Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Batana Nevamwe Kuti Uzopona Pachaparadzwa Nyika Ino

Batana Nevamwe Kuti Uzopona Pachaparadzwa Nyika Ino

“Isu tiri nhengo yomumwe nomumwe.”VAEF. 4:25.

1, 2. Mwari anoda kuti vanhu vake, vakuru nevaduku vaitei?

UCHIRI wechiduku here? Kana zvakadaro, ziva kuti uri pakati pevanhu vanokosha vari muungano yaJehovha iri munyika yose. Munyika dzakawanda, vechiduku ndivo vari kunyanya kubhabhatidzwa. Zvinofadza chaizvo kuona vechiduku vakawanda vachisarudza kushumira Jehovha!

2 Kana uri wechiduku, zvimwe unonakidzwa nokuva nevezera rako. Tinowanzofara kana tiine shamwari dzedu. Zvisinei, Mwari anoda kuti tibatane pakumunamata, pasinei nezera redu uye kwatakabva. Muapostora Pauro akanyora kuti Mwari anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:3, 4) Pana Zvakazarurwa 7:9, tinoverenga nezvevanamati vaMwari “vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.”

3, 4. (a) Mazuva ano vechiduku vakawanda vane unhu hwakaita sei? (b) Mafungiro api anoenderana nezvinotaurwa pana VaEfeso 4:25?

3 Pane musiyano mukuru pakati pevechiduku vanoshumira Jehovha nevechiduku vari munyika. Vakawanda vasingashumiri Jehovha vanongorarama vachizvifunga ivo chete. Vamwe vanotsvakurudza vanoti vechiduku vava kungofunga zvakavanakira kupfuura zvavaiita kare. Matauriro nemapfekero avo anoratidza kuti havaremekedzi vanhu vakuru.

4 Maitiro iwayo ari kwese kwese. Saka zvinotoda kushanda nesimba kuti vechiduku vanoshumira Jehovha vasava neunhu hwakadaro uye kuti vaite zvinodiwa naMwari. Kunyange munguva yevaapostora, Pauro akaona zvakakosha kuti akurudzire vaainamata navo kuti varege kuva ‘nemafungiro anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri.’ (Verenga VaEfeso 2:1-3.) Zvinofadza chaizvo kuona vechiduku vari muungano vachiramba mafungiro akadaro uye vachisarudza kushanda vakabatana nehama dzavo. Izvozvo zvinoenderana nemashoko aPauro okuti “tiri nhengo yomumwe nomumwe.” (VaEf. 4:25) Mugumo wenyika ino zvawava pedyo tichatofanira kuwedzera kubatana. Ngatikurukurei mienzaniso yomuBhaibheri ichatibatsira kuona kuti zvinokosha chaizvo kuti tive vanhu vakabatana.

VAKARAMBA VARI PAMWE CHETE

5, 6. Tinodzidzei panyaya yaRoti nevanasikana vake?

5 Kare, Jehovha aidzivirira vanhu vake pavairamba vakabatana uye pavaibatsirana panguva yekutambudzika. Vashumiri vaMwari vemazuva ano, vakuru nevaduku, vanogona kudzidza pane zvakaitwa nevanhu vanotaurwa muBhaibheri. Mumwe wacho aiva Roti.

6 Roti nemhuri yake vaiva pangozi nokuti guta reSodhoma ravaigara rainge rava kuda kuparadzwa. Ngirozi dzaMwari dzakakurudzira Roti kuti abude muguta racho uye kuti atizire kunyika ine makomo, dzichiti: “Tiza kuti uponese mweya wako!” (Gen. 19:12-22) Roti akateerera, uye vanasikana vake vaviri vakabudawo naye muguta iroro. Zvinosuruvarisa kuti dzimwe hama dzake dzepedyo dzakaramba kuenda naye. Varume vechiduku vaida kuroora vanasikana vake vakafunga kuti “ari kuita jee.” Izvozvo zvakavaurayisa. (Gen. 19:14) Roti nevanasikana vake ndivo chete vakaponeswa nokuti vakaramba vari pamwe chete.

7. Jehovha akabatsira sei boka revanhu rakabuda muIjipiti rakabatana?

7 Funga nezvevamwe vatinogona kutevedzera. VaIsraeri pavakabuda muIjipiti, havana kufamba vakaita mapoka mapoka asi vaiva boka rimwe chete. Uye Jehovha paakakamura mvura yeGungwa Dzvuku, Mosesi haana kuyambuka ari oga kana kuti nevaIsraeri vashomanana. Asi ungano yose yakaenda naye uye Jehovha akavadzivirira. (Eks. 14:21, 22, 29, 30) VaIsraeri vakaratidza kuti vainge vakabatana uye “boka guru revamwe vanhu vakanga vakavhengana” rakaendawo navo. (Eks. 12:38) Hatingambofungidziri kuti paiva nevamwe vanhu vashoma, zvimwe vechiduku vakasarudza kufamba voga vachienda nenzira yavaida. Hwaisazova upenzi here kusarudza kufamba voga vorega kudzivirirwa naJehovha?1 VaK. 10:1.

8. Vanhu vaMwari vakaratidza sei kubatana mumazuva aJehoshafati?

8 Mumazuva aMambo Jehoshafati, “boka guru revanhu” raibva munzvimbo dzaiva pedyo rakauya kuzorwisa vanhu vaMwari. (2 Mak. 20:1, 2) Vashumiri vaMwari havana kuedza kurwisa vavengi vavo nesimba ravo pachavo. Asi vakanyengetera vachikumbira kubatsirwa naJehovha. (Verenga 2 Makoronike 20:3, 4.) Uye mumwe nomumwe wavo haana kunyengetera ari pake oga asi vakanyengetera vakaungana. Bhaibheri rinoti: “VaJudha vose vakanga vakamira pamberi paJehovha, kunyange vana vavo, madzimai avo nevanakomana vavo.” (2 Mak. 20:13) Vose vakuru nevaduku, vakaramba vakabatana mukutenda kuti vaite zvavakaudzwa naJehovha uye Jehovha akavadzivirira pavavengi vavo. (2 Mak. 20:20-27) Uyu hausi muenzaniso wakanaka here wokutevedzera kana tasangana nematambudziko?

9. Tinodzidzei nezvokubatana pane zvaiitwa nevaKristu vepakutanga?

9 VaKristu vepakutanga vaizivikanwawo sevanhu vaishanda pamwe chete. Somuenzaniso, vaJudha vakawanda nevamwe vainge vatendeukira kuchiJudha pavakava vaKristu, vakazvipira “kune zvaidzidziswa nevaapostora uye pakugoverana, pazvokudya nepaminyengetero.” (Mab. 2:42) Kubatana ikoko kwakanyatsooneka pavainge vava kutambudzwa nokuti ndipo pavainyanya kuda kubatsirana. (Mab. 4:23, 24) Haubvumi here kuti zvinokosha chaizvo kushanda takabatana munguva dzakaoma?

NGATIBATANEI SEZVO ZUVA RAJEHOVHA RINOSVIKA

10. Tichafanira kunyanya kubatana riini?

10 Munguva pfupi iri kuuya, tichasangana nedambudziko ratisati tamboona. Muprofita Joeri akataura nezvezuva richauya dambudziko iroro achiti richava “zuva rerima nokusviba.” (Joe. 2:1, 2; Zef. 1:14) Panguva iyoyo, vanhu vaMwari vachafanira kubatana. Yeuka mashoko aJesu okuti: “Umambo hwose hwakapesana hunoparara.”Mat. 12:25.

11. Vanhu vaMwari vanogona kudzidzei nezvekubatana pana Pisarema 122:3, 4? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

11 Panguva iyoyo yokutambudzika, tichafanira kunyatsobatana. Kubatana kwatichafanira kuita kunogona kufananidzwa nekubatana kwainge kwakaita dzimba dzaiva muJerusarema. Dzimba idzodzo dzainge dzakabatana zvokuti munyori wepisarema akataura nezveJerusarema achiti rainge rakaita “seguta rakabatanidzwa pamwe chete kuva rimwe.” Izvi zvaiita kuti vagari vemo vakwanise kubatsirana uye kudzivirirana. Uyewo kubatana kwainge kwakaita dzimba idzodzo kwaigona kufananidzira kubatana kwainge kwakaita rudzi rwose paiungana “madzinza aJah” kuzonamata. (Verenga Pisarema 122:3, 4.) Isu tinofanirawo kuramba ‘takabatanidzwa pamwe chete’ mazuva ano, uye mumazuva akaoma ari kuuya.

12. Chii chichatibatsira kuti tipone pacharwiswa vanhu vaMwari?

12 Nei zvichikosha kuti panguva iyoyo tinge ‘takabatanidzwa pamwe chete’? Chitsauko 38 chaEzekieri chinotaura nezvokurwiswa kuchaitwa vanhu vaMwari ‘naGogi wenyika yeMagogi.’ Iyoyo ichange isiri nguva yokuti tibvumire chimwe chinhu kuti chititadzise kuramba takabatana. Hatizofaniri kutsvaka rubatsiro kunyika yaSatani. Asi tichada kuramba tiri pedyo nehama dzedu. Ichokwadi kuti hatisi kuzopona nokungoti chete tiri boka rakabatana. Panguva iyoyo yokutambudzika, Jehovha neMwanakomana wake vachaponesa vaya vanodana pazita raJehovha. (Joe. 2:32; Mat. 28:20) Asi zvingava nemusoro here kufunga kuti Jehovha achaponesa vaya vanoda kuzviitira zvinhu zvavo voga?Mika 2:12.

13. Vechiduku vanotya Mwari vangadzidzei kubva pane zvatakurukura?

13 Kana uri wechiduku, uri kuona here kuti kuramba uri pedyo nehama dzako kunoratidza kuti wakachenjera? Haufaniri kungopedza nguva nevezera rako chete. Tava kusvika panguva yatinofanira kunyatsobatsirana tose, vakuru nevaduku. Saka ino ndiyo nguva yokuti tidzidze kushanda pamwe takabatana nokuti izvozvo ndizvo zvichaita kuti tipone.

“TIRI NHENGO YOMUMWE NOMUMWE”

14, 15. (a) Nei Jehovha ari kutidzidzisa kuti tibatane tose vakuru nevadiki? (b) Jehovha anotipa zano ripi kuti tive vanhu vakabatana?

14 Jehovha ari kutibatsira kuti ‘timushumire takabatana.’ (Zef. 3:8, 9) Ari kutidzidzisa kuti tikwanise kurarama zvinoenderana nechinangwa chake. Chinangwa ichocho ‘ndechokuunganidza zvinhu zvose muna Kristu.’ (Verenga VaEfeso 1:9, 10.) Anoda kubatanidza zvisikwa zvose zviri pasi nokudenga uye hapana chinomutadzisa kuita izvozvo. Vechiduku, izvi hazvikubatsirii here kuona kuti munofanira kushanda makabatana nesangano raJehovha?

15 Jehovha ari kutidzidzisa kuti tibatane iye zvino kuitira kuti tizokwanisa kuramba takabatana nokusingaperi. Magwaro anosimbisa pfungwa yokuti tive nehanya nevamwe, ‘tidanane kwazvo,’ ‘tirambe tichinyaradzana’ uye ‘tivakane.’ (1 VaK. 12:25; VaR. 12:10; 1 VaT. 4:18; 5:11) Jehovha anoziva kuti hazvisi nyore kuti tirambe takabatana nokuti tiri vanhuwo vanotadza saka tinofanira kushanda nesimba kuti ‘tikanganwirane nemwoyo wose.’VaEf. 4:32.

16, 17. (a) Ndechipi chimwe chinangwa chemisangano yechiKristu? (b) Vechiduku vangadzidzei kubva pane zvakaitwa naJesu achiri muduku?

16 Jehovha anotidzidzisawo kuti tibatane achishandisa misangano yechiKristu. Tinowanzoverenga mashoko ari pana VaHebheru 10:24, 25. Chimwe chinangwa chemisangano iyi ndechokuti “tirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo.” Asi misangano iyi yakaitirwawo kuti “tikurudzirane, kunyanya [zvatinoona] zuva richiswedera pedyo.”

17 Jesu paaiva muduku akaratidza kuti aikoshesa kuungana nevanhu vaMwari. Paaiva nemakore 12, akaenda nevabereki vake kumusangano mukuru wakaitwa patemberi. Vari ikoko, vabereki vake vakambomushaya. Ainge asina kuenda kunoshamwaridzana hake nevamwe vechiduku. Asi Josefa naMariya vakazomuwana aine vadzidzisi patemberi vachikurukura zvinhu zvokunamata.Ruka 2:45-47.

18. Minyengetero yedu inobatsira sei kuti tirambe takabatana?

18 Zvinokosha kuti tide vatinonamata navo uye tivakurudzire pamisangano. Tinofanirawo kuvanyengeterera tichinyatsotaura zvatiri kuvakumbirira nokuti izvozvo zvinoita kuti tiwedzere kuvada. VaKristu vakura handivo chete vanofanira kuita izvi. Kana uri wechiduku, unoitawo zvose izvi here kuti uwedzere kuva neushamwari nehama dzako dzechiKristu? Kuva pedyo nadzo kuchaita kuti uponewo pachaparadzwa nyika ino yaSatani.

Tose tinogona kunyengeterera hama dzedu (Ona ndima 18)

KURATIDZA KUTI “TIRI NHENGO YOMUMWE NOMUMWE”

19-21. (a) Tinoratidza sei kuti “tiri nhengo yomumwe nomumwe”? Taura mienzaniso. (b) Unodzidzei pane zvakaitwa nedzimwe hama painge paitika njodzi?

19 Vanhu vaJehovha vagara vachitevedzera zvinotaurwa pana VaRoma 12:5 panoti: “Tiri nhengo yomumwe nomumwe.” Izvi zvinonyatsooneka panoitika njodzi. Muna December 2011, rimwe dutu rine simba rakakonzera mafashamo pane chimwe chitsuwa chiri kuPhilippines chinonzi Mindanao. Muusiku humwe chete, dzimba dzinopfuura 40 000 dzakaparadzwa. Padzimba idzodzo paivawo nedzakawanda dzehama dzedu. Zvisinei, hofisi yebazi yakataura kuti “kunyange zvazvo mapoka okuyamura vanenge vawirwa nenjodzi ainge asati asvika, hama dzechiKristu dzokune dzimwe nzvimbo dzainge dzava kutotumira zvinhu zvokuti vabatsirike.”

20 Pakaitikawo kudengenyeka kwenyika uye tsunami kune imwe nzvimbo iri kumabvazuva kweJapan, hama nehanzvadzi dzakawanda dzakarasikirwa nezvinhu zvakawanda. Vamwe vakasara vasina kana chii zvacho. Somuenzaniso, imba yeimwe hanzvadzi inonzi Yoshiko yakaparadzwa yose. Imba yacho yaiva kure neImba yoUmambo nemakiromita anenge 40. Akati: “Takashamiswa patakaziva kuti pashure pezuva rimwe chete kudengenyeka kwaitika, mutariri wedunhu neimwe hama vainge vauya vachititsvaka.” Achinyemwerera akawedzera kuti: “Tinoonga chaizvo kuti ungano yakatibatsira mune zvataida zvokunamata. Takapiwawo majasi, shangu, mabhegi uye mbatya dzokurara takapfeka.” Imwe hama yaiva mudare rokuyamura yakati: “Hama dzakabva kwakasiyana-siyana muJapan dzaishanda dzakabatana dzichiedza kubatsirana. Dzimwe hama dzakatouya kuzobatsira dzichibva kuUnited States. Padzakabvunzwa kuti chii chainge chaita kuti dziuye kubva kure kwakadaro, dzakati, ‘Takabatana nehama dzedu dzomuJapan uye dziri kuda kubatsirwa.’” Haufari here kuva nhengo yesangano rine vanhu vanonyatsodanana? Ziva kuti Jehovha anofara chaizvo paanoona kubatana ikoko.

21 Kana tikadzidza kubatsirana nehama dzedu iye zvino, tichakwanisa kuzoramba takabatana nadzo panguva yokutambudzika. Kunyange tikazosvika panguva yakaoma zvokuti hama dzedu dziri kune dzimwe nyika dzinotadza kuziva zviri kuitika kwatiri, ticharamba takabatana nehama dzedu dzinogara pedyo nesu. Imwe hanzvadzi inonzi Fumiko iyo yakapona pakaitika rimwe dutu raiva nemvura muJapan, yakati: “Mugumo wava pedyo chaizvo. Tinofanira kuramba tichibatsira vatinonamata navo patinenge takamirira nguva yakunenge kusisina njodzi dzinoitika.”

22. Kubatana kuchatibatsira sei mune ramangwana?

22 Vakuru nevaduku vari kuedza kuramba vakabatana iye zvino vari kugadzirira kuti vazopona pachaparadzwa nyika ino yakaipa isina kubatana. Jehovha achaponesa vanhu vake sezvaakaita kare. (Isa. 52:9, 10) Ramba uchiyeuka kuti kana ukashanda nesimba kuti urambe wakabatana nevanhu vaMwari, uchapona. Munyaya inotevera tichakurukura kuti kukoshesa zvatakapiwa kunotibatsirawo sei kuti tipone.