Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofanira Kuchinja Pfungwa Here?

Unofanira Kuchinja Pfungwa Here?

RIMWE boka revechiduku vechiKristu rinoronga kunoona firimu. Vechiduku ava vainge vanzwa kuti vana vakawanda vokuchikoro kwavo vakanakidzwa chaizvo nefirimu racho. VaKristu ava pavanopinda muimba yokuonera mafirimu, vanoona kuti pamapepa anoratidza zviri mufirimu racho pane zvombo uye vakadzi vakapfeka zvipfeko zvinosiya miviri panze. Vachaita sei? Vachangopinda muimba yacho voona firimu racho here?

Muenzaniso uyu unotibatsira kuona kuti zvatinosarudza kuita zvinogona kuita kuti ukama hwedu naJehovha husimbe kana kuti huparare. Dzimwe nguva unogona kuronga kuita chimwe chinhu asi paunozoongorora zvakare unobva wachinja pfungwa. Pane chakaipa here nokuchinja zvaunenge wasarudza?

Pazvisina Kukodzera Kuchinja Pfungwa

Kuda kwatinoita Jehovha ndiko kwakaita kuti titsaurire upenyu hwedu kwaari uye tibhabhatidzwe. Tinoda chaizvo kuramba takatendeka kuna Mwari. Asi muvengi wedu Satani Dhiyabhorosi anoramba achitirwisa kuti akanganise ukama hwedu naMwari. (Zvak. 12:17) Takasarudza kushumira Jehovha uye kuteerera mirayiro yake. Kana tikachinja pfungwa dzedu torega kushumira Jehovha, tinenge takanganisa chaizvo nokuti tinogona kuzorasikirwa neupenyu hwedu.

Makore anodarika 2 600 akapfuura, Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi akamisa chifananidzo chakakura chendarama akarayira kuti munhu wose apfugame achinamate. Munhu wose aizorega kupfugama ochinamata aizokandwa muvira romoto. Varume vatatu vaitya Mwari vanoti, Shadreki, Misheki naAbhedhinego vakaramba kunamata chifananidzo chacho. Vakabva vakandwa muvira romoto. Vakaona zviri nani kufa pane kutyora mutemo waMwari. Asi Jehovha akaita kuti moto wacho usavapisa.Dhan. 3:1-27.

Muprofita Dhanieri akarambawo achinyengetera kuna Mwari kunyange zvazvo aiziva kuti kunyengetera ikoko kwaizoita kuti akandwe mugomba reshumba. Akatoramba achinyengetera kuna Jehovha katatu pazuva sezvaaigara achiita. Dhanieri haana kumbochinja pfungwa dzake asi akaramba achinamata Mwari wechokwadi. Jehovha akaita kuti asadyiwa neshumba.Dhan. 6:1-27.

Vashumiri vaMwari vemazuva ano vanorambawo vachirarama maererano nemhiko yavakaita kuna Jehovha. Vamwe vana vari Zvapupu zvaJehovha vepane chimwe chikoro chiri muAfrica, vakaramba kunamata mureza. Vakaudzwa kuti vaizodzingwa chikoro kana vakaramba kubatana nevamwe vana pakunamata mureza. Pasina nguva, gurukota rebazi redzidzo rakashanyira nzvimbo yacho uye rakataura nezvimwe Zvapupu izvi zvechiduku. Vechiduku ava vakataura zvavaitenda vasingatyi uye vakazviita neruremekedzo. Kubva ipapo, nyaya iyi haina kuzombonetsa zvakare. Vana ava vava kukwanisa kuenda kuchikoro vasingachamanikidzwi kuita zvinopesana nezvinodiwa naJehovha.

Fungawo nezvaJoseph, uyo ane mudzimai airwara nekenza akazongoerekana afa. Hama dzaJoseph dzainzwisisa uye dzairemekedza zvaaida kuti zviitwe pamariro. Asi hama dzomudzimai wake hadzisi Zvapupu, uye dzaida kuti vaite dzimwe tsika dzepamariro dzisingafadzi Jehovha. Joseph anoti: “Pandakaramba kuita zvavaida, vakaedza kufurira vana vangu asi vakaramba. Hama dzomudzimai wangu dzakaronga kuti vanhu vapupudze pamba pangu, nokuti ndizvo zvinowanzoitwa patsika dzavo, asi ndakavaudza kuti kana vachida kuita izvozvo vaisazozviitira pamba pangu. Vaiziva kuti tsika yokupupudza haienderani nezvandinotenda uye nezvaitendwa nemudzimai wangu. Saka pashure pokukurukura kwenguva refu vakazonopupudza kune imwe nzvimbo.

“Panguva iyoyo yakaoma yemariro, ndakanyengetera kuna Jehovha kuti abatsire ini nemhuri yangu kuti tisaputse mitemo yake. Akanzwa minyengetero yangu uye akatibatsira kuti tirambe takashinga pasinei nezvaiitwa nehama dzangu.” Joseph nevana vake vakaona kuti zvainge zvisina kukodzera kuti vachinje pfungwa dzavo vorega kuteerera Jehovha.

Paunogona Kuchinja Pfungwa

Paseka ya32 C.E. ichangopfuura, mumwe mukadzi wechiSirofenikiya akaenda kuna Jesu Kristu paaiva muSidhoni. Akaramba achikumbira Jesu kuti adzinge dhimoni raiva pamwanasikana wake. Pakutanga Jesu haana kumupindura. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Handina kutumwa kuna ani naani kunze kwokumakwai akarasika eimba yaIsraeri.” Mukadzi wacho paakaramba achikumbira, Jesu akati: “Hazvina kunaka kutora chingwa chevana wochikandira imbwa duku.” Achiratidza kutenda kukuru kwaaiva nako, mukadzi wacho akapindura kuti: “Hungu, Ishe; asi chokwadi imbwa duku dzinodya mafufu anowa patafura ravanatenzi vadzo.” Jesu akabvuma ndokuporesa mwanasikana wacho.Mat. 15:21-28.

Jesu paakaita izvi aitevedzera Jehovha uyo anobvuma kuchinja pfungwa kana paine chikonzero chokuti adaro. Somuenzaniso, Mwari ainge asarudza kutsakatisa vaIsraeri pavakagadzira mhuru yendarama, asi akateerera Mosesi paakamukumbira kuti achinje zvaakanga asarudza kuita.Eks. 32:7-14.

Muapostora Pauro akatevedzera Jehovha naJesu. Pauro akambofunga kuti zvainge zvisina kukodzera kuti vaende naJohani Mako panzendo dzavo dzoumishinari nokuti ainge asiya Pauro naBhanabhasi parwendo rwavo rwokutanga. Asi Pauro akazoona kuti Mako ainge achinja uye kuti aizomubatsira chaizvo. Saka Pauro akaudza Timoti kuti: “Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira pakushumira.”2 Tim. 4:11.

Isuwo tingaona zvakakodzera kuchinja pfungwa dzedu tichitevedzera Baba vedu vokudenga vane rudo, vane mwoyo murefu uye vane ngoni. Somuenzaniso, tinogona kuchinja maonero atinoita vamwe. Takasiyana naJehovha naJesu pakuti tiri vanhu vane chivi. Kana ivo vakachinja pfungwa dzavo, isu hatifaniriwo here kunzwisisa mamiriro ezvinhu evamwe tochinja maonero atinovaita?

Dzimwe nguva zvakanaka kuchinja pfungwa dzedu panyaya ine chokuita nezvinhu zvokunamata. Vamwe vari kudzidza Bhaibheri uye vava nenguva vachipinda misangano vangazeza kubhabhatidzwa. Kana kuti dzimwe hama dzingazeza kutora upiyona kunyange zvazvo dzichikwanisa kuwedzera ushumiri hwadzo. Uyewo dzimwe hama dzinoita sedzisingadi kushumira sevashumiri vanoshumira kana kuti vakuru. (1 Tim. 3:1) Zvinhu zvakadai zvinomboitikawo kwauri here? Jehovha anoda kuti uve neropafadzo idzi. Saka wadii kuchinja pfungwa dzako wobvuma kushumira Mwari uye kushumirawo vamwe?

Kuchinja pfungwa kunogona kuita kuti tikomborerwe

Ella anotaura nezvokushumira kwaanoita pane imwe hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha iri muAfrica achiti: “Pandakauya paBheteri, ndainge ndisingafungi kuti ndaizogara kwenguva yakareba. Ndaida kushumira Jehovha nemwoyo wose asi ndaisada kugara kure nemhuri yangu. Pakutanga ndaisuwa vanhu vokumba kwedu. Asi imwe hanzvadzi yandaigara nayo yakandibatsira chaizvo, saka ndakasarudza kuramba ndiri paBheteri. Iye zvino ndava nemakore gumi ndiri paBheteri uye ndinoda kuramba ndichishumira hama nehanzvadzi dzangu ndiri pano.”

Paunotofanira Kuchinja Pfungwa

Unoyeuka here zvakaitika kuna Kaini paakaitira shanje munin’ina wake akamutsamwira kwazvo? Mwari akaudza Kaini kuti aizomufarira kana akaita zvakanaka. Mwari akamutsiura achiti akunde chivi chakanga ‘chichimuvandira pasuo.’ Kaini angadai akachinja pfungwa dzake asi akaramba kuteerera zano raakapiwa naMwari. Zvinosuwisa kuti Kaini akaponda munin’ina wake uye akabva ava mhondi yokutanga.Gen. 4:2-8.

Kudai Kaini akachinja pfungwa dzake chii chingadai chakaitika?

Fungawo nezvaMambo Uziya. Pakutanga aiita zvaidiwa naJehovha uye airamba achitsvaka Mwari. Asi chinorwadza ndechokuti akazokanganisa ukama hwake naJehovha paakatanga kuzvikudza. Akapinda mutemberi kuti apisire rusenzi iye asiri mupristi. Vapristi pavakamuudza kuti rakanga risiri basa rake, akachinja pfungwa here? Haana. Uziya “akatsamwa kwazvo” uye haana kuteerera zvaakaudzwa. Jehovha akabva amurova nemaperembudzi.2 Mak. 26:3-5, 16-20.

Chokwadi pane nguva dzatinotofanira kuchinja pfungwa dzedu. Funga nezvemuenzaniso wemazuva ano. Joachim akabhabhatidzwa muna 1955, asi muna 1978 akabva adzingwa. Padarika makore anopfuura 20, akapfidza uye akadzorerwa muungano. Munguva ichangopfuura, mumwe mukuru akamubvunza kuti nei akatora nguva yakareba kudaro asati akumbira kudzorerwa muungano. Joachim akapindura kuti: “Ndaiva ndakagumbuka uye ndaizvikudza. Ndinozvidemba kuti ndakatora nguva yakareba kudaro. Pandaiva ndakadzingwa, ndaiziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa chokwadi.” Joachim aifanira kuchinja mafungiro ake opfidza.

Dzimwe nguva tingadawo kuchinja pfungwa. Ngatibvumei kuita izvozvo kuti tifarirwe naJehovha.Pis. 34:8.