Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakuru Vanodzidzisa Sei Vamwe Kuita Mabasa Muungano?

Vakuru Vanodzidzisa Sei Vamwe Kuita Mabasa Muungano?

“Zvinhu zvawakanzwa kwandiri . . ., zvipe vanhu vakatendeka.”—2 TIM. 2:2.

1. (a) Vashumiri vaMwari vagara vachizivei nezvekudzidzisa vamwe, uye izvozvo zvinoshandawo sei mazuva ano? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

VASHUMIRI vaMwari vagara vachiziva kuti munhu anofanira kudzidziswa kuti abudirire. Somuenzaniso, Abramu ‘akaunganidza varume vake vakadzidziswa kurwa,’ kuti anunure Roti, uye varume vacho vakakunda. (Gen. 14:14-16) Mumazuva aMambo Dhavhidhi, vaimbi vepaimba yaMwari vainge vakadzidziswa “kuimbira Jehovha” uye vairumbidza Mwari. (1 Mak. 25:7) Mazuva ano tiri kurwa naSatani nevateveri vake. (VaEf. 6:11-13) Uyewo, tiri kushanda nesimba kuti tirumbidze Mwari. (VaH. 13:15, 16) Saka kungofanana nevashumiri vaMwari vekare, kuti tibudirire, tinofanira kudzidziswa. Muungano, Jehovha akapa vakuru basa rekudzidzisa vamwe. (2 Tim. 2:2) Vakuru vagara nebasa vari kudzidzisa sei hama kuti dzikwanise kufudza makwai aMwari?

BATSIRA MUDZIDZI KUTI ASIMBE PAKUNAMATA

2. Mukuru anogona kuitei asati adzidzisa mudzidzi zvinhu zvitsva uye nei?

2 Semukuru wechiKristu, unogona kufananidzwa nemurimi. Murimi asati adyara mbeu, angaona kuti ivhu rinoda kuwedzerwa mupfudze kuitira kuti zvirimwa zvake zvikure zvakanaka. Saizvozvowo, usati wadzidzisa mudzidzi zvinhu zvitsva, ungaona zvakakodzera kuti ukurukure naye mazano eBhaibheri angamubatsira kuti agamuchire kudzidziswa kwaachaita.—1 Tim. 4:6.

3. (a) Mukuru angashandisa sei mashoko aJesu ari pana Mako 12:29, 30 paanenge achikurukura nemudzidzi? (b) Munyengetero unopiwa nemukuru ungabatsira sei mudzidzi?

3 Kuti uzive kuti chokwadi chiri kubatsira sei mudzidzi muupenyu hwake, unogona kumubvunza kuti, ‘Kuzvitsaurira kwawakaita kuna Jehovha kwakachinja sei mararamiro aunoita?’ Mubvunzo iwoyo ungaita kuti mupedzisire mava kukurukura zvimwe zvinhu zvichabatsira mudzidzi kuti ashumire Jehovha nemwoyo wose. (Verenga Mako 12:29, 30) Kana mapedza kukurukura, unogona kunyengetera naye uchikumbira Jehovha kuti amupe mudzimu wake mutsvene uchamubatsira pakudzidziswa kwaanenge achiita. Mudzidzi wacho achakurudzirwa chaizvo paanonzwa uchimunyengeterera!

4. (a) Inyaya dzipi dzemuBhaibheri dzinogona kubatsira mudzidzi kuti akure pakunamata? (b) Vakuru pavanodzidzisa vamwe, vanenge vaine chinangwa chei?

4 Paunotanga kudzidzisa hama, kurukurai nyaya dziri muBhaibheri dzinogona kuibatsira kuona kuti inofanira kuva nechido chokushumira vamwe, kuva munhu anovimbwa naye uye anozvininipisa. (1 Madz. 19:19-21; Neh. 7:2; 13:13; Mab. 18:24-26) Kuva neunhu ihwohwo kunokosha sezvakangoita mupfudze unoiswa muvhu. Unhu ihwohwo huchaita kuti mudzidzi akurumidze kukura pakunamata. Mumwe mukuru wekuFrance anonzi Jean-Claude anoti: “Pandinodzidzisa mudzidzi, chinangwa changu ndechekumubatsira kuti akoshese zvinhu zvekunamata. Ndinotsvaka mikana yekuti ndiverenge rugwaro ‘rwunomuvhura maziso’ kuti aone ‘zvinhu zvinoshamisa’ zviri muShoko raMwari.” (Pis. 119:18) Ndedzipi dzimwe nzira dzaungashandisa kuti usimbise mudzidzi?

MUUDZE ZVINANGWA ZVAANGAVA NAZVO UYE ZVIKONZERO ZVACHO

5. (a) Nei kutaura nemudzidzi nyaya yezvinangwa zvekunamata kuchibatsira? (b) Nei vakuru vachifanira kudzidzisa hama dzechidiki? (Ona mashoko omuzasi.)

5 Bvunza mudzidzi kuti, ‘Une zvinangwa zvipi pakunamata?’ Kana ukaona kuti haana, mubatsire kuva nechinangwa chaanogona kuzadzisa. Muudze chinangwa chekunamata chawakambova nacho, uye paunenge uchimuudza nyatsoratidza kufara kwawakaita pawakazadzisa chinangwa chacho. Izvi zvingaita sezvinhu zvidiki, asi zvinoshanda chaizvo. Victor uyo anoshumira semukuru uye piyona muAfrica, akati: “Pandakanga ndichiri mudiki, mumwe mukuru akandibvunza zvinangwa zvekunamata zvandaiva nazvo. Mibvunzo yaakandibvunza yakandibatsira kuti nditange kufungisisa nezveushumiri hwangu.” Vakuru vagara nebasa vanotaurawo kuti zvinokosha kutanga kudzidzisa hama kubva pazera diki. Hama dzechidiki idzi dzinogona kupiwa mabasa omuungano anoenderana nemazera adzo. Kutanga kuvadzidzisa pazera iroro kuchavabatsira kuti varambe vakaisa pfungwa pazvinangwa zvavo zvekunamata kunyange vava kuda kusvika makore ekuma20, pavanenge vava kunyanya kusangana nemiedzo.—Verenga Pisarema 71:5, 17. *

Mutsanangurire kuti nei achifanira kuita rimwe basa, uye murumbidze nebasa raanenge aita (Ona ndima 5-8)

6. Inzira ipi inokosha yakashandiswa naJesu paaidzidzisa vamwe?

6 Unogonawo kukurudzira mudzidzi kuti ave nechido chokushumira vamwe nokumuudza zvokuita uyewo kuti nei achifanira kuzviita. Kana ukamuudza zvikonzero zvacho, unenge uchitevedzera Mudzidzisi Mukuru, Jesu. Somuenzaniso, asati apa vaapostora vake basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi, Jesu akavaudza kuti nei vaifanira kuteerera murayiro iwoyo. Akati: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepanyika.” Akabva azoti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mat. 28:18, 19) Ungatevedzera sei Jesu pakudzidzisa vamwe?

7, 8. (a) Mazuva ano, vakuru vangatevedzera sei madzidzisiro aJesu? (b) Kurumbidza mudzidzi kunobatsirei? (c) Mazano api anogona kubatsira vakuru pakudzidzisa vamwe? (Ona bhokisi rakanzi “ Ungadzidzisa Sei Vamwe?”)

7 Tsanangurira mudzidzi chikonzero chomuMagwaro chokuti aite zvaunenge wamuudza. Paunoita izvozvo unenge uchimubatsira kuti ashandise mazano atinowana muBhaibheri kwete kungofunga nezvemitemo yakanyorwa chete. Somuenzaniso, ngatitii wakumbira hama kuti igare ichichenesa panofamba nevanhu vachipinda muImba yoUmambo uye kuona kuti hapana here zvinhu zvinogona kukuvadza vanhu. Unogona kuiverengera Tito 2:10 wotsanangura kuti kuita basa iroro kuchashongedza “dzidziso yoMuponesi wedu, iye Mwari.” Ita kuti mudzidzi aone kuti kana akaita basa iroro achabatsira sei vakwegura vari muungano yenyu. Kukurukura nemudzidzi seizvi kuchamubatsira kuti anyanye kufunga nezvekuita zvinhu zvinobatsira vamwe kwete kungofunga kuti mutemo unotii. Achafara kuona kuti basa raari kuita riri kubatsira hama nehanzvadzi dziri muungano.

8 Unofanirawo kurumbidza mudzidzi paanenge achiedza kuita zvaunenge wamuudza. Nei kuita izvozvo kuchikosha? Sezvinongoita mvura inobatsira kuti chirimwa chikure zvakanaka, kurumbidza mudzidzi nemwoyo wose kunoita kuti afambire mberi pakunamata.—Enzanisa naMateu 3:17.

RIMWEWO DAMBUDZIKO

9. (a) Vakuru vanogara munyika dzakapfuma vanosangana nedambudziko ripi? (b) Nei dzimwe hama dzisina kuita kuti zvokunamata zvive pokutanga muupenyu hwadzo?

9 Vakuru vomunyika dzakapfuma vanogona kusangana nerimwewo dambudziko. Vanganetseka kuti vangakurudzira sei hama dzine makore okuma20 kana kuti okuma30 kuti dziitewo zvakawanda muungano. Takabvunza vakuru 20 vemunyika idzodzo kuti vanofunga kuti chii chinoita kuti dzimwe hama dzechiduku dzisada kuita zvakawanda muungano. Vakawanda vacho vakapindura kuti hama idzi padzaikura dzaishaya anodzikurudzira kuva nezvinangwa zvokunamata. Uyewo, dzimwe hama idzi dzaida kuva nezvinangwa zvokunamata asi vabereki vadzo vaidzikurudzira kuti dzive nedzidzo yepamusoro kana kuti dziite mabasa okunyika! Saka hama idzodzo hadzina kuzomboita kuti zvinhu zvokunamata zvive pekutanga muupenyu hwadzo.—Mat. 10:24.

10, 11. (a) Mukuru angabatsira sei hama inoita seisina chido chekuita mabasa muungano? (b) Mukuru angashandisa Magwaro api paanenge achikurukura nehama yakadaro, uye nei? (Ona mashoko omuzasi.)

10 Kana hama ichiratidza sekuti haina chido chekuita mabasa muungano, inogona kupedzisira yava nechido kana vakuru vakashanda nesimba uye vakava nemwoyo murefu. Munhu anodyara miti anogona kutwasanudza zvishoma nezvishoma miti inenge yakarereka. Saizvozvowo, unogona kubatsira dzimwe hama zvishoma nezvishoma kuti dzione kuti nei dzichifanira kuchinja maonero adzo panyaya yekuita mabasa muungano. Asi ungazviita sei?

11 Umba ushamwari nehama yacho. Muudze kuti ungano inomuda. Nekufamba kwenguva, gara naye pasi, mokurukura magwaro anomubatsira kuti afunge nezvekuzvitsaurira kwake kuna Jehovha. (Mup. 5:4; Isa. 6:8; Mat. 6:24, 33; Ruka 9:57-62; 1 VaK. 15:58; 2 VaK. 5:15; 13:5) Unogona kumubvunza mibvunzo inoita kuti afungisise yakadai seiyi: ‘Wakavimbisei Jehovha pawakazvitsaurira kwaari? Unofunga kuti Jehovha akanzwa sei zuva rawakabhabhatidzwa?’ (Zvir. 27:11) ‘Ko Satani akanzwawo sei?’ (1 Pet. 5:8) Hama inogona kubatsirwa chaizvo nendima dzeBhaibheri dzaunenge wasarudza kuiverengera.—Verenga VaHebheru 4:12. *

VADZIDZI, RATIDZAI KUTI MAKATENDEKA

12, 13. (a) Erisha aiva mudzidzi ane mafungiro akaita sei? (b) Kutendeka kwaErisha kwakaita kuti apiwe mubayiro wei naJehovha?

12 Vechidiki, ungano inoda kubatsirwa nemi! Munofanira kuva nemafungiro api kuti mubudirire? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, ngatimbokurukurai zvakaitika kune mumwe mudzidzi wekare.

13 Makore anoda kusvika 3 000 apfuura, muprofita Eriya akakumbira murume wechidiki Erisha kuti ave mushandi wake. Erisha akabva angobvuma uye akaramba achishumira murume iyeye akanga akwegura, achiita mabasa akaderera. (2 Madz. 3:11) Papera makore matanhatu achidzidziswa, Erisha akaziva kuti basa raiitwa naEriya rakanga rava kuda kupera. Panguva iyoyo, Eriya akakurudzira shamwari yake yaainge anyatsodzidzisa kuti ichirega hayo kumutevera, asi Erisha akaudza Eriya katatu kuti: “Handisi kuzokusiyai.” Akanga akatsunga kuramba aine mudzidzisi wake kunyange zvodini. Jehovha akazopa Erisha mubayiro wokuvimbika uye kutendeka kwake paakaita kuti aone Eriya achienda ari mudutu.—2 Madz. 2:1-12.

14. (a) Vadzidzi vangatevedzera sei Erisha? (b) Nei zvichikosha kuti mudzidzi ave akatendeka?

14 Ungatevedzerawo sei Erisha? Usaverengera kuita mabasa aunonzi uite, kunyange akaderera. Ona mudzidzisi wako seshamwari, uye muudze kuti unoonga chaizvo basa raari kuita rokukudzidzisa. Muratidze kuti unoda kuramba uchidzidza zvakawanda kwaari. Paunoita izvozvo, unenge uchiita seuri kumuudza kuti: “Handisi kuzokusiyai.” Chinonyanya kukosha ndechekuti urambe wakatendeka pakuita mabasa aunopiwa. Nei kuita izvi kuchikosha chaizvo? Nekuti ndizvo zvinoita kuti vakuru vave nechivimbo chekuti Jehovha anoda kuti upiwe mamwe mabasa muungano.—Pis. 101:6; verenga 2 Timoti 2:2.

REMEKEDZA VAKURU VAGARA NEBASA

15, 16. (a) Erisha akaratidza sei kuti airemekedza mudzidzisi wake? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Chii chakaita kuti vamwe vaprofita vavimbe naErisha?

15 Nyaya yaErisha, uyo akazova mutsivi waEriya, inoratidzawo zvingaitwa nehama kuratidza kuti dzinoremekedza vakuru vagara nebasa. Pashure pokunge Eriya naErisha vashanyira boka revaprofita kuJeriko, vakazofamba vachienda kuRwizi rwaJodhani. Vari ikoko, “Eriya akabva atora nguo yake yebasa, akaipeta, akarova mvura, ikakamukana.” Pashure pokunge vayambuka, varume vacho vakaramba “vachifamba vachitaura zvavo.” Zviri pachena kuti Erisha haana kumbofunga kuti panguva iyoyo akanga ava kuziva zvose. Akaramba achikoshesa mashoko ose aitaurwa nemudzidzisi wake kusvikira pavakazoparadzana, Eriya achikwira kumatenga ari mudutu. Pave paya, Erisha akadzokera kuRwizi rwaJodhani, akarova mvura nenguo yaEriya, akati: “Jehovha, Iye Mwari waEriya ari kupi?” Mvura yakakamukana zvakare.—2 Madz. 2:8-14.

16 Waona here kuti chishamiso chokutanga chaErisha chainge chakafanana nechakapedzisira kuitwa naEriya? Tinodzidzei? Erisha haana kufunga kuti zvaakanga ari iye ava kutungamirira, aigona kubva angoita zvinhu nenzira yake oga. Erisha paakaramba achitevedzera zvaiitwa naEriya, akaratidza kuti airemekedza mudzidzisi wake, uye izvi zvakaita kuti vamwe vaprofita vavimbe naye. (2 Madz. 2:15) Zvisinei, mumakore 60 ayo Erisha akaita ushumiri hwake semuprofita, Jehovha akazomupa simba rekuita zvishamiso zvakawanda kupfuura zvakaitwa naEriya. Vadzidzi vanodzidzei munyaya iyi?

17. (a) Vadzidzi vangatevedzera sei Erisha? (b) Nekufamba kwenguva, Jehovha anogona kuzoshandisa sei vadzidzi vakatendeka?

17 Usafunge kuti kana ukangogadzwa muungano unofanira kubva wachinja maitirwo ezvinhu. Zvinhu zvinochinjwa muungano kana paine chikonzero chine musoro chekuti zvichinjwe uye kana paine mirayiridzo yabva kusangano raJehovha. Erisha paakaramba achitevedzera nzira dzaishandiswa naEriya, zvakaita kuti vamwe vaprofita vavimbe naye uye zvairatidzawo kuti airemekedza Eriya. Saizvozvowo, kana ukaramba uchitevedzera nzira dzinoshandiswa nevakuru dzinoenderana neBhaibheri, zvichaita kuti hama nehanzvadzi dzivimbe newe, uye unenge uchiratidza kuti unoremekedza vakuru ivavo. (Verenga 1 VaKorinde 4:17.) Asi ruzivo rwako parwunoita ruchiwedzera, hapana mubvunzo kuti uchange wava kushandawo nevamwe vakuru pakubatsira ungano kuti itevedzere mirayiridzo mitsva yesangano raJehovha. Sezvakaitika kuna Erisha, Jehovha anogona kutozoita kuti imi vadzidzi vakatendeka muite mabasa makuru kupfuura evadzidzisi venyu.—Joh. 14:12.

18. Nei zvichikosha chaizvo kudzidzisa hama dziri muungano?

18 Tinovimba kuti mazano ari munyaya ino neyakapfuura achabatsira vakuru vakawanda kuti vawane nguva yekudzidzisa vamwe. Dai hama dzakakodzera dzikabvuma nemwoyo wose kudzidziswa uku, dzoshandisa zvadzinenge dzadzidza pakufudza makwai aJehovha. Kuita izvozvo kuchasimbisa ungano dziri pasi pose uye kuchabatsira mumwe nemumwe wedu kuti arambe akatendeka munguva inokosha iri mberi.

^ ndima 5 Kana hama yechidiki ichiratidza kuti iri kukura pakunamata, inozvininipisa, uye ichiita zvinotaurwa neMagwaro zvinotarisirwa kuvarume vakagadzwa, vakuru vanogona kuigadza kuti ive mushumiri anoshumira, kunyange isati yasvitsa makore 20.—1 Tim. 3:8-10, 12; ona Nharireyomurindi yaJuly 1, 1989, peji 29.