NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA April 2015

Magazini ino ine nyaya dzokudzidza kubva musi wa1 June kusvika 28 June, 2015.

Vakuru, Munoona Sei Basa Rokudzidzisa Dzimwe Hama Muungano?

Ona mazano 7 anoshandiswa nevakuru vanobudirira kudzidzisa vamwe.

Vakuru Vanodzidzisa Sei Vamwe Kuita Mabasa Muungano?

Vakuru vanogona kuwana chidzidzo pamadzidzisiro aiita Jesu, uyewo vadzidzi vanogona kutevedzera muenzaniso waErisha.

NYAYA YEUPENYU

Kukomborerwa ‘Mumwaka Wakakodzera, Uye Unotambudza’

Nyaya youpenyu yaTrophim Nsomba, uyo akatsungirira paaitambudzwa kuMalawi nemhaka yokutenda kwake, inogona kukubatsira kuti utsunge kuramba wakatendeka.

Ushamwari Hwako naJehovha Hwakasimba Zvakadii?

Kugara uchikurukura nemumwe munhu kunosimbisa ushamwari hwenyu. Izvi ungazvishandisawo sei paushamwari hwako naJehovha?

Vimba naJehovha Nguva Dzose!

Unogona kukunda dambudziko rakakura ringakutadzisa kuva neushamwari naMwari.

Nei Kudzinga Mutadzi Kuri Kuratidza Rudo?

Nei chinhu chinorwadza zvakanyanya chichinzi chinobatsira vanhu vose?

Kana Muti Ukatemwa Ungatungirazve Here?

Mhinduro yacho ine chekuita neramangwana redu.