Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unonyatsodavira Here Kuti Wakawana Chokwadi? Nei Uchidaro?

Unonyatsodavira Here Kuti Wakawana Chokwadi? Nei Uchidaro?

“Muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.”—VAR. 12:2.

1. Vafundisi vemachechi anozviti ndeechiKristu vakaita sei pairwiwa hondo?

MWARI anoda here kuti vaKristu vaende kuhondo vachiuraya vanhu vokune dzimwe nyika? Mumakore 100 apfuura, izvi ndizvo zvanga zvichiwanzoitwa nevanhu vakawanda vanozviti vaKristu. Vafundisi vechechi yeRoma vainamatira masoja nezvombo zvawo asati aenda kunorwa nevamwe vanopinda chechi iyoyo vokune imwe nyika. Izvi ndizvo zvaiitwawo nevafundisi vemachechi akabuda muRoma. Pairwiwa hondo idzodzo, paiurayiwa vanhu vakawanda uye izvozvo tinonyatsozviona pane zvakaitika muHondo Yenyika II.

2, 3. Zvapupu zvaJehovha zvakaita sei pairwiwa Hondo Yenyika II nedzimwewo hondo dzakazotevera, uye nei zvakaita izvozvo?

2 Zvapupu zvaJehovha zvakaita sei panguva iyoyo yehondo? Hazvina kupindira muhondo. Chii chaiita kuti zvisapindira? Chikonzero chacho ndechokuti zvaitevedzera muenzaniso waJesu uye dzidziso dzake. Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:35) Zvaitevedzerawo pfungwa iri mumashoko omuapostora Pauro aakanyorera vaKristu vokuKorinde.Verenga 2 VaKorinde 10:3, 4.

3 Saka vaKristu vechokwadi avo vane hana yakadzidziswa neBhaibheri, havadzidzi kurwa uye havapindiri muhondo. Izvozvo zvakaita kuti zviuru zveZvapupu, vaduku, vakuru, varume uye vakadzi, vatambudzwe. Vakawanda vakatambura chaizvo pavakaiswa mumajeri uye mumisasa yevasungwa mavaishandiswa zvakaoma. Vamwe vakatourayiwa panguva yaitonga hurumende yeNazi kuGermany. Pasinei nokutambudzwa zvine utsinye kwavaiitwa kuEurope, havana kumborega kuita basa ravakapiwa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaJehovha. Vakaramba vachiparidza mumajeri, mumisasa yevasungwa uye kune dzimwe nyika dzavakaendeswa. * Papera makore akawanda, Zvapupu hazvina kupindira muhondo yokutsakatisa rumwe rudzi yakarwiwa kuRwanda muna 1994. Hazvinawo kupindira muhondo yakaurayisa vanhu vakawanda yakarwiwa nedzimwe nyika dzokuEurope yakazoita kuti nyika yeYugoslavia iparare.

4. Kusapindira muhondo kunoita Zvapupu zvaJehovha kuri kubatsira sei vamwe vanhu?

4 Kusapindira muhondo kunoita Zvapupu zvaJehovha kuri kuita kuti vanhu vakawanda pasi pose vabvume kuti Zvapupu zvinoda Mwari uye muvakidzani nemwoyo wose. Vanoona kuti ava ndivo vaKristu vechokwadi. Asi pane zvimwe zvinhu zvatinoita pakunamata kwedu zvakaita kuti vanhu vabvume kuti tiri vaKristu vechokwadi.

BASA GURU ROKUDZIDZISA VANHU

5. Chii chakachinja pabasa raiitwa nevaKristu vepakutanga?

5 Kubva paakatanga ushumiri hwake, Jesu akanyatsoratidza kuti basa rokuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari ndiro rainyanya kukosha. Akasarudza vadzidzi 12 kuti vatange kuita basa rokuparidza raizoitwa munyika yose uye akazodzidzisa vamwe 70 maitirwo ebasa racho. (Ruka 6:13; 10:1) Vadzidzi ava vainge vakagadzirira kuudza vamwe mashoko akanaka uye vaizotanga nokuudza vaJudha. Asi zvinhu zvakazochinja. Vakaudzwa kuti vaifanirawo kuparidza mashoko akanaka kuvanhu vasina kudzingiswa vemamwe marudzi. Chokwadi uku kwaiva kuchinja kukuru kwezvinhu kuvadzidzi ivavo vechiJudha vaishingaira!Mab. 1:8.

6. Chii chakaita kuti Petro azive kuti Jehovha haasaruri?

6 Muapostora Petro akatumwa kumba kwemumwe murume wemamwe marudzi ainge asina kudzingiswa ainzi Koneriyasi. Petro akabva aziva kuti Mwari haasaruri. Koneriyasi neveimba yake vakabva vabhabhatidzwa. ChiKristu chainge chava kupararira mundima itsva; vanhu vemarudzi ose vainge vava kukwanisa kunzwa chokwadi vachichigamuchira. (Mab. 10:9-48) Iye zvino vadzidzi vaJesu vainge vava kufanira kuparidzira munyika yose.

7, 8. Sangano raJehovha riri kuitei kuti vanhu vanzwe mashoko akanaka? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

7 Mazuva ano vaya vanotungamirira musangano raJehovha vari kushingaira pakuita kuti basa rokuparidza nokudzidzisa mashoko akanaka riitwe munyika yose. Zvapupu zvinoda kusvika mamiriyoni masere zviri kushanda nesimba kuti zviparadzire mashoko aKristu mumitauro inopfuura 600 uye mitauro yacho iri kuramba ichiwedzera! Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsozivikanwa nokuparidza paimba neimba uye mumigwagwa, dzimwe nguva zvichishandisa matafura uye zvingoro.

8 Vashanduri vanopfuura 2 900 vakadzidziswa kushandura Bhaibheri uye mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Havangoshanduri mabhuku aya mumitauro inonzi ndiyo yakakura. Vari kuashandurirawo mumitauro yakawanda isinganyanyi kuzivikanwa asi inotaurwa nemamiriyoni evanhu. Somuenzaniso, kuSpain kune mamiriyoni evanhu verudzi rwechiCatalonia vanotaura mutauro wavo wechiCatalan zuva nezuva. Munguva ichangopfuura, vanhu vakawanda vakatanga kushandisa mutauro wacho nemapazi awo muAndorra, Alicante, kuBalearic Islands, uye muValencia. Zvapupu zvaJehovha zvava kubudisa mabhuku eBhaibheri muchiCatalan uye misangano yechiKristu iri kuitwa mumutauro unonyatsonzwisiswa nevanhu verudzi rwechiCatalonia.

9, 10. Chii chinoratidza kuti sangano raMwari rinoda kuti vanhu vose vadzidze chokwadi?

9 Basa iri rokushandura mabhuku edu uye kudzidzisa vanhu mumitauro yavo riri kuitwawo munyika dzakawanda. Munyika yeMexico munotaurwa chiSpanish asiwo mune vanhu vakawanda vanotaura mimwe mitauro. Vamwe vacho vanotaura chiMaya. Bazi rokuMexico rakaronga kuti vashanduri vanotaura chiMaya vagare munzvimbo ine vanhu vanotaura mutauro iwoyo vachiutaura nokuunzwa uchitaurwa zuva nezuva. Mumwe mutauro ndewechiNepali unotaurwa kunyika yeNepal ine vanhu vanopfuura mamiriyoni 29. Munyika iyoyo munotaurwa mitauro inenge 120 asi kune vanhu vanopfuura mamiriyoni 10 vanotaura mutauro wechiNepali uye kune vamwewo vakawanda vanoutaura asi usiri rurimi rwaamai. Mabhuku edu anowanikwawo mumutauro uyu.

10 Kutsigirwa kunoitwa vashanduri vakawanda vari munyika yose kunoratidza kuti sangano raJehovha rinokoshesa chaizvo kuti mashoko akanaka oUmambo aparidzwe munyika yose. Mamiriyoni ematurakiti, mabhuku uye magazini akaparadzirwa munyika yose asingatengeswi. Mari yacho inobva pazvipo zvinopiwa neZvapupu zvaJehovha zvichitevedzera mashoko aJesu okuti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.”Mat. 10:8.

Vashanduri vachishandura mabhuku mumutauro weLow German (Ona ndima 10)

Mabhuku emutauro weLow German anoshandiswa kuParaguay (Onawo mufananidzo uri panotangira nyaya ino)

11, 12. Basa rokuparidza riri kuitwa neZvapupu zvaJehovha pasi pose riri kubatsira sei vamwe?

11 Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsobvuma kuti zvakawana chokwadi zvokuti zvinozvipira kurega zvimwe zvinhu muupenyu kuti zvikwanise kuparidzira vanhu vemarudzi akasiyana-siyana. Vakawanda vakaita kuti upenyu hwavo husave nezvinhu zvakawanda. Vakadzidza mumwe mutauro uye vakakwanisa kuita kuti upenyu hwavo huenderane nekwavakatamira vaine chinangwa chokuita basa iri rinokosha rechiKristu. Basa iri rinoitwa pasi pose rokuparidza nokudzidzisa rinoitawo kuti vanhu vakawanda vabvume kuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo vateveri vechokwadi vaKristu Jesu.

12 Zvapupu zvinoita zvose izvozvo nokuti zvinonyatsodavira kuti zvakawana chokwadi. Asi zvii zvimwe zvakaita kuti mamiriyoni evanhu abvume kuti chitendero cheZvapupu zvaJehovha ndicho chechokwadi?Verenga VaRoma 14:17, 18.

ZVII ZVINOITA KUTI VAMWE VABVUME KUTI VAKAWANA CHOKWADI?

13. Zvapupu zvinoita sei kuti sangano razvo rirambe rakachena?

13 Tinogona kubatsirwa nezvakataurwa nevamwe vaKristu vemazuva ano vanonyatsodavira kuti vakawana chokwadi. Imwe hama yava nemakore akawanda ichishumira Jehovha yakati: “Sangano raJehovha rinoita zvose zvarinogona kuti rirambe rakachena uye risina kusvibiswa, pasinei nokuti ndiani anofanira kupiwa zano kana kurangwa.” Zvapupu zvaJehovha zvinoitei kuti sangano razvo rirambe rakachena? Zvinotevedzera zviri muShoko raMwari uye muenzaniso waJesu nevadzidzi vake. Saka musangano reZvapupu zvaJehovha mazuva ano, kunongova nevashomanana vaisaita zvinodiwa naMwari uye vaitofanira kudzingwa muungano yechiKristu. Asi vakawanda vari kurarama upenyu hwakachena uye hwakanaka. Vanhu ivavo vanosanganisira vamwe vaimborarama upenyu husingadiwi naMwari ndokuzochinja.Verenga 1 VaKorinde 6:9-11.

14. Vakawanda vainge vakadzingwa vakazoitei, uye zvakaguma nei?

14 Bhaibheri rinorayira kuti vaya vanoramba kuteerera Mwari vadzingwe muungano yechiKristu. Zvinofadza kuti zviuru zvevanhu ivavo zvakapfidza uye zvakagamuchirwa zvekare muungano yechiKristu. (Verenga 2 VaKorinde 2:6-8.) Kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri kunoita kuti ungano yechiKristu irambe yakachena uye izvozvo zvinoita kuti tive nechivimbo chokuti chitendero chedu ndechechokwadi. Vanhu vakawanda vakasvika pakunyatsodavira kuti chitendero chedu ndechechokwadi nokuti vakaona kuti tinotevedzera zvinodiwa naMwari kusiyana nokure nezvinoitwa nemamwe machechi anongosiya vanhu vachiita madiro.

15. Chii chakaita kuti imwe hama idavire kuti chitendero chedu ndechechokwadi?

15 Nei zvimwe Zvapupu zvava nemakore zviri musangano zvichidavira kuti chitendero chedu ndechechokwadi? Imwe hama yava nemakore okuma50 yakati: “Kubvira ndichiri muduku ndaidavira kuti kutenda kwangu kwakavakirwa pazvinhu izvi zvitatu zvinokosha: (1) kuti Mwari ariko; (2) kuti ndiye akafemera Bhaibheri; uye (3) kuti ari kushandisa uye kukomborera ungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha mazuva ano. Mumakore ose aya, ndagara ndichiedza kunyatsoongorora zvinhu zvitatu izvozvo uye ndinogara ndichizvibvunza kuti zvakavakirwa pakasimba here.” Hama iyi inotiwo gore negore iri kuramba ichiwana zvikonzero zvokuti zvinhu zvitatu izvi ndezvechokwadi zvokuti kutenda kwayo kuri kusimba uye iri kuwedzera kuva nechivimbo chokuti chitendero chedu ndechechokwadi.

16. Chii chakaita kuti imwe hanzvadzi idavire kuti yakawana chokwadi?

16 Imwe hanzvadzi yakaroorwa inoshumira pamahofisi edu makuru ari kuNew York yakataura nezvesangano raJehovha ichiti: “Ndiro chete rinoramba richizivisa zita raJehovha. Izvozvo zvine musoro chaizvo kana tikayeuka kuti zita raMwari rinowanika kanenge ka7 000 muBhaibheri! Ndakakurudzirwa nemashoko ari pana 2 Makoronike 16:9 anoti: ‘Kana ari Jehovha, maziso ake anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.’” Inotiwo: “Chokwadi chakandibatsira kuona kuti ndingaita sei kuti ndive nemwoyo wakakwana kuitira kuti Jehovha aratidze simba rake kwandiri. Ndinonyanya kukoshesa ukama hwangu naJehovha. Uye ndinoonga zvinoitwa naJesu pakuita kuti tiwane zivo yaMwari inondisimbisa pakunamata.”

17. Mumwe murume ainge asingatendi muna Mwari anobvuma kuti chii uye nei achibvuma izvozvo?

17 Mumwe murume ainge asingatendi muna Mwari akati: “Zvinhu zvakasikwa zvinoita kuti ndive nechokwadi chokuti Mwari anoda kuti vanhu vanakidzwe noupenyu saka haazomboregi kutambura kuchiramba kuripo nokusingaperi. Uyewo, nyika pairi kuramba ichiwedzera kusada Mwari, vanhu vaJehovha vari kuwedzera kuva nokutenda, kushingaira uye kuva nerudo. Mudzimu waJehovha chete ndiwo unoita kuti chishamiso ichocho chiitike.”Verenga 1 Petro 4:1-4.

18. Unonzwa sei nezvakataurwa nedzimwe hama mbiri?

18 Imwe hama yava nemakore iri musangano yakataura zvinoita kuti ibvume chokwadi chatinoparidza ichiti: “Kudzidza kwandakaita mumakore ose aya kwakaita kuti ndinyatsobvuma kuti Zvapupu zvakaedza nomwoyo wose kutevedzera zvaiitwa nevaKristu vepakutanga. Ndakanyatsoona kubatana kwakaita Zvapupu zvaJehovha pasi pose pandaienda kunyika dzakasiyana-siyana. Chokwadi chiri muBhaibheri chakaita kuti ndigutsikane uye ndifare.” Imwe hama yava nemakore anopfuura 60 payakabvunzwa chaiita kuti ibvume kuti chitendero chedu ndechechokwadi, yakataura nezvaJesu Kristu ichiti: “Takanyatsodzidza nezveupenyu uye ushumiri hwaJesu uye takanyatsonzwisisa muenzaniso wake. Takachinja mararamiro edu kuti tiswedere pedyo naMwari nokuna Kristu Jesu. Takabvuma kuti chibayiro chorudzikinuro chaKristu ndicho chinoita kuti tikwanise kuponeswa. Uye tinoziva kuti akamutswa kuvakafa. Tine uchapupu hwevanhu vakavimbika vakaona izvi zvichiitika.Verenga 1 VaKorinde 15:3-8.

TINOFANIRA KUITEI NECHOKWADI?

19, 20. (a) Pauro akataura nezvebasa ripi kuungano yaiva kuRoma? (b) Iropafadzo ipi yatiinayo sevaKristu vakazvitsaurira?

19 SevaKristu, tinoda muvakidzani wedu, saka hatiregi kuudza vanhu zivo inokosha yechokwadi. Pauro akaudza hama dzake dzaiva muungano yaiva kuRoma kuti: “Kana uchizivisa pachena ‘shoko iroro riri mumuromo mako,’ kuti Jesu ndiIshe, uye uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa. Nokuti munhu anotenda nomwoyo kuti awane kururama, asi anozivisa pachena nomuromo kuti awane ruponeso.”VaR. 10:9, 10.

20 SeZvapupu zvaJehovha zvakazvitsaurira, tinonyatsodavira kuti chitendero chedu ndechechokwadi uye tinoziva kuti tine ropafadzo yokudzidzisa vamwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Sezvatinoita basa redu rokuparidza, tinovimba kuti vamwe vachabayiwa mwoyo kwete nezvatinodzidzisa chete zviri muBhaibheri asiwo nechivimbo chizere chatiinacho chokuti chitendero chedu ndechechokwadi.

^ ndima 3 Ona bhuku rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, mapeji 190-198, 448-454.