Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kana Muti Ukatemwa Ungatungirazve Here?

Kana Muti Ukatemwa Ungatungirazve Here?

MITI yemiorivhi iyo inokura ichimonereka-monereka, hainakidzi kutarisa kana ichienzaniswa nemisidhari inoyevedza yokuLebanon. Asi miorivhi inokwanisa kuramba iri mipenyu kunyange mamiriro okunze asina kumira zvakanaka. Mimwe yacho inofungidzirwa kuti yava nemakore 1 000. Midzi yemuorivhi inodzika pasi pasi zvokuti kunyange hunde yacho ikatemwa, muti wacho unogona kutungirazve chero bedzi midzi yacho iri mipenyu.

Jobho aiva nechivimbo chokuti kunyange akafa, aizoraramazve. (Job. 14:13-15) Akataura achishandisa mufananidzo wemuti kuti aratidze chivimbo chaaiva nacho chokuti Mwari aikwanisa kuzomumutsa. Zvimwe Jobho aifunga nezvemuti wemuorivhi paakati: “Tariro iripo kunyange nokuda kwomuti. Kana ukatemwa, iwo uchatungirazve.” Mvura painozonaya pashure penguva yakareba isinganayi, nhungirwa dzinotanga kubuda pamidzi yemuti wemuorivhi wakatemwa, wobudisa mapazi “somuti mutsva.”—Job. 14:7-9.

Sezvinongoita murimi anotarisira chaizvo kuona muti wemuorivhi unenge watemwa uchitungirazve, Jehovha Mwari anoda chaizvo kumutsa vashumiri vake vakafa nevamwewo vanhu vakawanda. (Mat. 22:31, 32; Joh. 5:28, 29; Mab. 24:15) Fungidzira kufara kwatichaita pachamutswa vakafa uye patichavaona vachinakidzwa noupenyu zvekare!