Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YOUPENYU

Takazowana Basa Rinogutsa

Takazowana Basa Rinogutsa

NDAKATANGA kudzidzira zvokutamba ndiine makore mashanu uye ndizvo zvakaitawo Gwen. Takanga tisati tamboonana. Asi mumwe nomumwe wedu paaikura aiva neshungu dzokuzotamba dhanzi rinonzi ballet. Patakanga tava kuda kusvika pachidanho chepamusoro-soro mune zvokudhanza, takabva tangosiyana nazvo. Chii chakaita kuti tidaro?

David: Ndakazvarwa muna 1945 mupurovhinzi yeShropshire, kuEngland. Baba vaiva nepurazi raiva kumaruwa. Pandaisvika kumba ndichibva kuchikoro, ndainakidzwa nokupa huku chikafu, kuunganidza mazai adzo uyewo kufudza mombe nemakwai. Pataivhara chikoro, ndaibatsirawo pakukohwa zvirimwa, uye dzimwe nguva ndichityaira tirakita.

Zvisinei, pane chimwe chinhu chandakatanga kufarira. Baba vakaona kuti pandaiva muduku chaizvo, ndaida kutamba pose pandainzwa mumhanzi. Saka pandaiva nemakore mashanu, vakati amai vandiendese kuchikoro chinodzidzisa zvokutamba kuti ndinodzidzira tap dancing. Mudzidzisi wangu akaona kuti kana ndikadzidzirawo kutamba ballet ndaizogona, saka akatanga kundidzidzisa. Pandaiva nemakore 15, ndakawana bhezari rokuti ndinodzidza pachikoro chiri muLondon chinodzidzisa ballet chinonzi Royal Ballet School. Ikoko ndiko kwandakaonana naGwen uye ndiye wandakanzi ndaizotamba naye ballet.

Gwen: Ndakazvarwa muna 1944 muLondon. Ndichiri mudiki, ndaitenda zvakasimba muna Mwari. Ndaiedza kuverenga Bhaibheri asi zvaindiomera kurinzwisisa. Ndichine makore mashanu, ndaienda kunodzidzira zvokudhanza. Papera makore matanhatu, ndakahwina pamakwikwi akaitwa evatambi vose vomuBritain uye mubayiro wandakawana waiva wokunodzidza pachikoro chevana chinonzi The Royal Ballet School. Chikoro ichi chaiva kuWhite Lodge, imba yakakura chaizvo iri kuRichmond Park nechokunoperera London. Ikoko ndiko kwandakadzidziswa zveballet navanamazvikokota vacho. Ndava nemakore 16, ndakatanga kudzidza pachikoro chinonzi The Royal Ballet School chiri pakati peguta reLondon uye ikoko ndiko kwandakaonana naDavid. Pashure pemwedzi mishoma, takanga tava kutamba tose paiuya vaimbi kuzoimba muRoyal Opera House iri muCovent Garden, kuLondon.

Kutamba kwataiita ballet kwakatisvitsa kunyika dzakawanda

David: Sezvataurwa naGwen, takapedzisira tava kutamba kuRoyal Opera House uye taitambira kambani inonzi London Festival Ballet (yava kunzi English National Ballet). Mumwe mudzidzisi wepaRoyal Ballet akavhura kambani kuWuppertal, kuGermany uye akatisarudza kuti tinotambira ikoko. Taienda kunyika dzakasiyana-siyana tichinotamba uye dzimwe nguva taitamba nevanhu vaiva nemukurumbira vakadai saMargot Fonteyn naRudolf Nureyev. Upenyu hwakadai hunoita kuti munhu azvide, uye takapedzisira tanyura mune zvokutamba.

Gwen: Hapana chimwe chinhu chandakanga ndava kufunga kunze kwokutamba ballet. Ini naDavid taiva nechido chokupfuura vose vaiita zvokutamba ballet. Ndainakidzwa nokunyora siginicha yangu ndichipa vanhu, kupiwa maruva nevanhu uye kunzwa vanhu vachirova maoko pataitamba. Pandaiita zveballet, ndaigara ndichionana nevanhu vakawanda vanoita zvounzenza, kusvuta uye kunwa. Sezvaiitwawo nevamwe vandaitamba navo ballet, ndaiita zvemishonga uye ndaitenda kuti yaindibatsira kuti ndive nemhanza yakanaka.

KUCHINJA KWAKAITA UPENYU HWEDU

Patakachata

David: Pashure pemakore akawanda ndichiita zvekudhanza, ndakapedzisira ndaneta nokugara ndichingofamba. Ndakatanga kusuwa upenyu hwepapurazi. Saka muna 1967, ndakarega zvokudhanza ndikanotanga kushanda papurazi hombe raiva pedyo nepamba pevabereki vangu. Muridzi wepurazi iri akandipa imba duku yokurenda. Ndakafonera Gwen ndikamuudza kuti ndaida kumuroora. Ainge apuromotwa uye ainge achienderera mberi nezvekutamba, saka zvainge zvakamuomera kuziva kuti osarudza zvipi. Asi akabvuma kuroorwa neni tikatanga kugara tose kumaruwa kunyange zvazvo aisatomboziva upenyu hwacho.

Gwen: Zvainge zvakandiomera kujairana neupenyu hwepapurazi. Zvakanga zvisiri nyore kukama mombe, kupa nguruve nehuku chikafu mumamiriro okunze akasiyana-siyana. David akatanga kuenda kukoreji kwemwedzi mipfumbamwe achinodzidzira nzira itsva dzokurima semunhu ainge ava nenguva asingaiti zvokurima uye ndaisurukirwa chaizvo kusvikira paaizodzoka kumba usiku. Panguva iyoyo tainge tava nemwanasikana wedu wokutanga anonzi Gilly. David akanditi ndidzidzire kutyaira motokari uye ndakaita saizvozvo. Rimwe zuva ndichienda kune rimwe taundi raiva pedyo, ndakasangana naGael. Ndaimuzivira mune chimwe chitoro chaaimboshanda chaiva pedyo nekwataigara.

Makore edu okutanga tachata tiri papurazi

Gael akandikoka kumba kwake. Akandiratidza mapikicha emuchato wake, uye imwe pikicha yacho yaiva nevanhu vaiva panzvimbo yaakati inonzi Imba yoUmambo. Ndakamubvunza kuti yaiva chechi ipi iyoyo. Paakandiudza kuti iye nemurume wake vaiva Zvapupu zvaJehovha, ndakafara chaizvo. Ndakabva ndayeuka kuti tete vangu vaiva Chapupu. Ndakayeukawo kuti baba vangu vaisambovafarira vachitovagumbukira zvokuti vairasa mabhuku avo mubhini. Baba vaiva munhu ane ushamwari, saka zvaindinetsa kuti nei vaigumbukira tete zvakadaro.

Ndakanga ndazowana mukana wokuziva kuti zvaidavirwa natete zvainge zvakasiyana papi nezvinodzidziswa mumachechi. Gael akandiratidza zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri. Ndakashamiswa kuziva kuti dzidziso dzakawanda dzakadai seyoUtatu uye yokuti mweya haufi dzinopesana nezvinotaurwa neMagwaro. (Mup. 9:5, 10; Joh. 14:28; 17:3) Ndakaonawo zita raMwari rokuti Jehovha muBhaibheri, uye ndiko kaiva kokutanga kuriona.—Eks. 6:3.

David: Gwen akandiudza zvaaidzidza. Ndakayeuka kuti pandaiva mudiki baba vangu vakandiudza kuti ndaifanira kuverenga Bhaibheri, iro ravaishevedza kuti Bhuku Rakanaka. Saka ini naGwen takabvuma kudzidza Bhaibheri naGael pamwe chete nemurume wake Derrick. Papera mwedzi mitanhatu, takatamira kuOswestry, mupurovhinzi iyoyo yeShropshire nokuti tainge tawana kapurazi keduwo kekurenda. Ikoko takaonana nemumwe weZvapupu zvaJehovha ainzi Deirdre. Aiva nemwoyo murefu paaidzidza nesu Bhaibheri. Pakutanga, kufambira mberi kwedu kwaisanyatsooneka. Kuchengeta zvipfuwo kwaiita kuti tirambe takabatikana chaizvo. Asi chokwadi chakatanga kunyura mumwoyo yedu zvishoma nezvishoma.

Gwen: Dambudziko guru randaifanira kukunda raiva rokutenda mashura. Isaya 65:11 yakandibatsira kuziva kuti Jehovha anoona sei “vaya vanogadzirira mwari weMhanza Yakanaka tafura yezvokudya.” Zvakanditorera nguva yakareba kuti ndisiyane nokuita zvemishonga uye madumwa. Ndaigara ndichinyengetera nezvazvo. Kudzidza kuti “munhu wose anozvikwidziridza achaninipiswa, uye munhu wose anozvininipisa achakwidziridzwa” kwakandibatsira kuziva kuti Jehovha anoda munhu akaita sei. (Mat. 23:12) Kudzidza nezvokuti Mwari ane hanya nesu chaizvo zvokuti akapa Mwanakomana wake kuti atidzikinure, kwakaita kuti ndide kumushumira. Iye zvino takanga tava nemumwe mwanasikana uye takafara chaizvo patakadzidza kuti mhuri yedu inogona kurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano.

David: Pandakanzwisisa kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri hwakadai sehuri muna Mateu chitsauko 24 uye muna Dhanieri, ndakabva ndanyatsova nechivimbo chokuti zvandaidzidza chaiva chokwadi. Ndakaona kuti munyika ino hamuna chinhu chakanaka kupfuura kuva neukama hwakanaka naJehovha. Saka nekufamba kwenguva shungu dzokuva pamusoro pevamwe dzakanga dzava shoma. Ndakadzidza kuremekedza mudzimai wangu nevanasikana vangu. VaFiripi 2:4 yakandibatsira kuona kuti ndaisafanira kuramba ndichingofunga zvakanakira ini chete uye kuti ndaifanira kubvisa pfungwa dzangu pachido chandaiva nacho chokuva nepurazi hombe. Asi chinhu chandaifanira kuisa pokutanga muupenyu hwangu kwaiva kushumira Jehovha. Ndakarega kusvuta. Kubva pataigara kusvika kumisangano paiva pakareba makiromita 10. Zvainge zvisiri nyore kuenda kumisangano yemusi weMugovera manheru nokuti nguva iyoyo ndiyo yataifanira kukama mombe. Asi kubatsirana kwataiita mabasa aya naGwen kwaiita kuti tisapotse misangano uye tikwanise kubuda muushumiri nevanasikana vedu mangwanani oga oga emusi weSvondo, tapedza kukama mombe.

Hama dzedu hadzina kufara nekuchinja kwatakaita upenyu hwedu. Baba vaGwen havana kutaura naye kwemakore matanhatu. Vabereki vangu vakaedza kushandisa nzira dzakasiyana-siyana kuti tirege kuwadzana neZvapupu.

Gwen: Jehovha akatibatsira kuti tirambe tichitsungirira miedzo yose iyi. Uye nokufamba kwenguva, hama nehanzvadzi dzemuUngano yeOswestry dzakanga dzaita semhuri yedu itsva nokuti dzaititsigira mumiedzo iyoyo. (Ruka 18:29, 30) Takatsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha uye takabhabhatidzwa muna 1972. Ndaida kushanda nesimba kuti ndibatsire vanhu vakawanda kuziva chokwadi, saka ndakatanga kupayona.

BASA RINOGUTSA

David: Basa rataiita papurazi raiva rakaoma chaizvo, asi taiedza kuramba tichiita zvakanaka pakushumira Jehovha kuti vanasikana vedu vatevedzere. Nokufamba kwenguva, hurumende yainge isingachanyanyi kubatsira varimi saka takabva papurazi. Tainge tisisina imba kana basa uye mwanasikana wedu wechitatu aingova negore rimwe chete, saka takanyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire uye atitungamirire. Sezvo taiva netarenda rokutamba, takatanga kudzidzisa vanhu kutamba kuti tikwanise kuriritira mhuri. Kutsunga kwatainge takaita kuramba tichiisa zvokunamata pokutanga kwakaita kuti tiwane makomborero. Takafara chaizvo vanasikana vedu vose vatatu pavakatanga kupayona vapedza chikoro. Gwen aipayonawo saka aikwanisa kutsigirawo vanasikana vedu.

Vanasikana vedu vakuru, Gilly naDenise pavakaroorwa, takabva tarega zvokudzidzisa vanhu kutamba. Takanyora tsamba kuhofisi yebazi tichida kuziva kana paine kwataigona kunobatsira. Vakati tiende kumataundi aiva kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweEngland. Debbie ndiye chete mwanasikana wedu ainge asara pamba, saka ndakatangawo kupayona. Papera makore mashanu takakumbirwa kuti tinobatsira dzimwe ungano dzaiva kuchamhembe. Debbie paakaroorwa, takapedza makore gumi tichibatsira pabasa rokuvaka kuZimbabwe, Moldova, Hungary, uye Côte d’Ivoire. Takazodzoka kuEngland kuti tinobatsira pabasa rokuvaka kuBheteri rokuLondon. Ndaiva neunyanzvi pabasa rokurima, saka ndakakumbirwa kunobatsira papurazi repaBheteri. Iye zvino tiri kupayona kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweEngland.

Tainakidzwa chaizvo pataienda kune dzimwe nyika tichinoita mabasa okuvaka

Gwen: Tainge takazvipira kutamba ballet, asi mufaro wataiwana wainge usingagari. Iye zvino tiri kufara chaizvo nokuti takazvipira kuita zvinodiwa naJehovha uye mufaro wacho hauperi. Panguva yandaitamba ballet, ndaitamba naDavid, iye zvino ndiye wandiri kupayona naye. Kubatsira kwatiri kuita vanhu vakawanda kuti vazive chokwadi chinoita kuti vawane upenyu, kuri kuita kuti tifare chaizvo. “Tsamba dzokurumbidza” idzi dzinokosha chaizvo kupfuura kuwana mukurumbira munyika ino. (2 VaK. 3:1, 2) Kudai tisina kuwana chokwadi, zvimwe kutaura kuno dzingadai dzangova ndangariro uye tangosara nemapikicha nemavhidhiyo ezvataiita pataitamba ballet.

David: Kusarudza kushumira Jehovha kwakachinja chaizvo upenyu hwedu. Kwakaita kuti ndive murume uye baba vakanaka. Bhaibheri rinotiudza kuti Miriyemu, Mambo Dhavhidhi nevamwewo, vakatamba vachiratidza kufara kwavaiita. Uye isu pamwe nevamwe vakawanda, tinotarisira kuzotamba tichifara munyika itsva yaJehovha.—Eks. 15:20; 2 Sam. 6:14.