Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vimba naJehovha Nguva Dzose!

Vimba naJehovha Nguva Dzose!

“Vimbai naye nguva dzose, haiwa imi vanhu.”—PIS. 62:8.

1-3. Chii chakaita kuti Pauro awedzere kuvimba naJehovha? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

VAKRISTU vaiva muRoma vaiva panguva yakaoma. Vaiitirwa utsinye hwakaipa vachipomerwa kuti ndivo vakapisa guta reRoma muna 64 C.E. Vaipomerwawo kuti vanovenga vanhu. Chimbozvitora sokuti ndiwe uri kurarama panguva iyoyo. Zuva nezuva unogara uchingotya kuti zvimwe uchasungwa wotambudzwa. Zvimwe vamwe vaKristu vaunonamata navo vakatobvamburwa-bvamburwa nezvikara, kana kuti vakaroverwa pamatanda vakapiswa vari vapenyu kuti vavheneke semwenje usiku.

2 Zvinoita sokuti panguva iyi yainge yakaoma, muapostora Pauro ndipo paakaiswa mujeri kechipiri muRoma. Vamwe vaKristu vaizomubatsira here? Zvimwe Pauro akatombonetseka nenyaya iyi, nokuti akanyorera Timoti kuti: “Pakuzvidzivirira kwangu kwokutanga hapana akanditsigira, asi vose vakandisiya—ngavarege havo kuzviverengerwa.” Kunyange zvakadaro, Pauro akabvuma kuti ainge awana rubatsiro. Akanyora kuti: “Asi Ishe akamira pedyo neni akandipa simba.” Chokwadi, Ishe Jesu akapa Pauro simba zvokuti akatonyora kuti: “Ndakanunurwa pamuromo weshumba.”—2 Tim. 4:16, 17. *

3 Kuyeuka izvi kunofanira kunge kwakasimbisa Pauro, kuchimubatsira kuti avimbe kuti Jehovha aizomusimbisa kuti atsungirire miedzo yaaisangana nayo uye mimwewo yaigona kuzomuka. Akatotaura kuti: “Ishe achandinunura pamabasa ose akaipa.” (2 Tim. 4:18) Saka Pauro ainge azvionera kuti kana hama dzake dzikatadza kumubatsira, aigona kuvimba naJehovha neMwanakomana wake kuti vamubatsire!

MIKANA YOKUTI ‘TIVIMBE NAJEHOVHA’

4, 5. (a) Ndiani anogona kukubatsira nguva dzose? (b) Ungasimbisa sei ushamwari hwako naJehovha?

4 Wakambosangana nematambudziko akaoma here zvokuti wakanzwa sokuti hauna mumwe munhu angakubatsira? Zvichida wakambopererwa nebasa, wakamborwara, wakambosangana nemiedzo kuchikoro, kana kuti rimwewo dambudziko rakaoma. Zvimwe wakaora mwoyo chaizvo pawakakumbira rubatsiro kune vamwe asi vakatadza kukubatsira. Ichokwadi kuti mamwe matambudziko haakwanisi kugadziriswa nevanhu. Panguva dzakadaro, zano reBhaibheri rokuti ‘tivimbe naJehovha’ rinoshanda here? (Zvir. 3:5, 6) Rinobatsira here? Hongu! Jehovha anogona kutibatsira sezvatinoona munyaya dzakawanda dziri muBhaibheri.

5 Saka pane kutsamwira hama dzako padzinotadza kukubatsira, shandisa mukana iwoyo kuti uvimbe zvizere naJehovha sezvakaitwa naPauro wozvionera kuti Jehovha anokubatsira sei. Izvi zvichaita kuti uwedzere kuvimba naye uye zvichasimbisa ushamwari hwako naye.

KUVIMBA NAMWARI KUNOITA KUTI TIUMBE USHAMWARI NAYE

6. Nei tingaomerwa nokuvimba naJehovha patinenge tiine zviri kutinetsa?

6 Zvinoita here kuti pashure pokunyengetera kuna Jehovha uchimuudza nezvedambudziko rako, unzwe zviri nani uchivimba kuti achakubatsira? Hongu zvinoita! (Verenga Pisarema 62:8; 1 Petro 5:7.) Saka kana uchida kuva noushamwari naJehovha, zvinokosha chaizvo kuti udzidze kuvimba naye saizvozvo. Asi zvingasava nyore kuti uvimbe kuti Jehovha achakubatsira padambudziko rako. Nei? Chimwe chikonzero ndechokuti dzimwe nguva Jehovha haapinduri minyengetero yedu ipapo ipapo.—Pis. 13:1, 2; 74:10; 89:46; 90:13; Hab. 1:2.

7. Nei dzimwe nguva Jehovha achizopindura minyengetero yedu pave paya?

7 Nei dzimwe nguva Jehovha achizopindura minyengetero yedu pave paya? Yeuka kuti Jehovha anofananidza ukama hwedu naye nehwababa nemwana. (Pis. 103:13) Mwana haangatarisiri kuti mubereki wake amupe chose chose chaanenge akumbira kana kuti abve achipiwa ipapo ipapo. Zvimwe zvinhu zvaanokumbira anenge achingozvida ipapo, asi pasina nguva, anenge asisina basa nazvo. Zvimwe zvacho anofanira kuzvimirira kuti azozvipiwa panguva yakakodzera. Uyewo, zvimwe zvacho zvinogona kunge zvisina kumunakira kana kuti zvisina kunakirawo vamwe. Uyezve, kana mubereki akangoti chose chakumbirwa nemwana anomupa, anenge ava kutoita semuranda wemwana wake. Saizvozvowo, Jehovha anoziva zvakanyatsotinakira, saka dzimwe nguva anogona kuzopindura minyengetero yedu pave paya. Izvi anozviita nokuti ndiye Musiki wedu akachenjera, uye ndiTenzi wedu ane rudo uye Baba vedu. Kana Jehovha akangoti chose chatakumbira otipa ipapo ipapo, zvinenge zvava kuita sokuti ava muranda wedu isu ndisu tava vanatenzi vake.—Enzanisa naIsaya 29:16; 45:9.

8. Jehovha anotivimbisei pamiedzo yatinosangana nayo?

8 Yeukawo kuti Jehovha anonyatsoziva patinogumira. (Pis. 103:14) Saka haatarisiri kuti titsungirire matambudziko nesimba redu toga, asi anotibatsira. Ichokwadi kuti dzimwe nguva tinganzwa sokuti hatichazvikwanisi. Asi Jehovha anotivimbisa kuti haazomboregi vashumiri vake vachiedzwa kupfuura zvavanogona kutsungirira. Achatipa “nzira yokubuda nayo.” (Verenga 1 VaKorinde 10:13.) Zvinonyaradza kuziva kuti Jehovha anonyatsoziva kuti mumwe nomumwe wedu anokwanisa kutsungirira kusvika papi.

9. Tinofanira kuitei kana minyengetero yedu ikasakurumidza kupindurwa?

9 Kana minyengetero yedu ikasakurumidza kupindurwa, ngatimirirei Jehovha uyo anonyatsoziva nguva yokutipindura. Yeuka kuti Jehovha anoda kutibatsira, asi ari kumirira kuti atipe zvatinoda panguva yacho chaiyo. Bhaibheri rinoti: “Jehovha acharamba akamirira kuti akunzwirei nyasha, naizvozvo achasimuka kuti akunzwirei ngoni. Nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira. Vanofara vose vaya vari kuramba vachimumirira.”—Isa. 30:18.

“MUROMO WESHUMBA”

10-12. (a) Zvii zvingaita kuti muKristu ari kuchengeta munhu womumhuri ava nenguva achirwara aomerwe chaizvo? (b) Kana ukavimba naJehovha panguva dzakaoma, chii chichaitika paushamwari hwako naye? Taura muenzaniso.

10 Unogona kusangana nedambudziko rakaoma chaizvo zvokuti unganzwa sokuti unoda kununurwa “pamuromo weshumba,” sezvakaitwa Pauro. Panguva dzakadai, kuvimba naJehovha ndipo pakwakanyanya kuoma, asiwo ndipo pakunotonyanya kukosha. Somuenzaniso, ngatitii uri kuchengeta hama yako yava nenguva ichirwara. Zvimwe wakanyengetera kuna Jehovha uchimukumbira uchenjeri nesimba. * Paunenge waita zvose zvaunogona padambudziko rako, haunzwi here wagadzikana mupfungwa nokuziva kuti ziso raJehovha riri pauri uye kuti achakupa simba raunoda kuti utsungirire uye urambe wakatendeka kwaari?—Pis. 32:8.

11 Asi dzimwe nguva ungaona sokuti Jehovha haasi kukubatsira. Vanachiremba vanogona kukuudza zvakasiyana-siyana. Kana kuti veukama vaunenge uchitarisira kuti vachakunyaradza, vangaita kuti zvinhu zvitowedzera kukuomera. Ramba uchivimba naJehovha kuti akupe simba. Ramba uchiswedera pedyo naye. (Verenga 1 Samueri 30:3, 6.) Paunozoona kubatsirwa kwaunenge waitwa naJehovha, ushamwari hwako naye huchawedzera kusimba.

12 Linda * akaona kuti ichocho ichokwadi pashure pokunge apedza makore akawanda achichengeta vabereki vake vairwara, kusvika pavakazofa. Anoti: “Kakawanda, ini nemurume wangu nehanzvadzi yangu taisaziva kuti todii. Taipererwa. Asi tikatarisa shure tinonyatsoona kuti Jehovha akaramba anesu. Akatisimbisa uye akatipa rubatsiro chairwo rwataida, kunyange pataiona sokuti tagumirwa.”

13. Kuvimba naJehovha kwakabatsira sei imwe hanzvadzi kuti itsungirire matambudziko akawanda?

13 Kunyatsovimba naJehovha kuchatibatsirawo kuti titsungirire zvimwe zvinhu zvinorwadza chaizvo. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Rhonda. Murume wake akanga achironga kudimbura muchato. Panguva iyoyo, hanzvadzi yaRhonda yakabatwa chirwere chakaipisisa chinonzi lupus. Pashure pemwedzi mishomanana, Rhonda akafirwa nemudzimai wehanzvadzi yake. Rhonda akatora upiyona hwenguva dzose paakanga ava kunzwa zviri nani. Asi pasina nguva, amai vake vakabva vafa. Chii chakamubatsira kuti atsungirire? Akati: “Ndaitaura naJehovha zuva nezuva, kunyange pandaida kuita zvisarudzo zvidiki. Izvi zvakaita kuti ndive pedyo chaizvo naJehovha. Zvakandidzidzisa kuvimba naye pane kuzvivimba kana kuti kuvimba nevamwewo vanhu. Akandipa rubatsiro chairwo rwandaida, handina chandakashayiwa. Izvozvo zvakaita kuti ndinzwe kuti ndiri kushanda pamwe naJehovha.”

Kunyange mumhuri, tingasangana nemiedzo uye tinofanira kusarudza kuti tinoda Jehovha here kupfuura hama yedu (Ona ndima 14-16)

14. MuKristu akatendeka ane hama yakadzingwa anogona kuva nechivimbo chei?

14 Fungawo zvimwe zvinogona kuitika. Ngatitii hama yako yaunoda yadzingwa muungano. Kubva pakudzidza kwaunoita Bhaibheri, unoziva kuti munhu akadzingwa anofanira kubatwa sei. (1 VaK. 5:11; 2 Joh. 10) Asi dzimwe nguva ungaona sokuti zvakaoma chaizvo kana kuti hazviiti kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyi. * Uchavimba here kuti Baba vako vokudenga vachakupa simba raunoda kuti urambe uchitsigira zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yevanhu vakadzingwa? Unoona here mamiriro aya ezvinhu semukana wokuti uwedzere kusimbisa ushamwari hwako naJehovha?

15. Nei Adhamu asina kuteerera murayiro waJehovha?

15 Panyaya iyi, chimbofunga zvakaitika kumunhu wokutanga Adhamu. Ainyatsobvuma here kuti kana akasateerera Jehovha aizoramba ari mupenyu? Kwete, nokuti Magwaro anotiudza kuti Adhamu “haana kunyengerwa.” (1 Tim. 2:14) Saka nei asina kuteerera Mwari? Adhamu akadya muchero waakapiwa naEvha nokuti anofanira kunge aida mudzimai wake kupfuura Jehovha. Akateerera inzwi romudzimai wake pane kuteerera murayiro waJehovha Mwari wake.—Gen. 3:6, 17.

16. Ndiani watinofanira kunyanya kuda, uye nei?

16 Saka izvi zvinoreva here kuti hatifaniri kuda vamwe vanhu voukama? Aiwa, tinofanira kuvada. Asi watinofanira kunyanya kuda ndiJehovha. (Verenga Mateu 22:37, 38.) Kana tikamuda saizvozvo, zvichabatsira vamwe voukama, vangava vari kushumira Jehovha kana kuti kwete. Saka ramba uchisimbisa kuda kwaunoita Jehovha uye kuvimba kwaunoita naye. Uyewo kana uchinetseka chaizvo nezvakaitwa nehama yako yakadzingwa, nyengetera kuna Jehovha uchimuudza zvose zviri kukunetsa. * (VaR. 12:12; VaF. 4:6, 7) Kunyange zvazvo uchirwadziwa chaizvo, ona mamiriro ezvinhu iwayo semukana wokuti uwedzere kusimbisa ukama hwako naJehovha. Izvozvo zvichaita kuti uvimbe naye uye uzive kuti kumuteerera kuchabatsira chaizvo.

PATINENGE TAKAMIRIRA

Ratidza kuti unovimba naJehovha nokuramba uchiita basa rake (Ona ndima 17)

17. Kana tikashanda nesimba mubasa rokuparidza Umambo, tinova nechivimbo chei?

17 Nei Pauro “akanunurwa pamuromo weshumba”? Akati: “Kuti kuparidza kuitwe zvizere uye marudzi ose akunzwe achishandisa ini.” (2 Tim. 4:17) Patinoshingaira mubasa rokuparidza sezvakaita Pauro, tinova nechivimbo chokuti zvimwe zvinhu zvose zvatinoda “zvichawedzerwa” kwatiri naJehovha. (Mat. 6:33) Sevaparidzi voUmambo, takapiwa basa rokuzivisa “mashoko akanaka” uye Jehovha anotiona ‘sevashandi pamwe chete naye.’ (1 VaT. 2:4; 1 VaK. 3:9) Patinoshanda nesimba mubasa raMwari, hatizoomerwi nokumirira kuti Jehovha apindure minyengetero yedu.

18. Tingaitei kuti tivimbe naJehovha uye tisimbise ushamwari hwedu naye?

18 Saka ngatishandisei nguva ino kuti tisimbise ushamwari hwedu naMwari. Kana pakava nechinhu chinoita kuti tizvidye mwoyo, ngatishandisei mukana wacho kuti tiwedzere kuva pedyo naJehovha. Ngatidzidzei Shoko raMwari tichifungisisa toramba tichinyengetera kuna Jehovha uye tichishanda nesimba mubasa rake. Kana tikaita izvozvo, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achatibatsira kutsungirira miedzo yose yatiri kusangana nayo neimwewo inogona kuuya.

^ ndima 2 Kununurwa kwakaitwa Pauro “pamuromo weshumba” kunogona kunge kuri kununurwa pashumba chaiyo kana kuti kune zvakwaifananidzira.

^ ndima 10 Pane nyaya dzakabudiswa dzinobatsira vaKristu vanenge vachirwara uye dzinobatsirawo vaya vanenge vachivachengeta. Ona Mukai! yaFebruary 8, 1994; February 8, 1997; June 8, 2000; neyaFebruary 8, 2001.

^ ndima 12 Mazita akachinjwa.

^ ndima 14 Ona nyaya inoti “Nei Kudzinga Mutadzi Kuri Kuratidza Rudo?” iri mumagazini ino.

^ ndima 16 Pane nyaya dzakabudiswa dzinogona kutibatsira kana mumwe womumhuri akasiya Jehovha. Ona Nharireyomurindi yaSeptember 1, 2006 mapeji 17-21 neyaJanuary 15, 2007 mapeji 17-20.