Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mararamiro Ako Ngaaenderane Nemunyengetero Womuenzaniso—Chikamu 1

Mararamiro Ako Ngaaenderane Nemunyengetero Womuenzaniso—Chikamu 1

“Zita renyu ngaritsveneswe.”MAT. 6:9.

1. Tingashandisa sei munyengetero uri pana Mateu 6:9-13 muushumiri?

VANHU vakawanda vanodzokorora Munyengetero waShe nemusoro. Patinenge tichiparidza paimba neimba, tinowanzotaura nezvemunyengetero uyu tichibatsira vanasaimba kuti vazive kuti Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo ichaita kuti nyika yose ive paradhiso. Kana kuti tinotaura nezvechikumbiro chokutanga chiri mumunyengetero uyu kuratidza kuti Mwari ane zita uye zita iroro richatsveneswa.—Mat. 6:9.

2. Tinoziva sei kuti Jesu aisareva kuti tinofanira kudzokorora munyengetero womuenzaniso shoko neshoko pose patinonyengetera?

2 Jesu aireva here kuti tinofanira kudzokorora munyengetero uyu shoko neshoko pose patinonyengetera, sezvinoitwa nevakawanda vari mumachechi anozviti ndeechiKristu? Aiwa. Jesu paakazotaura munyengetero uyu womuenzaniso, akanga achangobva kuti: “Paunenge uchinyengetera, usadzokorora-dzokorora zvinhu zvakafanana.” (Mat. 6:7) Akazotaurazve munyengetero uyu asi achishandisa mashoko akati siyanei. (Ruka 11:1-4) Saka Jesu akatibatsira kuziva kuti zvinhu zvipi zvatinofanira kukumbira uye kuti tingazvitaura sei zvichitevedzana maererano nekukosha kwazvo. Saka zvakakodzera kuti munyengetero uyu unzi munyengetero womuenzaniso.

3. Mibvunzo ipi yatingafungisisa sezvatinoongorora munyengetero womuenzaniso?

3 Munyaya ino neinotevera, tichaongorora mashoko ari mumunyengetero womuenzaniso. Patinenge tichidaro, zvibvunze kuti, ‘Munyengetero uyu unondibatsira sei kuti ndivandudze minyengetero yangu?’ Uye chinonyanya kukosha ndechokuti tizvibvunze kuti, ‘Mararamiro angu ari kuenderana nemunyengetero uyu here?’

“BABA VEDU VARI KUMATENGA”

4. Mashoko okuti “Baba vedu” anotiyeuchidzei, uye nei vaKristu vane tariro yokurarama panyika vachiti “Baba” kuna Jehovha?

4 Jesu akatanga munyengetero womuenzaniso nemashoko okuti “Baba vedu,” kwete kuti “Baba vangu.” Izvi zvinotiyeuchidza kuti Jehovha ndiBaba vehama nehanzvadzi dzedu dziri munyika yose. (1 Pet. 2:17) Uku kukomborerwa chaiko! VaKristu vakazodzwa, avo vane tariro yokudenga, vakagamuchirwa sevanakomana vaMwari, saka zvakakodzera kuti vati “Baba” kuna Jehovha. (VaR. 8:15-17) VaKristu vane tariro yokurarama nokusingaperi panyika vanogonawo kuti “Baba” kuna Jehovha. Ndiye anovapa upenyu uye zvokurarama nazvo. Vachazonyatsova vana vaMwari pavanenge vasisina chivi uye varatidza kuti vakatendeka pachauya muedzo wokupedzisira.—VaR. 8:21; Zvak. 20:7, 8.

5, 6. Vabereki vanogona kupa vana vavo chipo chipi uye mwana mumwe nomumwe anofanira kuitei nacho? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

5 Vabereki pavanodzidzisa vana vavo kunyengetera uye pavanovabatsira kuona kuti Jehovha ndiBaba vokudenga vane rudo, vanenge vachivapa chipo chakanaka. Imwe hama yava kushumira somutariri wedunhu kuSouth Africa inoti: “Kubvira pakazvarwa vanasikana vedu, ndainyengetera navo usiku hwoga hwoga kunze kwokunge ndisipo. Vanasikana vedu vanogara vachitaura kuti havachanyatsoyeuki zvandaitaura muminyengetero iyoyo. Asi vachiri kuyeuka zvaiitika panguva idzodzo dzatainyengetera, kuremekedza kwataiita Baba vedu Jehovha, uye kunyatsonzwa takadekara. Pavakanga vava kukwanisa kunyengetera voga, ndaivakurudzira kunyengetera zvinonzwika kuti ndivanzwe vachitaura naJehovha. Izvi zvaiita kuti ndizive zvaiva mumwoyo mavo. Uye ndaibva ndavadzidzisa kuti vataurewo zvimwe zvinhu zvinokosha zviri mumunyengetero womuenzaniso kuitira kuti vazive zvinhu zvinokosha zvokutaura pavanenge vachinyengetera.”

6 Vanasikana ava vakaramba vachiswedera pedyo naJehovha pavaikura. Iye zvino vakaroorwa, uye vari mubasa renguva yakazara pamwe nevarume vavo. Hakuna chimwe chipo chinopfuura kubatsira vana kuti vave neushamwari hwepedyo naJehovha. Asi zviri kumwana mumwe nomumwe kuti arambe achiita zvinhu zvinoita kuti ushamwari hwake naJehovha hurambe hwakasimba. Izvi zvinosanganisira kudzidza kuda zita raMwari uye kuriremekedza.—Pis. 5:11, 12; 91:14.

“ZITA RENYU NGARITSVENESWE”

7. Tine ropafadzo yei, uye zvii zvatisingafaniri kuita?

7 Takaropafadzwa chaizvo kuziva zita raMwari uyewo kuzivikanwa ‘sevanhu vezita rake.’ (Mab. 15:14; Isa. 43:10) Tinonyengetera kuna Baba vedu vokudenga tichiti: “Zita renyu ngaritsveneswe.” Tinokumbirawo kuti Jehovha atibatsire kuti tisataura kana kuita chimwe chinhu chinozvidzisa zita rake dzvene. Hatidi kufanana nevamwe vaKristu vekutanga vainge vasingaiti zvaienderana nezvavaiparidza. Muapostora Pauro akavanyorera kuti: “Zita raMwari riri kumhurwa pakati pemamwe marudzi nemhosva yenyu.”—VaR. 2:21-24.

8, 9. Taura muenzaniso unoratidza kuti Jehovha anokomborera vaya vanoda kuti zita rake ritsveneswe.

8 Tinoda kuti zvose zvatinoita zvitsvenese zita raMwari. Imwe hanzvadzi yokuNorway yakangoerekana yafirwa nemurume ikasiyiwa nemwanakomana aiva nemakore maviri. Hanzvadzi yacho inoti, “Iyi ndiyo nguva yainge yakaoma chaizvo muupenyu hwangu. Ndainyengetera zuva nezuva, inenge awa yoga yoga, ndichikumbira Jehovha kuti andibatsire kuti ndisaita chinhu chingapa Satani mukana wokuti ashore Jehovha. Ndaida kutsvenesa zita raJehovha uye kuti mwana wangu azoonanazve nababa vake muParadhiso.”—Zvir. 27:11.

9 Jehovha akapindura minyengetero yehanzvadzi iyi here? Hongu. Yakabatsirwa nokugara kwayaiita ichishamwaridzana nehama nehanzvadzi. Pashure pemakore mashanu, yakazoroorwa nemukuru muungano. Mwanakomana wayo ava nemakore 20 uye akabhabhatidzwa. Hanzvadzi iyi inoti, “Ndiri kufara chaizvo kuti murume wangu akandibatsira kurera mwana wangu.”

10. Mwari achatsvenesa sei zita rake zvokuti harizombosvibiswizve?

10 Mwari achaitei kuti zita rake ritsveneswe zvokuti harizombosvibiswizve? Achabvisa vanhu vose vanoramba kuti ndiye Mutongi wavo. (Verenga Ezekieri 38:22, 23.) Chivi chatinacho chichatanga kubviswa zvishoma nezvishoma. Takamirira chaizvo nguva yokuti munhu wose ari kudenga nepanyika ange ava kukudza zita dzvene raJehovha! Kana izvi zvaitika, Baba vedu vokudenga vane rudo vachabva vava “zvinhu zvose kuvanhu vose.”—1 VaK. 15:28.

“UMAMBO HWENYU NGAHUUYE”

11, 12. Makore okuma1800 ava kunopera, vaKristu vechokwadi vakabatsirwa kunzwisisei?

11 Jesu ava kuda kudzokera kudenga, vaapostora vake vakamubvunza kuti: “Ishe, mava kudzorera umambo kuna Israeri panguva ino here?” Mhinduro yaJesu yairatidza kuti nguva yakanga isati yasvika yokuti vazive kuti Umambo hwaMwari hwaizotanga kutonga riini. Akavaudza kuti vaite basa rinokosha rokuparidza. (Verenga Mabasa 1:6-8.) Kunyange zvakadaro, Jesu akaudza vateveri vake kuti vatarisire kuuya kwoUmambo hwaMwari. Saka kubva panguva yevaapostora, vaKristu vari kunyengeterera kuti Umambo ihwohwo huuye.

12 Umambo hwaMwari pahwakanga hwava kuda kutanga kutonga kumatenga huchitungamirirwa naJesu, Jehovha akabatsira vanhu vake kunzwisisa kuti hwaizotanga kutonga riini. Muna 1876, Charles Taze Russell akanyora imwe nyaya yakabudiswa mumagazini yainzi Bible Examiner. Nyaya yacho yaiva nemusoro unoti, “Nguva dzaVamarudzi: Dzinoguma Rini?” uye yakataura kuti gore ra1914 raikosha chaizvo. Yakati “nguva nomwe” dzinotaurwa muuprofita hwaDhanieri, dzaiva dzakafanana nenguva “dzakatarwa dzemamwe marudzi” dzakataurwa naJesu. *Dhan. 4:16; Ruka 21:24.

13. Chii chakaitika muna 1914, uye zvinhu zvakatanga kuitika kubva ipapo zvinoratidzei?

13 Muna 1914, nyika dzokuEurope dzakatanga kurwisana uye hondo iyoyo yakapararira pasi rose. Payakazopera muna 1918, kwakaitika nzara huru nefuruu yakauraya vanhu vakawanda kupfuura vaya vakaurayiwa muhondo yacho. Saka “chiratidzo” chokuti Jesu akanga ava kutonga saMambo chakatanga kuzadzika. (Mat. 24:3-8; Ruka 21:10, 11) Uchapupu hwakawanda hunoratidza kuti Ishe Jesu Kristu “akapiwa korona” mugore ra1914. Akabva abuda “achikunda kuti apedzise kukunda kwake.” (Zvak. 6:2) Akachenesa matenga paakarwa naSatani nemadhimoni ake akavakandira panyika. Kubvira ipapo, vanhu vari kuona kuzadzika kwemashoko aya akafemerwa okuti: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”—Zvak. 12:7-12.

14. (a) Nei zvichiri kukosha kuti tinyengeterere kuti Umambo hwaMwari huuye? (b) Tine ropafadzo yei?

14 Uprofita huri pana Zvakazarurwa 12:7-12 hunotibatsira kunzwisisa kuti nei vanhu vakatanga kusangana nematambudziko Umambo hwaMwari pahwakatanga kutonga. Jesu, Mambo woUmambo hwaMwari, akatanga kutonga pakati pevavengi vake. Ticharamba tichinyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye kutozosvikira Jesu apedzisa kukunda kwake uye abvisa uipi panyika. Asiwo tinofanira kuita zvinoenderana neminyengetero iyoyo nokuramba tichishingaira kuparidza nezveUmambo ihwohwo. Basa iroro rinozadzisa mashoko aJesu okuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.”—Mat. 24:14.

“KUDA KWENYU NGAKUITWE PANYIKA”

15, 16. Tingaitei kuti mararamiro edu aenderane nechikumbiro chokuti kuda kwaMwari kuitwe panyika?

15 Makore anenge 6 000 akapfuura, kuda kwaMwari kwainyatsoitwa panyika. Ndokusaka Jehovha akati zvose “zvakanga zvakanaka kwazvo.” (Gen. 1:31) Satani akabva apanduka uye kubva ipapo, panyika paiva nevanhu vashoma vaiita kuda kwaMwari. Asi iye zvino kwava neZvapupu zvinenge 8 000 000 zviri kunyengeterera kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika uyewo zviri kuedza kurarama zvinoenderana nemunyengetero iwoyo. Mararamiro avo anofadza Mwari uye vanoshingaira kudzidzisa vamwe nezveUmambo hwake.

Muri kubatsira vana venyu here kuti vararame zvinoenderana nechikumbiro chekuti kuda kwaMwari kuitwe panyika? (Ona ndima 16)

16 Somuenzaniso, imwe hanzvadzi yakabhabhatidzwa muna 1948 uye yaishumira semumishinari muAfrica inoti: “Pandinonyengeterera kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika, ndinowanzonyengeterera kuti vanhu vose vakaita semakwai vashanyirwe uye vabatsirwe kuziva Jehovha nguva isati yapera. Uyewo pandinenge ndava kuda kuparidzira mumwe munhu, ndinokumbira uchenjeri hwokuti nditaure zvinomubaya mwoyo. Uye kune vaya vakaita semakwai vanenge vatowanikwa, ndinonyengeterera kuti Jehovha akomborere zvose zvatinoita kuti tivabatsire.” Ndokusaka hanzvadzi iyi ine makore 80 yakakwanisa kubatsira vakawanda kuti vave Zvapupu zvaJehovha. Zvimwe ungafungawo nezvevamwe vane mienzaniso yakanaka vanoshingaira kuita kuda kwaMwari pasinei nekuti vakwegura.—Verenga VaFiripi 2:17.

17. Unonzwa sei nezvezvichaitwa naMwari kuti apindure chikumbiro chedu chokuti kuda kwake kuitwe panyika?

17 Ticharamba tichinyengeterera kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika kusvikira vavengi veUmambo hwaMwari vaparadzwa. Zvadaro, tichaona kuda kwaMwari kuchinyatsoitwa panyika, mabhiriyoni evanhu paachamutswa kuti agare munyika inenge yava paradhiso. Jesu akati: “Musashamiswa neizvi, nokuti awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi [rangu], vobuda.” (Joh. 5:28, 29) Tichafara chaizvo panguva iyoyo tichigamuchira hama dzedu dzinenge dzamutswa! Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso” edu. (Zvak. 21:4) Pavanhu vachamutswa, pachava nevakawanda “vasina kururama.” Ava ndivo vaya vakafa vasina kudzidza chokwadi nezvaJehovha Mwari neMwanakomana wake. Tichafara chaizvo kudzidzisa vanhu ava kuti vazive zvinodiwa naMwari. Izvi zvichaita kuti vave nemukana wokuwana “upenyu husingaperi.”—Mab. 24:15; Joh. 17:3.

18. Zvinhu zvipi zvinonyanya kudiwa nevanhu?

18 Kana Umambo hwaMwari hwauya, huchatsvenesa zita rake uye vanhu nengirozi vachanamata Jehovha vakabatana. Mwari paachapindura zvikumbiro zvitatu zvokutanga zvomumunyengetero womuenzaniso, achange azadzisa zvinhu zvatinonyanya kuda. Munyaya inotevera tichakurukura zvimwe zvikumbiro zvina zvinokosha zvomumunyengetero waJesu womuenzaniso.

^ ndima 12 Kuti uone kuti uprofita uhwu hwakazadziswa sei muna 1914 pakatanga kutonga Umambo hwaMwari, ona bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? mapeji 215-218.