Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Kuzvininipisa Uye Unyoro hwaJesu

Tevedzera Kuzvininipisa Uye Unyoro hwaJesu

“Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.”—1 PET. 2:21.

1. Nei kutevedzera Jesu kuchiita kuti tiwedzere kuswedera pedyo naJehovha?

TINOWANZOTEVEDZERA vanhu vane unhu nemaitiro zvatinoyemura. Pavanhu vose vakamborarama panyika, Jesu Kristu ndiye anopfuura vose vatingatevedzera. Nei tichidaro? Jesu akamboti: “Aona ini aonawo Baba.” (Joh. 14:9) Maitiro aJesu akangofanana neaBaba vake zvokuti kumuona kwakangofanana nokuona Baba vake. Saka patinotevedzera unhu hwaJesu, tinowedzera kuswedera pedyo naJehovha, Musiki wezvose zviri kudenga nepanyika. Iyoyo iropafadzo yakakura chaizvo!

2, 3. (a) Nei Jehovha akatipa nhoroondo yeMwanakomana wake, uye Jehovha anoda kuti tiitei? (b) Tichakurukurei munyaya ino neinotevera?

2 Asi tingaziva sei zvakaita Jesu? Tine Magwaro echiKristu echiGiriki ayo anonyatsotsanangura zvakaita Jesu. Jehovha akatipa Magwaro iwayo nokuti anoda kuti tizive Mwanakomana wake, tomutevedzera. (Verenga 1 Petro 2:21.) MuBhaibheri, muenzaniso watakasiyirwa naJesu unofananidzwa ‘netsoka’ dzake kana kuti matsimba ake. Saka zvinoita sokuti Jehovha ari kutiudza kuti tifambe mumashure maJesu tichitsika paakatsika. Jesu aiva munhu akakwana asi isu tiri vanhu vanotadza. Kunyange zvakadaro, Jehovha haatarisiri kuti tive vanhu vakakwana sezvaiva zvakaita Jesu. Asi anoda kuti titevedzere Mwanakomana wake nepatinogona napo sevanhu vanotadza.

3 Saka ngatikurukurei humwe unhu hwakanaka hwaJesu. Munyaya ino, tichakurukura nezvekuzvininipisa uye unyoro uye mune inotevera tichaongorora ushingi hwake uye kunzwisisa. Paunhu humwe nehumwe, tichapindura mibvunzo mitatu inoti: Unhu uhwu hunorevei? Jesu akahuratidza sei? Tingamutevedzera sei?

JESU ANOZVININIPISA

4. Munhu anozvininipisa anoita sei?

4 Munhu anozvininipisa anoita sei? Munyika ino ine vanhu vanozvikudza, vamwe vanofunga kuti munhu anozvininipisa igwara. Asi izvozvo handizvo. Zvinotoda ushingi kuti munhu azvininipise. Munhu anozvininipisa ndeuya asingadadiri vamwe uye asingashamisiri. MuMagwaro echiKristu echiGiriki, shoko rakashandurwa kuti “kuzvininipisa” rinogona kushandurwa kuti “pfungwa dzinozvininipisa.” (VaF. 2:3) Kuzvininipisa kunotangira mupfungwa dzedu, kureva maonero atinozviita pachedu. Rimwe duramazwi reBhaibheri rinoti: “Munhu anozvininipisa anoziva kuti haasi chinhu pamberi paMwari.” Kana tichinyatsozvininipisa pamberi paMwari, hatizozvioniwo sokuti tiri nani pane vamwe. (VaR. 12:3) Hazvisi nyore kuti isu vanhu vanotadza tizvininipise. Asi tinogona kudzidza kuzvininipisa kana tikafungisisa nezveukuru hwaMwari tozvienzanisa naye uye tikatsika pakatsika tsoka dzeMwanakomana wake.

5, 6. (a) Mikaeri ngirozi huru ndiani? (b) Mikaeri akaratidza sei kuzvininipisa?

5 Jesu akaratidza sei kuzvininipisa? Kubvira achiri kudenga ari ngirozi ine simba, Mwanakomana waMwari aizvininipisa uye akaramba achizvininipisa paakauya pasi pano. Funga nezvemienzaniso inotevera.

6 Maonero aaizviita. Munyori weBhaibheri, Judha akanyora nezvezvakaitika kuna Jesu asati auya panyika. (Verenga Judha 9.) Jesu uyo anonziwo Mikaeri ngirozi huru, “akapesana naDhiyabhorosi” uye akaita “nharo” naye. Nyaya yavainetsana yaiva nechokuita ‘nomutumbi waMosesi.’ Yeuka kuti Mosesi paakafa, Jehovha akamuviga akaita kuti guva rake risazivikanwa pariri. (Dheut. 34:5, 6) Pamwe Dhiyabhorosi aida kushandisa mapfupa aMosesi pakunamata kwenhema. Hatinyatsozivi zvaaida kuita nemapfupa iwayo, asi Mikaeri akashinga kumurambidza. Rimwe bhuku rinotaura kuti mashoko echiGiriki akashandurwa kuti “paakapesana” uye “achiita nharo,” “anogona kushandiswawo pamagakava anoitwa mumatare edzimhosva” uye anogona kureva kuti “Mikaeri ‘aiti Dhiyabhorosi ainge asina kodzero’ yokutora mutumbi waMosesi.” Asi Ngirozi Huru iyi yakaziva kuti yainge isina kodzero yokutonga Dhiyabhorosi. Yakasarudza kusiyira nyaya yacho kuMutongi Mukuru, Jehovha. Saka Mikaeri haana kuda kutora chinzvimbo chisiri chake kunyange paakadenhwa. Uku kwaiva kuzvininipisa chaiko!

7. Jesu akaratidza sei kuzvininipisa pamatauriro ake nezviito?

7 Jesu paaiita ushumiri hwake pasi pano, matauriro ake nezviito zvake zvairatidza kuti ainyatsozvininipisa. Matauriro ake. Haana kumbobvira aita kuti vanhu vamupe mbiri isina kukodzera. Asi aiita kuti mbiri yose iende kuna Baba vake. (Mako 10:17, 18; Joh. 7:16) Jesu haana kumbotaura mashoko okuzvidza vadzidzi vake kana kuita kuti vazvione sevanhu venhando. Asi aitovaremekedza, achivarumbidza nezvakanaka zvavaiita uye achiratidza kuti aivimba navo. (Ruka 22:31, 32; Joh. 1:47) Zviito zvake. Jesu akasarudza kurarama asina zvakawanda muupenyu, asingatsauswi nepfuma. (Mat. 8:20) Akaita basa raiwanzoitwa nemunhu akaderera chaizvo. (Joh. 13:3-15) Akaratidzawo muenzaniso mukuru wokuzvininipisa nokuteerera kwaakaita. (Verenga VaFiripi 2:5-8.) Jesu ainge akasiyana nevanhu vanozvikudza vasingadi kuteerera nokuti akabvuma kuzviisa pasi paMwari kuti aite kuda kwake, achiteerera “kusvikira parufu.” Hazvisi pachena here kuti Jesu, Mwanakomana womunhu, aiva ‘nemwoyo unozvininipisa’?—Mat. 11:29.

TEVEDZERA KUZVININIPISA KWAJESU

8, 9. Tingaratidza sei kuti tinozvininipisa?

8 Tingatevedzera sei Jesu panyaya yokuzvininipisa? Maonero atinozviita. Kuzvininipisa kunoita kuti tizive patinofanira kugumira. Kana tikaziva kuti hatina kodzero yokutonga vamwe, hatizovatsoropodzi pavanokanganisa kana kuvafungira zvakaipa. (Ruka 6:37; Jak. 4:12) Kuzvininipisa kunoita kuti ‘tisanyanya kuva vakarurama,’ tichitarisira pasi vaya vangave vasina unyanzvi kana ropafadzo dzatinadzo. (Mup. 7:16) Vakuru vanozvininipisa havazvioni sevari pamusoro pevavanonamata navo. Asi vanoona ‘vamwe sevakuru kwavari’ uye vanozviita vaduku pane vamwe.—VaF. 2:3; Ruka 9:48.

9 Funga nezvaHama W. J. Thorn, avo vakatanga kushumira semupilgrim, kana kuti mutariri wedunhu, muna 1894. Pashure pemakore akawanda vachiita basa iri, sangano rakavadaidza kuKingdom Farm kuNew York kuti vazoita basa rokuchengeta huku. Pose pavaitanga kufunga kuti basa ravaiita raisaenderana navo, Hama Thorn vaizviudza kuti: “Iwe zvako guruva. Chii chaunacho chaungadada nacho?” (Verenga Isaya 40:12-15.) Uku ndiko kunonzi kuzvininipisa!

10. Tingaratidza sei kuzvininipisa pamatauriro edu nezviito?

10 Matauriro edu. Kana tiine mwoyo unonyatsozvininipisa, zvichaoneka pamatauriro edu. (Ruka 6:45) Patinenge tichitaura nevamwe, hatizonyanyi kutaura nezveropafadzo dzedu uye zvinhu zvatakabudirira kuita. (Zvir. 27:2) Asi tichatsvaka zvakanaka zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu todzirumbidza nemhaka yeunhu hwadzo hwakanaka, unyanzvi hwadzo uye zvadzinenge dzaita. (Zvir. 15:23) Zviito zvedu. VaKristu vanozvininipisa havatsvaki mukurumbira munyika ino yakaipa. Vangasarudza havo kurarama upenyu husina zvakawanda, vachitoita kunyange basa rinoonekwa nenyika serakaderera, kuitira kuti vashumire Jehovha nemwoyo wose. (1 Tim. 6:6, 8) Nzira inonyanya kukosha yatinoratidza nayo kuti tinozvininipisa ndeyokuva vanhu vanoteerera. Zvinoda kuzvininipisa ‘kuteerera vaya vari kutungamirira’ muungano uye kutevedzera mirayiridzo yatinopiwa nesangano raJehovha.—VaH. 13:17.

JESU MUNYORO

11. Tsanangura kuti unyoro chii?

11 Unyoro chii? Shoko rokuti “unyoro” rinotsanangurwa semwoyochena wokusada kuona anotambura ukasamubatsira. Unyoro hunoratidza kuti munhu ane rudo uye hwakafanana nehumwe unhu hwakadai setsitsi nengoni. Magwaro anotaura ‘nezvetsitsi huru,’ “ngoni huru,” uye “rudo rukuru.” (Ruka 1:78; 2 VaK. 1:3; VaF. 1:8) Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti Magwaro paanotaura nezvokuti tinzwire vamwe ngoni, “anenge asingangorevi kusiririswa nemunhu chete. Asi anenge achireva kuva nehanya nemumwe munhu zvokuti unomubatsira uchiita chimwe chinhu chinochinja upenyu hwake.” Unyoro hunoita kuti munhu ave nechido chokubatsira mumwe munhu.

12. Chii chinoratidza kuti Jesu ainzwira vanhu tsitsi, uye tsitsi dzakaita kuti aitei?

12 Jesu akaratidza sei unyoro? Kusiririswa kwaaiita uye zviito zvake. Jesu ainzwira vamwe tsitsi. “Akasvimha misodzi” paakaona shamwari yake Mariya nevamwe vaaiva navo, vachichema Razaro, hanzvadzi yaMariya yakanga yafa. (Verenga Johani 11:32-35.) Jesu paakamutsa mwanakomana wechirikadzi ainge asiririswa uye kusiririswa ikoko ndiko kunofanira kunge kurikowo kwakaita kuti azomutsa Razaro. (Ruka 7:11-15; Joh. 11:38-44) Jesu paakaita izvozvo, anofanira kunge akaita kuti Razaro ave netariro yokurarama kudenga. Pane imwe nguva Jesu akanga ‘ambosiririswa’ neboka revanhu rakauya kwaari. Akavanzwira tsitsi, ndokutanga “kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.” (Mako 6:34) Kune vaya vakateerera zvakadzidziswa naJesu, upenyu hwavo hwakachinja. Ona kuti Jesu haana kungogumira pakunzwira vanhu tsitsi, asi akatovabatsira.—Mat. 15:32-38; 20:29-34; Mako 1:40-42.

13. Jesu aitaura sei nounyoro kune vamwe? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

13 Mashoko ake. Jesu aiva nemwoyo munyoro uye izvozvo ndizvo zvaiita kuti ataure nounyoro, kunyanya kune vaya vaidzvinyirirwa. Muapostora Mateu akaratidza kuti mashoko aya ouprofita ari muna Isaya aizozadziswa naJesu okuti: “Hapana tsanga yakapwanyika yaachatyora; uye haazodzimi mwenje usina kujeka wetambo yomufurakisi.” (Isa. 42:3; Mat. 12:20) Matauriro aJesu aiita kuti vaya vainge vakaita setsanga yakakuzvuka kana kuti setambo yomufurakisi yava kuda kudzima vanzwe zvakanaka. Akaparidza mashoko etariro ‘kuti asunge maronda evakaora mwoyo.’ (Isa. 61:1) Akakumbira vaya ‘vaishanda zvakaoma uye vakaremerwa’ kuti vauye kwaari uye akavavimbisa kuti ‘vaizowana zororo remweya yavo.’ (Mat. 11:28-30) Akaudza vateveri vake kuti Mwari ane hanya nemushumiri wake mumwe nomumwe, kusanganisira “vaduku,” kureva vaya vanoonekwa nenyika sevasingakoshi.—Mat. 18:12-14; Ruka 12:6, 7.

IVA MUNYORO SAJESU

14. Tingaita sei kuti tinzwire vamwe tsitsi?

14 Tingatevedzera sei Jesu pakuratidza unyoro? Kunzwira vamwe tsitsi. Zvingasava nyore kuti tinzwire vamwe tsitsi, asi Bhaibheri rinotikurudzira kuti tishande nesimba kuti tidaro. Kupfeka unhu hutsva kunosanganisira kuva ‘nerudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi.’ (Verenga VaKorose 3:9, 10, 12.) Ungaita sei kuti unzwire vamwe tsitsi? Wedzera kuratidza rudo. (2 VaK. 6:11-13) Nyatsoteya nzeve kana mumwe munhu achikuudza nhunha dzake. (Jak. 1:19) Zvibvunze kuti: ‘Dai ndirini, ndaizonzwa sei? Ndaizoda kuitirwei?’—1 Pet. 3:8.

15. Tingabatsira sei vanhu vakaita setsanga yakakuzvuka kana kuti setambo inopfungaira?

15 Zviito zvedu. Tsitsi dzinoita kuti tiite zvinhu zvinobatsira vamwe, kunyanya vaya vakaita setsanga yakakuzvuka kana kuti setambo inopfungaira. Tingavabatsira sei? “Chemai nevanhu vanochema,” inodaro VaRoma 12:15. Dzimwe nguva vanhu vanenge vakaora mwoyo vanonyanyoda kunzwirwa tsitsi pane kuudzwa kuti vangagadzirisa sei zvinenge zvichivanetsa. Imwe hanzvadzi payakafirwa nemwanasikana wayo, yakanzwa kunyaradzwa chaizvo payakashanyirwa nedzimwe hama nehanzvadzi. Inoti: “Shamwari dzangu dzakauya ndokungochema neni, uye izvozvo ndakazvionga chaizvo.” Tinogonawo kuratidza kuti tinonzwira vamwe tsitsi nokuvabatsira. Pane chirikadzi yaunoziva here inoda kugadzirirwa zvimwe zvinhu zvakafa pamba payo? Pane muKristu akwegura here anoda kutakurwa pakuenda kumisangano, kuushumiri, kana kwachiremba? Kunyange chinhu chidiki chatinoita chinogona kutoita kuti upenyu hwomunhu watinonamata naye huchinje. (1 Joh. 3:17, 18) Nzira inonyanya kukosha yokuratidza kuti tine hanya nevamwe ndeyokushingaira muushumiri. Iyi ndiyo nzira inokosha yokubatsira vanhu vanoda kuziva chokwadi!

Unonyatsonzwira tsitsi hama dzako here? (Ona ndima 15)

16. Tingakurudzira sei vanhu vakaora mwoyo?

16 Mashoko edu. Kunzwira vamwe tsitsi kunoita kuti titaure ‘zvinonyaradza vaya vakaora mwoyo.’ (1 VaT. 5:14) Zvii zvatingataura kuti tikurudzire vanhu vakadaro? Tinogona kuita kuti vanzwe zviri nani kana tikaratidza kuti tine hanya navo chaizvo. Tinogona kuvarumbidza nemwoyo wose uye izvozvo zvichaita kuti vaone kuti vane unhu hwakanaka uye vane unyanzvi. Tingavayeuchidza kuti Jehovha ndiye akaita kuti vauye kuMwanakomana wake, saka anovakoshesa chaizvo. (Joh. 6:44) Tinogona kuvaudza kuti Jehovha ane hanya chaizvo nevashumiri vake “vakaora mwoyo” kana kuti “vakadzvinyirirwa.” (Pis. 34:18) Mashoko edu anogona kuporesa vaya vanoda kunyaradzwa.—Zvir. 16:24.

17, 18. (a) Jehovha anoda kuti vakuru vabate sei makwai ake? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

17 Vakuru, Jehovha anoda kuti mubate makwai ake nounyoro. (Mab. 20:28, 29) Yeukai kuti ibasa renyu kudzidzisa, kukurudzira uye kuzorodza makwai ake. (Isa. 32:1, 2; 1 Pet. 5:2-4) Saka mukuru anobata boka nounyoro haamanikidzi makwai kuita zvimwe zvinhu, achidzika mitemo yake kana kuvaudza kuti hapana zvavari kuita nechinangwa chokuti vaite zvakawanda asi ivo vasingazvikwanisi. Asi anoedza kuita kuti vafare, aine chivimbo chokuti kuda kwavanoita Jehovha kuchaita kuti vaite zvose zvavanogona pakumushumira.—Mat. 22:37.

18 Patinofungisisa nezvekuzvininipisa kwaJesu uye unyoro hwake, tinonzwa tichida kuramba tichitevera tsoka dzake. Munyaya inotevera tichakurukura nezvehumwe unhu hwaJesu, hunoti ushingi uye kunzwisisa.