Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Pfungwa Dzenyu Ngadzirambe Dziri Pazvinhu Zviri Kumusoro”

“Pfungwa Dzenyu Ngadzirambe Dziri Pazvinhu Zviri Kumusoro”

“Pfungwa dzenyu ngadzirambe dziri pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zviri panyika.”VAK. 3:2.

1, 2. (a) Chii chinoratidza kuti zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka muungano yeKorose? (b) Hama dzaiva muKorose dzakapiwa zano ripi kuti dzisazununguke?

ZVINHU zvakanga zvisisina kumira zvakanaka muungano yechiKristu yeKorose. Vamwe vaipesanisa vanhu muungano nekuvakurudzira kuteerera Mutemo waMosesi. Vamwe ndivo vaikurudzirawo pfungwa yechihedheni yekuti kufara kwakaipa. Pauro akanyorera VaKorose tsamba achivayambira nezvedzidziso idzi dzenhema achiti: “Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina zvahunobatsira maererano netsika yevanhu, maererano nezvinhu zvokutanga zvenyika, kwete maererano naKristu.”VaK. 2:8.

2 Kudai vaKristu vakazodzwa ivavo vaizoisa pfungwa dzavo “pazvinhu zvokutanga zvenyika,” zvaizofanana nekuramba nzira yaJehovha yekuvaponesa. (VaK. 2:20-23) Kuti adzivirire ukama hwavo naMwari, Pauro akavakurudzira achiti: “Pfungwa dzenyu ngadzirambe dziri pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zviri panyika.” (VaK. 3:2) Hama dzaKristu dzaifanira kuramba dzichifunga nezvetariro yavo yekuwana nhaka isingaori  ‘yavakachengeterwa kumatenga.’VaK. 1:4, 5.

3. (a) VaKristu vakazodzwa vanoramba vachifunga nezvetariro ipi? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi munyaya ino?

3 Mazuva ano, vaKristu vakazodzwa vanoita kuti pfungwa dzavo dzirambe dziri paUmambo hwaMwari hwekumatenga uye patariro yavo yekuva “vagari venhaka pamwe chete naKristu.” (VaR. 8:14-17) Ko vaya vane tariro yekurarama pasi pano? Mashoko aPauro anoshanda sei kwavari? “Mamwe makwai” angaramba sei akaisa pfungwa dzawo “pazvinhu zviri kumusoro”? (Joh. 10:16) Uye isu tose tinobatsirwa sei nekufungisisa zvakaitwa nevarume vakatendeka vekare vakadai saAbrahamu naMosesi avo vakaramba vakaisa pfungwa dzavo pazvinhu zviri kumusoro pasinei nematambudziko?

ZVINOREVEI KUISA PFUNGWA DZEDU PAZVINHU ZVIRI KUMUSORO?

4. Vemamwe makwai vangaita sei kuti varambe vakaisa pfungwa dzavo pazvinhu zviri kumusoro?

4 Kunyange zvazvo vemamwe makwai vasina tariro yekurarama kudenga, vanogonawo kuita kuti pfungwa dzavo dzirambe dziri pazvinhu zviri kumusoro. Vangazviita sei? Nekuita kuti Jehovha Mwari uye zvinhu zvine chekuita neUmambo zvirambe zviri pekutanga muupenyu hwavo. (Ruka 10:25-27) Kuti tidaro, tinofanira kutevedzera Kristu. (1 Pet. 2:21) Munyika yaSatani yatiri kurarama tinosanganawo nevanhu vanodzidzisa zvenhema, vane mafungiro enyika uye vanonyanya kuda pfuma sezvaingoitikawo pakati pevaKristu vekutanga. (Verenga 2 VaKorinde 10:5.) Sevatevedzeri vaJesu, tinofanira kungwarira kuti zvinhu izvi zvisakanganise ukama hwedu naJehovha.

5. Tingazviongorora sei kuti tizive kana tisiri kunyanya kuda pfuma?

5 Pane here chinoratidza kuti muupenyu hwedu tava nemaonero enyika ekunyanya kuda pfuma? Zvinhu zvatinoda zvinowanzooneka pamafungiro edu nezvatinoita. Jesu akati: “Pane pfuma yako, ndipowo pachava nomwoyo wako.” (Mat. 6:21) Kuti tizive zviri pamwoyo wedu, zvakanaka kuti tigare tichizviongorora. Zvibvunze kuti: ‘Ndinoita nguva yakawanda sei ndichifunga nezvemari? Nguva yangu yakawanda inoperera here pakuronga nezvemikana yekuita bhizimisi, mabhindauko kana kuti kuda kurarama upenyu hwakanaka? Kana kuti ndinoedza here kuti pfungwa dzangu dzingoramba dziri pazvinhu zvekunamata?’ (Mat. 6:22) Jesu akataura kuti kana tikaramba tichifunga ‘nezvekuzviunganidzira pfuma panyika’ tinogona kupedzisira tarasikirwa neukama hwedu naJehovha.Mat. 6:19, 20, 24.

6. Tingakunda sei pakurwisana nenyama yedu?

6 Chivi chatiinacho chinoita kuti tinzwe tichida kungoita zvinhu zvinofadza nyama yedu. (Verenga VaRoma 7:21-25.) Kana mudzimu waMwari usiri kushanda muupenyu hwedu, tinogona kupedzisira tava kuita “mabasa erima.” Mabasa aya anogona kusanganisira “mitambo yemafaro akanyanyisa . . . kunwira kudhakwa . . . unzenza hwepabonde uye kusazvibata.” (VaR. 13:12, 13) Kuti tikwanise kukunda pakurwisa “zvinhu zviri panyika” kana kuti zvinhu zvinodiwa nenyama, tinofanira kuramba tichifunga nezvezvinhu zviri kumusoro. Izvi hazvisi nyore. Ndokusaka muapostora Pauro akazoti: “Ndinorwadzisa muviri wangu ndichiuita somuranda.” (1 VaK. 9:27) Zviri pachena kuti tinofanira kutozviomesera kana tichida kuramba tiri munhangemutange yeupenyu! Ngatimboongororai kuti vamwe varume vaviri vakatendeka vakararama kare vakaita sei kuti ‘vafadze Mwari.’VaH. 11:6.

 ABRAHAMU “AKATENDA MUNA JEHOVHA”

7, 8. (a) Abrahamu naSara vakasangana nematambudziko api? (b) Abrahamu akaramba achifunga nezvei?

7 Abrahamu paakaudzwa naJehovha kuti atame nemhuri yake achienda kuKenani, akabvuma nemwoyo wose. Kutenda uye kuteerera kwaAbrahamu kwakaita kuti Jehovha aite sungano naye achiti: “Ndichaita rudzi rukuru runobva mauri, ndichakukomborera.” (Gen. 12:2) Makore akafamba asi Abrahamu naSara vakanga vasati vava nemwana. Jehovha akanga akanganwa zvaakanga avimbisa Abrahamu here? Upenyu muKenani hwakanga huchitomuomera. Abrahamu nemhuri yake vakanga vasiya imba yavo nehama muUri, guta raiva rakabudirira rekuMesopotamiya. Vakafamba makiromita anopfuura 1 600 kuti vazosvika kuKenani, uko kwavaigara mumatende, vachimboshaya zvokudya uye vachimbopambirwa zvinhu zvavo. (Gen. 12:5, 10; 13:18; 14:10-16) Asi havana kumbopindwa nepfungwa yekudzoka kuUri kwaiva neupenyu hwakanaka.Verenga VaHebheru 11:8-12, 15.

8 Pane kuti arambe achifunga “zvinhu zviri panyika,” Abrahamu “akatenda muna Jehovha.” (Gen. 15:6) Akaramba akaisa pfungwa dzake pazvinhu zviri kumusoro pakuti akaramba achifunga nezvevimbiso dzaMwari. Kutenda kwaAbrahamu kwakaita kuti Mwari Wokumusorosoro azozviratidza kwaari achiti: “‘Ndapota, tarira kumusoro kumatenga uverenge nyeredzi, kana uchikwanisa kudziverenga.’” Akazoti kwaari: “‘Ndizvo zvichaita vana vako.’” (Gen. 15:5) Zvechokwadi izvi zvinofanira kunge zvakamusimbisa! Abrahamu paaingotarisa denga rakazara nyeredzi aibva atoyeuka vimbiso yaJehovha yekuti aizoita kuti vana vake vawande. Uye nekufamba kwenguva Abrahamu akazova nemwana, sezvakanga zvavimbiswa.Gen. 21:1, 2.

9. Kutevedzera zvakaitwa naAbrahamu kuchatikurudzira sei kuti tirambe tichishingaira kuita basa raMwari?

9 Isusuwo takafanana naAbrahamu pakuti takamirira kuzadzikiswa kwevimbiso dzaMwari. (2 Pet. 3:13) Kana tikasaita kuti pfungwa dzedu dzirambe dziri pazvinhu zviri kumusoro, tinogona kuona sekuti vimbiso idzodzo dzanonoka uye tingapedzisira taneta pakunamata. Somuenzaniso, wakamboisa zvimwe zvinhu parutivi here kuti ukwanise kuita basa rekupayona kana kuti kuwedzera ushumiri hwako neimwe nzira? Wakaita zvakanaka chaizvo kana wakadaro. Asi ndizvo zvauchiri kuita here? Yeuka kuti Abrahamu akaramba achifunga “guta rine nheyo chaidzo.” (VaH. 11:10) “Akatenda muna Jehovha, uye akanzi akarurama.”VaR. 4:3.

MOSESI “AIONA UYO ASINGAONEKI”

10. Upenyu hwaMosesi hwakanga hwakamira sei paaiva muduku?

10 Mumwe munhu akaramba achifunga nezvezvinhu zviri kumusoro ndiMosesi. Achiri muduku, “akarayiridzwa muuchenjeri hwose hwevaIjipiti.” Iyi yakanga isiri dzidzo yekutamba nayo. Mosesi akarerwa mumhuri yaFarao nyika yeIjipiti payakanga iine simba kupfuura dzose. Saka hazvishamisi kuti dzidzo iyi yepamusoro yakaita kuti ‘mashoko ake nemabasa ake zvive nesimba.’ (Mab. 7:22) Chimbofungidzira kuti izvozvo zvaimupa mikana yakawanda zvakadini yokubudirira! Kunyange zvakadaro Mosesi akanga akaisa pfungwa dzake pakuita kuda kwaMwari uko kwaainyanya kukoshesa.

11, 12. Mosesi aikoshesa dzidzo ipi, uye tinozviziva sei?

11 Mosesi anofanira kunge akadzidziswa nezvaMwari wevaHebheru naamai vake Jokebhedhi achiri mudukuduku. Mosesi aikoshesa zvikuru ruzivo rwaakawana nezvaJehovha kupfuura chero chii zvacho.  Izvi zvakaita kuti asarudze kurasikirwa nemikana yaangadai akawana paaigara muimba yaFarao. (Verenga VaHebheru 11:24-27.) Zvinhu zvaakadzidziswa nezvaJehovha uye kutenda kwaaiva nako kwakaita kuti aise pfungwa dzake pazvinhu zviri kumusoro.

12 Mosesi akawana dzidzo yenyika yakanga yakanakisisa pane yaiwanika makore aakararama. Asi akaishandisa here kuti aite mukurumbira kana mari muIjipiti? Aiwa. Ndokusaka akaramba “kunzi mwanakomana womwanasikana waFarao, achisarudza kuitirwa zvakaipa pamwe chete nevanhu vaMwari panzvimbo pokufadzwa nechivi kwenguva duku.” Zviri pachena kuti Mosesi akashandisa dzidzo yaMwari kuti aite kuti chinangwa chaMwari chifambire mberi.

13, 14. (a) Chii chakabatsira Mosesi kuti azokodzera kuita basa raaida kupiwa naJehovha? (b) Zvii zvatinofanirawo kuita tichitevedzera Mosesi?

13 Mosesi aiva nechido chakasimba chekufadza Jehovha uye kubatsira vanhu vake. Paakanga ava nemakore 40, Mosesi akafunga kuti akanga agadzirira kusunungura vanhu vaMwari muIjipiti. (Mab. 7:23-25) Zvisinei Jehovha ane zvaaida kuti Mosesi atange adzidza asati amupa basa iri. Aifanira kudzidza kuva munhu anozvininipisa, ane mwoyo murefu, munyoro uye anozvidzora. (Zvir. 15:33) Izvi zvaizoita kuti azokwanisa kutsungirira matambudziko nemiedzo yaiva mberi kwake. Kushanda semufudzi kwemakore akawanda kwaizomubatsira kuva munhu akadaro.

14 Mosesi akabatsirwa here nezvaakadzidza paaiva mufudzi? Zvechokwadi akabatsirwa! Shoko raMwari rinotaura kuti Mosesi akazova “munhu munyoro kwazvo kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Num. 12:3) Akanga adzidza kuva munhu anozvininipisa, izvo zvakazomubatsira kuva nemwoyo murefu nevanhu vaiva nematambudziko akasiyana-siyana. (Eks. 18:26) Isuwo tinofanira kudzidza kuva vanhu vakadaro kuti tizopona ‘pakutambudzika kukuru’ tichipinda munyika yake itsva yakarurama. (Zvak. 7:14) Tinobata vamwe zvakanaka here kusanganisira vaya vatinofunga kuti vane hasha kana kuti vasingatane kugumbuka? Zvakanaka kuti titeerere mashoko emuapostora Petro, uyo akakurudzira vanhu vaainamata navo kuti: “Kudzai vanhu vemarudzi ose, idai sangano rose rehama.”1 Pet. 2:17.

KUITA KUTI PFUNGWA DZEDU DZIRAMBE DZIRI PAZVINHU ZVIRI KUMUSORO

15, 16. (a) Nei zvichikosha kuti tirambe takaisa pfungwa dzedu pazvinhu zviri kumusoro? (b) Nei zvichikosha kuti vaKristu varambe vachizvibata zvakanaka?

15 Tiri kurarama ‘munguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.’ (2 Tim. 3:1) Saka zvakakosha kuti pfungwa dzedu dzirambe dziri pazvinhu zviri kumusoro kuitira kuti tirambe takamuka pakunamata. (1 VaT. 5:6-9) Ngatimboongororai kuti tingazviita sei munzira nhatu muupenyu hwedu.

16 Nzira yatinozvibata nayo: Petro akaratidza kuti zvakakosha kuti tizvibate zvakanaka. Akataura kuti: “Mufambiro wenyu ngauve wakanaka pakati pemamwe marudzi kuti, . . . vakudze Mwari . . . nokuda kwemabasa enyu akanaka avanoona.” (1 Pet. 2:12) Tingave tiri pamba, kubasa, kuchikoro, tichitamba kana kuti tiri muushumiri, tinoedza kukudza Jehovha nenzira yakanaka yatinozvibata nayo. Ichokwadi kuti sevanhu vane chivi tose tinokanganisa. (VaR. 3:23) Asi kana tikaramba tichirwa “kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda,” tinogona kubudirira kurwisana nenyama yedu ine chivi.1 Tim. 6:12.

17. Tingava sei nemafungiro akaita seaiva naJesu Kristu? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

17 Mafungiro edu: Kuti tizvibate zvakanaka, mafungiro edu anofanirawo kunge  akanaka. Muapostora Pauro akataura kuti: “Ivai nemafungiro aya aivawo naKristu Jesu.” (VaF. 2:5) Jesu aiva nemafungiro akaita sei? Aizvininipisa. Kuzvininipisa kwakaita kuti atungamidze ushumiri hwake kupfuura zvaaida iye. Pfungwa dzake dzaigara dziri pakuparidzira vamwe mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. (Mako 1:38; 13:10) Jesu aiwana zvose zvaaidzidzisa mushoko raMwari. (Johani 7:16; 8:28) Ainyatsodzidza Magwaro Matsvene kuti akwanise kutaura zviri maari, kuatsigira uye kuatsanangura. Mafungiro edu achaitawo seaKristu kana tikazvininipisa, tikagara tichishingaira muushumiri uye tikadzidza Bhaibheri.

Kuparidza mashoko akanaka eUmambo ndicho chinhu chainyanya kufungwa naJesu (Ona ndima 17)

18. Tingatsigira sei Jehovha?

18 Rutsigiro rwedu: Jehovha akaita chinangwa chekuti “muzita raJesu mabvi ose apfugame, evaya vari kudenga nevaya vari panyika.” (VaF. 2:9-11) Kunyange akakwidziridzwa kudaro, Jesu acharamba achitevedzera zvinodiwa naBaba vake, uye ndizvo zvatinofanirawo kuita. (1 VaK. 15:28) Tingazviite sei? Nekuramba tichitsigira Jehovha nemwoyo wose pakuita basa ratakatumwa rekuti “vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mat. 28:19) Tinofanirawo ‘kuitira vose zvakanaka,’ kusanganisira vavakidzani vedu uye hama dzedu.VaG. 6:10.

19. Tinofanira kuva nechido chakasimba chokuitei?

19 Tinotenda zvikuru kuti Jehovha anotiyeuchidza kuti tirambe takaisa pfungwa dzedu pazvinhu zviri kumusoro. Kuti tidaro, tinofanira kumhanya “nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.” (VaH. 12:1) Kudai tose tikashanda ‘nomweya wose sokunge tinoitira Jehovha,’ kuitira kuti Baba vedu vekudenga vakomborere zvatinoedza kuita.VaK. 3:23, 24.