Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Unonzwisisa Zvinorehwa’ neMagwaro Here?

‘Unonzwisisa Zvinorehwa’ neMagwaro Here?

“Akabva avhura pfungwa dzavo kwazvo kuti vanzwisise zvaireva Magwaro.”RUKA 24:45.

1, 2. Jesu akasimbisa sei vadzidzi vake pazuva raakamutswa?

PAZUVA rakamutswa Jesu, vadzidzi vake vaviri vaifamba vachienda kune mumwe musha waiva chinhambwe chemakiromita anenge 11,2 kubva kuJerusarema. Vadzidzi vacho vakanga vasingazivi kuti Jesu ainge amutswa saka vainetseka chaizvo. Jesu akabva angosvika akatanga kufamba navo achivanyaradza. Akavanyaradza sei? “Achitangira pane Zvakanyorwa naMosesi nezvose Zvakanyorwa nevaprofita, akavadudzira zvinhu zvaiva nechokuita naye muMagwaro ose.” (Ruka 24:13-15, 27) Mwoyo yavo yakatanga kutsva nokuti akanga ‘achivavhurira kwazvo’ Magwaro kana kuti achinyatsoatsanangura.Ruka 24:32.

2 Manheru iwayo, vadzidzi vaviri ava vakadzokera kuJerusarema. Pavakaonana nevaapostora, vakavaudza zvainge zvaitika. Vachiri kutaura, Jesu akazviratidza kwavari vose. Asi vaapostora vake vakavhunduka. Havana kuva nechokwadi chokuti vakanga vari kuona Jesu. Jesu akavasimbisa sei? Bhaibheri rinoti: “Akabva avhura pfungwa dzavo kwazvo kuti vanzwisise zvaireva Magwaro.”Ruka 24:45.

3. Matambudziko api atingasangana nawo mubasa raJehovha, uye chii chinogona kutibatsira kuti tirambe tichifara?

3 Sezvakangoitawo vadzidzi vaJesu, dzimwe nguva tinganetseka chaizvo. Pasinei nokushingaira kwatinoita pakuparidza, tinogona kuodzwa mwoyo nokuti tinenge tisiri kuona zvibereko. (1 VaK. 15:58) Kana kuti tingaona sokuti vanhu vatinodzidza navo havasi kufambira mberi. Vamwe vacho vanogona kutosiya Jehovha. Tingaitei kuti tirambe tichifara? Kunyatsonzwisisa mifananidzo yaJesu iri muMagwaro Matsvene kunogona kutibatsira. Ngatikurukurei mifananidzo mitatu yaJesu toona kuti tinodzidzei.

MUNHU ANODYARA MBEU ORARA

4. Mufananidzo waJesu wemunhu anodyara mbeu orara unorevei?

4 Verenga Mako 4:26-29. Mufananidzo waJesu wemunhu anodyara mbeu orara unorevei? Mudyari womumufananidzo uyu anomirira munhu mumwe nomumwe anoita basa rokuzivisa Umambo. Mbeu inomirira mashoko oUmambo anoparidzwa kuvanhu vanoda kuziva chokwadi nezvaMwari. Sezvinongoita munhu wose, mudyari wacho “anorara usiku omuka kwayedza.” Mbeu yacho inotora nguva kuti ikure, kubva painodyarwa kusvika pakukohwa. Panguva iyoyo, “mbeu inomera yoreba.” Mbeu yacho inozvikurira yoga zvishoma nezvishoma. Kukura kunoita munhu pakunamata kunoitikawo zvishoma nezvishoma. Munhu paanofambira mberi zvokuti anosvika pakuda kushumira Mwari, anobereka zvibereko paanotsaurira upenyu hwake kuna Jehovha obhabhatidzwa.

5. Nei Jesu akataura mufananidzo wemunhu anodyara mbeu orara?

5 Nei Jesu akataura mufananidzo uyu? Aida kutiratidza kuti Jehovha ndiye anoita kuti chokwadi chikure mumwoyo yevanhu vane “mafungiro akanaka.” (Mab. 13:48; 1 VaK. 3:7) Tinodyara mbeu uye tinoidiridza asi handisu tinoita kuti ikurumidze kukura. Kungofanana nomudyari womumufananidzo wacho, hatizivi kuti kukura kunoitika sei. Kazhinji hationi kukura kunoita mbeu yechokwadi mumwoyo wemunhu nemhaka yokubatikana kwatinenge takaita nezvinhu zvoupenyu hwedu. Asi nokufamba kwenguva, mbeu yoUmambo inogona kubereka zvibereko. Mudzidzi mutsva anozobatana nesu pabasa rokukohwa.Joh. 4:36-38.

6. Chii chatinofanira kuziva pakufambira mberi kwemunhu pakunamata?

6 Tinodzidzei mumufananidzo uyu? Chokutanga, tinofanira kuziva kuti handisu tinoita kuti mudzidzi weBhaibheri akurumidze kufambira mberi pakunamata. Kuziva izvi kuchaita kuti tisamumanikidza kuti abhabhatidzwe. Tinoita zvose zvatinogona kuti timubatsire, asi iye ndiye anofanira kuzvisarudzira oga kuzvitsaurira kuna Jehovha. Munhu anofanira kuzvitsaurira nemhaka yokuti ari kuda Mwari zvichibva pamwoyo. Mwari haagamuchiri kunamata kwemunhu kana kusingabvi pamwoyo.Pis. 51:12; 54:6; 110:3.

7, 8. (a) Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza mumufananidzo waJesu wemunhu anodyara mbeu orara? Taura muenzaniso. (b) Izvi zvinotidzidzisei nezvaJehovha naJesu?

7 Chechipiri, kunzwisisa mufananidzo uyu kunotibatsira kuti tisaodzwa mwoyo kana pakutanga zvichiita sokuti tiri kushandira pasina. Tinofanira kuva nemwoyo murefu. (Jak. 5:7, 8) Kana tikaita zvose zvatinogona kuti tibatsire mudzidzi weBhaibheri asi mbeu yechokwadi yotadza kukura mumwoyo make, tinoziva kuti haisi mhosva yedu. Jehovha anoita kuti mbeu yechokwadi ikure mumwoyo yevaya chete vanozvininipisa vanoda kuchinja. (Mat. 13:23) Saka hatifaniri kufunga kuti kuva nevanhu vakawanda vanobhabhatidzwa ndiko kunoratidza kuti tiri kubudirira muushumiri. Jehovha haayeri kubudirira kwedu neuwandu hwevanhu vatinobatsira. Asi chaanonyanya kuda ndechokuti tiite basa redu nemwoyo wose.Verenga Ruka 10:17-20; 1 VaKorinde 3:8.

8 Chechitatu, dzimwe nguva tingasaziva kuchinja kuri kuita munhu mumwoyo make. Somuenzaniso, mumwe murume nomudzimai vakaenda kune mumwe mumishinari wavaidzidza naye Bhaibheri vachikumbira kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Mumishinari wacho akavayeuchidza kuti vaifanira kutanga varega kusvuta fodya. Akashamisika pavakataura kuti vakanga vatova nemwedzi yakawanda varega. Nei vakarega kusvuta? Vakanga vava kuziva kuti Jehovha anokwanisa kuvaona kunyange vachisvuta vari pakavanda uye kuti anovenga unyengeri. Saka vakaona kuti kana zvaisaita kuti vasvute vachionekwa nemumishinari wacho, zvaiva nani kubva varega zvachose. Kuda kwavakanga vava kuita Jehovha kwakavabatsira kusarudza zvakanaka. Vainge vakura pakunamata, asi mumishinari wacho akanga asingazvizivi.

MAMBURE OKUKUKUDZISA

9. Mufananidzo wemambure okukukudzisa unorevei?

9 Verenga Mateu 13:47-50. Mufananidzo waJesu wemambure okukukudzisa unorevei? Jesu akafananidza basa rokuparidza mashoko oUmambo kuvanhu vemarudzi ose nekudzikiswa kunoitwa mambure akakura mugungwa. Sezvinoita mambure iwayo anobata “hove dzemarudzi ose” dzakawanda, basa redu rokuparidza rinofarirwa nemamiriyoni evanhu vemarudzi ose. (Isa. 60:5) Izvozvo tinozviona nokuti kune vanhu vakawanda vanopinda magungano edu uye Chirangaridzo gore negore. Vamwe vevanhu ava vakaita sehove “dzakanaka” uye vanounganidzwa muungano yechiKristu. Asi vamwe vakaita sehove “dzisina kukodzera”; havasi vose vanounganidzwa vanogamuchirwa naJehovha.

Pashure pokuverenga Mateu 13:47-50 . . .

10. Nei Jesu akataura mufananidzo wemambure okukukudzisa?

10 Nei Jesu akataura mufananidzo uyu? Kuparadzaniswa kwehove hakurevi kutongwa kuchaitwa vanhu pakutambudzika kukuru. Asi Jesu aireva zvinhu zvaizoitika mumazuva okupedzisira enyika ino yakaipa. Jesu akaratidza kuti havasi vose vanofarira chokwadi vanosarudza kushumira Jehovha. Vakawanda vanombouya kumisangano yedu. Vamwe vanoda kudzidza Bhaibheri nesu asi havadi kuzvitsaurira kuna Jehovha. (1 Madz. 18:21) Kune vamwe vaimbouya kumisangano yedu asi vakazorega. Vamwe vechiduku vakarerwa nevabereki vechiKristu asi havasati vava nechido chokurarama maererano nemitemo yaJehovha. Jesu akasimbisa kuti mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira kushumira Jehovha. Jehovha anoona vanhu vanosarudza kumushumira sezvinhu “zvinokosha zvemarudzi ose.”Hag. 2:7.

. . . funga kuti rugwaro urwu rwunoshanda sei mazuva ano

11, 12. (a) Tingabatsirwa sei nemufananidzo wemambure okukukudzisa? (b) Izvi zvinotidzidzisei nezvaJehovha naJesu?

11 Tingabatsirwa sei nemufananidzo wemambure okukukudzisa? Kunzwisisa zvatinodzidza mumufananidzo uyu kunotibatsira kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo kana mudzidzi weBhaibheri kana kuti mwana wedu akaramba kushumira Mwari. Izvi zvinogona kuitika pasinei nokuti taedza zvakadii kumubatsira. Kana munhu akabvuma kudzidza Bhaibheri kana kuti akarerwa nevabereki vechiKristu, hazvirevi kuti achangoerekana ava neushamwari hwakasimba naJehovha. Vaya vasingadi kubvuma utongi hwaJehovha, havazorambi vari pamwe chete nevashumiri vake.

Vamwe vanofarira mashoko edu vanopedzisira vava kushumira Jehovha (Ona ndima 9-12)

12 Saka zvinoreva here kuti vaya vakasiya chokwadi, havachabvumirwi kudzoka muungano? Kana kuti munhu akatadza kuzvitsaurira kuna Jehovha zvinoreva here kuti achangoramba achionekwa ‘seasina kukodzera’? Kwete. Mukana uchiripo wokuti vanhu ivavo vave noushamwari naJehovha kutambudzika kukuru kusati kwatanga. Zvinoita sokuti Jehovha ari kuti kwavari: “Dzokai kwandiri, uye ini ndichadzoka kwamuri.” (Mar. 3:7) Izvi tinozviona mune mumwe mufananidzo waJesu, wemwanakomana anopambadza.Verenga Ruka 15:11-32.

MWANAKOMANA ANOPAMBADZA

13. Mufananidzo wemwanakomana anopambadza unorevei?

13 Mufananidzo waJesu wemwanakomana anopambadza unorevei? Baba vane tsitsi vomumufananidzo uyu vanomirira Baba vedu vokudenga vane rudo, Jehovha. Mwanakomana anokumbira pfuma yake oipambadza anofananidzira vaya vakasiya ungano yechiKristu. Pavanosiya ungano, zvinoita sokuti vaenda “kunyika iri kure,” kureva nyika yaSatani, iyo yakaparadzaniswa naJehovha. (VaEf. 4:18; VaK. 1:21) Zvisinei, vamwe vavo vanozopengenuka votanga kufamba rwendo rwakaoma rwokudzoka kusangano raJehovha. Vanhu ivavo pavanozvininipisa vopfidza, Baba vedu vane rudo vanovakanganwira vovagamuchira.Isa. 44:22; 1 Pet. 2:25.

14. Nei Jesu akataura mufananidzo wemwanakomana anopambadza?

14 Nei Jesu akataura mufananidzo uyu? Aida kuratidza kuti Jehovha anoda kuti vanhu vanenge vatsauka vadzoke kwaari. Baba vomumufananidzo uyu vakaramba vaine tarisiro yokuti mwanakomana wavo achadzoka. Pavakaona mwanakomana wavo achidzoka, baba vacho vakamhanya kunomuchingura kunyange zvazvo akanga “achiri kure.” Mufananidzo uyu unoita kuti vaya vakasiya chokwadi vade kudzoka kuna Jehovha nguva isati yapera! Vanogona kunge vasina simba rokuti vagadzirise ukama hwavo naJehovha. Vanganzwawo kunyara uye vangaomerwa nokudzoka. Asi zvinokosha kuti vadzoke nokuti pavanoita izvozvo, kudenga kunova nemufaro mukuru.Ruka 15:7.

15, 16. (a) Tinodzidzei mumufananidzo waJesu wemwanakomana anopambadza? Taura mienzaniso. (b) Izvi zvinotidzidzisei nezvaJehovha naJesu?

15 Tingabatsirwa sei nemufananidzo wemwanakomana anopambadza? Tinofanira kutevedzera Jehovha. Hatidi ‘kunyanya kuzviita vakarurama’ tichiramba kugamuchira vatadzi vanenge vapfidza. Izvozvo zvinoita kuti ‘tizviparadze’ pakunamata. (Mup. 7:16) Panewo chimwe chidzidzo chatinowana. Munhu anosiya ungano anofanira kuonekwa “segwai rarasika” kwete semunhu asingachabatsiriki zvachose. (Pis. 119:176) Kana tikaona munhu akasiya ungano, tichamubatsira here kuti adzoke? Tichakurumidza here kuudza vakuru kuitira kuti vamubatsire? Tichadaro kana tikashandisa zvatinodzidza mumufananidzo waJesu wemwanakomana anopambadza.

16 Ona kuti vamwe vainge vasiya ungano vakaratidza sei kuonga ngoni dzaJehovha uye rudo rwavakaratidzwa neungano. Imwe hama yainge yakadzingwa kwemakore 25 yakati: “Kubva pandakadzorerwa muungano, mufaro wangu uri kuramba uchiwedzera nokuti ndakawana ‘mwaka yokusimbaradzwa’ inobva kuna Jehovha. (Mab. 3:19) Munhu wose anonditsigira uye anondida. Ndava mumhuri yakanaka yevanamati vaJehovha.” Imwe hanzvadzi yakadzoka kuna Jehovha pashure pemakore mashanu yakataura nezvekudzoka kwayo ichiti: “Handikwanisi kukutsanangurirai kufara kwandaiita pandaiona hama dzichindiratidza rudo rwakataurwa naJesu. Kuva musangano raJehovha iropafadzo yakakura!”

17, 18. (a) Zvidzidzo zvipi zvatawana mumifananidzo mitatu yaJesu yatakurukura? (b) Tinofanira kuramba tichiitei?

17 Tadzidzei mumifananidzo iyi mitatu? Chokutanga, tinofanira kuziva kuti handisu tinoita kuti mudzidzi weBhaibheri akurumidze kufambira mberi pakunamata. Iroro ibasa raJehovha. Chechipiri, hatifaniri kufunga kuti vose vanouya kumisangano yedu uye vanobvuma kudzidza Bhaibheri vachava vashumiri vaJehovha. Chokupedzisira, kunyange zvazvo vamwe vanhu vangasiya chokwadi, ngatisamborasa tariro yokuti vachadzoka. Uye kana vakadzoka, ngativagamuchirei nenzira inoratidza kuti Jehovha anovada.

18 Mumwe nomumwe wedu ngaarambe achitsvaka zivo, kunzwisisa uye uchenjeri. Patinoverenga mifananidzo yaJesu, ngatizvibvunzei kuti inorevei, nei yakanyorwa muBhaibheri, tingashandisa sei zvidzidzo zvirimo, uye kuti tinodzidzei nezvaJehovha naJesu. Kuita izvi kunoratidza kuti tiri kunzwisisa zvinorehwa nemashoko aJesu.