Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinogona Kuramba Takachena

Tinogona Kuramba Takachena

“Chenesai maoko enyu, . . . munatse mwoyo yenyu.”—JAK. 4:8.

1. Nyika inoona sei nyaya dzebonde?

TIRI kurarama munyika ine vanhu vanongofunga zvounzenza. Somuenzaniso, vanhu vakawanda vanofunga kuti hapana chakaipa nekuita ungochani uye kurara nemunhu wausina kuroorana naye. Zvinhu izvozvo zvinototsigirwa nevanoita zvokushambadzira, vanobudisa mafirimu uye vanoita zvemimhanzi. (Pis. 12:8) Unzenza hwazara kwose kwose zvokuti unganetseka kuti, ‘Zvinonyatsoita here kuti munhu arambe akachena?’ Mhinduro ndeyekuti hongu. Vachibatsirwa naJehovha, vaKristu vechokwadi vanogona kuramba vakachena munyika ino isina kuchena.—Verenga 1 VaTesaronika 4:3-5.

2, 3. (a) Nei zvichikosha kuti tirwise pfungwa dzisina kuchena? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

2 Zvisinei, chinhu chatinofanira kutanga taziva kana tichida kuramba takachena ndechokuti tinofanira kudzivisa pfungwa dzounzenza. Hove inogona kukwezvwa nehwambo hunenge huri pachirauro. Izvi ndizvo zvinogona kuitikawo kumuKristu. Kana akasakurumidza kubvisa pfungwa dzisina kunaka dzokuita unzenza, anogona kuedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Kuchiva ikoko kunogona kuramba kuchikura zvokuti kana pakava nemukana, anopedzisira aita chivi. Izvi ndizvo zvinotaurwa neBhaibheri parinoti: “Kuchiva . . . kunobereka chivi.”—Verenga Jakobho 1:14, 15.

3 Chido chakaipa chinogona kukura mumwoyo medu. Ndokusaka tisingafaniri kurega pfungwa dzedu dzichitanga kufunga zvinhu zvakaipa. Kana tikasabvumira kuti zvido zvakaipa zvikure mumwoyo medu, hatizoiti unzenza uye hatizosangani nematambudziko anokonzerwa nekuita unzenza. (VaG. 5:16) Ngationgororei zvinhu zvitatu zvichatibatsira kuti tirwise pfungwa dzisina kuchena. Zvinhu izvozvo ndeizvi: ushamwari hwedu naJehovha, mazano atinowana muShoko rake uye kubatsirwa kwatinoitwa nevaKristu vakakura pakunamata.

“SWEDERAI PEDYO NAMWARI”

4. Nei zvichikosha kuti tiswedere pedyo naJehovha?

4 Bhaibheri rinorayira vaya vanoda ‘kuswedera pedyo naMwari’ richiti: “Chenesai maoko enyu, . . . munatse mwoyo yenyu.” (Jak. 4:8) Kana tichikoshesa ushamwari hwedu naJehovha, tinoedza kuita zvinhu zvinomufadza pane zvose zvatinoita, kusanganisira pane zvatinofunga. Tinoda kuva vanhu vane “mwoyo wakachena” nokuita kuti pfungwa dzedu dzirambe dzichifunga zvinhu zvakachena, zvakanaka uye zvinorumbidzwa. (Pis. 24:3, 4; 51:6; VaF. 4:8) Ichokwadi kuti Jehovha anoziva kuti tiri vanhu vanotadza. Anozivawo kuti pfungwa dzedu dzinongoda kufunga zvakaipa. Asi tinoziva kuti anorwadziwa kana tikaramba tichifunga zvinhu zvakaipa pane kuti tishande nesimba kurwisa pfungwa idzodzo. (Gen. 6:5, 6) Kufungisisa izvozvo kunoita kuti titsunge kuramba tiine pfungwa dzakachena.

5, 6. Munyengetero unogona kutibatsira sei kuti tirwise zvido zvounzenza?

5 Kunyengetera kuna Jehovha kunokosha chaizvo kana tichida kurwisa pfungwa dzisina kuchena. Patinoswedera pedyo naJehovha nokunyengetera, naiyewo anobva aswedera pedyo nesu. Anotipa mudzimu wake mutsvene uyo unotibatsira kuti tirambe tichirwisa pfungwa dzakaipa, toramba takachena. Saka ngatiudzei Mwari kuti tinoda chaizvo kuti zvatinofungisisa mumwoyo medu zvimufadze. (Pis. 19:14) Tinozvininipisa here tichimukumbira kuti ationgorore kana tiine pfungwa dzakaipa dzinogona kuita kuti tipedzisire taita chivi? (Pis. 139:23, 24) Tinogara tichimuteterera here kuti atibatsire kuramba takatendeka patinosangana nemuedzo?—Mat. 6:13.

6 Marererwo atakaitwa kana kuti mararamiro ataiita anogona kunge akaita kuti tifarire zvimwe zvinhu zvinovengwa naJehovha. Kunyange zvakadaro, Jehovha anogona kutibatsira kuti tichinje mararamiro edu kuitira kuti tirambe tichimushumira sezvaanoda. Mambo Dhavhidhi ainyatsoziva izvi. Pashure pokunge aita upombwe naBhati-shebha, akateterera kuna Jehovha achiti: “Sikai mwoyo wakachena mandiri, . . . muise mafungiro matsva mandiri, akasimba.” (Pis. 51:10, 12) Nyama yedu ine chivi inogona kufarira chaizvo zvinhu zvakaipa, asi Jehovha anogona kuita kuti tive nechido chakasimba chokumuteerera. Kunyange kana zvido zvakaipa zvakadzika midzi zvokuti tinotadza kufunga zvinhu zvakachena, Jehovha anogona kutungamirira nhanho dzedu kuti titeerere mitemo yake toitevedzera. Anogona kutibatsira kuti tisakurirwa nepfungwa dzakaipa.—Pis. 119:133.

Kana chido chakaipa chikatanga kukura uye kudzika midzi mumwoyo medu, tinofanira kuchidzura (Ona ndima 6)

“IVAI VAITI VESHOKO”

7. Shoko raMwari rinogona kutibatsira sei kuti tirambe tichifunga zvinhu zvakachena?

7 Jehovha anogona kupindura minyengetero yedu achishandisa Shoko rake Bhaibheri. Uchenjeri huri muShoko raMwari “kutanga, hwakachena.” (Jak. 3:17) Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva uye kufungisisa zvatinenge taverenga kunogona kutibatsira kuti tirambe tichifunga zvinhu zvakachena. (Pis. 19:7, 11; 119:9, 11) Uyewo Bhaibheri rine mienzaniso uye mazano anogona kutibatsira kuti tisafunga zvinhu zvounzenza.

8, 9. (a) Chii chakaita kuti rimwe jaya ripedzisire raita ufeve nepfambi? (b) Ndepapi patingashandisa nyevero iri muna Zvirevo chitsauko 7?

8 Zvirevo 5:8 inoti: “Ramba uri kure [nemukadzi pfambi], uye usaswedera pedyo nesuo reimba yake.” Kana munhu akasateerera zano iri, anogona kupedzisira aita zvinotaurwa muchitsauko 7 chaZvirevo. Muchitsauko ichocho tinoverenga nezverimwe jaya rinobuda panze usiku kuti rimbofurwa nemhepo. Jaya racho rinopfuura nemugwagwa uri pedyo neimba yepfambi. Parinosvika pakona yemugwagwa, rinosangana nemukadzi wacho uyo angangodaro akapfeka nguo dzinosiya muviri panze. Pfambi yacho inobata jaya racho yoritsvoda. Inotaura mashoko anokwezva zvokuti jaya racho rinotadza kukunda muedzo wacho. Vanobva vaita ufeve. Zvinoita sokuti jaya iri ranga risina kumboronga kuita ufeve. Ratadza kuratidza uchenjeri uye kusarudza zvakanaka. Kunyange zvakadaro, richatokohwa zvaradyara. Kudai raziva risina kumbotambira pedyo nepfambi iyoyo!—Zvir. 7:6-27.

9 Hatingavi tiri kuitawo here sejaya iri nokuzvipinza mumamiriro ezvinhu ane ngozi zvokuti tinotanga kuva nepfungwa dzokuita unzenza? Somuenzaniso, kana hwava usiku, mamwe mapurogiramu epaTV anotanga kubudisa zvinhu zvounzenza. Saka zvinogona kuva nengozi kuramba tichingochinja-chinja mapurogiramu acho tichida kungoona chete kuti chii chiri kubuda. Zvinewo ngozi kungovhura-vhura zvimwe zvinhu paIndaneti asi tisina chatiri kunyatsoda. Tinogona kupedzisira tasvika pamwe pazvinenge zvava nyore kuona zvinonyadzisira nezvimwewo zvinhu zvounzenza. Pakadaro, zvatinotarisa zvinogona kuita kuti tive nepfungwa dzounzenza topedzisira tatadzira Jehovha.

10. Nei zviine ngozi kutamba nomumwe munhu uchiita sokuti unomuda? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

10 Bhaibheri rinotipawo mazano anotibatsira pamabatiro atinofanira kuita vanhu vatisina kuroorana navo. (Verenga 1 Timoti 5:2.) Zviri pachena kuti zano iroro reBhaibheri rinoratidza kuti hatifaniri kutamba nemunhu watisina kuroorana naye tichiita sokuti tinomuda. Vamwe vanoti hapana chakaipa nokushandisa muviri wako kukwezva mumwe munhu kana kuti kumutarisa neziso rinoratidza kuti rine zvariri kutsvaga. Vanoona pasina chakaipa nokuti vanenge vachiti havana kubata munhu wacho. Ikoko kuzvinyengera nokuti kana vanhu vaviri vakatanga kutamba vose vachiita sokuti vanodanana, vanogona kupedzisira vava nepfungwa dzisina kuchena vopedzisira vaita ufeve. Zvinhu izvozvo zvakamboitika kune vamwe, uye zvinogona kuitikawo kwauri.

11. Tinodzidzei pane zvakaitwa naJosefa?

11 Josefa akatisiyira muenzaniso wakanaka panyaya iyi. Mudzimai waPotifari paaiedza kumukwezva, Josefa airamba. Asi mudzimai wacho akaramba achimuedza. Zuva nezuva, aingoramba achimuudza kuti arambe ainaye. (Gen. 39:7, 8, 10) Mumwe muongorori weBhaibheri akataura kuti mudzimai waPotifari paaitaura izvozvo, zvaiita sokuti ari kuudza Josefa kuti: “‘Ngatingova pedu toga kwekanguva,’ aine tarisiro yokuti [Josefa] azotanga kumufarira.” Asi Josefa akanga atsidza kuti aisazombofa akabvuma kukwezvwa nemukadzi uyu. Josefa haana kuda kutamba nemukadzi wemunhu. Izvozvo zvakamubatsira kuti chido chakaipa chisadzika midzi mumwoyo make. Mudzimai wacho paakaedza kumanikidza Josefa kuti arare naye, Josefa haana kumbomuteerera. “Akasiya nguo yake muruoko rwake, akatiza, akabuda panze.”—Gen. 39:12.

12. Tinoziva sei kuti zvatinoona zvinogona kukanganisa mwoyo wedu?

12 Bhaibheri rinotinyeverawo nezvengozi yokurega maziso edu achiona zvinhu zvinozokanganisa mwoyo wedu. Ziso risingadzorwi rinogona kuita kuti chido chokuita unzenza chitange kana kuti chitowedzera kusimba. Jesu akanyevera kuti “munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mat. 5:28) Yeuka zvakaitika kuna Mambo Dhavhidhi. “Ari pamusoro pedenga reimba akaona mumwe mukadzi achigeza.” (2 Sam. 11:2) Pane kuti abvise maziso ake pamukadzi uyu oisa pfungwa dzake pane zvimwe zvinhu, Dhavhidhi akaramba akamutarisa. Izvozvo zvakaita kuti apedzisire ava kuda mukadzi wemunhu achibva aita upombwe naye.

13. Nei tichifanira ‘kuita sungano nemaziso edu,’ uye kuita izvozvo kunosanganisirei?

13 Kuti tirwise pfungwa dzounzenza, tinofanira ‘kuita sungano nemaziso edu,’ sezvakaitwa naJobho. (Job. 31:1, 7, 9) Tinofanira kutsunga kudzora maziso edu kwete kuarega achitarisa mumwe munhu tiine pfungwa dzokurara naye. Izvi zvinosanganisira kubvisa maziso edu pamifananidzo inomutsa chido chebonde, ingava inowanikwa pakombiyuta, pabhodhi rekushambadzira zvinhu (billboard), kana pakavha yemagazini nezvimwewo.

14. Tingaitei kuti tirambe takachena?

14 Kubva pane zvatakurukura, zvimwe waona kuti pane paunofanira kugadzirisa kuti ukunde zvido zvakaipa. Ibva wagadzirisa nokukurumidza. Kana ukateerera zvinotaurwa naJehovha, hauzoiti unzenza uye ucharamba wakachena.—Verenga Jakobho 1:21-25.

‘SHEVEDZA VAKURU’

15. Kana tichirwisana nepfungwa dzisina kuchena, nei zvichikosha kuti titsvake rubatsiro?

15 Kana tichirwisana nepfungwa dzounzenza, tinogona kubatsirwawo nevamwe vaKristu. Ichokwadi kuti hazvisi nyore kutaura nemumwe munhu nyaya dzerudzi urwu. Asi kana tikashinga kuudza mumwe muKristu akakura pakunamata, achatibatsira kugadzirisa pfungwa dzakaipa dzatingava nadzo. (Zvir. 18:1; VaH. 3:12, 13) MuKristu iyeye achatibatsira kuona patisina kusimba. Kana tikagadzirisa pane dambudziko, ticharamba tiri murudo rwaJehovha.

16, 17. (a) Vakuru vanobatsira sei vaya vari kunetseka nezvido zvisina kuchena? Taura muenzaniso. (b) Nei zvakanaka kuti vaya vanoona zvinonyadzisira vakurumidze kutsvaka rubatsiro?

16 Vakuru vechiKristu ndivo vanonyatsokwanisa kutibatsira. (Verenga Jakobho 5:13-15.) Kwemakore akawanda, mumwe mukomana wechiduku wokuBrazil aitambura nezvido zvakaipa. Anoti: “Ndaiziva kuti zvandaifunga zvaisafadza Jehovha, asi ndainyara chaizvo kuudza vamwe manzwiro angu.” Sezvineiwo, mumwe mukuru womuungano yavo akataura naye uye akamukurudzira kuti atsvake rubatsiro. Mukomana iyeye akati: “Ndakashamiswa nemutsa wandakaratidzwa nevakuru uye kundinzwisisa kwavakaita. Zvavakaita ndaisambozvitarisira. Vakanyatsoteerera pandaitaura zvaindinetsa. Vakashandisa Bhaibheri kuti ndinyatsoona kuti Jehovha achiri kundida uye vakanyengetera neni. Zvakabva zvandiitira nyore kubvuma zano romuBhaibheri ravakandipa.” Mukomana uyu akazosimbisa ushamwari hwake naJehovha, uye anoti: “Iye zvino ndava kuziva kuti zvinokosha chaizvo kutsvaka rubatsiro pane kuedza kutakura mitoro yedu tega.”

17 Kutsvaka rubatsiro kunokosha kunyanya kana pfungwa dzounzenza dzichikonzerwa nekuona zvinonyadzisira. Kunonoka kutsvaka rubatsiro, kunoita kuti zvido zvakaipa zviwedzere ‘kukura, zvobereka chivi’ uye izvozvo zvicharwadzisa vamwe uye zvichazvidzisa zita raJehovha. Vashumiri vaJehovha vakawanda vakabvuma kubatsirwa, nokuti vanoda kufadza Jehovha uye kuramba vari muungano yechiKristu.—Jak. 1:15; Pis. 141:5; VaH. 12:5, 6.

TSUNGA KURAMBA WAKACHENA!

18. Watsunga kuitei?

18 Nyika yaSatani iri kuramba ichiwedzera kuva netsika dzakaipa. Asi vashumiri vaJehovha vari kushanda nesimba kuti pfungwa dzavo dzirambe dzakachena uye kuti vateerere mitemo yake. Jehovha anodada nevashumiri vake ivavo. Saka dai mumwe nomumwe wedu akatsunga kuramba ari pedyo naJehovha uye kubvuma kutitungamirira kwaanoita achishandisa Shoko rake uye ungano yechiKristu. Kuramba takachena kunoita kuti tigutsikane uye tive nerugare mupfungwa iye zvino. (Pis. 119:5, 6) Mune ramangwana, tichava neropafadzo yokurarama nokusingaperi munyika yakachena inenge isisina Satani.