NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA September 2014

Magazini ino ine nyaya dzichadzidzwa kubva musi wa27 October kusvika 30 November, 2014.

Uri ‘Kutsvaka Kuva Mutariri’ Here?

Inzira ipi yakanaka yokutsvaka kuva mutariri?

Unonyatsodavira Here Kuti Wakawana Chokwadi? Nei Uchidaro?

Nyaya ino ichakurukura zvimwe zvikonzero zvinoita kuti vakawanda vabvume kuti chitendero cheZvapupu zvaJehovha ndechechokwadi. Tichakurukurawo zvikonzero zvinoita kuti Zvapupu zvinyatsodavira kuti chitendero chazvo ndechechokwadi.

Ramba Uchishumira Mwari Pasinei ‘Nematambudziko Mazhinji’

Munhu wose anosangana nematambudziko nokuti tiri kurarama munyika yaSatani. Ndeipi mimwe miedzo inoshandiswa naSatani? Tingaigadzirira sei?

Vabereki Chengetai Vana Venyu Sezvinoita Mufudzi

Vabereki vane basa rokurera vana vavo “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEfeso 6:4) Nyaya ino inokurukura zvinhu zvitatu zvingaitwa nevabereki pakurera vana vavo uye kuti vavabatsire kuda Jehovha.

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvinotaurwa neBhaibheri pana Pisarema 37:25 uye pana Mateu 6:33 zvinoreva here kuti Jehovha haazomboregi muKristu achishaya zvokudya?

Muvengi Wokupedzisira, Rufu, Achaparadzwa

Rufu nezvose zvinorukonzera zvinoita kuti vanhu vatambure zvakanyanya. Nei vanhu vachifa? ‘Muvengi wokupedzisira, rufu, achaparadzwa’ sei? (1 VaKorinde 15:26) Ona kuti mhinduro dzacho dzinoratidza sei kuti Jehovha anotonga zvakarurama, ane uchenjeri uye ane rudo.

Fungai Vaya Vari Mubasa Renguva Yakazara

Vashumiri vaJehovha vakawanda vanoshanda nesimba mubasa renguva yakazara. Tingaitei kuti tifunge ‘basa ravo rinobva pakutenda’ uye ‘basa ravo rorudo’?—1 VaTesaronika 1:3.