Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Vaiziva Nzira’

‘Vaiziva Nzira’

HAMA GUY HOLLIS PIERCE, avo vaiva nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, vakapedza upenyu hwavo hwepasi pano musi weChipiri, 18 March, 2014. Vakanga vava nemakore 79 pakazadziswa tariro yavo yokuva mumwe wehama dzaKristu dzinomutsirwa kudenga.—VaH. 2:10-12; 1 Pet. 3:18.

Hama Guy Pierce vakaberekerwa kuAuburn, California, U.S.A., musi wa6 November, 1934, uye vakabhabhatidzwa muna 1955. Vakaroorana nemudzimai wavo Penny, muna 1977 uye vakarera mhuri. Kurera kwavakaita vana kwaiita kuti varatidze rudo rwomubereki. Muna 1982 ivo nemudzimai wavo Penny vakava mapiyona uye muna 1986 vakava mutariri wedunhu uye basa iri vakariita kwemakore 11 muUnited States.

Muna 1997, Hama Pierce nomudzimai wavo vakava nhengo dzemhuri yeBheteri rokuUnited States. Hama Pierce vakashanda muDhipatimendi Rebasa uye muna 1998 vakagadzwa kuva mubatsiri muDare Revashandi reDare Rinodzora. Hama Pierce vakaziviswa kuti vava nhengo yeDare Rinodzora musi wa2 October, 1999 pamusangano wegore negore weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania. Mumakore apfuura, vakashanda mumatare anoti, Revashandi, Rokunyora, Rinobudisa Mashoko uye Revatsinhanisi.

Vanhu vemarudzi akasiyana-siyana vaifarira Hama Pierce nemhaka yokuti vaigara vachinyemwerera uye vachimbotaurawo zvinosetsa. Asi chainyanya kuita kuti vanhu vavafarire ndechokuti vaiva nerudo, vaizvininipisa, vairemekedza mitemo yaMwari uye vaitenda zvakasimba muna Jehovha. Hama Pierce vaigara vachitaura kuti zuva ringatotadza kubuda pane kuti Mwari atadze kuzadzisa zvaakavimbisa uye vaida kuudza vanhu vari pasi pose chokwadi ichocho.

Hama Pierce vaishanda nesimba pakushumira Jehovha. Vaimuka mangwanani-ngwanani uye kakawanda vaishanda kusvika hwava usiku chaihwo. Vakatenderera nenyika yose vachikurudzira hama nehanzvadzi uye vaiva nechido chokutaura nenhengo imwe neimwe yemhuri yeBheteri nevamwewo vaiuya kwavari vachitsvaka mazano, kubatsirwa uye kushamwaridzana navo. Hama nehanzvadzi dzairamba dzichiyeuka kufara kwaiita Hama Pierce uye mazano avo anokurudzira omuMagwaro, kunyange papfuura makore vaonana.

Hama Pierce vakasiya mudzimai nevana vatanhatu nevazukuru uye vazukuruchibvi. Uyewo musangano mune vakawanda vaivaona sababa. Hurukuro yemariro aHama Pierce yakapiwa pabheteri rokuBrooklyn musi woMugovera, 22 March 2014, naHama Mark Sanderson veDare Rinodzora. Hama Sanderson vakataura kuti Hama Pierce vaiva netariro yokuenda kudenga uye vakaverenga mashoko aJesu okuti: “Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara. . . . Kana ndikaenda, ndikakugadzirirai nzvimbo, ndichadzokazve uye ndichakugamuchirai kumba kwandinenge ndiri, kuti pandinenge ndiri imi muvepowo. Munoziva nzira yokwandiri kuenda.”Joh. 14:2-4.

Ichokwadi kuti Hama Pierce tichavasuwa chaizvo. Asi tinofara nokuti ‘vaiziva nzira’ yokuenda ‘kunzvimbo yavachagara’ nokusingaperi.