Aisazovafarira kudai vainyunyuta pamusoro pezvavaiwana muupenyu hwavo. (Jud. 16) Hatingambofungi kuti mudzimai waAbrahamu, Sara, uyo airemekedza murume wake, akamunyunyutira zvakasimba pavakasiya upenyu hwakanaka muUri vakanova vagari venguva duku mune imwe nyika vachigara mumatende. Asi “Sara aiteerera Abrahamu, achimuti ‘ishe.’” (1 Pet. 3:6) Fungawo nezvaRibheka uyo aiva chipo chaibva kuna Jehovha uye aivawo mudzimai akanaka kwazvo. Hazvishamisi kuti murume wake Isaka, “akamuda, uye . . . akanyaradzwa pashure pokushayikirwa naamai vake.” (Gen. 24:67) Mazuva ano, tinofara chaizvo kuti tinewo vakadzi vanotya Mwari vakaita saSara naRibheka!

11. Vananyamukuta vaviri vechiHebheru vakaratidza sei ushingi?

11 VaIsraeri pavaiva varanda muIjipiti vakaramba vachiwedzera kuwanda uye Farao akapa murayiro wokuti vana vose vechikomana vechiHebheru vaurayiwe pavaiberekwa. Asi funga nezvevananyamukuta vaviri vechiHebheru vainzi Shifra naPua, avo vangangodaro vaitungamirira vamwe pabasa iri. Nemhaka yokuti vaitya Jehovha, vakaratidza ushingi nokuramba kuuraya vacheche ivavo. Jehovha akazovapa mubayiro wokuva nemhuri dzavo.—Eks. 1:15-21.

12. Dhibhora naJaeri vakaitei?

12 Mumazuva evatongi vechiIsraeri, mumwe mukadzi aifarirwa naMwari aiva muprofitakadzi Dhibhora. Akakurudzira Mutongi Bheraki uye akabatsirawo kuti vaIsraeri vasarambe vachidzvinyirirwa, asi akaprofita kuti mbiri yokukunda kwaizoitwa vaKenani yaisazoenda kuna Bheraki. Asi Mwari aizoita kuti mukuru weuto revaKenani, Sisera, ave “muruoko rwomukadzi.” Izvozvo ndizvo zvakaitika mukadzi aisava muIsraeri ainzi Jaeri paakauraya Sisera.—Vat. 4:4-9, 17-22.

13. Bhaibheri rinotiudzei nezvaAbhigairi?

13 Mumwe mukadzi aifarirwa naJehovha  aiva Abhigairi, uyo akararama mumakore okuma1 000 B.C.E. Ainge akangwara, asi murume wake Nabhari aiva murume pasina, aine hasha noupenzi. (1 Sam. 25:2, 3, 25) Pane imwe nguva, Dhavhidhi nevarume vake vakadzivirira pfuma yaNabhari asi pavakakumbira Nabhari zvokudya, ‘akavatuka kwazvo’ uye haana chaakavapa. Izvi zvakagumbura chaizvo Dhavhidhi zvokuti akafunga kuuraya Nabhari nevarume vake vose. Abhigairi paakanzwa izvi, akatora zvokudya nezvokunwa akanopa Dhavhidhi nevarume vake uye Dhavhidhi haana kuzovauraya. (1 Sam. 25:8-18) Dhavhidhi akazoti kuna Abhigairi: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe, akutuma nhasi kuti usangane neni!” (1 Sam. 25:32) Nabhari paakafa, Dhavhidhi akazoroora Abhigairi.—1 Sam. 25:37-42.

14. Vanasikana vaSharumu vakaita basa rei uye mazuva ano vakadzi vechiKristu vari kuitawo mabasa api?

14 Varume vakawanda nevakadzi nevana vakafa mauto eBhabhironi paakaparadza Jerusarema netemberi yaro muna 607 B.C.E. Rusvingo rweJerusarema rwakazovakwazve muna 455 B.C.E. uye Nehemiya ndiye aitungamirira basa racho. Vamwe vakabatsira kugadzirisa rusvingo urwu vaiva vanasikana vaSharumu uyo aiva muchinda wehafu yoruwa rweJerusarema. (Neh. 3:12) Vakazvipira kuita basa iri rakaderera. Mazuva ano, tinoonga chaizvo vakadzi vechiKristu vakawanda vanotsigira nenzira dzakasiyana-siyana mabasa okuvaka zvivako zvokunamatira!

VAKADZI VAITYA MWARI VAKARARAMA MUNGUVA YAJESU

15. Mwari akapa mumwe mukadzi ainzi Mariya ropafadzo yei?

15 Pane vamwewo vakadzi vakawanda vakakomborerwa naJehovha. Mumwe wacho aiva mhandara yainzi Mariya yakazova amai vaJesu. Paainge avimbiswa kuroorwa naJosefa, akaona kuti ainge ava nepamuviri pomudzimu mutsvene. Nei Mwari akasarudza Mariya kuti ave amai vaJesu? Mariya anofanira kunge aiva neunhu hwakanaka hwaidiwa kuti arere mwanakomana wake aisava nechivi kubva ari muduku kusvikira akura. Chokwadi yaiva ropafadzo kuva amai vemunhu mukuru kupfuura vanhu vose vepanyika!—Mat. 1:18-25.

16. Taura muenzaniso unoratidza mabatiro aiita Jesu vakadzi.

16 Jesu aibata zvakanaka vakadzi. Somuenzaniso, funga nezvemukadzi aibuda ropa kwemakore 12. Akauya nechomushure meboka revanhu achibva abata nguo yaJesu. Jesu haana kumutuka, asi akamuudza kuti: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare, uve noutano hwakanaka pachirwere chako chinotambudza.”—Mako 5:25-34.

17. Chiitiko chipi chinoshamisa chakaitika paPendekosti ya33 C.E.?

17 Pavadzidzi vaJesu, paivawo nevakadzi vaimushumira iye nevaapostora vake. (Ruka 8:1-3) Uye paPendekosti ya33 C.E., varume nevakadzi vanenge 120 vakagamuchira mudzimu waMwari nenzira inoshamisa. (Verenga Mabasa 2:1-4.) Jehovha akagara ataura nezvokudururwa kwemudzimu mutsvene ikoko achiti: “Ndichadurura mudzimu wangu pavanhu vemarudzi ose, vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita. . . . Ndichadurura mudzimu wangu kunyange pavashandirume nevashandikadzi [vangu].” (Joe. 2:28, 29) Chishamiso ichi chakaitwa naMwari paPendekosti chakaratidza kuti ainge asisiri kufarira vaIsraeri vainge vapanduka asi ainge ava kufarira “Israeri waMwari,” uyo aiumbwa nevarume nevakadzi. (VaG. 3:28; 6:15, 16) Pavakadzi vechiKristu vaiita ushumiri munguva yevaapostora, paivawo nevanasikana vana vaFiripi muevhangeri.—Mab. 21:8, 9.

 “UTO GURU” REVAKADZI

18, 19. (a) Panyaya yokunamata kwechokwadi, Mwari akapa varume nevakadzi ropafadzo yei? (b) Munyori wepisarema anoti kudii nezvevakadzi vanozivisa mashoko akanaka?

18 Makore okuma1800 ava kunopera, kwaiva nevarume nevakadzi vashoma vakatanga kufarira kunamata kwechokwadi. Ndivo vakavhurira nzira vanhu vari kuzadzisa mashoko ouprofita hwaJesu okuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.”—Mat. 24:14.

19 Iye zvino boka duku riya raimbonzi Vadzidzi veBhaibheri rakura zvokuti pava neZvapupu zvaJehovha zvinenge 8 000 000. Vamwe vanhu vanopfuura 11 000 000 vari kuratidza kuti vanofarira Bhaibheri uye basa redu nokupinda Chirangaridzo chorufu rwaJesu chinoitwa gore negore. Munyika dzakawanda, vakadzi ndivo vanenge vakawanda pamusangano uyu. Uyewo munyika yose, pavazivisi voUmambo vanopfuura 1 000 000 vari mubasa renguva yakazara, vakadzi ndivo vakanyanya kuwanda. Chokwadi Mwari akapa vakadzi vakatendeka ropafadzo yokuzadzisa mashoko omunyori wepisarema okuti: “Jehovha pachake anoti; vakadzi vanozivisa mashoko akanaka iuto guru.”—Pis. 68:11.

Chokwadi vakadzi vanozivisa mashoko akanaka “iuto guru” (Ona ndima 18, 19)

VAKADZI VANOTYA MWARI VACHAWANA MAKOMBORERO AKAWANDA

20. Inyaya dzipi dzatingaverenga paKunamata Kwemhuri kana kuti patinenge tichidzidza toga?

20 Vakadzi vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri vakawanda chaizvo zvokuti hatingagoni kukurukura nezvavo vose munyaya ino. Asi tose zvedu tinogona kuverenga nezvavo muShoko raMwari uye munyaya dzinobudiswa mumabhuku edu. Somuenzaniso, tinogona kufungisisa nezvekuvimbika kwaRute. (Rute 1:16, 17) Kuverenga bhuku reBhaibheri rakatumidzwa zita raMambokadzi Esteri uye nyaya dzinotaura nezvake, kunogona kusimbisa chaizvo kutenda kwedu. Tinogona kubatsirwa nokudzidza nyaya dzakadai kana tikaronga kudzikurukura pamanheru oKunamata Kwemhuri. Kana tichigara toga, tinogona kuverenga nyaya idzi patinenge tichidzidza.

21. Vakadzi vaitya Mwari vakaratidza sei kuperera kwaari pavaiva munguva dzakaoma?

21 Zviri pachena kuti Jehovha anokomborera basa rokuparidza rinoitwa nevakadzi vechiKristu uye anovatsigira pavanosangana nemiedzo. Somuenzaniso, panguva yaitonga Nazi uye chiCommunist, Jehovha akabatsira vakadzi vakatendeka kuti varambe vakavimbika kwaari. Vakawanda vavo vakatambura uye vamwe vavo vakatourayiwa nemhaka yokuti vaiteerera Mwari. (Mab. 5:29) Mazuva anowo, hanzvadzi dzedu uye vamwe vose vavanonamata navo vanotsigira uchangamire hwaMwari. Sezvaakaita kuvaIsraeri vekare, Jehovha ari kuvabata ruoko rwavo rwokurudyi achiti: “Usatya. Ini ndichakubatsira.”—Isa. 41:10-13.

22. Tinotarisira kuzowana ropafadzo dzipi mune ramangwana?

22 Munguva pfupi iri mberi, varume nevakadzi vanotya Mwari vachaita kuti pasi rive paradhiso vobatsira mamiriyoni evanhu vanenge vamutswa kuti vadzidze nezvezvinangwa zvaJehovha. Patinenge tichimirira nguva iyoyo, tingava tiri varume kana vakadzi, ngatikoshesei ropafadzo yedu yokumushumira ‘takabatana.’—Zef. 3:9.