Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iyi Ndiyo “Nzira Yamakabvumira”

Iyi Ndiyo “Nzira Yamakabvumira”

“Makanyatsovanzira vakachenjera nevakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche.”—RUKA 10:21.

1. Chii chakaita kuti Jesu afare kwazvo? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

FUNGIDZIRA kuti ungadai wakanzwa sei uchiona Jesu azadzwa nemudzimu mutsvene achifara kwazvo. Chii chakaita kuti afare kudaro? Ainge achangobva kutuma vadzidzi 70 kunoparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Aiva neshungu dzokuona kuti vaizoita sei basa racho. Kwaiva nevavengi vakawanda vemashoko akanaka, vakadai sevanyori nevaFarisi vainge vakadzidza chaizvo. Vainyengera vanhu vakawanda kuti vaone Jesu somuveziwo zvake uye vadzidzi vake ‘sevanhuwo zvavo, vasina kudzidza.’ (Mab. 4:13; Mako 6:3) Kunyange zvakadaro, vadzidzi vake vakadzoka vachifara chaizvo. Vainge vaparidza pasinei nokupikiswa kwavaiitwa kunyange nemadhimoni! Chii chakaita kuti vafare uye vave neushingi?—Verenga Ruka 10:1, 17-21.

2. (a) Vadzidzi vaJesu vakanga vakaita sevacheche pakudii? (b) Chii chakaita kuti vateveri vaKristu vanzwisise chokwadi chomuMagwaro?

2 Jesu akati kuna Jehovha: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara mukazvizarurira vacheche. Chokwadi, haiwa Baba, nokuti kuita saizvozvo kwakava nzira yamakabvumira.” (Mat. 11:25, 26) Jesu akanga asingarevi kuti vadzidzi vake vaiva vana vacheche. Asi aiziva kuti vaionekwa sevacheche kana vachienzaniswa nevanyori nevaFarisi vainge vakadzidza chaizvo uye vaizviona sevakachenjera. Uyewo Jesu akatodzidzisa vateveri vake kuti vaifanira kuita sevana vaduku, vachiramba vachizvininipisa uye vachibvuma kudzidziswa. (Mat. 18:1-4) Kuzvininipisa kwakavabatsira sei? Vakakwanisa kunzwisisa chokwadi chomuMagwaro vachibatsirwa nemudzimu mutsvene waJehovha, asi vatungamiriri vechitendero havana kuchinzwisisa nokuti vaizvikudza uye vainge vakapofumadzwa naSatani.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Zvose izvi zvinotibatsira kuona kuti nei Jesu akafara chaizvo! Akafara kuona kuti Jehovha akanga aita kuti chokwadi chakadzama chomuMagwaro chinzwisiswe nevanhu vemarudzi ose vaizvininipisa, pasinei nokuti vainge vakadzidza zvakadini. Akafara chaizvo nokuti iyi ndiyo nzira yaishandiswa naBaba vake pakudzidzisa vanhu. Jehovha anoratidza sei kuti achiri kushandisa nzira iyoyo yokudzidzisa? Kuongorora mhinduro yomubvunzo uyu kuchaita kuti tifare sezvakaita Jesu.

KUITA KUTI CHOKWADI CHAKADZAMA CHINZWISISWE NEVANHU VOSE

4. Nei tingati Nharireyomurindi ine mutauro usina kuoma iri kubatsira chaizvo?

4 Mazuva ano, sangano raJehovha riri kuwedzera kudzidzisa zviri nyore uye zvakajeka. Funga nezvemienzaniso mitatu inotevera. Muenzaniso wokutanga ndewekubudiswa kweNharireyomurindi ine mutauro usina kuoma. * Magazini iyi inobatsira chaizvo kune vaya vanoomerwa nokunzwisisa mutauro kana kuti vanonetseka pakuverenga. Misoro yemhuri iri kuti vana vava kunyatsobatsirwa panodzidzwa Nharireyomurindi, iyo inonyanya kushandiswa nemuranda akatendeka kutidzidzisa chokwadi cheShoko raMwari. Vakawanda vakanyora tsamba vachitenda urongwa uhwu hwesangano. Imwe hanzvadzi yakataura kuti yaizeza kupindura paChidzidzo cheNharireyomurindi. Yakati: “Ndaitya chaizvo.” Asi iye zvino zvakapera! Pashure pokushandisa magazini iyi isina kuoma, hanzvadzi iyi yakanyora tsamba achiti: “Iye zvino ndava kupindura kakawanda, kutya kuya kwakapera! Ndinoonga Jehovha uye ndinokutendaiwo.”

5. Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakadzokororwa iri kubatsira sei?

5 Chechipiri, kune Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yeChirungu yakadzokororwa, yakabudiswa pamusangano wepagore wakaitwa musi wa5 October, 2013. * Magwaro akawanda arimo ava nemashoko mashoma asi zvaanoreva hazvina kuchinja uye zvatova nyore kunzwisisa. Somuenzaniso, Jobho 10:1 yaiva nemashoko 27, asi yava ne19; Zvirevo 8:6 yaiva nemashoko 20, asi yava ne13. Ndima idzi dzava nyore kunzwisisa mushanduro iyi. Imwe hama yakazodzwa yava nemakore akawanda ichishumira Jehovha yakatendeka yakati: “Bhuku raJobho rakandiitira idzva pandakariverenga mushanduro yakadzokororwa!” Vakawanda ndizvo zvavakataurawo.

6. Manzwisisiro atava kuita Mateu 24:45-47 anoita kuti unzwe sei?

6 Chechitatu, funga nezvekunatsiridzwa kuchangobva kuitwa manzwisisiro atinoita mamwe Magwaro. Somuenzaniso, Nharireyomurindi yaJuly 15, 2013 yakajekesa kuti “muranda akatendeka, akangwara” ndiani. (Mat. 24:45-47) Magazini yacho yakati muranda akatendeka iDare Rinodzora, uye “veimba” ndevaya vose vanopiwa zvokudya zvokunamata, vangava vakazodzwa kana kuti “mamwe makwai.” (Joh. 10:16) Zvinofadza chaizvo kudzidza chokwadi ichi uye kuchidzidzisawo vatsva! Zvii zvimwe zvinoratidza kuti Jehovha anobvumira kudzidzisa kuri nyore uye kwakajeka?

KUTSANANGURA NHOROONDO DZIRI MUBHAIBHERI ZVIRI NYORE

7, 8. Ndedzipi dzimwe nhoroondo dziri muBhaibheri dzine zvadzinofananidzira?

7 Kana wava nemakore akawanda uchishumira Jehovha, zvimwe wakaona kuti matsanangurirwo aiitwa nhoroondo dzakawanda dzemuBhaibheri airamba achichinja mumabhuku edu. Nei tichidaro? Kare mabhuku edu paaitsanangura nhoroondo dziri muMagwaro aiwanzoti dzine kumwe kuzadziswa kukuru kwadzichaita mune ramangwana. Asi pane here zvikonzero zvomuMagwaro zvokuti titsanangure nhoroondo idzi nenzira iyi? Hongu zviripo. Somuenzaniso, Jesu akataura ‘nezvechiratidzo chomuprofita Jona.’ (Verenga Mateu 12:39, 40.) Akatsanangura kuti kugara kwakaita Jona mudumbu rehove, kwaifananidzira nguva yaizopedzwa naJesu ari muguva.

8 Bhaibheri rine dzimwewo nhoroondo dzine zvadzinofananidzira. Muapostora Pauro akataura dzimwe dzacho. Somuenzaniso, ukama hwaiva pakati paAbrahamu naHagari naSara hwaifananidzira ukama hwaiva pakati paJehovha nerudzi rwaIsraeri uye nechikamu chokudenga chesangano raMwari. (VaG. 4:22-26) Uyewo zvinhu zvakadai setebhenekeri uye temberi, Zuva Rokuyananisa, mupristi mukuru nezvimwewo zvaiva muMutemo waMosesi, zvaiva “mumvuri wezvinhu zvakanaka zvichauya.” (VaH. 9:23-25; 10:1) Kudzidza nezvenhoroondo idzi kunofadza chaizvo uye kunosimbisa kutenda kwedu. Saka tingati here munhu wose anotaurwa muBhaibheri, uye zvose zvakaitika nezvimwewo zvinotaurwa muBhaibheri, zvine zvazvinomiririra?

9. Nhoroondo iri muBhaibheri yaNabhoti yaitsanangurwa sei kare?

9 Kare taiwanzoshandisa nzira iyoyo mumabhuku edu kutsanangura nhoroondo dzomuBhaibheri. Somuenzaniso, funga nezvenyaya yaNabhoti. Mambokadzi akaipa Jezebheri akaurayisa Nabhoti kuitira kuti murume wake Ahabhi akwanise kutora munda wemizambiringa waNabhoti. (1 Madz. 21:1-16) Muna 1932, nhoroondo iyoyo yakatsanangurwa ichinzi ine zvayaimiririra. Ahabhi naJezebheri vainzi vanomiririra Satani nesangano rake; Nabhoti ainzi anomiririra Jesu; saka kufa kwaNabhoti kwainzi kwaimiririra kuurayiwa kwakaitwa Jesu. Zvisinei, bhuku rakazobudiswa muna 1961 raiva nemusoro unoti, “Let Your Name Be Sanctified,” rakati Nabhoti aimiririra vakazodzwa uye Jezebheri aimiririra machechi ose anozviti ndeechiKristu. Saka kutambudzwa kwakaitwa Nabhoti naJezebheri kwainzi kwaimiririra kutambudzwa kwevakazodzwa mumazuva ekupedzisira. Kwemakore, matsanangurirwo aya aiitwa nhoroondo dzeBhaibheri aisimbisa kutenda kwevanhu vaMwari. Saka nei takachinja matsananguriro ataiita?

10. (a) Muranda akatendeka ari kuwedzera sei kuva akangwara pakutsanangura dzimwe nhoroondo dzomuBhaibheri? (b) Mabhuku edu ava kunyanya kutaura nezvei mazuva ano?

10 Mumakore achangopfuura, Jehovha anga achibatsira “muranda akatendeka” kuti awedzere kuva akangwara. Iye zvino muranda akatendeka haachangoti nhoroondo imwe neimwe iri muBhaibheri ine zvainomiririra kunze kwokunge paine Magwaro anonyatsotsigira izvozvo. Kutsanangurwa kwaiitwa nhoroondo idzi zvichinzi nhingi anomiririra nhingi uye kuti nei achimiririra munhu iyeye kwakaoma kunzwisisa, kuyeuka uye kuona kuti zvinoshanda sei muupenyu. Dambudziko rakatokura raivapo raiva rokuti pakuda kuedza kuona kuti kamwe nekamwe kari munhoroondo yeBhaibheri kanomiririrei, taigona kutadza kuona zvidzidzo zvinotibatsira muupenyu hwedu. Saka iye zvino mabhuku edu ava kudzidzisa zviri nyore, zvinosimbisa kutenda kwedu, zvinotibatsira kuti titsungirire, tizvipire kuna Mwari uye tivewo nehumwe unhu hwakanaka hwatinodzidza kubva munyaya dziri muBhaibheri. *

Tinowana chidzidzo chinokosha kubva pane zvakaitwa naNabhoti (Ona ndima 11)

11. (a) Iye zvino tava kunzwisisa sei nhoroondo yaNabhoti uye nei muenzaniso wake uchitibatsira tose? (b) Nei mabhuku edu asingachanyanyi kutaura kuti dzimwe nhoroondo dziri muBhaibheri dzine zvadzinomiririra? (Ona nyaya inoti “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri mumagazini ino.)

11 Iye zvino tava kunzwisisa sei nhoroondo yaNabhoti? Yava nyore kunzwisisa uye yajeka. Nabhoti akafa kwete nokuti aifananidzira Jesu kana kuti vakazodzwa, asi nokuti ainge akatsunga kuramba akatendeka kuna Mwari. Akaramba achiteerera mutemo waMwari pasinei nokudzvinyirirwa kwaakaitwa. (Num. 36:7; 1 Madz. 21:3) Muenzaniso wake unotibatsira nokuti tose zvedu tinogona kutambudzwawo sezvaakaitwa. (Verenga 2 Timoti 3:12.) Vanhu vemarudzi ose vanogona kunyatsonzwisisa, kuyeuka uye kushandisa zvidzidzo zviri munyaya iyi.

12. (a) Maonero api atisingafaniri kuva nawo pakutsanangura nhoroondo dzemuBhaibheri? (b) Nei tichigona kutsanangura zvakajeka zvinhu zvakadzama zvaMwari? (Ona mashoko omuzasi.)

12 Saka tingati here nhoroondo dziri muBhaibheri dzinongova nezvidzidzo zvatinowana zvoupenyu hwedu chete pasinawo zvimwe zvadzinoreva? Aiwa. Pane kutsanangura kuti dzimwe nhoroondo dzemuBhaibheri dzinomiririrei, mabhuku edu ava kunyanya kutaura nezvekuti nhoroondo iri muBhaibheri inotiyeuchidza sei nezveimwe nhoroondo irimo. Somuenzaniso, tinogona kutaura kuti kutendeka kwaNabhoti paaitambudzwa kunotiyeuchidza nezvekutendeka kwaKristu nehama dzake dzakazodzwa. Uye kunotiyeuchidzawo nezvekutendeka ‘kwemamwe makwai’ aTenzi. Zvose izvi zvinotibatsira kunyatsoona kuti Jehovha ndiye ari kutidzidzisa zviri nyore uye zvakajeka. *

KUTSANANGURA MIFANANIDZO YAJESU ZVIRI NYORE

13. Mienzaniso ipi inoratidza kuti tava kutsanangura mimwe mifananidzo yaJesu zviri nyore uye zvakajeka?

13 Jesu Kristu ndiye Mudzidzisi mukuru pane vanhu vose vakararama panyika. Aifarira kushandisa mifananidzo paaidzidzisa. (Mat. 13:34) Mifananidzo inoita kuti munhu aite seari kuona zvinhu zviri kutaurwa uye inobaya mwoyo. Mazuva ano mabhuku edu ava kutsanangurawo here mifananidzo yaJesu zviri nyore uye zvakajeka? Hongu! Takafara chaizvo pakajekeswa mifananidzo yaJesu inotaura nezvembiriso, tsanga yemasitadhi, uye mambure okukukudzisa muNharireyomurindi yaJuly 15, 2008. Tava kunyatsoona kuti mifananidzo iyi inotaura nezveUmambo hwaMwari uye kubudirira kunoshamisa kwahuri kuita kuunganidza vateveri vaKristu vechokwadi kubva munyika ino yakaipa.

14. (a) Kare taitsanangura sei nyaya yemuSamariya akanaka? (b) Iye zvino tava kuinzwisisa sei?

14 Asi tingatiwo kudii nedzimwe nyaya dzaitaurwa naJesu? Ichokwadi kuti dzimwe dzacho dzine zvadzaimiririra uye dzaizozadziswa mune ramangwana. Asi dzimwe dzine mazano anobatsira muupenyu. Saka tingaziva sei kuti ndedzipi dzine zvadzaimiririra? Mhinduro yacho yanga ichijeka zvishoma nezvishoma. Somuenzaniso, funga nezvematsananguriro ataiita nyaya yemuSamariya akanaka. (Ruka 10:30-37) Muna 1924, Nharireyomurindi yakataura kuti muSamariya aimiririra Jesu, uye mugwagwa waibva kuJerusarema uchidzika kuJeriko waimiririra nzira iri kufamba nevanhu kubva pakapanduka vanhu muEdheni. Yakatiwo makororo aiva mumugwagwa iwoyo aimiririra makambani makuru uye vemabhizimisi vanokara mari, uye mupristi nemuRevhi vaimiririra machechi anozviti ndeechiKristu. Iye zvino mabhuku edu ava kushandisa nyaya iyi kuyeuchidza vaKristu vose kuti vanofanira kubatsira varombo, kunyanya varombo mune zvokunamata. Tinofara chaizvo nokuti Jehovha ari kuita kuti tijekerwe nechokwadi chiri muShoko rake.

15. Tichakurukurei munyaya inotevera?

15 Munyaya inotevera tichaongorora mumwe mufananidzo waJesu wemhandara gumi. (Mat. 25:1-13) Jesu aida kuti vateveri vake vomumazuva ekupedzisira vanzwisise sei mufananidzo iwoyo une simba? Aida kuti vaunzwisise senyaya ine zvainomiririra here? Kana kuti aida kuti vabatsirwe nezvidzidzo zvirimo? Ngationei.

^ ndima 4 Nharireyomurindi ine mutauro usina kuoma yakatanga kubudiswa muChirungu muna July 2011. Kubvira ipapo, yakazotanga kuwanikwawo mune mimwe mitauro mishoma.

^ ndima 5 Pari kuitwa urongwa hwokuti shanduro iyi iwanikewo mune mimwe mitauro.

^ ndima 10 Somuenzaniso, bhuku raTevedzera Kutenda Kwavo rinonyatsorondedzera upenyu hwevanhu 14 vomuBhaibheri. Bhuku iri rinonyanya kutaura nezvezvidzidzo zvatinowana kubva kuvanhu ivavo kwete kuti vaifananidzirei.

^ ndima 12 Ichokwadi kuti Shoko raMwari rinewo zvinhu zvinoita ‘sezvakaoma kunzwisisa’ kusanganisira dzimwe ndima dzakanyorwa naPauro. Kunyange zvakadaro, vanyori vose veBhaibheri vainge vakafemerwa nomudzimu mutsvene. Mudzimu mutsvene iwoyo ndiwo uri kubatsira vaKristu vechokwadi kuti vanzwisise chokwadi chomuMagwaro, uye “kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.”—2 Pet. 3:16, 17; 1 VaK. 2:10.