Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unokoshesa Zvawakapiwa Here?

Unokoshesa Zvawakapiwa Here?

“Takagamuchira . . . mudzimu unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatakapiwa nomutsa naMwari.”1 VAK. 2:12.

1. Mashoko api anowanzotaurwa nevakawanda?

VANHU vakawanda vanotaura kuti munhu anozoona kukosha kwechinhu chaaiva nacho kana chisisipo. Zvakamboitikawo kwauri here izvozvo? Kana munhu akakura achiwana zvinhu zvakawanda haawanzozvikoshesa. Somuenzaniso, mwana anokurira mumhuri yakapfuma angasakoshesa zvinhu zvakawanda zvaanenge ainazvo. Izvozvo zvinogona kuitika kune vamwe vechiduku. Nemhaka yokushaya ruzivo, vangasaziva zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu.

2, 3. (a) VaKristu vechiduku vanofanira kungwarirei? (b) Chii chingatibatsira kuti tikoshese zvatinazvo?

2 Kana uri wechiduku, chii chaunokoshesa? Vechiduku vakawanda vari munyika vanonyanya kukoshesa pfuma muupenyu. Vanoda mabasa anovapa mari yakawanda, dzimba dzakanaka, kana kuti zvigadzirwa zvemagetsi zvichangoburwa. Asi kana munhu achikoshesa izvozvo chete, ane imwe pfuma inokosha yaanenge asiri kuwana. Pfuma iyoyo ukama hwakanaka naMwari. Zvinosiririsa kuti vanhu vakawanda mazuva ano havasati vatombotanga kutsvaka pfuma iyi. Imi vechiduku makarerwa nevabereki vechiKristu munofanira kungwarira kuti musatadza kuona kukosha kwepfuma yamakawana ine chokuita nokunamata. (Mat. 5:3) Kusakoshesa ukama hwako naJehovha kunogona kuzokukanganisa kweupenyu hwako hwose.

3 Asi unogona kuita kuti izvozvo zvisaitike kwauri. Chii chichakubatsira kuti ukoshese pfuma yokunamata yawakapiwa? Ngatikurukurei mienzaniso yomuBhaibheri inogona kutibatsira kuona kuti nei tichifanira kukoshesa nhaka yedu. Mienzaniso yatichakurukura haingobatsiri vechiduku chete asi inobatsirawo muKristu mumwe nomumwe kuti akoshese zvaakapiwa naJehovha.

HAVANA KUKOSHESA NHAKA YAVO

4. Rugwaro rwa1 Samueri 8:1-5 rwunoti vanakomana vaSamueri vaiva vanhu vakaita sei?

4 MuBhaibheri mune vamwe vanhu vakapiwa nhaka yaibva kuna Mwari asi havana kuikoshesa. Izvi ndizvo zvakaitika mumhuri yomuprofita ainzi Samueri uyo akashumira Jehovha kubva achiri muduku uye aiva neukama hwakanaka naMwari. (1 Sam. 12:1-5) Samueri aiita zvakanaka chaizvo, asi vanakomana vake Joeri naAbhija havana kumutevedzera uye vakatoita zvakaipa. Bhaibheri rinoti ‘vaitsaudzira pakutonga.’Verenga 1 Samueri 8:1-5.

5, 6. Vanakomana vaJosiya uye muzukuru wake vakaitei?

5 Izvi zvakafananawo nezvakaitwa nevanakomana vaMambo Josiya. Josiya akaratidza muenzaniso wakanaka pakunamata Jehovha. Pakawanikwa bhuku roMutemo waMwari akariverengerwa, akaita zvose zvaaigona kuti atevedzere zvaidiwa naJehovha. Akaita kuti munyika iyoyo musava nevanhu vainamata zvidhori nevaiita zvemidzimu uye akakurudzira vanhu kuti vateerere Jehovha. (2 Madz. 22:8; 23:2, 3, 12-15, 24, 25) Zvechokwadi Josiya akasiyira vanakomana vake nhaka yakanaka chaizvo. Nokufamba kwenguva, vanakomana vaJosiya vatatu uye muzukuru wake vakava madzimambo asi hapana kana mumwe wavo akaratidza kuti aikoshesa nhaka yaainge asiyirwa.

6 Mwanakomana waJosiya ainzi Jehoahazi paakava mambo, akaita “zvakaipa pamberi paJehovha.” Akatonga kwemwedzi mitatu chete uye akaiswa mujeri nemumwe Farao wekuIjipiti ndokuzofa ari nhapwa. (2 Madz. 23:31-34) Akazotsiviwa nemukoma wake Jehoyakimu uyo akatonga kwemakore 11. Haanawo kukoshesa nhaka yaibva kuna baba vake. Nemhaka yokuti Jehoyakimu aiita zvakaipa, Jeremiya akaprofita nezvake achiti: “Achavigwa sezvinoitwa mbongoro hono.” (Jer. 22:17-19) Mumwe mwanakomana waJosiya ainzi Zedhekiya uye muzukuru waJosiya ainzi Jehoyakini vakavawo madzimambo uye havana kutevedzera zvinhu zvakanaka zvaiitwa naJosiya.2 Madz. 24:8, 9, 18, 19.

7, 8. (a) Soromoni akakanganisa sei ukama hwake naJehovha? (b) Tinodzidzei pane zvakaitwa nevanhu vanotaurwa muBhaibheri vakatambisa nhaka yavo yokunamata?

7 Mambo Soromoni ane zvakawanda zvaakawana kubva kuna baba vake Dhavhidhi. Kunyange zvazvo akabva mumhuri yakasimba pakunamata uye aimboita zvakanaka pakutanga, akazopedzisira asisakoshesi ukama hwake naMwari. “Panguva yokukwegura kwaSoromoni, madzimai ake akanga atsausa mwoyo wake kuti atevere vamwe vanamwari; uye mwoyo wake hauna kuva wakakwana kuna Jehovha Mwari wake somwoyo wababa vake Dhavhidhi.” (1 Madz. 11:4) Soromoni akapedzisira asisafarirwi naJehovha.

8 Zvinosuruvarisa kuti varume ava vose vakatambisa mukana wakanaka wavaiva nawo wokuti vazive Jehovha uye vaite zvaanoda. Asi havasi vechiduku vose vasina kukoshesa nhaka yavakasiyirwa. Ngatikurukurei nezvevamwe vakaita zvakanaka vaunogona kutevedzera.

VAIKOSHESA ZVAVAINGE VAPIWA

9. Vanakomana vaNoa vakaratidza sei kuti vaikoshesa nhaka yavakapiwa nababa vavo? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

9 Vanakomana vaNoa vakaita zvakanaka chaizvo. Baba vavo vakanzi naMwari vavake areka yakakura kuti vaponese mhuri yavo. Zviri pachena kuti vanakomana vaNoa vakaona kuti zvaikosha kuteerera Jehovha. Vakashanda pamwe chete nababa vavo pakuvaka areka uye vakapindawo muareka. (Gen. 7:1, 7) Vaiva nechinangwa chei? Genesisi 7:3 inoti vakaisa mhuka muareka ‘kuti vachengetedze marudzi adzo ari mapenyu panyika pose.’ Vanhu vakaponawo. Kukoshesa kwaiita vanakomana vaNoa nhaka yavakawana kuna baba vavo, kwakaita kuti vanhu vasatsakatike panyika. Vanakomana ava vakabatsirawo kutangazve kunamata kwechokwadi panyika yakachena.Gen. 8:20; 9:18, 19.

10. VaHebheru vana vaiva kuBhabhironi vakaratidza sei kuti vaikoshesa chokwadi chavainge vadzidza?

10 Pashure pemazana emakore, vamwe vakomana vana vechiHebheru vakaratidza kuti vainge vadzidza kuti chinonyanya kukosha muupenyu chii. Hananiya, Mishaeri, Azariya naDhanieri vakaendeswa kuBhabhironi muna 617 B.C.E. Vechiduku ava vaitaridzika zvakanaka uye vaiva nenjere zvokuti vaigona kungorarama sezvaiita vamwe vaBhabhironi. Asi havana kudaro. Zvavakaita zvinoratidza kuti vakayeuka nhaka yavo, kureva zvavainge vadzidziswa. Vakomana vana ava vakazokomborerwa naJehovha nokuti vakaramba vachiita zvavakadzidziswa vachiri vaduku.Verenga Dhanieri 1:8, 11-15, 20.

11. Jesu akashandisa sei zvaakadzidza kuna Baba vake kubatsira vamwe?

11 Hatingamboti tataura nezvevanhu vaiita zvakanaka kana tisina kutaura nezveMwanakomana waMwari, Jesu. Ane zvinhu zvakawanda zvaakadzidza kuna Baba vake, uye aizvikoshesa chaizvo. Kukoshesa kwaaiita zvaakapiwa kunooneka mumashoko ake okuti: “Ndinotaura zvinhu izvi sokudzidziswa kwandakaitwa naBaba.” (Joh. 8:28) Aidawo chaizvo kuti vamwe vabatsirwe nezvaakadzidza kuna Baba vake. Akaudza boka revanhu kuti: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:18, 43) Akabatsira vadzidzi vake kuona kuti vaisafanira ‘kuva venyika’ nokuti vanhu venyika havakoshesi zvinhu zvokunamata.Joh. 15:19.

KOSHESA ZVAWAKAPIWA

12. (a) Rugwaro rwa2 Timoti 3:14-17 runoshanda sei kune vechiduku vakawanda mazuva ano? (b) VaKristu vechiduku vanofanira kufunga nezvemibvunzo ipi?

12 Sezvainge zvakaita vechiduku vatakurukura nezvavo, unogonawo kunge wakarerwa nevabereki vanonamata Jehovha Mwari. Kana zvakadaro, zvinotaurwa neMagwaro nezvaTimoti zvinogona kushandawo kwauri. (Verenga 2 Timoti 3:14-17.) Vabereki vako ‘vakakudzidzisa’ nezvaMwari wechokwadi uye kuti ungamufadza sei. Zvimwe vabereki vako vakatanga kukudzidzisa uchiri mucheche. Izvi zvinofanira kunge zvakaita kuti “uve akachenjera kuti uwane ruponeso uchishandisa kutenda muna Kristu Jesu” uye zvinofanira kunge zvakakubatsirawo kuti uve “akashongedzerwa zvakakwana” kuita basa raMwari. Mubvunzo unokosha iye zvino ndewokuti, Uchakoshesa zvawakapiwa here? Izvi zvingada kuti uzviongorore. Zvibvunze kuti: ‘Ndinonzwa sei nokuva mumwe wezvapupu zvakawanda zvakatendeka? Ndinonzwa sei nokuva mumwe wevanhu vashoma vari panyika vanozivikanwa naMwari? Ndinokoshesa ropafadzo yakakura yokuziva chokwadi here?’

Unonzwa sei nokuvawo mumwe wezvapupu zvakatendeka? (Ona ndima 9, 10, 12)

13, 14. Vamwe vaKristu vechiduku vanosangana nemuedzo upi, asi nei kusiri kuchenjera kuti vabvume kukundwa nemuedzo iwoyo? Taura muenzaniso.

13 Vamwe vechiduku vakarerwa nevabereki vechiKristu vangatadza kuona musiyano weparadhiso yedu yokunamata newenyika yaSatani. Vamwe vakatomboda kuona kuti upenyu munyika iyoyo yaSatani hwakaita sei. Asi ungasvetukira mumugwagwa uchida kungonzwa kuti kurohwa nemotokari kunorwadza sei here? Haungambodaro! Saka hapanawo chikonzero chokuzvipinza “mumatope ezvakaipa” munyika ino kuti ungonzwa chete kuti zvinorwadza sei.1 Pet. 4:4.

14 Gener, uyo anogara kuAsia akakurira mumhuri yechiKristu. Akabhabhatidzwa aine makore 12. Asi paainge achiri kuyaruka akatanga kufarira zvinoitwa munyika. Anoti: “Ndaida kumboravirawo runonzi rusununguko nevanhu vari munyika.” Gener akatanga kurarama semunhu wenyika asi kumba kwavo achiita semuKristu. Mukomana uyu paakazosvitsa makore 15, ainge ava kuitawo zvakaipa zvaiitwa nevaaitamba navo. Ainge ava kunwa doro uye kutuka vanhu sezvaingoitawo shamwari dzake. Gener, pamwe neshamwari dzake vaitamba sinuka uye mitambo yepamakombiyuta ine kurwisana zvokuti aiwanzosvika kumba usiku. Asi nokufamba kwenguva, akatanga kuona kuti zvinhu zviri munyika hazviiti kuti uwane mufaro wechokwadi. Kwaingova kudzingana nemhepo. Paaitaura nezvokudzoka kwaakaita muungano akati: “Ndinombonzwa ndichida kuita zvinhu zvakaipa asi makomborero andinowana kubva kuna Jehovha akawanda kupfuura miedzo iyoyo.”

15. Vechiduku vakarerwa nevabereki vasiri vaKristu vanofanirawo kufunga nezvei?

15 Kune vamwewo vechiduku vari muungano vane vabereki vasiri vaKristu. Kana uri mumwe wavo, funga nezveropafadzo yakanaka chaizvo yawava nayo yokuziva Jehovha uye kumushumira. Panyika pane mabhiriyoni evanhu. Saka wakakomborerwa chaizvo kuvawo pakati pevanhu avo Jehovha akaita kuti vauye kwaari uye vaanozivisa chokwadi cheBhaibheri. (Joh. 6:44, 45) Munhu mumwe chete pavanhu 1 000 voga voga vari panyika akawana zivo yakarurama yechokwadi uye iwe uri mumwe wavo. Izvi hazviiti here kuti tose tifare pasinei nokuti takawana sei chokwadi? (Verenga 1 VaKorinde 2:12.) Gener anoti: “Ndinonzwa kutya pandinofunga nezvazvo. Ndiri ani zvangu ini kuti Jehovha, muridzi wezvinhu zvose zviripo, andizive?” (Pis. 8:4) Imwe hanzvadzi inogara kunogara Gener yakati: “Vana vechikoro vanofara chaizvo kana mudzidzisi wavo akavaziva. Asi kuzivikanwa naJehovha, Murayiridzi Mukuru, kunotokosha chaizvo!”

UCHAITEI?

16. VaKristu vechiduku vangaratidza sei kuti vakachenjera?

16 Kana ukafunga nezvekukosha kwakaita ropafadzo yauinayo, haunzwi uchida kutsunga kuramba uri pakati pevanhu vashoma vanoita zvakanaka muupenyu hwavo here? Kana ukadaro, unenge uchitevedzera vashumiri vaMwari vekare vakatendeka. Ikoko kuchenjera chaiko pane kungotevedzera zvinoitwa nevamwe vechiduku vanotambisa upenyu vasingatombofungi nezveramangwana.2 VaK. 4:3, 4.

17-19. Chii chinogona kukubatsira kuti usade kufanana nevanhu vari munyika?

17 Hazvisi nyore kusatevedzera zvinoitwa nenyika. Asi kuchenjera kuratidza kuti wakasiyana nenyika. Somuenzaniso: Funga nezvomunhu anenge achida kunomhanya kumakwikwi emaOlympics. Anofanira kutorega kuita zvimwe zvinhu zvinoitwa nevakawanda kuti azosvika pachidanho ichocho. Zvimwe anofanira kurega kuita zvimwe zvinhu, zvinogona kumupedzera nguva kuti akwanise kunyatsodzidzira kumhanya. Asi kurega zvinhu izvozvo kuchaita kuti awane nguva yakakwana yokuzvirovedza uye achakwanisa kuzadzisa chinangwa chake.

18 Vanhu vari munyika havafungi kuti zvinhu zvakaipa zvavanoita zvichavasvitsa kupi. Kana usingaiti zvinoitwa nevanhu vari munyika, uchirega kuita zvinhu zvakadai sounzenza izvo zvinogona kukanganisa ukama hwako naMwari, uchabatisisa “upenyu chaihwo.” (1 Tim. 6:19) Hanzvadzi yambotaurwa nezvayo yakati: “Kana ukashinga kutsigira zvaunotenda, unonyatsofara nezvaunenge waita. Zvicharatidza kuti une simba rokuramba kuita zvinodiwa nenyika yaSatani. Uyewo, uchaita seuri kuona Jehovha Mwari achidada newe uye achikunyemwerera! Pakadaro ndipo paunozoona kuti kusaita zvinoitwa nevanhu vari munyika kwakanaka.”

19 Kana munhu achingoraramira upenyu huripo iye zvino, anenge achitambisa upenyu. (Mup. 9:2, 10) Imi vechiduku kana muchifungisisa nezvechinangwa choupenyu uye mukana wamunawo wokurarama nokusingaperi, hamufungi here kuti kuchenjera kurega ‘kufamba sezvinoita mamwe marudzi’ morarama upenyu hune chinangwa?VaEf. 4:17; Mar. 3:18.

20, 21. Kana tikaita zvisarudzo zvakanaka, tinova netariro yei, asi zvii zvatinofanirawo kuita?

20 Kana tikaita zvisarudzo zvakanaka, tinogona kuva neupenyu hunogutsa iye zvino uye tinova netariro ‘yokugara nhaka yenyika,’ kureva upenyu husingaperi. Kune makomborero akawanda zvisingaiti ari mberi atakachengeterwa. (Mat. 5:5; 19:29; 25:34) Asi Mwari haangotipi makomborero aya pasina zvataita. Anoda kuti timuteerere. (Verenga 1 Johani 5:3, 4.) Asi kana tikamushumira takatendeka iye zvino tinenge tichishandira zviripo!

21 Takakomborerwa chaizvo kuwana zvinhu zvakawanda kudai kubva kuna Mwari! Tine zivo yakarurama yechokwadi cheShoko rake uye tinonyatsonzwisisa chokwadi nezvake uye zvinangwa zvake. Tinofara chaizvo kuzivikanwa nezita rake uye kuva Zvapupu zvake. Mwari anotivimbisa kuti achatitsigira. (Pis. 118:7) Dai tose zvedu pasinei nokuti tiri vakuru kana vaduku tikaratidza kuti tinokoshesa nhaka yedu inobva kuna Jehovha uye kuti tinoda kuti ‘kukudzwa kuve kwaari nokusingaperi.’VaR. 11:33-36; Pis. 33:12.