Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Uchishumira Mwari Pasinei ‘Nematambudziko Mazhinji’

Ramba Uchishumira Mwari Pasinei ‘Nematambudziko Mazhinji’

“Tinofanira kupinda muumambo hwaMwari nomumatambudziko mazhinji.”—MAB. 14:22.

1. Nei vashumiri vaMwari vasingashamiswi pavanosangana nematambudziko?

ZVINOKUSHAMISA here kuti tinogona kusangana ‘nematambudziko mazhinji’ tisati tawana mubayiro woupenyu husingaperi? Pamwe hazvikushamisi. Pasinei nokuti uchiri mutsva muchokwadi kana kuti wava nenguva yakareba uri mushumiri waJehovha, unoziva kuti munyika yaSatani, tose tinototambura chete.Zvak. 12:12.

2. (a) Kunze kwematambudziko anosangana nevanhu vose vane chivi, vaKristu vanosangana nedambudziko ripi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Ndiani anoita kuti titambure, uye tinozviziva sei?

2 Vanhu vose vane chivi vanosangana nematambudziko muupenyu. Asi vaKristu vane mamwe matambudziko avanosangana navo akasiyana neevanhu vose. (1 VaK. 10:13) Ndeapi iwayo? Vanotambudzwa zvakanyanya nemhaka yokuteerera kwavanoita mitemo yaMwari kunyange zvodii. Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo.” (Joh. 15:20) Ndiani anokonzera kuti titambudzwe saizvozvo? NdiSatani uyo anonzi neBhaibheri “shumba inodzvova, ichitsvaka kudya” vashumiri vaMwari. (1 Pet. 5:8) Satani anoshandisa nzira dzakasiyana-siyana kuti aedze kuita kuti tisaramba takavimbika kuna Jehovha. Chimbofunga zvakaitika kumuapostora Pauro.

KUTAMBUDZWA KURISTRA

3-5. (a) Pauro akasangana nedambudziko rei paaiva kuRistra? (b) Mashoko ake okuti vaKristu vaizosangana nematambudziko akasimbisa sei vadzidzi?

3 Kakawanda, Pauro akatambudzwa nemhaka yokutenda kwake. (2 VaK. 11:23-27) Pane imwe nguva akatambudzwa kuRistra. Pashure pokunge varapa mumwe murume akaberekwa akaremara, Pauro neshamwari yake Bhanabhasi vakatanga kurumbidzwa vachinzi vaiva vanamwari. Pauro naBhanabhasi vakateterera kuboka revanhu raipembera nomufaro kuti risavanamata! Asi pasina nguva, kwakauya vaJudha vakataura nhema kuti vanyengetedze vanhu ivavo. Zvinhu zvakabva zvangochinja! Vanhu vakabva vatema Pauro nematombo vakamusiya vachifunga kuti akanga afa.Mab. 14:8-19.

4 Pashure pokunge vashanyira Dhebhe, Pauro naBhanabhasi “vakadzokera kuRistra, Ikoniyumu uye kuAndiyoki, vachisimbisa mweya yevadzidzi, vachivakurudzira kurambira mukutenda vachiti: ‘Tinofanira kupinda muumambo hwaMwari nomumatambudziko mazhinji.’” (Mab. 14:21, 22) Uchitanga kunzwa mashoko aya ungashamisika nokuti kuudzwa kuti uchasangana ‘nematambudziko mazhinji’ hakukurudziri asi kunotoita kuti unetseke. Saka nei zvichinzi Pauro naBhanabhasi ‘vakasimbisa mweya yevadzidzi’ nokutaura kuti vaizosangana nemamwe matambudziko?

5 Tinogona kuwana mhinduro kana tikanyatsoongorora mashoko aPauro. Haana kuti: “Tinofanira kutsungirira matambudziko mazhinji.” Asi akati: “Tinofanira kupinda muumambo hwaMwari nomumatambudziko mazhinji.” Saka Pauro akasimbisa vadzidzi nokutaura nezvemubayiro wavaizowana kana varamba vakatendeka. Mubayiro iwoyo wakanga usiri kungorotawo zvako. Jesu akatotaura kuti: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.”Mat. 10:22.

6. Vaya vanotsungirira vachawana mubayiro wei?

6 Kana tikatsungirira, tichawana mubayiro. VaKristu vakazodzwa vachawana mubayiro wokurarama vasingafi kudenga vachitonga pamwe naJesu. “Mamwe makwai” achawana upenyu husingaperi pasi pano apo pachange pava ‘nokururama.’ (Joh. 10:16; 2 Pet. 3:13) Asi sezvakataurwa naPauro, panguva ino tichasangana nematambudziko akawanda. Funga nezvemarudzi maviri emiedzo yatingasangana nayo.

KURWISWA ZVAKANANGA

7. Kurwiswa zvakananga kunosanganisirei?

7 Jesu akati: “Vanhu vachakuendesai kumatare omunzvimbo imomo, uye mucharohwa mumasinagogi momiswa pamberi pemagavhuna nemadzimambo.” (Mako 13:9) Mashoko iwayo anoratidza kuti vamwe vaKristu vachasangana nemiedzo yakadai sokurohwa kana kuurayiwa, zvichida zvichikonzerwa nevafundisi kana kuti vezvematongerwo enyika. (Mab. 5:27, 28) Funga zvekare muenzaniso waPauro. Aitya here kusangana nematambudziko akadaro? Kana.Verenga Mabasa 20:22, 23.

8, 9. Pauro akaratidza sei kuti aida kuramba achitsungirira, uye mazuva ano vamwe vakaratidzawo sei kuti vane ushingi?

8 Pauro akaratidza ushingi paairwiswa naSatani. Akanyora kuti: “Handioni mweya wangu sounokosha kwandiri, kudai ndikangopedza basa rangu noushumiri hwaShe Jesu hwandakagamuchira, kuti ndipupurire kwazvo mashoko akanaka omutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.” (Mab. 20:24) Izvi zvinoratidza kuti Pauro ainge asingatyi kutambudzwa. Asi aida kuramba achitsungirira kunyange zvikaoma sei. Chinangwa chake chikuru chaiva ‘chokupupurira kwazvo’ pasinei nokutambudzwa.

9 Mazuva ano, hama nehanzvadzi dzakawanda dzakaratidza ushingi hwakadaro. Somuenzaniso, mune imwe nyika, zvimwe Zvapupu zvava nemakore anenge 20 zviri mujeri nokuti zvinoramba kupindira mune zvematongerwo enyika. Nyaya yavo haina kumbobvira yaendeswa kumatare nokuti munyika iyoyo havadi kunzwa nezvemunhu anoramba kuenda kuchiuto achiti hana yake inomurambidza. Vanorambidzwa kushanyirwa nehama dzavo uye vamwe vasungwa vakarohwa uye vakatambudzwa zvine utsinye.

10. Nei tisingafaniri kutya matambudziko anongoerekana amuka?

10 Hama dzedu dziri mune dzimwe nzvimbo dzinotsungirira matambudziko anongoerekana amuka. Kana izvozvo zvikaitika kwauri, usatya. Funga nezvaJosefa. Akatengeswa somuranda, asi Jehovha “akamununura pakutambudzika kwake kwose.” (Mab. 7:9, 10) Jehovha anogona kukununurawo. Usambofa wakakanganwa kuti “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo mumuedzo, vanhu vakazvipira kuna Mwari.” (2 Pet. 2:9) Ucharamba uchivimba naJehovha here, uchiziva kuti anokwanisa kukununura munyika ino yakaipa oita kuti uwane upenyu husingaperi muUmambo hwake? Une zvikonzero zvakanaka zvokuti urambe uchivimba naye uye zvokuti usatya kutambudzwa.1 Pet. 5:8, 9.

KURWISWA ZVISIRI PACHENA

11. Kurwiswa zvisiri pachena kwatinoitwa naSatani kwakasiyana papi nokutirwisa kwaanoita zvakananga?

11 Mumwe muedzo watinogona kusangana nawo ndewokurwiswa zvisiri pachena. Muedzo uyu wakasiyana papi nokurwiswa zvakananga? Kurwiswa zvakananga kwakafanana nechamupupuri chine simba chinongoerekana chaparadza imba yako. Asi kurwiswa zvisina kunanga kwakafanana nezvinoita mujuru unodya imba yako zvishoma nezvishoma kusvikira yadonha. Kana imba ichimunywa nemujuru, ungasaona ngozi iripo kusvikira zvinhu zvashata.

12. (a) Ndeipi imwe nzira isina kunanga inoshandiswa naSatani kutirwisa, uye nei ichibudirira? (b) Pauro aikanganiswa sei nokuora mwoyo?

12 Satani anoda kukanganisa ukama hwako naJehovha. Anogona kukurwisa zvakananga nokuita kuti utambudzwe kana kuti anogona kukurwisa zvisina kunanga nokukanganisa kutenda kwako zvishoma nezvishoma. Imwe nzira isina kunanga inobudirira chaizvo yaanoshandisa ndeyokuita kuti uore mwoyo. Muapostora Pauro akataura kuti dzimwe nguva aimboora mwoyo. (Verenga VaRoma 7:21-24.) Nei Pauro, munhu aiva akasimba pakunamata uyo angangodaro aiva nhengo yedare rinodzora, akazviti “munhu wenhamo”? Pauro akati ainzwa saizvozvo nokuti aivawo nechivi. Aida chaizvo kuita zvakarurama asi zvakanga zvisiri nyore. Kana uchimbonetsekawo nemafungiro akadaro, haukurudzirwi here nokuziva kuti kunyange muapostora Pauro aisanganawo nedambudziko rakadaro?

13, 14. (a) Chii chinoita kuti vamwe vanhu vaMwari vaore mwoyo? (b) Ndiani anoda kuti kutenda kwedu kuparare, uye nei?

13 Dzimwe nguva hama nehanzvadzi dzakawanda dzinoora mwoyo, dzinonetseka uye dzinonzwa sokuti hadzikoshi. Somuenzaniso, mumwe piyona anoshingaira watichati Deborah akati: “Ndinogara ndichifunga nezvechikanganiso chandakaita, uye pose pandinofunga nezvacho ndinonyanya kunetseka. Pandinofunga zvose zvandakakanganisa, ndinonzwa sokuti hapana kana mumwe munhu angandida, kunyange Jehovha chaiye.”

14 Chii chinoita kuti vamwe vashumiri vaJehovha vanoshingaira vakaita saDeborah vaore mwoyo? Pane zvikonzero zvakawanda. Vamwe vanogona kungozvitarisira pasi uye kuona sokuti hapana chavangaburawo muupenyu. (Zvir. 15:15) Dzimwe nguva manzwiro akadaro anokonzerwa nokurwara. Pasinei nokuti chikonzero chingava chei, tinofanira kuyeuka kuti ndiani anoda kushandisa manzwiro iwayo kuti atibvise pana Jehovha. Ndiani chaizvo anoda kuti tiore mwoyo tokanda mapfumo pasi? Ndiani anoda kuti iwe usavawo netariro saiye? (Zvak. 20:10) Hakuna mumwe kunze kwaSatani. Chokwadi ndechokuti, hazvinei nokuti ari kurwisa zvakananga here kana kuti zvisina, chinangwa chaSatani ndechimwe. Anoda kuti tiore mwoyo, tisashingaira uye tirege kushumira Jehovha. Zviri pachena kuti vanhu vaMwari vari kurwa hondo yokunamata!

15. Tingaratidza sei kuti hatitombodi kukundwa nemuedzo wokuora mwoyo?

15 Usakanda mapfumo pasi. Ramba wakatarira mubayiro. Pauro akanyorera vaKristu vomuKorinde kuti: “Hatineti, asi kunyange munhu watiri nechokunze ari kupera, chokwadi munhu watiri nechomukati ari kuitwa mutsva zuva nezuva. Nokuti kunyange zvazvo kutambudzika kwacho kuri kwenguva duku uye kwakareruka, kunoita kuti tiwane kubwinya kwakatokura kwazvo uye kusingaperi.”2 VaK. 4:16, 17.

GADZIRIRA MATAMBUDZIKO IYE ZVINO

VaKristu vechiduku nevakuru vanodzidzira kuti vangadzivirira sei kutenda kwavo (Ona ndima 16)

16. Nei zvichikosha kuti tigadzirire matambudziko iye zvino?

16 Sezvataona, Satani anoshandisa mazano akasiyana-siyana kuti atitsause. (VaEf. 6:11) Mumwe nomumwe wedu anofanira kuteerera zano riri pana 1 Petro 5:9 rokuti: “Murwisei, makasimba pakutenda.” Kuti tiite izvozvo, tinofanira kugadzirira pfungwa dzedu nemwoyo, kuti tizvirovedze iye zvino kuita zvakarurama. Somuenzaniso: Mauto anowanzorwadzisa miviri yawo achizvirovedza kunyange kusina hondo. Izvi ndizvo zvinoitwawo neuto revashumiri vaJehovha. Hatizivi kuti hondo yedu ichange yakaita sei mune ramangwana. Saka, hakusi kuchenjera here kuti tigadzirire zvakasimba zvinhu pazvinenge zvichakanaka? Pauro akanyorera vaKorinde kuti: “Rambai muchizviedza kuti muone kana muri mukutenda, rambai muchizviedza kuti muone kuti makadini.”2 VaK. 13:5.

17-19. (a) Tingazviongorora sei? (b) Vechiduku vangagadzirira sei kudzivirira kutenda kwavo pavanenge vari kuchikoro?

17 Imwe nzira yatinoteerera nayo zano raPauro ndeyokunyatsozviongorora. Zvibvunze mibvunzo yakadai sokuti: ‘Ndinogara ndichinyengetera here? Vamwe pavanoedza kundifurira, ndinoteerera Mwari somutongi here panzvimbo pevanhu? Ndinogara ndichipinda misangano yechiKristu here? Ndinoratidza ushingi here pandinoudza vanhu zvandinotenda? Ndinonyatsoedza here kuregerera vandinonamata navo kana vanditadzira sezvavanoitawo pandinovatadzira? Ndinozviisa pasi here pevaya vari kutungamirira muungano yedu nevaya vanotungamirira sangano riri munyika yose?’

18 Ona kuti pamibvunzo yose iyi, miviri yacho inotaura nezvekuratidza ushingi pakudzivirira zvatinotenda uye kusabvuma kufurirwa. Vechiduku vedu vakawanda vanofanira kuita izvozvo vari kuchikoro. Vakadzidza kuti havafaniri kutya kana kunyara kutaura zvavanotenda. Asi vanotaura noushingi. Mazano anobatsira panyaya iyi akabudiswa mumagazini edu. Somuenzaniso, Mukai! yeChirungu yaJuly 2009 yakapa zano rokuti kana waunodzidza naye akakubvunza kuti: “Nei usingadaviri kuti zvinhu zvakashanduka-shanduka?” unogona kungopindura kuti: “Nei ndichifanira kudavira kuti zvinhu zvakaita zvokushanduka-shanduka kana masayendisiti pachawo asingatombobvumirani panyaya yacho!” Vabereki, ivai nechokwadi chokuti madzidzira nevana venyu mapinduriro avangaita kuitira kuti vagadzirire miedzo yavanosangana nayo kuchikoro.

19 Ichokwadi kuti dzimwe nguva hazvisi nyore kudzivirira zvatinotenda kana kuita zvimwe zvinhu zvatinonzi tiite naJehovha. Pashure pokushanda zvakaoma kubasa, dzimwe nguva tingada kuzvimanikidza kuenda kumisangano. Zvingada kuzvipira chaizvo kubuda mugumbeze mangwanani kuti tiende muushumiri. Asi yeuka kuti, kana ukagara uine purogiramu yakanaka yokunamata, unozokwanisa kukunda miedzo yakakura mune ramangwana.

20, 21. (a) Kufungisisa nezverudzikinuro kungatibatsira sei kukunda kuora mwoyo? (b) Tinofanira kutsunga kuitei?

20 Asi tingaitawo sei patinorwiswa zvisina kunanga? Somuenzaniso, tingakunda sei kuora mwoyo? Chimwe chinhu chinobatsira chaizvo chatingaita ndechokufungisisa nezverudzikinuro. Izvozvo ndizvo zvakaitwa nemuapostora Pauro. Dzimwe nguva aimbonzwa akasurukirwa chaizvo. Asi aizivawo kuti Kristu akafira vanhu vanotadza kwete vasina chivi. Uye Pauro aiva mumwe wevanhu ivavo vanotadza. Akatonyora kuti: “Upenyu hwandinorarama zvino munyama ndinohurarama nokutenda muMwanakomana waMwari, iye akandida akazvipa nokuda kwangu.” (VaG. 2:20) Chokwadi, Pauro akagamuchira rudzikinuro. Akabvuma kuti Kristu akamufira iye pachake.

21 Kuonawo rudzikinuro saizvozvo, sechipo chawakapiwa naJehovha iwe pachako, kunogona kukubatsira chaizvo. Asi hazvirevi kuti kuora mwoyo kuchangoerekana kwapera. Vamwe vedu vangatofanira kuramba vachirwisana nokuora mwoyo kusvikira munyika itsva. Asi yeuka kuti vaya vasingakandi mapfumo pasi ndivo vachapiwa mubayiro. Tava pedyo chaizvo nezuva rokuti Umambo hwaMwari huite kuti panyika pave norugare uye vanhu vose vakatendeka vabvisirwe chivi. Tsunga kupinda muUmambo ihwohwo kunyange zvazvo ungapfuura nomumatambudziko mazhinji.