Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ushamwari Hwako naJehovha Hwakasimba Zvakadii?

Ushamwari Hwako naJehovha Hwakasimba Zvakadii?

“Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—JAK. 4:8.

1. Nei tichifanira kuita kuti ushamwari hwedu naJehovha hurambe hwakasimba?

KANA uri Chapupu chaJehovha chakabhabhatidzwa, une chimwe chinhu chinokosha chaizvo. Chii ichocho? Une ushamwari naJehovha. Kunyange zvakadaro, Satani nenyika yake vari kutirwisa chaizvo kuti vatiparadzanise naJehovha. Uyewo nyama yedu ine chivi inogona kuita kuti ushamwari ihwohwo hupedzisire husisina kusimba. VaKristu vose vanosangana nemiedzo iyi. Saka ushamwari hwedu naJehovha hunofanira kuva hwakasimba chaizvo.

2. (a) Chii chinonzi ushamwari? (Ona mashoko omuzasi.) (b) Tingasimbisa sei ushamwari hwedu naJehovha?

2 Ushamwari hwako naJehovha hwakasimba zvakadii? Unoda kuhusimbisa here? Jakobho 4:8 inotaura kuti ungazviita sei. Inoti: ‘Swedera pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo newe.’ Saka iwe une zvaunofanira kuita uye Jehovha anewo zvaanoita. * Kana ukatora matanho okuswedera pedyo naMwari, iye anobva aswederawo pedyo newe. Paunoramba uchiita izvi, ushamwari hwako naye huchanyatsosimba. Unopedzisira wava nechivimbo chakafanana nechaiva naJesu paakati: “Iye akandituma aripo zvechokwadi, uye . . . ndinomuziva.” (Joh. 7:28, 29) Asi matanho api chaiwo aunofanira kutora kuti unyatsova pedyo naJehovha?

Ungakurukura sei naMwari? (Ona ndima 3)

3. Tingakurukura sei naJehovha?

3 Kugara tichikurukura naJehovha kunokosha chaizvo kuti tive pedyo naye. Ungakurukura sei naMwari? Kana uine shamwari inogara kure chaizvo, unotaura nayo sei? Zvichida munogara muchinyorerana uye muchifonerana. Unotaurawo naJehovha nokugara uchinyengetera kwaari. (Verenga Pisarema 142:2.) Uye paunogara uchiverenga Shoko rake uchifungisisa zvaunoverenga, Jehovha anenge achiita seari kutotaura newe. (Verenga Isaya 30:20, 21.) Saka ngationei kuti kukurukurirana ikoko kwatinoita naJehovha kunosimbisa sei ushamwari hwedu naye.

PAUNODZIDZA BHAIBHERI, JEHOVHA ANENGE ACHITAURA NEWE

4, 5. Jehovha anotaura sei newe achishandisa Shoko rake? Taura muenzaniso.

4 Tinoziva kuti Bhaibheri rakanyorerwa vanhu vose naMwari. Asi rinotaurawo here zvaunofanira kuita iwe pachako kuti uswedere pedyo naJehovha? Hongu rinotaura. Rinodaro sei? Paunenge uchiverenga uye uchidzidza Bhaibheri zuva roga roga, chimbozviongorora kuti unoita sei pane zvarinotaura uye fungisisa kuti ungashandisa sei mazano acho muupenyu hwako. Paunoita izvi unenge uchitobvumira Jehovha kuti ataure newe achishandisa Shoko rake. Izvi zvinoita kuti uwedzere kuva pedyo naye.—VaH. 4:12; Jak. 1:23-25.

5 Somuenzaniso, verenga uye fungisisa mashoko aJesu okuti “regai kuzviunganidzira pfuma panyika.” Kana uchiisa zvinhu zvoUmambo pokutanga muupenyu hwako, unonzwa sokuti Jehovha ari kukurumbidza. Asi kana ukaona kuti unofanira kuita kuti upenyu hwako husava nezvakawanda uye kuti unofanira kuisa zvinhu zvoUmambo pokutanga, Jehovha anenge achitokuudza paunofanira kugadzirisa kuti uswedere pedyo naye.—Mat. 6:19, 20.

6, 7. (a) Patinodzidza Bhaibheri, chii chinoitika paushamwari hwedu naJehovha? (b) Chinangwa chedu chinofanira kuva chei patinenge tichidzidza toga?

6 Ichokwadi kuti kudzidza Bhaibheri kunotibatsira kuona patinofanira kugadzirisa pakunamata kwedu. Asi tinodzidzawo nezvezvinhu zvakanaka zvinoitwa naMwari uye unhu hwake hwakanaka, zvoita kuti tiwedzere kumuda. Patinowedzera kuda Mwari, iye anowedzerawo kutida uye ushamwari hwedu naye hunobva hwasimba.—Verenga 1 VaKorinde 8:3.

7 Asi kuti tiswedere pedyo naJehovha, zvinokosha kuti tidzidze Shoko rake tiine chinangwa chakanaka. Johani 17:3 inoti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” Tinogona kudzidza zvinhu zvakawanda uye zvinofadza patinoverenga Bhaibheri, asi chinangwa chedu chinofanira kunge chiri chokuti tisvike pakuziva Jehovha semunhu chaiye watinogona kuva neushamwari naye.—Verenga Eksodho 33:13; Pis. 25:4.

8. (a) Vamwe vanogona kufungei nezvemabatiro akaita Jehovha Mambo Azariya sezvinotaurwa pana 2 Madzimambo 15:1-5? (b) Kuziva Jehovha kunotibatsira sei kuti tivimbe naye pane zvose zvaanoita?

8 Kana Jehovha ava shamwari yedu yepedyo, hatizonyanyi kunetseka kana dzimwe nyaya dzemuBhaibheri dzikasatsanangura kuti nei akaita zvaakaita. Somuenzaniso, unonzwa sei nezvakaitwa naJehovha kuna Mambo Azariya weJudha? (2 Madz. 15:1-5) Ona kuti kunyange zvazvo “vanhu vakanga vachiri kubayira zvibayiro nokukwidzira utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira,” Azariya “akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha.” Asi “Jehovha akazorova [Mambo Azariya] nedenda, akaramba aine maperembudzi kusvikira pazuva raakafa.” Nei akaita izvozvo? Nyaya yacho haina zvainotaura. Tinofanira kunetseka here kuti zvimwe Jehovha akaranga Azariya pasina chikonzero? Hazvifaniri kutinetsa kana tichinyatsoziva nzira dzaJehovha. Izvi zvinosanganisira kuziva kuti nguva dzose Jehovha anoranga “zvakafanira.” (Jer. 30:11) Kuziva izvi kunoita kuti tive nechokwadi chokuti Jehovha ainge akarurama paakaranga Azariya kunyange zvazvo tingasaziva kuti nei akamuranga.

9. Chii chinotibatsira kuziva kuti nei Jehovha akarova Azariya nemaperembudzi?

9 Zvisinei, Bhaibheri rine zvimwe zvarinotaura nezvaMambo Azariya uyo ainziwo Mambo Uziya. (2 Madz. 15:7, 32) Nyaya yakafanana naiyoyo iri pana 2 Makoronike 26:3-5, 16-21, inoratidza kuti kunyange zvazvo Uziya akamboita zvakanaka mukuona kwaJehovha, nokufamba kwenguva “mwoyo wake wakazvikudza kusvikira pakuita zvakashata.” Kuzvikudza kwakaita kuti ade kuita mabasa aifanira kuitwa nevapristi chete. Vapristi 81 vakamutsiura uye vakaedza kumudzivisa. Uziya akaita sei? Akabva aratidza kuti ainge ava kuzvikudza. ‘Akatsamwira kwazvo’ vapristi vacho. Ndokusaka Jehovha akamurova nemaperembudzi!

10. Nei pasiri pose patinoda kutsanangurirwa zvose zvinoitwa naJehovha uye tingaitei kuti tiwedzere kuvimba nenzira dzake dzakarurama?

10 Tinodzidzei? Munyaya yaMambo Azariya, tine mashoko anotibatsira kunzwisisa kuti nei Jehovha akamuranga. Asi uchaita sei kana Bhaibheri risina mashoko ose anobatsira kuti unzwisise imwe nyaya? Uchatanga here kufunga kuti pamwe zvakaitwa naJehovha hazvina kururama? Kana kuti uchagutsikana kuti mashoko ose ari muBhaibheri akakukwanira kuti uvimbe kuti Mwari anoita zvakarurama nguva dzose? (Dheut. 32:4) Patinosvika pakuziva Jehovha zviri nani, tichawedzera kunzwisisa nzira dzake zvokuti panenge pasisina hapo chikonzero chokuti titsanangurirwe zvose zvaanoita. Iva nechokwadi chokuti kunzwisisa ikoko kuchawedzera zvichienderana nezvaunoita pakudzidza uye kufungisisa zvinotaurwa naMwari achishandisa Shoko rake. (Pis. 77:12, 13) Izvi zvichasimbisa ushamwari hwako naJehovha.

PAUNONYENGETERA, UNENGE UCHITAURA NAJEHOVHA

11-13. Unoziva sei kuti Jehovha anoteerera minyengetero? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

11 Patinonyengetera, tinoswedera pedyo naJehovha. Tinomurumbidza, tinomuonga uye tinotsvaka kutungamirirwa naye. (Pis. 32:8) Asi kana uchida kuva neushamwari hwepedyo naJehovha, unofanira kunyatsobvuma kuti anonzwa minyengetero.

12 Vamwe vanhu vanodavira kuti munyengetero unongobatsira chete kuti unzwe zviri nani. Vanotaura kuti munyengetero unongokubatsira kuti unyatsofunga nezvematambudziko ako woona kuti ungaagadzirisa sei. Ichokwadi kuti munyengetero unogona kukubatsira saizvozvo, asi ungava sei nechokwadi chokuti minyengetero yako yemwoyo wose inonzwiwa naJehovha?

13 Funga izvi: Asati auya panyika, Jesu akanyatsoona Jehovha achipindura minyengetero yevashumiri vake. Uye paaiita ushumiri hwake panyika, ainyengetera kuna Baba vake vari kudenga achivaudza manzwiro ake. Pane imwe nguva akatombopedza usiku hwose achinyengetera. (Ruka 6:12; 22:40-46) Aizodaro here kudai aiziva kuti Jehovha haateereri minyengetero yake? Aizodai akadzidzisa here vadzidzi vake kunyengetera kudai aiziva kuti munyengetero unongobatsira kuti munhu anzwe zviri nani? Zviri pachena kuti Jesu aiziva kuti Jehovha anonzwa minyengetero. Pane imwe nguva, Jesu akati: “Baba, ndinokuongai kuti mandinzwa. Chokwadi, ndaizviziva kuti munogara muchindinzwa.” Isuwo tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha “Munzwi womunyengetero.”—Joh. 11:41, 42; Pis. 65:2.

14, 15. (a) Tinobatsirwa sei kana tikanyatsotaura zvatinoda patinenge tichinyengetera? (b) Minyengetero yeimwe hanzvadzi yakaibatsira sei kuti isimbise ushamwari hwayo naJehovha?

14 Paunonyengetera uchinyatsotaura zvaunoda, unosvika pakunyatsoona nzira dzinoshandiswa naJehovha kupindura minyengetero yako, kunyange dziya dzisiri pachena. Minyengetero yako painopindurwa naJehovha uchabva waona kuti ariko zvechokwadi. Uyewo, paunoramba uchiudza Jehovha zviri kutsi kwemwoyo wako, anobva awedzera kuswedera pedyo newe.

15 Funga zvakaitika kuna Kathy. * Kunyange zvazvo aigara achiita ushumiri, aisanakidzwa nahwo. Akati: “Ndaisafarira ushumiri. Ndaisatombohufarira zvachose. Pandakanga ndisingachaendi kubasa, mumwe mukuru akandikurukudzira kuva piyona wenguva dzose; akatondipa fomu racho. Ndakasarudza kupayona, asi ndakatangawo kunyengetera kuna Jehovha zuva nezuva ndichimukumbira kuti aite kuti ndifarire ushumiri.” Jehovha akapindura minyengetero yake here? Kathy anoti: “Ndava mugore rechitatu ndichipayona. Unyanzvi hwangu hwokuparidza hwawedzera nokuti ndinopedza nguva yakawanda ndiri muushumiri uye ndinodzidza zvakawanda kubva kune dzimwe hanzvadzi. Iye zvino ndava kuda chaizvo basa rokuparidza. Uyewo ushamwari hwangu naJehovha hwawedzera kusimba kupfuura kare.” Chokwadi, minyengetero yaKathy yakamubatsira kuti asimbise ushamwari hwake naJehovha.

TINOFANIRA KUITAWO PEDU

16, 17. (a) Tinofanira kuitei kuti ushamwari hwedu naJehovha hurambe huchikura? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

16 Kuumba ushamwari naJehovha chinhu chatinoramba tichiita. Tinofanira kutora matanho okuti tiswedere pedyo naMwari kana tichida kuti aswederewo pedyo nesu. Saka ngatigarei tichikurukura naMwari nokudzidza Bhaibheri uye nokunyengetera. Kana tikaita izvozvo ushamwari hwedu naJehovha hucharamba huchisimba uye tichakwanisa kukunda miedzo yatinosangana nayo.

Kuumba ushamwari naJehovha chinhu chatinoramba tichiita (Ona ndima 16, 17)

17 Zvisinei, tinogona kunyengetera nemwoyo wose asi matambudziko edu oramba kupera. Panguva dzakadaro, tinogona kupedzisira tisisavimbi naJehovha. Tingatanga kunetseka kuti Jehovha ari kunzwa minyengetero yedu here kana kuti anotionawo seshamwari dzake here. Kana tikatanga kuva nemafungiro akadai, tingaita sei? Nyaya inotevera ichatibatsira.

^ ndima 2 Ushamwari kuwirirana kuri pakati pevanhu vaviri. Vose vane zvavanofanira kuita kuti ushamwari ihwohwo hurambe hwakasimba.

^ ndima 15 Zita rakachinjwa.