Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kurwisa Satani—Womukunda!

Unogona Kurwisa Satani—Womukunda!

‘Rwisai Satani, makasimba pakutenda.’—1 PET. 5:9.

1. (a) Nei zvichinyanya kukosha kuti tirwise Satani iye zvino? (b) Tinoziva sei kuti tinogona kukunda pakurwa naSatani?

SATANI ari kurwisana nevaKristu vakazodzwa vachiri panyika uye ‘vemamwe makwai.’ (Joh. 10:16) Chinangwa chake ndechokuparadza kutenda kwevashumiri vaJehovha vakawanda munguva pfupi yaasarirwa nayo. (Verenga Zvakazarurwa 12:9, 12.) Tinokwanisa here kukunda muhondo iyi? Hongu! Bhaibheri rinoti: “Rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai.”—Jak. 4:7.

2, 3. (a) Nei Satani achida kuti vanhu vafunge kuti haako? (b) Unoziva sei kuti Satani ariko?

2 Vamwe vanotoseka pavanonzwa kuti Satani ariko. Vanoona sokuti hakuna chinonzi Satani uye madhimoni asi kuti dzingori ngano dzinotaurwa mumabhuku, mumafirimu anotyisa uye mumitambo yemavhidhiyo. Vanoti hakuna munhu akangwara anodavira kuti kune midzimu yakaipa. Asi unofunga kuti Satani anombonetseka nazvo here kuti ndiwo maonerwo aanoitwa nevanhu? Aiwa! Izvi zvinotomuitira nyore kuti apofumadze pfungwa dzevaya vanofunga kuti haako. (2 VaK. 4:4) Kudavira kuti hakuna madhimoni ndeimwe nzira inoshandiswa naSatani kuti atsause vanhu.

3 Sevashumiri vaJehovha, hatisi pakati pevanhu vanotsauswa naSatani. Tinoziva kuti Dhiyabhorosi ariko, nokuti ndiye akataura naEvha achishandisa nyoka. (Gen. 3:1-5) Satani akashora Jehovha panyaya yaJobho. (Job. 1:9-12) Ndiye zvekare akaedza Jesu. (Mat. 4:1-10) Uyezve, Umambo hwaMwari pahwakatanga kutonga muna 1914, Satani ndiye ‘akaenda kunorwa’ nevakazodzwa vaiva panyika. (Zvak. 12:17) Hondo iyoyo ichiripo sezvo Satani achiri kuedza kuparadza kutenda kwevamwe ve144 000 vachiri pasi pano uye kwemamwe makwai. Kuti tikunde muhondo iyi, tinofanira kurwisa Satani toramba takasimba pakutenda. Nyaya ino inotaura nzira nhatu dzokumurwisa.

DZIVISA KUDADA

4. Satani akaratidza sei kuti anozvikudza chaizvo?

4 Satani anozvikudza chaizvo. Akaratidza izvozvo paakapikisa kodzero yaJehovha yokutonga, uye paakaedza kuti vanhu vamunamate pane kunamata Jehovha. Saka imwe nzira yatinogona kurwisa nayo Satani ndeyokudzivisa kudada tova vanhu vanozvininipisa. (Verenga 1 Petro 5:5.) Asi chii chinonzi kudada? Kudada kwose kwakaipa here?

5, 6. (a) Kudada kwose kwakaipa here? Tsanangura. (b) Kudada kworudzii kwakaipa, uye mienzaniso ipi yemuMagwaro inoratidza izvozvo?

5 Rimwe duramazwi rinotsanangura shoko rokuti kudada richiti rinoreva “kunzwa uine chiremera uye rukudzo” uye “kugutsikana kwaunoita kana waita chimwe chinhu chakanaka kana kuti mumwe munhu wepedyo aita chinhu chakanaka.” Izvozvo hazvina kuipa. Muapostora Pauro akaudza vaTesaronika kuti: “Isu tinodada nemi pakati peungano dzaMwari nokuda kwokutsungirira nokutenda kwenyu pakutambudzwa kwenyu kwose nokutambura kwamuri kutsungirira.” (2 VaT. 1:4) Saka kufara nezvakanaka zvinenge zvaitwa nevamwe uye kunyange kunzwa kakudada nezvatinenge taita, kunogona kutibatsira. Hatifaniri hedu kunyara nemhuri yedu, tsika dzedu kana kuti nharaunda yatakakurira.—Mab. 21:39.

6 Asi pane kumwe kudada kunogona kukanganisa ushamwari hwedu nevamwe uye naJehovha. Kudada kwakadaro kunogona kuita kuti tigumbuke patinopiwa zano. Kunogona kutoita kuti tirambe zano racho pane kuti tizvininipise torigamuchira. (Pis. 141:5) Kudada uku kunonzi kunoreva “kuzvikwidziridza zvakanyanya” kana kuti “kuzvikudza kunoitwa nevanhu vanofunga kuti vari nani kupfuura vamwe.” Jehovha anovenga kudada ikoko. (Ezek. 33:28; Amo. 6:8) Asi Satani anofara chaizvo paanoona vanhu vachizvitutumadza, nokuti ndizvo zvaanozivikanwa nazvo. Fungidzira kufara kwakaita Satani, varume vakadai saNimrodhi, Farao naAbsaromu pavakazvikudza. (Gen. 10:8, 9; Eks. 5:1, 2; 2 Sam. 15:4-6) Kuzvikudza ndiko kwakaitawo kuti Kaini arasikirwe noushamwari hwake naMwari. Mwari pachake akamunyevera, asi ainyanya kuzvikudza zvokuti akaramba kuteerera. Akaomesa musoro akabva atadzira Jehovha.—Gen. 4:6-8.

7, 8. (a) Rusaruraganda chii, uye runofambidzana sei nokudada? (b) Tsanangura kuti kudada kungakanganisa sei rugare rweungano.

7 Mazuva ano, vanhu vanoratidza kudada nenzira dzakasiyana-siyana. Dzimwe nguva kudada kunofambidzana nerusaruraganda. Rimwe duramazwi rinotsanangura shoko rokuti rusaruraganda richiti rinoreva “kuvenga vanhu vemamwe marudzi.” Rinoti shoko racho rinorevawo “kuva nepfungwa yokuti vanhu vemarudzi akasiyana-siyana vane unhu hwakasiyana uye zvavanokwanisa kuita zvinosiyanawo, uye kuti mamwe marudzi akangosikwa ari nani kupfuura mamwe.” Kudada nerudzi kwakaita kuti pave nemhirizhonga, hondo uye kuurayiwa kwevanhu vakawanda.

8 Zvinhu zvakadaro hazvifaniri kumboitika muungano yechiKristu. Kunyange zvakadaro, kusawirirana kunomuka pakati pehama nehanzvadzi dzimwe nguva kunokonzerwa nokudada, uye izvozvo zvinopedzisira zvakanganisa rugare rweungano. Zviri pachena kuti izvi ndizvo zvaiitika kune vamwe vaKristu vepakutanga, avo vakabvunzwa mubvunzo une simba naJakobho wokuti: “Hondo dzinobvepi nokurwa kuri pakati penyu kunobvepi?” (Jak. 4:1) Kuvenga vamwe uye kuzvionera pamusoro kunogona kuita kuti tipedzisire tataura kana kuita zvinhu zvinovarwadzisa. (Zvir. 12:18) Saka zviri pachena kuti kudada kunogona kukanganisa rugare rweungano.

9. Bhaibheri rinotibatsira sei kuti tisava nerusaruraganda nekumwewo kudada kusina kukodzera? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

9 Kana tichiwanzoona sokuti tiri nani kupfuura vamwe, tinofanira kuyeuka kuti “munhu wose ane mwoyo unozvikudza anosemesa Jehovha.” (Zvir. 16:5) Zvakanakawo kuti tiongorore maonero atinoita vanhu verumwe rudzi, vokune dzimwe nyika kana kuti vane tsika dzakasiyana nedzedu. Kana tichidada nerudzi rwedu kana kuti nyika yedu, tinenge tichikanganwa kuti Mwari “akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete.” (Mab. 17:26) Tose tiri rudzi rumwe chete nokuti vanhu vose vakabva kuna Adhamu. Saka hazvina musoro kufunga kuti mamwe marudzi akangosikwa ari nani kupfuura mamwe. Kana tikava nemafungiro akadaro, tinenge tichipa Satani mukana wokukanganisa kudanana kwedu sevaKristu uye kubatana kwatakaita. (Joh. 13:35) Kuti tikunde Satani, tinofanira kudzivisa kudada kwose kusina kukodzera.—Zvir. 16:18.

USANYANYA KUDA PFUMA UYE USADA NYIKA

10, 11. (a) Nei zvingava nyore kuti munhu atange kuda nyika? (b) Dhemasi akaguma aitei nemhaka yokuda nyika?

10 Satani ndiye “mutongi wenyika ino,” uye nyika yacho iri musimba rake. (Joh. 12:31; 1 Joh. 5:19) Saka zvizhinji zvinokurudzirwa nenyika ino hazvienderani nezvinotaurwa neBhaibheri. Ichokwadi kuti hazvisi zvinhu zvose zviri munyika zvakaipa. Asi tinofanira kuziva kuti Satani anogona kushandisa nyika yake kuita kuti tide kugutsa zvido zvatinazvo achiedza kuita kuti tiite chivi. Anogona kuita kuti tide nyika, torega kushumira Jehovha nemwoyo wose.—Verenga 1 Johani 2:15, 16.

11 Zviri pachena kuti kuda nyika kwakakanganisa vamwe vaKristu vepakutanga. Somuenzaniso, Pauro akanyora kuti: “Dhemasi akandisiya nokuti akada mamiriro ezvinhu epanguva ino.” (2 Tim. 4:10) Bhaibheri haritauri haro kuti chii chaiva munyika chakatora mwoyo waDhemasi zvokuti atosvika pakurega kufamba naPauro. Zvinoita sokuti Dhemasi akanga ava kunyanya kuda pfuma kupfuura basa raJehovha. Kana zviri izvo zvakaitika, Dhemasi akarasikirwa nemukana wokuwana ropafadzo dzinokosha mubasa raMwari. Zvaakaita kwaiva kuchenjera here? Kwete. Hapana chaaizombowana munyika chaipfuura makomborero aaigona kupiwa naJehovha paaifamba naPauro.—Zvir. 10:22.

12. “Simba rinonyengera repfuma” ringatitsausa sei?

12 Zvakaitika kuna Dhemasi zvinogona kuitikawo kwatiri. SevaKristu, tinoda kuzviriritira uye kuriritirawo mhuri dzedu. (1 Tim. 5:8) Jehovha anoda kuti tigare zvakanaka uye izvozvo tinozviona patinofunga nezveparadhiso yakanaka yaakapa Adhamu naEvha kuti vagare. (Gen. 2:9) Asi Satani anoziva kuti tinoda kuva neupenyu hwakanaka, saka anogona kushandisa mukana iwoyo kuti atitsause “nesimba rinonyengera repfuma.” (Mat. 13:22) Vakawanda vanofunga kuti kuva nemari kana kuti pfuma ndiko kunoita kuti vafare uye vagutsikane muupenyu. Kuva nemafungiro iwayo kuzvinyengera, uye kunogona kuita kuti tirasikirwe nepfuma inokosha chaizvo kupfuura imwe yose. Pfuma iyoyo kuva noushamwari naJehovha. Jesu akanyevera vateveri vake kuti: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe achavenga mumwe oda mumwe wacho, kana kuti achaomerera kune mumwe ozvidza mumwe wacho. Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.” (Mat. 6:24) Kana tikaisa mwoyo wedu wose pakushandira Pfuma, zvinoreva kuti tinenge tarega kushumira Jehovha, uye izvozvo ndizvo chaizvo zvinodiwa naSatani! Ngatisamborega mari kana pfuma zvichikanganisa ushamwari hwedu naJehovha. Saka kana tichida kukunda Satani, hatifaniri kunyanya kuda pfuma.—Verenga 1 Timoti 6:6-10.

KUNDA MUEDZO WOUNZENZA

13. Maonero api asina kunaka ane nyika panyaya yewanano?

13 Mumwe musungo uri munyika yaSatani ndeweunzenza. Mazuva ano, vanhu vakawanda vanoona sokuti kuchata uye kuramba wakavimbika kumunhu wawakaroorana naye zvava zvechinyakare uye zvinoshayisa rusununguko. Somuenzaniso, mumwe mukadzi anoita zvokuekita mafirimu akati: “Hakuna vanhu vaviri vakaroorana vanokwanisa kuramba vakavimbika muwanano yavo. Handina munhu wandinoziva akavimbika kana kuti anoda kuramba akavimbika.” Mumwewo murume anoita zvokuekita mafirimu akati: “Handifungi kuti takasikirwa kugara nemunhu mumwe chete kwoupenyu hwose.” Satani anofara chaizvo vanhu vane mukurumbira pavanotaura zvakaipa nezvechipo chaMwari chewanano. Zviri pachena kuti Dhiyabhorosi haatsigiri urongwa hwewanano uye haadi kuti hubudirire. Saka kuti tikunde Satani, tinofanira kuva nemaonero anoita Mwari wanano.

14, 15. Tingaitei kuti tikunde muedzo wokuita unzenza?

14 Pasinei nokuti tiri muwanano here kana kuti hatisi, tinofanira kurwisa zvakasimba kuti tirege kuita chero unzenza hupi zvahwo. Asi zviri nyore here? Aiwa. Somuenzaniso, kana uri wechiduku, zvimwe unonzwa vamwe vako vokuchikoro vachidada nokuti vane vanhu vavakarara navo kana kuti vanotumirana mameseji anonyadzisira. Mune dzimwe nzvimbo, kutumirana mameseji akadaro kunoonekwa sekwakafanana nemhosva yokuparadzira mapikicha kana kuti mavhidhiyo evana vachiita zvinonyadzisira. Bhaibheri rinoti: “Ane tsika yokuita ufeve ari kutadzira muviri wake pachake.” (1 VaK. 6:18) Kupararira kwezvirwere zvepabonde kuri kukonzera kutambura uye kufa kwevanhu. Uyewo vechiduku vakawanda vanorara nemunhu vasati varoora kana kuroorwa vanotaura kuti vanozvidemba chaizvo. Vaya vanobudisa zvinovaraidza vanoda kuti tifunge kuti hapana chinotiwana kana tikatyora mutemo waMwari. Mafungiro iwayo anoita kuti vanhu vatsauswe “nesimba rinonyengera rechivi.”—VaH. 3:13.

15 Ungaitei kana zvichikuomera kukunda muedzo wokuita unzenza? Bvuma kuti une dambudziko. (VaR. 7:22, 23) Nyengetera kuna Mwari kuti akupe simba. (VaF. 4:6, 7, 13) Tambira kure nemamiriro ezvinhu anogona kuita kuti uite unzenza. (Zvir. 22:3) Uye panongomuka muedzo, kurumidza kuutiza.—Gen. 39:12.

16. Jesu akaita sei paaiedzwa naSatani uye tinodzidzei?

16 Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka wokutevedzera kana tichida kukunda miedzo. Haana kunyengerwa nezvaaivimbiswa naSatani uyewo haana kumboswerofunga kuti oteerera here kana kuti kwete. Asi akabva angopindura Satani nemashoko okuti: “Zvakanyorwa kuti.” (Verenga Mateu 4:4-10.) Jesu aiziva Shoko raMwari uye izvozvo zvakaita kuti akwanise kupindura Satani ipapo ipapo achishandisa magwaro. Kuti tikunde Satani, tinofanira kukunda muedzo wounzenza.—1 VaK. 6:9, 10.

KUNDA HONDO YACHO NOKURAMBA UCHITSUNGIRIRA

17, 18. (a) Ndezvipi zvimwe zvombo zvinoshandiswa naSatani, uye nei tisingashamiswi patinosangana nematambudziko? (b) Chii chichaitika kuna Satani, uye izvozvo zvinokubatsira sei kuti utsungirire?

17 Tangokurukura zvombo zvitatu zvinoshandiswa naSatani zvinoti kudada, kunyanya kuda pfuma uye unzenza. Asi kune zvimwewo zvakawanda zvaanoshandisa. Somuenzaniso, vamwe vaKristu vanoshorwa nevanhu vomumhuri mavo, vanosekwa kuchikoro kana kuti vanorambidzwa kuita basa rokuparidza nehurumende. Hatishamiswi patinosangana nematambudziko iwayo nokuti Jesu akanyevera vateveri vake kuti: “Muchavengwa nevanhu vose nokuda kwezita rangu; asi anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.”—Mat. 10:22.

Satani achaparadzwa zvachose (Ona ndima 18)

18 Tingaitei kuti tikunde Satani? Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Muchawana mweya yenyu nokutsungirira kwenyu.” (Ruka 21:19) Hapana chingaitwa nemunhu chero upi zvake chinogona kutikuvadza zvachose. Hapana anokwanisa kuparadza ushamwari hwedu naMwari kunze kwokunge isu vacho tabvumira izvozvo. (VaR. 8:38, 39) Kunyange kana vashumiri vaJehovha vakafa, Satani anenge asina kukunda nokuti Jehovha achavamutsa! (Joh. 5:28, 29) Asi kana ari Satani, ramangwana rake harina kujeka. Kana nyika yake isingadi Mwari yaparadzwa, achabva akandwa mugomba rakadzikadzika kwemakore 1 000. (Zvak. 20:1-3) Pachapera Kutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaJesu, Satani “achasunungurwa mujeri rake” kwenguva pfupi uye achaedza kutsausa vanhu kokupedzisira. Zvadaro, achaparadzwa. (Zvak. 20:7-10) Satani haana tariro yeramangwana asi iwe unayo! Ramba uchimurwisa, wakasimba pakutenda. Unogona kukunda pakurwisa Satani!