Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Aida Vanhu

Aida Vanhu

‘Ndaifarira kwazvo vanakomana vevanhu.’—ZVIR. 8:31.

1, 2. Jesu akaratidza sei kuti anoda vanhu chaizvo?

MWANAKOMANA waMwari wedangwe ndiye muenzaniso mukuru wouchenjeri hunoshamisa hwaJehovha. Mwanakomana iyeye aishanda ‘semhizha’ ari padivi paBaba vake. Fungidzira kufara kwaakaita, Baba vake ‘pavakagadzira matenga’ uye ‘pavakaisa nheyo dzepanyika.’ Asi Mwanakomana waMwari wedangwe ainyanya kufarira “vanakomana vevanhu.” (Zvir. 8:22-31) Zviri pachena kuti kubvira Jesu asati auya pasi pano, aida vanhu chaizvo.

2 Mwanakomana waMwari weDangwe akaratidzawo kuti anoda Baba vake uye anoda chaizvo “vanakomana vevanhu” paakazvipira kuuya pasi pano kuti azorarama somunhu. Akaita izvozvo kuti ape “rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.” (VaF. 2:5-8; Mat. 20:28) Chokwadi Jesu anoda vanhu chaizvo. Jesu paaiva panyika, Mwari akamupa simba rokuti aite zvishamiso zvairatidza kuda kwaaiita vanhu. Zvishamiso izvozvo zvairatidza zvinhu zvinoshamisa zvichaitwa pasi pose munguva pfupi inouya.

3. Tichaongororei munyaya ino?

3 Kuuya kwakaita Jesu panyika kwakaitawo kuti akwanise “kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari.” (Ruka 4:43) Jesu aiziva kuti Umambo ihwohwo huchatsvenesa zita raBaba vake uye huchapedza matambudziko ose evanhu. Ndokusaka paaiita ushumiri hwake pasi pano akaita zvishamiso zvakawanda zvinoratidza kuti anoda vanhu. Nei izvozvo zvichikosha kwatiri? Zvinokosha nokuti zvinoita kuti tive netariro yeramangwana rakanaka. Ngatimboongororai zvishamiso zvina zvakaitwa naJesu.

AIPORESA NESIMBA RAJEHOVHA

4. Taura zvakaitika Jesu paakaona murume aiva nemaperembudzi.

4 Jesu paaiita ushumiri hwake, akapfuurawo nokuGarireya. Paakapinda mune rimwe guta ikoko, zvaakaona zvaipisa tsitsi. (Mako 1:39, 40) Akaona murume aiva nechirwere chakaipisisa chemaperembudzi. Ruka uyo aiva chiremba, akataura kuti murume wacho “akanga akazara maperembudzi.” (Ruka 5:12) “Paakaona Jesu, [murume aiva nemaperembudzi] akawira pasi nechiso chake, akamukumbira, achiti: ‘Ishe, kana muchida henyu, munogona kundichenesa.’” Murume wacho ainyatsoziva kuti Jesu aiva nesimba rokumuporesa, asi chaaida kuziva ndechokuti Jesu aida here kumurapa. Jesu akaita sei nechikumbiro chomurume iyeye? Aifungei paaiona murume uyu angangodaro aityisa kana nekutarisa? Aizoita sevaFarisi here vaitarisira pasi vanhu vaiva nemaperembudzi? Dai uriwe ungadai wakaitei?

5. Chii chakaita kuti Jesu ati “Ndinoda” paakaporesa murume aiva nemaperembudzi?

5 Zvinoita sokuti murume uyu haana kushevedzera kuti “Handina kuchena, handina kuchena!” sezvaitaurwa muMutemo waMosesi. (Revh. 13:43-46) Asi Jesu haana kuda kumutongesa. Aiva nehanya nomurume wacho uye aida kumubatsira. Hatinyatsozivi hedu kuti Jesu aifungei, asi tinoziva zvaiva pamwoyo pake. Jesu akanzwira tsitsi murume uyu ndokubva aita chishamiso. Akatambanudza ruoko rwake, akabata murume wacho, achibva ataura nechivimbo uye neunyoro achiti: “Ndinoda. Cheneswa.” Uye “maperembudzi acho akabva angonyangarika paari.” (Ruka 5:13) Chokwadi, Jehovha akapa Jesu simba rokuita chishamiso ichi uye rokuratidza kuti aida vanhu.—Ruka 5:17.

6. Chii chinoshamisa pakuporesa kwaiita Jesu, uye zvishamiso izvozvo zvinoratidzei?

6 Simba raMwari rakaita kuti Jesu Kristu aite zvishamiso zvakawanda. Haana kungorapa vanhu vaiva nemaperembudzi chete asiwo vanhu vaiva nezvirwere zvakasiyana-siyana. Bhaibheri rinoti: “Boka revanhu rakashamiswa zvavakaona mbeveve dzichitaura nevaikamhina vachifamba nemapofu achiona.” (Mat. 15:31) Jesu paairapa vanhu, akanga asingaiti zvinoitwa navanachiremba mazuva ano zvokutora nhengo dzemiviri yevamwe vanhu dzinoshanda zvakanaka kuti dzitsive dzevarwere dzinenge dzisingachashandi zvakanaka. Airapa nhengo idzodzo dzinenge dzisingachashandi zvakanaka. Uyewo aiporesa vanhu ipapo ipapo, dzimwe nguva achitovaporesa ari kure navo. (Joh. 4:46-54) Mienzaniso iyi inoratidzei? Inoratidza kuti Jesu, uyo akatogadzwa saMambo kudenga, ane simba uye anoda chaizvo kubvisa zvirwere zvose panyika. Kudzidza kuti Jesu aibata sei vanhu kunoita kuti tive nechokwadi chekuti munyika itsva uprofita hweBhaibheri huchazadzika hwokuti: “Achanzwira tsitsi munhu akaderera nomurombo.” (Pis. 72:13) Panguva iyoyo, Jesu achabatsira vose vanotambudzika nokuti anoda chaizvo kuvabatsira.

“SIMUKA, TORA KAMUBHEDHA KAKO UFAMBE”

7, 8. Zvakafamba sei kuti Jesu azoonana nemurume ainge akaoma rutivi padziva reBhetizata?

7 Pashure pemwedzi mishoma arapa murume aiva nemaperembudzi, Jesu akabuda muGarireya akaramba achiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kusvikira asvika kuJudhiya. Vanhu vakawanda vanofanira kunge vakanzwa Jesu achiparidza uye vakabayiwa mwoyo nerudo rwaaivaratidza. Jesu aida chaizvo kuzivisa mashoko akanaka kuvarombo, kuti vakatapwa vaizosunungurwa, uye aida kusunga maronda evakaora mwoyo.—Isa. 61:1, 2; Ruka 4:18-21.

8 Mumwedzi waNisani, Jesu akaenda kuJerusarema kuti anochengeta Paseka. Guta racho rakanga rakazara nevanhu vaiuya kuzochengeta Paseka. Nechekuchamhembe kwetemberi kwaiva nedziva rainzi Bhetizata. Kudziva ikoko, Jesu akaona mumwe murume airwara.

9, 10. (a) Nei vanhu vaienda kudziva reBhetizata? (b) Jesu akaitei padziva reBhetizata uye tinodzidzei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

9 Mapoka evanhu vairwara aiungana padziva reBhetizata. Nei vaienda padziva iri? Vaifunga kuti kana munhu airwara akapinda mudziva racho parainge rabvongodzwa, aibva angoporeswa. Fungidzira manzwiro aiita vanhu vaivapo. Vamwe vainge vakaora mwoyo uyewo vamwe vainge vasina tariro. Asi chii chakaita kuti Jesu, uyo akanga asina chivi uye asingarwari, azoenda padziva iri? Aida vanhu. Saka paakasvika padziva iri akaona mumwe murume ainge ava nemakore akawanda achirwara. Murume uyu akanga atanga kurwara Jesu asati atomboberekwa.—Verenga Johani 5:5-9.

10 Fungidzira uchiona murume iyeye achinetseka paakabvunzwa naJesu kuti aida kuporeswa here. Murume wacho haana kumbononoka kupindura. Akati aida kuporeswa, asi akanga asina munhu aimubatsira kupinda mudziva racho. Jesu akabva amuudza kuti aite zvinhu zvaakanga asingambofungiri. Akamuti atore kamubhedha kake afambe. Murume wacho akabva aita zvaakaudzwa naJesu, akatora kamubhedha kake akatanga kufamba. Chishamiso ichi chinonyatsoratidza zvichaitwa naJesu munyika itsva. Chinoratidzawo kuti Jesu ane tsitsi. Aitsvaka vanhu vanoda kubatsirwa. Zvakaitwa naJesu zvinofanira kutikurudzira kuti tirambe tichitsvaka vanhu vomundima yedu vakaodzwa nezvinhu zvakaipa zviri kuitika munyika ino.

“NDIANI ABATA NGUO DZANGU DZOKUNZE?”

11. Mako 5:25-34 inoratidza sei kuti Jesu anonzwira tsitsi vanhu vanorwara?

11 Verenga Mako 5:25-34. Mumwe mukadzi akanga ava nemakore 12 achirwara. Chirwere chake chaiita kuti anzwe kunyara. Chaikanganisa zvinhu zvose muupenyu hwake, kusanganisira manamatiro ake. Kunyange zvazvo “akanga arwadziswa kazhinji navanachiremba vazhinji uye akanga apedza pfuma yake yose,” akanga atonyanyisa kurwara. Asi rimwe zuva, mukadzi wacho akafunga zano. Akafunga kuenda pedyo naJesu. Akabva apinda muboka revanhu akabata nguo yaJesu yokunze. (Revh. 15:19, 25) Jesu akaziva kuti simba rakanga rabuda maari saka akabvunza kuti ndiani ainge amubata. “Achitya uye achidedera,” mukadzi wacho “akawira pasi pamberi pake, akamuudza chokwadi chose.” Jesu paakaziva kuti Baba vake Jehovha ndivo vainge vaporesa mukadzi uyu, akabva ataura naye neunyoro achiti: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare, uve noutano hwakanaka pachirwere chako chinotambudza.”

Zvishamiso zvaiitwa naJesu zvakaratidza kuti ane hanya nesu chaizvo uye nematambudziko edu (Ona ndima 11, 12)

12. (a) Kubva pane zvatakurukura, ungati Jesu ane unhu hwakaita sei? (b) Zvii zvakaitwa naJesu zvatinofanira kutevedzera?

12 Jesu ane mutsa chaizvo! Ane hanya chaizvo nevanorwara. Asi Satani anoda kuti tifunge kuti hatidiwi uye kuti hatikoshi. Zvishamiso zvaiitwa naJesu zvakaratidza kuti ane hanya nesu chaizvo uye nematambudziko edu. Tinotenda chaizvo kuti tina Mambo uye Mupristi Mukuru ane tsitsi. (VaH. 4:15) Zvingasava nyore kunzwisisa manzwiro anoita vaya vava nenguva yakareba vachirwara, kunyanya kana tisina kumborwara saizvozvo. Asi Jesu ainzwira tsitsi vanhu vairwara kunyange zvazvo iye wacho asina kumborwara. Dai tikatevedzerawo zvakaitwa naJesu nepose patinogona napo.—1 Pet. 3:8.

“JESU AKASVIMHA MISODZI”

13. Kumutswa kwaRazaro kunoratidza kuti Jesu ane unhu hwakaita sei?

13 Jesu paaiona vamwe vachirwadziwa, naiyewo airwadziwa. Paakaona kurwadziwa kwaiita vamwe pakafa shamwari yake Razaro, Jesu “akagomera neshungu, akanetseka.” Akarwadziwa chaizvo kunyange zvazvo aiziva kuti munguva pfupi aizomutsa Razaro. (Verenga Johani 11:33-36.) Jesu haana kunyara kuratidza manzwiro ake. Vamwe vanhu vaivapo vakaona kuti aida chaizvo Razaro nevamwe vomumhuri make. Jesu akaratidza tsitsi chaizvo paakashandisa simba raainge apiwa naMwari kuti amutse shamwari yake.—Joh. 11:43, 44.

14, 15. (a) Chii chinoratidza kuti Jehovha anoda chaizvo kubvisa matambudziko evanhu? (b) Tinodzidzei kubva pamashoko okuti vari “mumakuva vachayeukwa?”

14 Bhaibheri rinoti Jesu “mufananidzo chaiwo [weMusiki].” (VaH. 1:3) Saka zvishamiso zvaaiita zvairatidza kuti iye naBaba vake vanoda kubvisa zvirwere zvose uye rufu. Kune vanhu vakawanda chaizvo vachatomutswa kupfuura vaya vanotaurwa muBhaibheri. Jesu akati: “Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa . . . vobuda.”—Joh. 5:28, 29.

15 Ona kuti Jesu akashandisa mashoko okuti vaya vose vari “mumakuva vachayeukwa.” Izvi zvinoratidza kuti Mwari achavayeuka. Mwari Wemasimbaose uyo akasika zvinhu zviri kudenga nepanyika, anoyeuka zvose zvainge zvakaita hama dzedu dzakafa, kusanganisira unhu hwavo. (Isa. 40:26) Uye hakusi kungoti chete anoyeuka vakafa asi kuti iye neMwanakomana wake vanoda kuvamutsa. Kumutswa kwakaitwa Razaro uyewo vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri kunoratidza zvichaitwa pasi pose munyika itsva.

ZVATINODZIDZA PAZVISHAMISO ZVAJESU

16. VaKristu vakatendeka vachawana ropafadzo yei?

16 Kana tikaramba takatendeka, tinogona kuona chishamiso chikuru chokupona pakutambudzika kukuru. Amagedhoni ichangopera, tichaona zvimwe zvishamiso zvakawanda. Panguva iyoyo vanhu vose vanenge vari panyika vachatanga kuva neutano hwakanaka. (Isa. 33:24; 35:5, 6; Zvak. 21:4) Fungidzira uchiona vanhu vachirasa magirazi emaziso, midonzvo, madondoro, mawiricheya, nezvimwewo zvinoshandiswa nevanhu vakaremara. Jehovha achaita kuti vaya vachapona paAmagedhoni vave neutano hwakanaka nokuti vachange vaine basa rakawanda rokuita. Vachange vava kukwanisa kushanda nesimba kuita kuti pasi rino rose rive paradhiso.—Pis. 115:16.

17, 18. (a) Nei Jesu akaita zvishamiso? (b) Nei uchifanira kushanda nesimba kuti uzovawo munyika itsva yaMwari?

17 Mazuva ano, vaKristu ‘veboka guru’ vanonyaradzwa pavanoverenga nezvezvishamiso zvaJesu zvokuporesa vanhu. (Zvak. 7:9) Zvishamiso izvi zvinoita kuti tariro yavo yokuporeswa pazvirwere zvose isimbe. Zvinoratidzawo kuti Mwanakomana waMwari wedangwe anoda vanhu chaizvo. (Joh. 10:11; 15:12, 13) Tsitsi dzakaratidzwa naJesu dzinonyatsoratidza kuti Jehovha ane hanya nemushumiri wake mumwe nemumwe.—Joh. 5:19.

18 Vanhu vari kugomera, vari kurwadziwa, uye vari kufa. (VaR. 8:22) Ndokusaka tichida nyika itsva yaMwari. Munyika iyoyo, vanhu vose vachava neutano hwakanaka sezvakavimbiswa naMwari. Maraki 4:2 inoita kuti tive nechokwadi chokuti vanhu vachaporeswa ‘vachapembera sezvinoita mhuru dzakakodzwa,’ vachifara nokuti vanenge vasunungurwa pachivi. Dai kuonga kwatinoita Jehovha uye kutenda kwatinoita zvaakavimbisa kukatibatsira kuita zvose zvinodiwa kuti tive vanhu vanokodzera kupinda munyika itsva. Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti zvishamiso zvakaitwa naJesu paaiva panyika yaingova nzwisa chete yezvaachaitira vanhu muUmambo hwake munguva pfupi iri kuuya.